Jehovha Anochinja Nguva Nemwaka muRomania
MHEPO dzechinjo dzakapfuurira nomuEastern Europe muna 1989. Mumwedzi yakati, hurumende idzo dzakambomira senhare dzisingakundiki dzakawa imwe pashure peimwe. Pamwe chete nechinjo yezvamatongerwe enyika pakauya chinjo dzenzanga, dzezvemari, uye, fariro hurusa kuZvapupu zvaJehovha, yorudzidziso. Munyika pashure penyika, Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa pamutemo, uye rusununguko rwokupfuudzira mubato wazvo worudzidziso rwakadzorerwa kwazviri.
Asi kwakaoneka kuti zvinhu zvaizova zvakasiana muRomania. Hurumende yakanga yakabatisisa vanhu zvakadaro zvokuti kwakaratidzika kuti mhepo dzechinjo dzaizova nomuuyo muduku. Sezvo Zvapupu zvaJehovha imomo zvakanzwa nezvechakanga chichiitika mudzimwe nyika dzeEastern Europe, zvakazvibvunza zvimene kuti, ‘Tichazombokwanisa kufarikanya rusununguko rwokunamata pamberi peArmagedhoni here?’ Mwoyo yazvo yaishuva nguva apo zvaizogona kuungana pamisangano yechiKristu nehama dzazvo dzomudzimu nehanzvadzi, kuparidzira mashoko akanaka pachena, uye kufunda zvinyorwa zvazvo zveBhaibheri pachena, zvisingafaniri kuzviviga nguva yose. Kwose ikoko kwairatidzika sechiroto chete.
Ipapo chiroto chacho chakaitika! Chakaitika muna December 1989. Kukushamisika kwomunhu ari wose, hurumende yaCeauşescu yakarigwa kamwe kamwe. Kamwe kamwe hama dzedu dzakawana rusununguko. Pana April 9, 1990, Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa pamutemo sesangano rorudzidziso muRomania. Jehovha akanga achinja nguva nemwaka nokuda kweZvapupu zvinoshingaira 17 000 imomo.—Enzanisa naDhanieri 2:21.
Nhau Refu
Muna 1911, Carol Szabo naJosif Kiss vakadzokera kuRomania vachibva kuUnited States, uko vakanga vadzidza zvokwadi yeBhaibheri uye vakanga vatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha kuti vaite kuda kwake. Vaida kugoverana mashoko akanaka navanhu vomunyika yavo. Vangosvika chete muRomania, vakakurumidza kutanga kuparidzira. Apo Hondo yeNyika I yakavamba, vakasungwa nokuda kwezvavakanga vachiita. Zvisinei, mbeu dzoUmambo dzavakanga vadyara dzakavamba kubereka miuyo. Pakazosvika 1920, apo basa rakarongwazve, makanga mune vanenge vaparidzi voUmambo 1 800 muRomania.
Panguva iyoyo mudzimu wokupandukira uyo wakaoneka muBalkans wakanga uchinzwiwa zvikuru kwazvo muRomania, uye vhiringidzo dzakanga dzakapararira. Pasinei hapo nenguva dzakaoma, hama dzedu dzomudzimu dzakapfuudzira basa. Muna 1924 Watch Tower Society yakazarura hofisi pa 26 Regina Maria Street muCluj-Napoca kuti itarisire basa muRomania, Hungary, Bulgaria, Yugoslavia, uye Albania.
Mugariro wezvamatongerwe enyika wakaoma zvikuru, kunyanguvezvo, uye kunze kwenhamo dzakabva kuzviremera, pakanga pane nhamo mukati mesangano. 1930 Year Book inoshuma, kuti: “Nemhaka yokusatendeka kwouyo Sosaiti yakatumira ikoko, shamwari dzakaparadzirwa uye chivimbo chadzo chakazunguzwa zvikuru. Sosaiti yave ichitsvaka banza rokumutsiridzazve basa munyika iyoyo, asi zviremera zvomunzvimbomo zvinorambidza chinhu chiri chose, uye tinofanira kumira kusvikira Ishe azarura nzira yakanaka zvikuru.” Ipapo, muna 1930, Martin Magyarosi, Chapupu chechiRomania chakabhapatidzwa muna 1922, akagadzwa somubatiri webazu mutsva, uye gare gare hofisi yacho yakatamisirwa ku 33 Crişana Street, Bucharest. Pashure pokurwa kurefu, Sosaiti pakupedzisira yakanyorwa sesangano rapamutemo muRomania muna 1933.
