Chii Chinodikanwa Kukufadza?
VEZVAMATONGERWE enyika vanosarudzwa navanhu vanoedza zvakaoma kufadza vanhu vakadaro. Pashure pokurangarira zvose, mabasa avo anotsamira pakuri. Asi magazini yenhau inotaura pamusoro pa“vasarudzi vakaodzwa mwoyo navakaparadzaniswa” muPoland. Mumwe munyori wenhau anotsanangura kuti United States inzanga “yakazadzwa nokusavimba kwezvamatongerwe enyika kwenguva dzose.” Mumwe munyori anotiudza pamusoro po“kusakendenga kunokura kwezvamatongerwe enyika muFrance.” Kusakendenga kwakapararira kwakadaro nokusagutsikana—hakuna kutongoganhurirwa kuidzi nyika nhatu—kunokarakadza kuti vezvamatongerwe enyika vari kukundikana mukuedza kwavo kufadza vanhu.
Vatungamiriri vorudzidziso vanopikirawo mufarwa, kana musati muri muupenyu huno, ipapo muhunouya. Ivo vanovakira ikoku pamurangariro wokuti vanhu vane mweya usingafi kana kuti unotama, pfungwa iyo vanhu vazhinji nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana vanoramba uye iyo Bhaibheri rinoramba nenzira yakajeka. Chechi dzisina vanhu nendaza dzinoderera dzoumutezo zvinoratidza kuti mamirioni haasati acharangarira rudzidziso kuva runokosha kumufarwa.—Enzanisa naGenesi 2:7, 17; Ezekieri 18:4, 20.
Vadi Vasingagutswi Vesirivha
Kana musiri mune zvamatongerwe enyika kana kuti murudzidziso, ndokupi uko mufarwa uchawanwa? Zvichida munzvimbo yezvokutengeserana here? Iyowo inotaura kuva inokwanisa kugovera mufarwa. Iyo inopa zvibvumikiso zvayo kupfurikidza nezvinozivisa, ichitaura mumashoko akawanda kwazvo, kuti: Mufarwa unobva mukuva nezvinhu zvose zvokunyama nebetsero izvo mari inogona kutenga.
Chiverengero chavanhu vanotsvaka mufarwa neiyi nzira chinoratidzika kuva chinowedzera. Kwakashumwa makore anoverengeka apfuura kuti mhuri yechipiri iri yose muGermany yaiva nezvikwereti zvakakomba. Hakushamisi, ipapoka, kuti pepanhau rakakurumbira reGermany Die Zeit rakadeya kutaura kuti “vazhinji [vaivava] havatongorina banza rokumbobuda muchikwereti.” Iro rakatsanangura, kuti: “Kuri nyore kwazvo kutora mari inopfuura yaunayo kusvikira pamwero bhangi nguva dzose rinokupa—uye kwakaoma kwazvo kubuda mumusungo wezvikwereti.”
Mugariro wacho mumamwe marudzi ane mabasa okugadzira zvinhu akawandawo wakafanana. Makore mashomanene apfuura, David Caplovitz, imwe nyanzvi yezvamagarire avanhu paCity University of New York, yakafungidzira kuti muUnited States, pakati pemhuri dzine mamirioni 20 namamirioni 25 dzaiva nezvikwereti zvakakomba. “Vanhu vanyura muzvikwereti,” iye akadaro, “uye kuri kuparadza upenyu hwavo.”
Ikoko hakutongonzwiki somufarwa! Asi tinofanira kukarira here nyika yezvokutengeserana kuva inokwanisa kuita izvo zvimwe zviviri (matongerwe enyika enyika norudzidziso) sezvinooneka zvisingagoni? Mambo akapfuma Soromoni akamboti: “Unoda sirivheri, haangagutswi nesirivheri, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.”—Muparidzi 5:10.
Kutsvaka mufarwa mupfuma yokunyama kwakafanana nokurota uri mupfumi. Kungava kunofadza kurota, asi uchava nezvinetso kana ukaedza kurarama mairi.
Mufarwa Unowanika asi Seiko?
Muapostora Pauro anodana Jehovha “Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11, NW) Kupfurikidza nokusika vanhu mumufananidzo wake amene, Mwari anofara akavapawo simba rokufara. (Genesi 1:26) Asi mufarwa wavo waifanira kutsamira pakubatira kwavo Mwari, seizvo wezvamapisarema akaratidza, kuti: “Vanofara vanhu vana Mwari ari Jehovha!” (Pisarema 144:15b, NW) Icho basa redu kuna Mwari rinobatanidza uye kuti kumubatira kwedu kunotungamirira sei kumufarwa wechokwadi zvinogona kunzwisiswa zviri nani kana tikarangarira shomanene dzenzvimbo 110 muNew World Translation umo mashoko okuti “kufara” uye “mufarwa” anowanika.
