RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 9/15 p. 32
  • Takafanana Chaizvo Nemhashu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takafanana Chaizvo Nemhashu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 9/15 p. 32

Takafanana Chaizvo Nemhashu

WATI wambovhakacha muuswa muzhezha ndokuona mhashu dzisingaverengeki dzichisvetuka dzichibva munzira yako here? Idzo dzakaratidzika kuva dziri munzvimbo iri yose, kunyange zvazvo ungave wakadzipa ngwariro shomanene. Pashure pokurangarira zvose, idzo dzinoratidzika kuva dzisingakuvadzi nedzisingakoshi.

Bva, kudokuva dzisingakoshi kwemhashu kunodziita chiratidzo chakakodzera chorudzi rwomunhu. Kunyange zvazvo vanhu vakatanhamara vangazvirangarira vamene kuva vanokosha zvikuru, Musiki wedu anofunga neimwe nzira. Muporofita wake Isaya akati: “Ndiye ugere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu.”—Isaya 40:22.

Ukuru, simba, uye uchenjeri zvaJehovha Mwari zvinomukwidza pamusoro zvikuru penzvimbo yavanhuvo zvavo, sezvo munhu ari mukuru zvikuru kumhashu muungwaru nesimba. Zvisinei, vara gurusa raMwari rudo. Uye rudo rwake rwusingaenzaniswi runomusunda kuticherechedza, kutibetsera, uye kutiponesa—kana tichimuda nokumuteerera. Jehovha anobata nesu nenzira yorudo, kunyange zvazvo takafanana nemhashu dzisingakoshi. Wezvamapisarema akati: “Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, iye unogara kumusoro, iye unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi? Unosimudza murombo abve muguruva.”—Pisarema 113:5-7.

Seizvo iri pisarema rinotsanangura, Jehovha anopa nenzira yorudo betsero kuvakaderera. Hungu, Iye anobetsera avo nokuzvininipisa ‘vanotsvaka Mwari kuti vagomuwana chaizvoizvo.’ (Mabasa 17:27) Avo vanowana Mwari—uye vanomubatira—vanotova vanokosha mumeso ake. (Enzanisa naIsaya 43:4, 10.) Mhashu inozvininipisa nokudaro inobatira kutiyeuchidza nezvokusakosha kwedu timene uye nezvorudo rwoMusiki wedu wamasimba ose, uyo anopa vanhu vanoteerera ushamwari hwake nomutsa usakafanirwa. Iwe unoratidza kuonga rudo rwaMwari here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe