Kufudza Nounyoro Makwai Anokosha aJehovha
VAKURU vakateerera nokusanongwarira. Ivo vakanga vafamba anenge makiromita 50 vachibva Efeso kuenda kuMireto kundogamuchira miraidzo yaibva kumuapostora Pauro. Zvino vakasuruvariswa nokunzwa kuti iyoyi yaizova nguva yokupedzisira yavaizomuona. Naizvozvo vakaziva kuti mashoko anotevera aizova oukoshi hukurusa: “Zvingwarirei mumene neboka rose, pakati paro mudzimu mutsvene wakakugadzai vatariri, kuti mufudze ungano yaMwari, iyo akatenga neropa roMwanakomana wake amene.”—Mabasa 20:25, 28, 38, NW.
Nongedzero pfupi yaPauro kuvafudzi zvirokwazvo yakapa mashoko akawanda kuvakuru ivavo veEfeso. Ivo vakanga vakarovedzana nebasa rokufudza makwai munyika yakapoteredza. Ivo vakanga vakarovedzanawo nenongedzero dzakawanda kuvafudzi muMagwaro echiHebheru. Uye vaiziva kuti Jehovha akazvifananidza amene noMufudzi wavanhu vake.—Isaya 40:10, 11.
Pauro akataura nezvavo sa“vatariri” pakati pe“boka,” uye sa“vafudzi” ve“ungano.” Nepo shoko rokuti “vatariri” richiratidzira icho mugove wavo uri, shoko rokuti “fudzai” rinoratidzira nzira iyo ivo vanofanira kuita nayo utariri ihwohwo. Hungu, vatariri vaifanira kurisa mutezo mumwe nomumwe weungano nomutoo mumwe chetewo une rudo uyo mufudzi aizotarisira nawo boka rake ramakwai.
Nhasi, vakuru vashomanene vane ruzivo rwokuzviwanira rwakananga mukufudza makwai chaiwoiwo. Asi Bhaibheri rinoita nongedzero dzakawanda kwazvo kuzvose zviri zviviri makwai navafudzi, zvikurukuru mupfungwa yokufananidzira, zvokuti mashoko aPauro ane simba risingagumi. Uye zvakawanda zvinogona kudzidzwa munhauro dzavafudzi avo Mwari aida munguva dzakare. Mienzaniso yavo inokosha inogona kubetsera vakuru vomuzuva razvino kuona kuti mavarai vanofanira kukudziridza kuti vafudze ungano yaMwari.
Mufudzi Asingatyi Dhavhidhi
Apo tinofunga nezvavafudzi vomunguva dzeBhaibheri, sezvingabvira zvikurusa tichayeuka Dhavhidhi, nokuti iye akatanga somufudzi wamakwai. Chimwe chezvifundo zvokutanga tinodzidza muupenyu hwaDhavhidhi ndechokuti kuva mufudzi haisati iri nzvimbo youtanhamari. Kutaura idi, apo muporofita Samueri akasvika kuzozodza mwanakomana waJese samambo womunguva yemberi waIsraeri, Dhavhidhi muduku pakutanga akafuratirwa chose chose. Pakanga pachingova bedzi pashure pokunge Jehovha aramba vakoma vake vanomwe apo kududzwa kwaDhavhidhi kwakaitwa, uyo akanga ari musango achi“risa makwai.” (1 Samueri 16:10, 11) Kunyanguvezvo, makore aDhavhidhi akapedzwa somufudzi akamugamudzirira nokuda kwebasa rinoraira rokufudza rudzi rwaIsraeri. “[Jehovha] akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, akamubvisa pamatanga amakwai . . . kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho,” rinodaro Pisarema 78:70, 71. Nenzira yakakodzera, Dhavhidhi akanyora Pisarema rechi 23 rakaisvonaka nerinosanozivikanwa, achitanga namashoko, anoti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu.”
Kufanana naDhavhidhi, vakuru muungano yechiKristu vanofanira kubatira savafudzi vaduku vanozvininipisa ndokusatsvaka utanhamari husakafanira. Seizvo muapostora Pauro akanyorera Timotio, avo vanosvasvavirira mutoro uyu wokufudza “vanoshuva basa rakaisvonaka,” kwete utanhamari.—1 Timotio 3:1, NW.