Kuziva Zvinodikanwa Zvomudzimu
Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akati muMharidzo yake yakakurumbira yapaGomo: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) Nyika yezvokutengeserana inoedza kutitsausa kupinda mukufunga kuti kutengwa kwezvoumbozha kwakaringana nokuda kwomufarwa. Iyo inotiudza kuti mufarwa kuva nekomupiyuta yomumusha, kamera yevhidhiyo, runhare, motokari, zvemitambo zvazvino uno, zvipfeko zvine zvitaira. Chaisingatiudzi ndechokuti makumi amamirioni avanhu ari munyika haana izvi zvinhu asi haasati zvawo ari asingafari. Nepo sezvinobvira zvichiita kuti upenyu huve hunofadza zvikuru nohwakakodzera, izvi zvinhu hazvikoshi kumufarwa.
Sezvakaita Pauro, avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu vanoti: “Kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.” (1 Timotio 6:8) Neiko? Nemhaka yokuti kugutswa kwezvinodikanwa zvomudzimu ndiko kunotungamirira kuupenyu husingagumi.—Johane 17:3.
Pane chinhu chipi nechipi chakaipa here nokufarikanya zvinhu zvakanaka kana tine mari yokuzvitenga nayo? Sezvinobvira kwete. Zvisinei, kunosimbisa umudzimu hwedu kudzidza kusagutsa chishuvo chiri chose kana kuti kutenga chimwe chinhu nemhaka bedzi yokuti tinogona kuchitenga. Isu nokudaro tinodzidza gutsikano ndokuchengeta mufarwa, sezvakaita Jesu, kunyange zvazvo mugariro wake wezvemari wakanga usiri wakanakisisa mukuwirirana nemitemo yenyika. (Mateo 8:20) Uye Pauro akanga asiri kutaura kusava nomufarwa apo iye akanyora kuti: “Nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa.”—VaFiripi 4:11, 12.
Kuvimba naJehovha
Kuziva chinodikanwa chomudzimu chomunhu kunoratidzira kudisa kuvimba naMwari. Ikoku kunoparira mufarwa, seizvo Mambo Soromoni akatsanangura, kuti: “Unovimba naJehovha, uno mufaro.”—Zvirevo 16:20.
Harisati riri idi here, kunyanguvezvo, kuti vanhu vazhinji vanoisa chivimbo chikuru zvikuru mumari nepfuma kupfuura zvavanoita muna Mwari? Kuchirangarirwa nouyu murangariro, hakungatongogoni kuva nenzvimbo isakafanira zvikuru kupfuura kuratidzira kutaura kwokuti “In God We Trust” kupfuura pamari, kunyange zvazvo kutaura ikoko kuchioneka pamari yeU.S.
Mambo Soromoni, uyo asina kushaiwa zvipi nezvipi zvezvinhu zvakanaka izvo mari yaigona kutenga, akaziva kuti kuvimba nepfuma yokunyama hakutungamiriri kumufarwa unogarisa. (Muparidzi 5:12-15) Mari iri mubhangi inogona kurasika kupfurikidza nokubhuroka kwebhangi kana kuti nokuderera kwoukoshi hwemari. Zvinhu chaizvoizvo zvinogona kuparadzwa kupfurikidza namadutu akakomba. Inishuwarenzi, nepo ichitsiva murutivi kurasikirwa nezvinhu zvokunyama, haitongogoni kutsiva kurasikirwa mumirangariro. Mastock namabond zvinogona kuva zvisina maturo usiku humwe mukuderera kwakamwe kamwe kwemitengo. Kunyange basa rinobhadhara zvakanaka rinogona—nokuda kwechiverengero chipi nechipi chezvikonzero—kuvapo nhasi ndokuenda mangwana.
Nokuda kweizvi zvikonzero iye anovimba naJehovha anoona uchenjeri hwokuteerera nyevero yaJesu, inoti: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasine mbavha dzinopaza dzichiba.”—Mateo 6:19, 20.
Ipfungwai huru zvikuru yechengeteko nokunzwa kwomufarwa zvingagona kuvapo kupfuura kuziva kuti munhu akaisa chivimbo chake muna Mwari Wamasimba ose, uyo nguva dzose anogovera?—Pisarema 94:14; VaHebheru 13:5, 6.
Kugamuchira Tsiuro Youmwari
Zano, kunyange tsiuro, rinogamuchirwa apo rinopiwa nomudzimu worudo neshamwari yechokwadi. Yainzi shamwari yomubatiri waMwari Jobho yakambomuudza nenzira yokuzviruramisa, kuti: “Munhu, unorairwa naMwari, uno mufaro.” Kunyange zvazvo kutaura kwacho kuri kwechokwadi, izvo Erifazi akareva naaya mashoko—kuti Jobho akanga ane mhaka yechakaipa chakakomba—chakanga chisiri. ‘Munyaradzi anotambudza’ akadini! Apo, kunyanguvezvo, Jehovha akatsiura Jobho gare gare nenzira yorudo, Jobho akagamuchira nokuzvininipisa tsiuro yacho ndokuzviisa amene munzira yomufarwa mukuru zvikuru.—Jobho 5:17; 16:2; 42:6, 10-17.