Zvitambudzo Zvakapfuurira
Miedzo yakakomba yakapfuurira kuuya paZvapupu zvomuRomania. 1936 Year Book inoshuma, kuti: “Pasina panikiro hakuna rutivi rwapasi umo hama dzinoshanda nezvitambudzo zvikuru kupfuura muRumania.” Pasinei hapo nenhamo yose, mishumo yebasa ya 1937 yakadudza ungano 75 dzaiva navaparidzi 856 muRomania. PaChirangaridzo, pakanga pane vane 2 608 vaivapo.
Sezvo Hondo yeNyika II yakatanga, Romania haina kuramba isina kutapurwa. Muna September 1940, Mutungamiriri wehondo Ion Antonescu akabvuta simba muhurumende ndokuvamba utongi hwakafanana nohwaHitler. Zviito zvetyisidziro zvakanga zvichizikanwa navose. Mazana ehama dzedu akasungwa, akarohwa, uye akatambudzwa. Hama Magyarosi vakasungwa muna September 1942, asi vakanga vachiri kukwanisa kutsinhanisa basa reTransylvania vari mutorongo.
Chitambudzo chakapfuurira apo mauto aHitler akapararira munyika yacho muna 1944. Mushumo wakabva kuBucharest wakatsanangura migariro yomuhurumende yeNazi: “Zvapupu zvaJehovha muiyi nyika zvakatambudzwa zvakaipa zvikuru. Zvapinzwa mutorongo namaKomonisiti, zvapomerwa navafundisi vaitsigira Hitler savakaipa zvikuru kupfuura maKomonisiti, vazhinji vedu vakatongerwa makore 25 mutorongo, kutongero dzoupenyu, kana kuti zvimwe kurufu.”
Pakupedzisira hondo yakaguma, uye pana June 1, 1945, hofisi yeSosaiti muBucharest yakavambazve mubato. Pasinei hapo nezvitambudzo mukuwana mapepa, vashandi vakazvipira vakatsikirira mabhukwana anopfuura 860 000 uye makopi anopfuura 85 000 eNharireyomurindi muchiRomania nechiHungary. Jehovha akakomborera zvikuru basa razvo rakaoma. Pakazosvika 1946 vanhu vatsva vane 1 630 vakanga vabhapatidzwa. Chakatanhamara chegore iroro yakanga iri kokorodzano yorudzi yakaitwa muBucharest pana September 28 na 29. Vafundisi vakaedza unani hwavo kuvhiringidza nokumisa iyi kokorodzano, asi havana kubudirira, uye vanhu vanenge 15 000 vakapinda hurukuro yavose. Yakanga iri nguva yokutanga iyo hama dzomuRomania dzakakwanisa kuva nekokorodzano yakadaro.
Sosaiti yakatumira Hama Alfred Rütimann kubva kubazu reSwitzerland kuenda kuRomania. Muna August 1947 ivo vakakwanisa kutaura kuhama dzinopfuura 4 500 munzvimbo 16, vachidzivaka nokuda kwezvakanga zviri mberi. Nokukurumidza dzvinyiriro dzakanga dzichizouyazve paZvapupu, nguva ino ichibva kuhurumende yechiKomonisiti. Muna February 1948 zviremera zvakarambidza kutsikirira kwedu nomubato wokuparidzira. Ipapo, muna August 1949, hofisi pa 38 Alion Street yakavhozhokerwa. Gare gare hama zhinji, kubatanidza Hama Magyarosi, dzakasungwa. Nguva ino, dzapomerwa kuedza kutora umambo, dzakatumirwa kumatorongo kana kuti misasa yechibharo. Kwamakore 40 akatevera, basa rakarambidzwa, uye Zvapupu zvaJehovha zvakatambura zvikuru. Nhamo dzaiparirwa navavengi vaiva mukati mesangano dzakawedzera kukutambudzika kwacho. Pakupedzisira, hurumende yaCeauşescu yakawa muna 1989, uye zvakasununguka! Chii chadzaizoita zvino norusununguko rwadzo?
Kuparidzira Pachena Zvakare
Zvapupu hazvina kupambadza nguva ipi neipi. Dzakakurumidza kutanga kuparidzira paimba neimba. Asi ikoku kwakanga kusiri nyore nokuda kwaavo kwamakore vakanga vapfuudzira basa nenzira youshingi pasi pevhu kupfurikidza nokupupurira kwamasanga. Vakanga vane ruzazu zvino kuti vagone kuparidzira pachena. Vazhinjisa vavo vakanga vasina kutongoita ikoku kare, uye nguva yokupedzisira iyo upi noupi wavo akanga aparidzira paimba neimba makanga muri mukupera kwama 1940. Rudzii rwemiuyo urwo vari kuva nayo? Ngationei.
Nzvimbo yakanaka yokutanga mudzimbahwe, Bucharest, iyo ine vagari vemo vane mamirioni 2,5. Makore maviri akapfuura, makanga mune ungano ina chete muguta racho. Zvino mune ungano gumi, uye vanopfuura 2 100 vakauya kukuchengetwa kweChirangaridzo kwa 1992. Nefundo dzeBhaibheri dzapamusha zhinji dzinofambira mberi dziri kuitiswa, dzimwe ungano itsva dzingakurumidza kuumbwa.
Craiova iguta rine vagari vemo vanenge 300 000, murutivi rwokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero rwenyika yacho. Kusvikira muna 1990, makanga mune zvinenge Zvapupu 80 bedzi muguta rose. Ipapo mudzimu woupiona wakakurumbira, uye basa rakafambira mberi. Muna 1992 moga, vanhu 74 vakabhapatidzwa, uye fundo dzeBhaibheri dzinopfuura 150 dziri kuitiswa. Navaparidzi vanopfuura 200, vari kukarira nokudisa nzvimbo yakakodzera yeHoro yoUmambo.
MuTirgu-Mures, imwe hanzvadzi Chapupu nehama mbiri vakaenda kumuprista weOrthodox kundoita kuti zita rayo ribviswe muzvinyorwa zvechechi. Pakuziva donzo reshanyo yavo, muprista wacho akavakoka kuti vapinde mukati, uye vakava nekurukurirano yakaisvonaka. Muprista wacho ipapo akati: “Ndinokugodorai asi kwete nenzira yakashata. Tinofanira kuva tichiita basa ramuri kuita. Kwakashata zvikuru kuti Chechi yeOrthodox yakarara zvikuru”! Akagamuchira bhurocha raUnofanira Kudavira Utatu Here? uye kopi yeNharireyomurindi. Hanzvadzi yacho inofara kuti haichisirizve we“vakarara zvikuru.”—Zvakazarurwa 18:4.
Kunokosha kuti voruzhinji vaavo vari kudzidza zvokwadi nhasi vanhu vaduku. Neiko? Sezviri pachena vaikarira zvakawanda muchinjo yehurumende, asi vakaodzwa mwoyo. Vanofara kudzidza kuti Umambo hwaJehovha bedzi hunogona kuunza mhinduro isingagumi kuzvinetso zvedu.—Pisarema 146:3-5.
Zvinhu Zvikuru Zviri Kuitika Munzvimbo Duku
Ocoliş musha muduku uri kuchamhembe kweRomania. Muna 1920 mumwe murume anonzi Pintea Moise akadzokera achibva kunzvimbo yehondo yeRussia, uko akanga aendeswa somusungwa wehondo. Akanga ambova muKaturike, asi pamberi pokudzokera kwake akanga ava muBaptist. Mavhiki matatu gare gare, Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyeyo, vakamushanyira. Pashure peshanyo iyoyo, iye akazivisa, kuti: “Zvino ndawana zvokwadi pamusoro paMwari!” Pakazosvika 1924 makanga mava neboka ravane 35 muOcoliş.
Nhasi, pakati pechiverengero chavagari vemo che 473, kune vaparidzi voUmambo 170 imomo. Muparidzi mumwe nomumwe ane dzinenge imba mbiri dzakagoverwa sendima yake, uye vanoshandawo misha yakapoteredza. Zvisinei, vane tariro. Dzakavaka chete Horo yoUmambo yakaisvonaka inogara vanhu 400. Basa rose rakaitwa neZvapupu zvomunzvimbomo.
Valea Largă ndiko uko Hama Szabo naKiss vakanga vagara muna 1914. Muna 1991, pakati pavagari vemo vayo vane 3 700, makanga mune ungano sere navaparidzi voUmambo 582. PaChirangaridzo cha 1992, kwakanga kune vane 1 082 vaivapo—anodokuva 1 muvanhu 3 muuyu mupata.
Mapiona ChaiwoAnogadzirira Nzira
Mapiona chaiwo anoita basa guru mukuendesa mashoko akanaka kuvanhu vari munharaunda dziri kure zvikuru. Nokukurumidza apo rusununguko rwokuparidzira rwakapiwa, Ionel Alban akatanga kushanda mumaguta maviri, achipedzera mazuva maviri vhiki rimwe nerimwe muOrşova uye mazuva mashanu muTurnu-Severin.
Makanga musina Zvapupu muOrşova apo Ionel akasvika. Vhiki rokutanga, iye akatanga fundo yeBhaibheri nomumwe mukomana ane makore 14 okukura. Mukomana wacho akaita chinjo zhinji kwazvo mumwedzi miviri zvokuti imwe shamwari nomumwe muvakidzani vakavambawo kufunda. Muvakidzani wacho, Roland, uyo akanga ari muKaturike, akaita fambiro mberi inoshamisa. Pashure pomwedzi nehafu bedzi, iye akaperekedza Ionel mubasa rokuparidzira, uye mumwedzi mishanu akabhapatidzwa. Akapinda mubasa renguva yakazara pakarepo. Amai vake vakavambawo kufunda uye vakabhapatidzwa pa 1992 “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa. Zvino mune vaparidzi gumi muOrşova, uye vanoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 30.
Wokutanga kugamuchira zvokwadi muTurnu-Severin akanga ari mushandi womukamuri rokugamuchira vaeni pahotera umo Ionel aigara. Pashure pemwedzi miviri murume wacho akava muparidzi asina kubhapatidzwa, uye mumwedzi mitatu akabhapatidzwa. Zvino ndimumwe wavaparidzi 32 imomo avo vanoitisa hwerengedzo yefundo dzeBhaibheri dzapamusha 84.
Mumwe piona chaiye, Gabriela Geica, akabatira sapiona wenguva dzose kunyange apo basa redu rakanga rakarambidzwa. Chishuvo chake chakanga chiri chokushanda uko kwakanga kune kushaiwa kukuru zvikuru. Akagoverwa ndima huru. Pane dzimwe nguva aifamba kubva pamakiromita 100 kusvikira ku 160 kundoshanyira vanhu vanofarira. Rimwe guta raakashanda rakanga riri Motru, umo makanga mune Zvapupu zvina chete. “Nemhaka yomubato wakawedzerwa muMotru, vaprista namamwe mapoka orudzidziso vakatanga kutishora,” anorondedzera kudaro. “Vakapesvedzera meya namapurisa kuisa dzvinyiriro pamhuri idzo dzakandipa pokugara. Vakandidzinga, naizvozvo pashure pounenge mwedzi mumwe uri wose, ndaifanira kutsvaka nzvimbo yokugara.”
Gabriela akatanga fundo nomunhu asingadaviri kuvapo kwaMwari muOrşova, uyo akataura kuti akanga asingafariri rudzidziso kana kuti Bhaibheri. Asi pashure pemwedzi mina chete yefundo, mukadzi wacho akatanga kudzivirira Bhaibheri. Kunyange zvazvo murume wake aimukiira panze usiku ndokutyisidzira kumuchatanura kana kuti kumuuraya, iye akachengeta perero yake. Kunyange asati abhapatidzwa, aiitisa fundo dzeBhaibheri gumi.
Kariro Dzinoshamisa Dziri Mberi
Muna August 1992, Romania yakasvika chiverengero chapamusoro chavaparidzi 24 752 muungano 286. Chiverengero chavapindi veChirangaridzo chakapfuura 66 000. Pahofisi yebazu duku muBucharest, vashandi 17 vari kuita unani hwavo kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvehama dzavo. Vari kukarira nokukurumidza kutanga kuvaka bazu guru zvikuru.
Zvapupu zvaJehovha muRomania hazvigoni kurega kushamiswa nechinjo dzose dzinokurumidza mumakore mashomanene akapfuura. Zvinoonga Jehovha Mwari kuti izvo rutivi rwesangano ramarudzi ose iro rine zita rake nerinotungamirira vanhu kuzivo yakarurama yake nedonzo rake risingachinjiki. Pashure pamakore akawanda kwazvo enhamo nechitambudzo, zvinoonga sei Jehovha kuti zvamazvirokwazvo iye akachinja nguva nemwaka muRomania!
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
HUNGARY
ROMANIA
Bucharest
Cluj-Napoca
Craiova
Tirgu-Mures
Orşova
Turnu-Severin
Motru
Turda
BULGARIA
[Mufananidzo uri papeji 24]
1. Zvinenge Zvapupu 700 zvakaungana mumiti muna 1947
2. Hendibhiri yehurukuro yavose muna 1946
3. Gungano remisi ichangobva kupfuura muRomania
4. Kupupurira muCluj-Napoca nhasi
5. Horo yoUmambo pedyo neTurda
6. Mhuri yeBheteri muBucharest