Kunyange zvazvo basa raDhavhidhi somufudzi chaiyeiye rakanga rakaderera, padzimwe nguva rairaira ushingi hukuru. Somuenzaniso, apo makwai omuboka rababa vake akatorwa pane imwe nhambo neshumba uye pane imwe nebere, Dhavhidhi nokusatya akanangana ndokuuraya zvikara zvinodya dzimwe mhuka. (1 Samueri 17:34-36) Uku kwakanga kuri kuratidzirwa kunoshamisa kwoushingi apo munhu anorangarira kuti shumba inogona kuuraya mhuka huru zvikuru kupfuura iyo imene. Uye bere dzvuku reSiria iro raisigara muParestina, rinorema akawanda samakirogiramu 140, rinogona kuuraya deer nokurova kumwe kworuoko rwaro rune simba.
Itiro hanya ine ushingi yaDhavhidhi yamakwai ababa vake muenzaniso wakaisvonaka wavafudzi muungano yechiKristu. Muapostora Pauro akanyevera vakuru veEfeso nezva“mapere anodzvinyirira” ayo aisa“zobata boka nounyoro.” (Mabasa 20:29, NW) Munguva dzazvino unowo, nguva dzichamuka apo vafudzi vechiKristu vanofanira kuratidza ushingi kuti vadzivirire garikano yomudzimu yamakwai aJehovha.
Nepo makwai achifanira kudzivirirwa nokusatya, iwo anofanira kubatwawo nounyoro hukurusa, mukutevedzerwa kwomufudzi ane rudo Dhavhidhi noMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. (Johane 10:11) Vachiziva kuti boka racho nderaJehovha, vakuru havatongofaniri kuva nechisimba namakwai, “kusaita nesimba naavo vari nhaka yaMwari.”—1 Petro 5:2, 3, NW; Mateo 11:28-30; 20:25-27.
Kuzvidavirira
Tateguru Jakobho akanga ari mumwe mufudzi anosanozivikanwa. Iye akazvirangarira amene kuva ane mutoro somunhu oga wegwai rimwe nerimwe rakaronzeswa kutarisiro yake. Akanga atarisira nokutendeka kwazvo mapoka atezvara wake, Rabhani, zvokuti pashure pamakore 20 mubasa rake, Jakobho aigona kuti: “Matunzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu hazvina kusvodza, makondohwe enyu amakwai handina kuadya. Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvakabiwa masikati, kana zvakabiwa usiku.”—Genesi 31:38, 39.
Vatariri vechiKristu vanoratidzira itiro hanya inotova huru zvikuru nokuda kwamakwai ayo Mufudzi wemweya yedu, Jehovha Mwari, “akatenga neropa roMwanakomana wake amene.” (Mabasa 20:28, NW; 1 Petro 2:25; 5:4) Pauro akasimbisa uyu mutoro unokosha apo akayeuchidza maKristu eHebheru kuti varume vanotungamirira muungano “vanorinda mweya yenyu saavo vachazvidavirira.”—VaHebheru 13:17, NW.
Muenzaniso waJakobho unoratidzawo kuti basa romufudzi harina muganhu wenguva. Ndichinoitika chamasikati nousiku uye chinowanzoda kuzvibaira. Iye akaudza Rabhani, kuti: “Masikati ndakafa nezuva, usiku nechando; hope dzangu dzikabva kumeso angu.”—Genesi 31:40.
Ikoku zvamazvirokwazvo ndokwechokwadi nezvavakuru vakawanda vechiKristu vane rudo nhasi, seizvo chinoitika chinotevera chinoratidzira. Imwe hama yakapinzwa mokusanotarisirwa mechipatara pashure pokunge kunzverwa bundu romuuropi kwaguma nezvakaoma. Mhuri yayo yakaronga kuva pedyo nayo muchipatara masikati nousiku. Kuti agovere tsigiro yaidikanwa nekurudziro, mumwe wavakuru vomunzvimbomo akagadziridza rudungwe rwake rwokubatikana kuti agogona kushanyira murume anorwara nemhuri yake zuva riri rose. Nemhaka yomuitiro wokusanorapa wechipatara, kunyanguvezvo, kwakanga kusingamubviriri nguva dzose kushanyira mukati mamasikati. Ikoku kwakareva kuti mukuru wacho aifanira kuva kuchipatara usiku zvikuru. Asi aiendako nomufaro usiku pashure pousiku. “Ndakaziva kuti ndaizofanira kushanyira panguva yakakodzera murwere, kwete panguva yakandikodzera,” akadaro mukuru wacho. Apo hama yacho yakanga yanaya zvakakwana kuti iendeswe kuimwe nharaunda yechipatara, mukuru wacho akapfuurira neshanyo dzake dzezuva nezuva dzinokurudzira.