Nhasi, Mwari haasati achitaura kuvabatiri vake zvakananga sezvaakaita kuna Jobho. Panzvimbo pezvo, iye anovatsiura kupfurikidza neShoko rake nesangano rake rinotungamirirwa nomudzimu. MaKristu anoronda fariro dzokudisa zvenyika, zvisinei, kazhinji kazhinji haana nguva, simba, kana kuti chido chokufunda Bhaibheri nguva dzose ndokupinda misangano yose sangano raJehovha rinogovera.
Munhu uyo Mwari anotsiura, mukuwirirana naZvirevo 3:11-18, anoziva uchenjeri hwokugamuchira tsiuro yakadaro: “Munhu, wawana uchenjeri, uno mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivheri; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; mumwe nomumwe unoubata uno mufaro.”
Kuva Akachena Naanoda Rugare
Jesu akarondedzera vanhu vanofara sa“vakachena pamwoyo” uye “vane rugare.” (Mateo 5:8, 9, NW) Asi munyika inokurudzira mararamire okudisa zvenyika, kuri nyore sei kuti zvishuvo zvoudyire, sezvinobvira kunyange zvakasviba, zvitange mumwoyo medu! Kana tisingatungamirirwi nouchenjeri hwoumwari, kuri nyore sei kuti isu titotsauswe ndokupinda mukutsvaka garikano yezvemari kupfurikidza nemitoo inopanikirika iyo ingaparadza ukama hune rugare navamwe! Pari pasina chikonzero, Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:10.
Rudo rwemari runosimudzira murangariro wokuzvitutumadza uyo unokurudzira kusagutsikana, kusaonga, uye makaro. Kuti adzivise mudzimu wakaipa wakadaro kukura, mamwe maKristu asati aita zvisarudzo zvemari zvikuru anozvibvunza amene mibvunzo yakadai: Ndinoida chaizvoizvo here? Ndinoda ichi chinotengwa chinodhura kana kuti iri basa rinobhadhara zvakanaka, rinopedza nguva kupfuura mamirioni avamwe vanhu anofanira kugara asinacho here? Zvichida ndingagona here kupedzera mari yangu kana kuti nguva mukukudza goverano yangu mukunamata kwechokwadi, mukutsigira basa rokuparidzira romunyika yose, kana kuti mukubetsera vanhu vakabudirira zvishoma kwandiri?
Kuratidza Tsungiriro
Mumwe wemiedzo iyo Jobho akamanikidzirwa kutsungirira wakanga uri urombo mune zvemari. (Jobho 1:14-17) Seizvo muenzaniso wake unoratidza, tsungiriro inodikanwa murutivi rwuri rwose rwoupenyu. Mamwe maKristu anofanira kutsungirira chitambudzo; mamwe, muedzo; mamwezve, migariro yezvemari isina kunaka. Asi tsungiriro yorudzi rwuri rwose ichatuswa naJehovha, seizvo mudzidzi wechiKristu Jakobho akanyora munongedzero kuna Jobho, kuti: “Tinoti vanofara avo vakatsungirira.”—Jakobho 5:11, NW.
Kuregeredza fariro dzomudzimu kuti tivandudze mugariro wedu wezvemari kungaunza sununguko yezvemari yechinguvana, asi kuchabetsera kuchengeta chiono chedu chakajeka chesununguko mune zvemari yechigarire muUmambo hwaMwari here? Ingozi yakafanira kutora here?—2 VaKorinte 4:18.
Kuwana Mufarwa Zvino uye Nokusingaperi
Vamwe vanhu sezvinooneka vanoramba murangariro waJehovha wechinoita kuti vanhu vafare. Vachifuratira betsero dzenguva refu dzinokosha zvikuru, ivo havaoni betsero yomunhu oga iri pedyo mukuita izvo Mwari anopa zano. Ivo vanokundikana kuziva kuti kuvimba nezvinhu zvokunyama hakuna maturo uye kunotungamirira kukangaidziko. Munyori weBhaibheri anobvunza nomazvo kuti: “Kana pfuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo unobatsirwei, asi kungoona nameso ake.” (Muparidzi 5:11; onawo Muparidzi 2:4-11; 7:12.) Fariro inokurumidza kunyangarika sei uye zvinhu zvataifunga kuti taifanira kuva nazvo zvinoguma zvava pasherufu zvichiita zvishomanene zvisingapfuuri kupedza nzvimbo nokuungana guruva!
MuKristu wechokwadi haasati achizotongozviregera amene achidzvinyirirwa kupinda muku‘wirirana navavakidzani’ mune zvokunyama. Iye anoziva kuti kukosha kwechokwadi kunoyerwa, kwete neicho munhu anacho, asi neizvo munhu ari. Hapana panikiro mundangariro yake pamusoro pechinodikanwa kufadza munhu—kufara zvirokwazvo: kufarikanya ukama hwakaisvonaka naJehovha nokuramba wakabatikana mubasa Rake.
[Mufananidzo uri papeji 20]
Zvinhu zvokunyama zvoga hazvigoni kutongounza mufarwa unogarisa
[Mufananidzo uri papeji 22]
Bhaibheri rinoti: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu”