RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/1 pp. 15-20
  • “Ndinzverei, Mwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndinzverei, Mwari”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mifungo yaMwari Inokosha Sei!
  • Kuvenga Icho Jehovha Anovenga
  • Apo Mwari Anotinzvera
  • Jehovha Anosanotiziva!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari Anokuziva Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Iva Nomwoyo Unofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Chengeta Mwoyo Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/1 pp. 15-20

“Ndinzverei, Mwari”

“Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; . . . Mundifambise munzira isingaperi.”—PISAREMA 139:23, 24.

1. Jehovha anobata sei navabatiri vake?

TOSE zvedu tinoda kubatwa naye nomumwe munhu anonzwisisa, mumwe munhu anorangarira migariro yedu, mumwe munhu anobetsera apo tinokanganisa, mumwe munhu asingadi kwatiri zvinopfuura zvatinokwanisa kuita. Jehovha Mwari anobata navabatiri vake nenzira iyoyo. Pisarema 103:14 rinoti: “Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” Uye Jesu Kristu, uyo anoratidzira Baba vake zvakakwana, anotambanudzira kokero youshamwari, kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu [kana kuti, “Pindai mujoko rangu neni,” mashoko omuzasi NW], mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.

2. Sianisa murangariro waJehovha nouyo wavanhu pamusoro pa (a) Jesu Kristu, uye (b) vateveri vaKristu.

2 Murangariro waJehovha wavabatiri vake kazhinji kazhinji wakasiana zvikuru nouyo wavanhu. Anotarira zvinhu nomurangariro wakasiana uye anorangarira mativi ayo vamwe vangasaziva chinhu pamusoro pawo. Apo Jesu Kristu akafamba pasi pano, “wakazvidzwa, nokurashwa navanhu.” Avo vasina kuisa kutenda maari saMesia “ha[va]na kumukudza.” (Isaya 53:3; Ruka 23:18-21) Bva, mumaziso aMwari, akanga ari “Mwanakomana wa[Mwari, NW], unodikanwa,” uyo Baba vakati kwaari: “Ndinokufarira.” (Ruka 3:22; 1 Petro 2:4) Pakati pavateveri vaJesu Kristu pana vanhu vanozvidzwa nemhaka yokuti varombo mune zvokunyama uye vanotsungirira kutambudzika kukuru. Bva, mumaziso aJehovha noMwanakomana wake, vakadaro vangave vakapfuma. (VaRoma 8:35-39; Zvakazarurwa 2:9) Nemhaka yeiko paine musiano mukurangarira?

3. (a) Neiko murangariro waJehovha wavanhu kazhinji kazhinji wakasiana zvikuru nouyo wavanhu? (b) Neiko kuchikosha zvikuru kuti tinzvere rudzi rwomunhu rwatiri mukati?

3 Jeremia 11:20 inopindura, kuti: “Jehovha . . . munoidza itsvo nomwoyo.” Anoona zvatiri mukati, kunyange mativi aye ohunhu hwedu akavanzika kumaziso avamwe. Mukunzvera kwake, anopa simbiso yokutanga kumavara nemigariro izvo zvinokosha kuukama hwakanaka naye, izvo zvinobetsera nokusingaperi zvikurusa kwatiri. Kuziva kwedu izvozvo kunonyaradza; kunodzikamisawo. Sezvo Jehovha achipa ngwariro kune zvatiri mukati, kunokosha kuti tinzvere zvatiri mukati kana tichizobvumikisa kuva rudzi rwavanhu urwo vaanoda munyika itsva yake. Shoko rake rinotibetsera kuita nzvero yakadaro.—VaHebheru 4:12, 13.

Mifungo yaMwari Inokosha Sei!

4. (a) Chii chakasunda wezvamapisarema kuzivisa kuti mifungo yaMwari yaikosha kwaari? (b) Neiko ichifanira kuva inokosha kwatiri?