Icho Mosesi Akadzidza Somufudzi
Bhaibheri rinorondedzera Mosesi so“munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Zvisinei, chinyorwa chacho chinoratidza kuti ikoku kwakanga kusina kudaro nguva dzose. Somurume muduku, akanga auraya muEgipita nokuda kwokurova muIsraeri biyake. (Eksodho 2:11, 12) Chakanga chisitongori chiito chomunhu munyoro! Bva, Mwari aizoshandisa Mosesi gare gare kutungamirira rudzi rwamamirioni murenje kuenda kuNyika Yakapikirwa. Nenzira yakajeka, ipapoka, Mosesi aida imwe rovedzo.
Nepo Mosesi akanga atogamuchira rovedzo yokunyika “muuchenjeri hwose hwavaEgipita,” zvakawanda zvaidikanwa kuti afudze boka raJehovha. (Mabasa 7:22, NW) Chimiroi chaigona kuva sezvinobvira neiyi rovedzo yokuwedzera? Eya, kwamakore 40 Mwari akabvumira Mosesi kubatira somufudzi akaderera munyika yeMidhiani. Sezvo iye aifudza makwai atezvara wake, Jetero, Mosesi akakudziridza mavara akaisvonaka akadai seshiviriro, unyoro, kuzvininipisa, mwoyo murefu, uye kuzvidzora. Iye akadzidzawo kumirira Jehovha. Hungu, kufudza makwai chaiwoiwo kwakakwanirisa Mosesi kuva mufudzi anokwanisa worudzi rwaIsraeri.—Eksodho 2:15–3:1; Mabasa 7:29, 30.
Aya haasati ari mavara amene ayo mukuru anoda kuti atarisire vanhu vaMwari here nhasi? Hungu, nokuti Pauro akayeuchidza Timotio kuti “muranda waShe . . . anofanira kuva munyoro kuvose, akakwaniriswa kudzidzisa, anozvichengeta amene achidzorwa muzvakaipa, anoraidza nounyoro avo vane ndangariro isina kunaka.”—2 Timotio 2:24, 25, NW.
Kungava nenguva apo mukuru anonzwa aodzwa mwoyo naye amene nemhaka yokuti ane chitambudzo mukukudziridza aya mavara zvakazara. Kunyanguvezvo, haafaniri kurega. SaMosesi, kungatora nguva refu kukudziridza zvizere mavara anodikanwa kuti munhu ave mufudzi akanaka. Pashure penguva yakati, zvisinei, nhamburiko yapachokwadi yakadaro ichatuswa.—Enzanisa na 1 Petro 5:10.
Somukuru, zvichida iwe hausi kushandiswa zvizere savamwe. Kungagona kudaro here kuti, saMosesi, Jehovha ari kukubvumira kukudziridza mavara anokosha akati zvizere zvikuru? Usatongokanganwa kuti Jehovha “anokuitirai hanya.” Zvisinei, tinofanirawo kurangarira kudikanwa kwo‘kuzvisunga timene nokuzvininipisa kwendangariro kuno mumwe nomumwe, nemhaka yokuti Mwari anoshora vanozvitutumadza asi anopa mutsa usakafanirwa kuvanozvininipisa.’ (1 Petro 5:5-7, NW) Kana ukazvishandisa umene ndokugamuchira rovedzo iyo Jehovha anobvumidza, unogona kuva anobetsera zvikuru kwaari, sezvakanga zvakangoita Mosesi.
Makwai Ose aJehovha Anokosha
Vafudzi vakavimbika, vane rudo vomunguva dzeBhaibheri vaiva nepfungwa yomutoro kugwai rimwe nerimwe. Zvimwe chetezvo zvinofanira kuva zvechokwadi nezvavafudzi vomudzimu. Ikoku kwakajeka mumashoko aPauro, anoti: “Zvingwarirei . . . neboka rose.” (Mabasa 20:28, NW) Ndivanaani vangabatanidzwa mu“boka rose”?
Jesu akapa muenzanisiro pamusoro pomumwe murume aiva namakwai ane zana rimwe asi akatsvaka kamwe kamwe rakanga rarasika kuti aridzorere kuboka. (Mateo 18:12-14; Ruka 15:3-7) Nomutoo wakafanana mutariri anofanira kuitira hanya mutezo mumwe nomumwe weungano. Kusashingaira muushumiri kana kuti mukupinda misangano yechiKristu hakurevi kuti gwai harisati richisiri rutivi rweboka. Iye anoramba ari rutivi rwe“boka rose” iro vakuru vanofanira “kuzvidavirira” nokuda kwaro kuna Jehovha.
Mumwe mutumbi wavakuru wakaitira hanya zvikuru kuti vamwe vakanga vasonganirana neungano vakanga vapinda mukusashingaira. Ndaza yaava vanhu yakagadzirirwa, uye nhamburiko chaiyo yakaitwa yokuvashanyira ndokuvabatsira kudzokera kudanga ramakwai aJehovha. Ava vakuru vakatenda sei kuna Mwari kuti munhambo yamakore maviri nehafu, vakakwanisa kubetsera vanhu vanopfuura 30 kuva vanoshingaira mubasa raJehovha zvakare. Mumwe waavo vakanzarwozvo kubetserwa akanga ava asingashingairi kwamakore 17!
Kukosha kwouyu mutoro kunosimbiswazve pavatariri neidi rokuti makwai aka“tengwa neropa roMwanakomana [waMwari] amene.” (Mabasa 20:28, NW) Hakuna mutengo wakakwirira zvikuru kupfuura iwoyu waigona kuva wakaripirwa nokuda kwaaya makwai anokosha. Uye funga nezvenguva yose nenhamburiko izvo zvinopedzerwa muushumiri kuwana ndokubatsira munhu mumwe nomumwe akafanana negwai! Nhamburiko yakafanana haifaniri kuitwa here kuchengeta vose vari mukati medanga ramakwai aMwari? Zvamazvirokwazvo, gwai riri rose riri muungano rinokosha.
Kunyange apo mumwe mutezo weboka unobatanidzwa muchakaipa chakakomba, mutoro wavakuru hauchinji. Ivo vanopfuurira kuva vafudzi vanoitira hanya, vanoedza nounyoro uye norupfave kuponesa mutadzi kana kuchitongobvira. (VaGaratia 6:1, 2) Nenzira inonzwisa urombo, muzvinoitika zvakati kunova pachena kuti mumwe mutezo weungano unoshaiwa rusuruvaro rwoumwari nokuda kwezvivi zvakakomba izvo unenge waita. Vafudzi vane rudo ipapo vane mutoro wapaMagwaro wokudzivirira vasara veboka papesvedzero iyoyi inoshatisa.—1 VaKorinte 5:3-7, 11-13.
Kunyange zvakadaro, Jehovha Mwari anogadza muenzaniso wakakwana wokutambanudzira ngoni kumakwai anorasika. Mufudzi wedu Mukuru anoti nenzira yetsitsi: “Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara.” (Ezekieiri 34:15, 16; Jeremia 31:10) Mukutevedzerwa kwouyu muenzaniso wakaisvonaka, gadziriro ine rudo yakaitwa yokuti vafudzi vomudzimu vomuzuva razvino uno vashanyire vanhu vakadzingwa, avo zvino vangagamuchira betsero yavo. Idzi nhamburiko dzine ngoni dzokuwana makwai akarasika akadaro dzakagovera muuyo wakaisvonaka. Imwe hanzvadzi yakadzorerwa yakati: “Apo vakuru vakashanya, yakanga iri kurudziro yandaida kuti ndidzokere.”
Pasina panikiro mashoko aPauro kuvakuru veEfeso paMireto akanga akazadzwa nerevo—nokuda kwavo uye nokuda kwavatariri nhasi. Nongedzero yake kuvafudzi yakanga iri chiyeuchidzo chamavara anofadza anofanira kuva pachena muvatariri—mavara akadai sokuzvininipisa noushingi, saakaratidzirwa namambo mufudzi Dhavhidhi; pfungwa yomunhu oga yomutoro netarisiro yokudzivirira, yaiva pachena mubasa ramasikati nousiku raJakobho; uye kudisa kugamuchira imwe rovedzo nokushivirira, sezvakaratidzwa naMosesi. Zvamazvirokwazvo, iyi mienzaniso yeBhaibheri ichabetsera vakuru veungano kukudziridza ndokuratidzira mavara anodikanwa kuti vago“fudza [nounyoro] ungano yaMwari, iyo akatenga neropa roMwanakomana wake amene.”