Musangano Wegore Negore
October 2, 1993
MUSANGANO WEGORE NEGORE wemitezo yeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa pana October 2, 1993, paAssembly Hall of Jehovah’s Witnesses, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wokutanga wemitezo bedzi uchaitwa pa 9:30 a.m., uchiteverwa nomusangano wegore negore wavose pa 10:00 a.m.
Mitezo yeCorporation inofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori zvino nezvechinjo ipi neipi mukero dzayo dzokuposita mukati megore rapfuura kuitira kuti tsamba dzenguva dzose dzeziviso namagwaro anopa mumwe munhu chiremera chokukuvhotera dzigogona kusvika nokukurumidza pashure paAugust 1.
Magwaro anopa mumwe munhu chiremera chokukuvhotera, ayo achatumirwa kumitezo pamwe chete neziviso yomusangano wegore negore, anofanira kudzorerwa kuti asvike Hofisi yoMunyori weSosaiti pasati pari pashure paAugust 15. Mutezo mumwe nomumwe unofanira kuzadza ndokudzorera rugwaro rwawo runopa mumwe munhu chiremera chokumuvhotera nokukurumidza achitaura kana iye pachake achizova pamusangano kana kuti kwete. Mashoko anopiwa parugwaro rumwe norumwe runopa mumwe munhu chiremera chokukuvhotera anofanira kuva akajeka pairi pfundo, sezvo achavimbwa nawo mukuziva achavapo pachake.
Kunokarirwa kuti rusando rwose, kubatanidza musangano wenguva dzose webhizimisi nemishumo zvichapedzwa panosvika 1:00 p.m. kana kuti nokukurumidza pashure paikoko. Hakusati kuchizova norusando rwamasikati. Nemhaka yenzvimbo yakaganhurirwa, kupinda kuchaitwa kupfurikidza netikiti bedzi. Hakuna gadziriro dzichaitwa dzokubatanidza musangano wegore negore norunhare nedzimwe nzvimbo.