4 Pashure pokunge afungisisa pamusoro poukuru hwezivo yaMwari yavabatiri vake, pamwe chete napamusoro pamano aMwari anoshamisa okugovera betsero ipi kana ipi yavangada, wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora, kuti: “Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni!” (Pisarema 139:17a) Mifungo iyoyo, inoziviswa muShoko rake rakanyorwa, yakakwirira zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chinobva kuvanhu, pasinei zvapo nokuti pfungwa dzavo dzingaratidzika kuva dzokuchenjera sei. (Isaya 55:8, 9) Mifungo yaMwari inotibetsera kutungamirira ngwariro yedu kuzvinhu zvinokosha chaizvoizvo muupenyu uye kushingaira mubasa rake. (VaFiripi 1:9-11) Inotiratidza nzira yokutarira nayo zvinhu nenzira inoita nayo Mwari. Inotibetsera kuva vakatendeseka nesu timene, kutarisana norudzi rwomunhu rwatiri zvirokwazvo pamwoyo. Unodisa kuita izvozvo here?

5. (a) Shoko raMwari rinotikurudzira kuchengeta chii “kupfuura zvose”? (b) Chinyorwa cheBhaibheri pamusoro paKaini chinogona sei kubetsera mwoyo yedu? (c) Kunyange zvazvo tisiri muMutemo waMosesi, unotibetsera sei kunzwisisa chinofadza Jehovha?

5 Vanhu vanoda kuisa simbiso huru zvikuru pazvitarisiko zvokunze, asi Magwaro anotipa zano, kuti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa.” (Zvirevo 4:23) Kupfurikidza nezvose zviri zviviri mirairo nemienzaniso, Bhaibheri rinotibetsera kuita izvozvo. Rinotiudza kuti Kaini akangopawo zvake zvibairo kuna Mwari nepo mumwoyo make aitutuma nepfundepfunde, ipapo ruvengo, kumunun’una wake Abheri. Uye rinotikurudzira kusava vakafanana naye. (Genesi 4:3-5; 1 Johane 3:11, 12) Rinoshuma chinodikanwa choMutemo waMosesi chokuteerera. Asi rinosimbisawo kuti chinodikanwa chikurusa choMutemo chakanga chiri chokuti avo vainamata Jehovha vaifanira kumuda nomwoyo wavo wose, ndangariro, mweya, uye simba; uye rinotaura kuti chinotevera muukoshi wakanga uri murairo wokuti vade muvakidzani wavo saivo vamene.—Dheuteronomio 5:32, 33; Marko 12:28-31.

6. Mukushandisa Zvirevo 3:1, mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza timene?

6 Pana Zvirevo 3:1, tinokurudzirwa kwete kungochengeta chete mirairo yaMwari asi kuva nechokwadi chokuti kuteerera iratidzirwo yezviri mumwoyo medu zvirokwazvo. Somunhu mumwe nomumwe tinofanira kuzvibvunza timene kuti, ‘Ikoko ndokwechokwadi nezvokuteerera kwangu zvinodikanwa zvaMwari here?’ Kana tikaziva kuti mune dzimwe nhau vavariro yedu kana kuti kufunga zvinoperevedza—uye hapana nomumwe wedu anogona kuti hatikanganisi—ipapo tinofanira kubvunza kuti, ‘Chii chandiri kuita kuti ndivandudze mugariro wacho?’—Zvirevo 20:9; 1 Johane 1:8.

7. (a) Kushurikidza kwaJesu vaFarise kuri pana Mateo 15:3-9 kungatibetsera sei mukutaviridza mwoyo wedu? (b) Migariroi ingada kuti isu tiite zviito zvakasimba kuti tirange ndangariro yedu nomwoyo?

7 Apo vaFarise vechiJudha vakanyepedzera kukudza Mwari nepo nenzira yamanomano vaitsigira muitiro waisundwa noudyire, Jesu akavashurikidza savanyengeri ndokuratidza kuti kunamata kwavo kwakanga kusina maturo. (Mateo 15:3-9) Jesu akanyeverawo kuti kuti tifadze Mwari, uyo anoona mwoyo, hakuna kukwana kurarama upenyu hwakanaka nechokunze nepo, nomurangariro womufaro woruchiva, tichifarirawo nguva dzose mifungo youtere. Tingafanira kuita zviito zvakakomba zvokuranga ndangariro yedu nomwoyo. (Zvirevo 23:12; Mateo 5:27-29) Kuranga kwakadaro kunodikanwawo kana somuuyo webasa redu rokunyika, nharidzano dzedu mudzidzo, kana kuti chisarudzo chedu chevaraidzo, tiri kuva vatevedzeri venyika, tichiibvumira kuti itiumbe mukuwirirana nemipimo yayo. Tisatongokanganwe kuti mudzidzi Jakobho anotaura se“voutere” avo vanotaura kuva vaMwari asi avo vanoda kuva shamwari dzenyika. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.”—Jakobho 4:4; 1 Johane 2:15-17; 5:19.

8. Kuti tibetserwe zvizere nemifungo yaMwari inokosha, chii chatinofanira kuita?

8 Kuti tibetserwe zvizere nemifungo yaMwari pazvinhu izvozvi nezvimwe, tinofanira kutsaura nguva kuti tizvirave kana kuti kuzvinzwa. Kupfuura izvozvo, tinofanira kuzvifunda, kutaura nezvazvo, uye kufungisisa pazviri. Varavi vazhinji veNharireyomurindi nguva dzose vanopinda misangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha, uko Bhaibheri rinokurukurwa. Vanotenga nguva muzvimwe zvirondwa kuti vakuite. (VaEfeso 5:15-17) Uye chavanowana mukutsinhana chakafanira zvikuru kupfuura pfuma yokunyama. Handiwo manzwire unoita here?

9. Neiko vamwe vanopinda misangano yechiKristu vachifambira mberi nokukurumidza zvikuru kupfuura vamwe?

9 Zvisinei, vamwe vanopinda misangano iyoyi vanoita fambiro mberi yomudzimu yokukurumidza zvikuru kupfuura zvinoita vamwe. Vanoshandisa zvokwadi zvizere zvikuru muupenyu hwavo. Chii chinoparira ikoku? Kazhinji kazhinji, chisakiso chikuru kushingaira kwavo mufundo yomunhu oga. Vanonzwisisa kuti hatirarami nezvokudya zvoga; zvokudya zvomudzimu zuva riri rose zvinokosha zvakafanana nokudya zvokudya zvokunyama nguva dzose. (Mateo 4:4; VaHebheru 5:14) Naizvozvo vanoedza kupedza inenge nguva yakati zuva riri rose vachirava Bhaibheri kana kuti zvinyorwa zvinoritsanangura. Vanogadzirira misangano yeungano, vachifanofunda zvidzidzo nokutarisa magwaro. Vanoita zvinopfuura kurava mashoko; vanofungisisa paari. Mutoo wavo wokufunda unobatanidza kufunga zvakakomba pamusoro petapuro iyo zvavari kudzidza zvinofanira kuva nayo paupenyu hwavo vamene. Sezvo umudzimu hwavo hunokura, vanosvika pakunzwa sezvakaita wezvamapisarema uyo akanyora, kuti: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! . . . Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa.”—Pisarema 1:1-3; 119:97, 129.

10. (a) Kunobetsera kupfuurira kufunda Shoko raMwari kwenguva yakareba sei? (b) Magwaro anoratidza sei ikoku?

10 Kana takafunda Shoko raMwari kwegore rimwe, makore mashanu, kana kuti makore 50, hakutongovi kudzokororawo zvako—kwete kana mifungo yaMwari ichikosha kwatiri. Hazvinei hazvo nokuti ani nani wedu afunda zvakawanda sei muMagwaro, pane zvakawanda zvatisingazivi. “Yakakura sei pakuverengwa kwayo!” akadaro Dhavhidhi. “Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda.” Mifungo yaMwari haigoni kuverengwa namano edu. Kudai tikaverenga mifungo yaMwari muswere wose ndokurara tichiita izvozvo, apo tinomuka mangwanani, paizova pachine zvakawanda zvikuru zvokufunga nezvazvo. Nokudaro, Dhavhidhi akanyora, kuti: “Kana ndichipepuka, ndichinemi.” (Pisarema 139:17, 18) Nokusingagumi kwose kuchava nezvakawanda zvokuti tidzidze pamusoro paJehovha nenzira dzake. Hatisati tichizotongosvika papfundo apo tinoziva zvose.—VaRoma 11:33.

Kuvenga Icho Jehovha Anovenga

11. Neiko kuchikosha kwete bedzi kuziva mifungo yaMwari asi kugoverana mirangariro yake?

11 Fundo yedu yeShoko raMwari haisati ichingova nomurangariro wokuzadza musoro wedu namaidi. Sezvatinoirega ichipinda mumwoyo yedu, tinovambawo kugoverana mirangariro yaMwari. Ikoko kunokosha sei! Kana tikasasakurira mirangariro yakadaro, chii chingavapo? Kunyange zvazvo tingakwanisa kudzokorora izvo Bhaibheri rinotaura, kunyanguvezvo, tingarangarira sechinodiwa chinorambidzwa, kana kuti tingarangarira kuti chinodikanwa mutoro. Ichokwadi kuti kunyange kana tikavenga chakaipa, tingava nehondo nemhaka yokusakwana kwohunhu. (VaRoma 7:15) Asi kana tikasashandisa nhamburiko yapachokwadi yokutsinhiranisa zvatiri mukati nechiri chakarurama, tinogona kukarira kufadza Jehovha here, “unoidza mwoyo”?—Zvirevo 17:3.

12. Rudo rwoumwari noruvengo rwoumwari zvinokosha sei?

12 Ruvengo rwouMwari idziviriro ine simba pakuita chakaipa, kunyange sezvo rudo rwoumwari ruchiita kuti kuitwa kwechiri chakarurama kuve mufaro. (1 Johane 5:3) Magwaro anotikurudzira atikurudzirazve kusakurira zvose zviri zviviri rudo noruvengo. “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.” (Pisarema 97:10) “Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.” (VaRoma 12:9) Tiri kuita izvozvo here?

13. (a) Tinobvumirana zvakazara nomunyengeteroi waDhavhidhi pamusoro pokuparadzwa kwavakaipa? (b) Sezvakaratidzwa mumunyengetero waDhavhidhi, ndivanaani vakaipa vaakanyengeterera kuti Mwari aparadze?

13 Jehovha akataura zvakajeka donzo rake rokuparadza vakaipa papasi nokuunza pasi idzva umo kururama kuchagara. (Pisarema 37:10, 11; 2 Petro 3:13) Vadi vokururama vanoshuva nguva iyoyo kuti iuye. Vanowirirana zvakazara nowezvamapisarema Dhavhidhi, akanyengetera, kuti: “Naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa. Nokuti vanokutaurirai zvakaipa, vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina.” (Pisarema 139:19, 20) Dhavhidhi haana kushuva somunhu kuuraya vakaipa vakadaro. Akanyengetera kuti matsive aizouya paruoko rwaJehovha. (Dheuteronomio 32:35; VaHebheru 10:30) Ava vakanga vasiri vanhu munzira yakati vakanga vagumburawo zvavo Dhavhidhi somunhu oga. Vakanga vakwenengera Mwari, vachishandisa zita rake nenzira isina maturo. (Eksodho 20:7) Nenzira yokusatendeseka, vaitaura kuti vanomubatira, asi vaishandisa zita rake kusimudzira mazano avo vamene. Dhavhidhi aisada avo vakasarudza kuva vavengi vaMwari.

14. Pane vanhu vakaipa vanogona kubetserwa here? Kana zvakadaro, sei?

14 Pane mabhirioni avanhu asingazivi Jehovha. Vazhinji vavo vasingazivi vanoita zvinhu izvo Shoko raMwari rinoratidza kuva zvakaipa. Kana vakapfuurira muiyi nzira, vachava pakati paavo vanoparara mukati medambudziko guru. Bva, Jehovha haafariri rufu rwavakaipa, hatifaniriwo. (Ezekieri 33:11) Chero bedzi nguva ichibvumidza, tinoedza kubetsera vanhu vakadaro kudzidza ndokushandisa nzira dzaJehovha. Asi zvakadiniko kana vamwe vanhu vakaratidza ruvengo rukuru nokuda kwaJehovha?

15. (a) Ndivanaani avo wezvamapisarema akarangarira se“vava vavengi”? (b) Isu nhasi tinogona sei kuratidza kuti tino“venga” avo vanopandukira Jehovha?

15 Nezvavo, wezvamapisarema akati: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.” (Pisarema 139:21, 22) Dhavhidhi akatarisa pavari nokusema nemhaka yokuti vaivenga Jehovha zvikuru kwazvo. Vawi pakutenda vanobatanidzwa pakati paavo vanoratidza ruvengo rwavo nokuda kwaJehovha kupfurikidza nokumumukira. Kuwa pakutenda, chaizvoizvo, kupandukira Jehovha. Vamwe vawi pakutenda vanotaura kuti vanoziva uye vanobatira Mwari, asi vanoramba dzidziso kana kuti zvinodikanwa zvakarongwa muShoko rake. Vamwe vanotaura kuti vanodavira Bhaibheri, asi vanoramba sangano raJehovha uye nomutoo wokushingaira vanoedza kudzivisa basa raro. Apo vanosarudza noune ushati hwakadaro pashure pokuziva chiri chakarurama, apo ushati hunova hwakasimba kwazvo zvokuti rutivi rusingaparadzanisiki rwomuitiro wavo, ipapo muKristu anofanira kuvenga (mupfungwa yeBhaibheri yeshoko racho) avo nenzira isingaparadzanisiki vakazvibatanidza vamene noushati. MaKristu echokwadi anogoverana mirangariro yaJehovha kuvawi pakutenda vakadaro; havasi vanoda kuziva pamusoro pepfungwa dzokuwa pakutenda. Mukupesana, vane “shungu” kuna avo vakazviita vamene vavengi vaMwari, asi kuita matsive vanokusiira kuna Jehovha.—Jobho 13:16; VaRoma 12:19; 2 Johane 9, 10.

Apo Mwari Anotinzvera

16. (a) Neiko Dhavhidhi akada kuti Jehovha amunzvere? (b) Chii chiripo pamusoro pomwoyo wedu timene icho tinofanira kukumbira Mwari kuti atibetsere kunzwisisa?

16 Dhavhidhi akanga asingadi kuva akafanana navakaipa munzira ipi neipi. Vanhu vazhinji vanoedza kuvanza zvavari mukati, asi Dhavhidhi nenzira yokuzvininipisa akanyengetera, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.” (Pisarema 139:23, 24) Pakunongedzera kumwoyo wake, Dhavhidhi haana kureva mutezo womuviri. Mutsinhirano nerevo yokufananidzira yokutaura ikoko, akanongedzera kune zvaakanga ari mukati, munhu womukati. Isuwo tinofanira kuda kuti Mwari anzvere mwoyo wedu ndokunzwisisa kana tiine zvishuvo zvipi nezvipi zvisina kufanira, zvidakadaka, mirangariro, madonzo, mifungo, kana kuti vavariro. (Pisarema 26:2) Jehovha anotikoka, achiti: “Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; meso ako ngaafarire nzira dzangu.”—Zvirevo 23:26.

17. (a) Panzvimbo pokuvanza mifungo inonetsa, chii chatinofanira kuita? (b) Kunofanira kutishamisa here kuwana kombamiro dzakaipa mumwoyo wedu, uye chii chatinofanira kuita nezvadzo?

17 Kana pane mifungo ipi neipi yakavanzika matiri inorwadza, inonetsa nemhaka yezvishuvo zvakaipa kana kuti vavariro dzakaipa kana kuti nemhaka yomufambiro wakaipa wakati wedu, ipapo zvirokwazvo tinoda kuti Jehovha atibetsere kururamisa nhau yacho. Panzvimbo pamashoko okuti “kana pane nzira yakaipa,” shanduro yaMoffatt inoshandisa kutaura kwokuti “nzira yakaipa”; The New English Bible inoti: “Nzira ipi neipi inokushungurudzai [ndiko kuti, Mwari].” Isu timene tingasanzwisisa zvakajeka mifungo yedu inonetsa uye naizvozvo tisingazivi nzira yokutaura nayo chinetso chedu kuna Mwari, asi anonzwisisa mugariro wedu. (VaRoma 8:26, 27) Hakufaniri kutishamisa kana pane kombamiro dzakaipa mumwoyo wedu; zvisinei, hatifaniri kudzipembedza. (Genesi 8:21) Tinofanira kutsvaka betsero yaMwari kuti tidziparadze. Kana tichida Jehovha zvirokwazvo nenzira dzake, tinogona kumusvika nokuda kwebetsero yakadaro nechivimbo chokuti “Mwari mukuru kumwoyo yedu, unoziva zvose.”—1 Johane 3:19-21.

18. (a) Jehovha anotitungamirira sei munzira yenguva isingazivikanwi? (b) Kana tikapfuurira kutevera nhungamiro yaJehovha, irumbidzoi youshamwari yatinogona kukarira kugamuchira?

18 Mutsinhirano nomunyengetero wowezvamapisarema wokuti Jehovha aizomutungamirira munzira yenguva isingazivikanwi, Jehovha, zvamazvirokwazvo, anotungamirira vabatiri vake vanozvininipisa, vanoteerera. Anovatungamirira kwete bedzi munzira inogona kureva upenyu hurefu nemhaka yokuti havaparadzwi nokukurumidza nokuda kwokuita zvakaipa asi munzira inotungamirira kuupenyu husingagumi. Anoroverera patiri kuda kwedu ukoshi hunoyananisa chivi hwechibairo chaJesu. Kupfurikidza neShoko rake nesangano rake, anotigovera mirairidzo inokosha zvokuti tinokwanisa kuita kuda kwake. Anosimbisa kwatiri ukoshi hwokugamuchira betsero yake kuti tive nechomukati rudzi rwomunhu watinotaura kuva nechokunze. (Pisarema 86:11) Uye anotikurudzira nekariro youtano hwakakwana munyika itsva yakarurama noupenyu husingaperi hwokushandisa mukumubatira, Mwari bedzi wechokwadi. Kana tikapfuurira kugamuchira nenzira yokuvimbika nhungamiro yake, iye, chaizvoizvo, achati kwatiri, sezvaakaita kuMwanakomana wake: “Ndinokufarira.”—Ruka 3:22; Johane 6:27; Jakobho 1:12.

Chii Chiri Tsinhiro Yako?

◻ Neiko murangariro waJehovha wavabatiri vake kazhinji kazhinji wakasiana nouyo wavanhu?

◻ Chii chinogona kutibetsera kunzwisisa izvo Mwari anoona apo anonzvera mwoyo wedu?

◻ Rudzii rwefundo runotibatsira kudzidza maidi uye kutaviridza mwoyo wedu?

◻ Nei kuchikosha kwete bedzi kuziva zvinotaura Mwari asi kugoverana mirangariro yake?

◻ Nei isu somunhu oga tichifanira kunyengetera, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu”?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Pakufunda, edza kuita kuti mifungo yaMwari nemirangariro zvive zvako umene

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mifungo yaJehovha “ingapfuura jecha pakuwanda”

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe