RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/1 pp. 13-18
  • Iva Akanaka Mundangariro—Mugumo Wava Pedyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Akanaka Mundangariro—Mugumo Wava Pedyo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Kuri Kwokukurumidzira Kuva Akanaka Mundangariro
  • Chinoreva Kuva Akanaka Mundangariro
  • Kutitaviridza Kunoita Kunaka Kwendangariro
  • Tsvaka Betsero yaJehovha Mukuchengeta Kunaka Kwendangariro
  • “Kufunga Zvakanaka” Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Iva Nepfungwa Dzakanaka Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Sarudza Nokuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Funga Zvomudzimu Urarame!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/1 pp. 13-18

Iva Akanaka Mundangariro—Mugumo Wava Pedyo

“Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo; naizvozvo ivai [vakanaka mundangariro, NW], musvinure kuti munyengetere.”—1 PETRO 4:7.

1. (a) Kuodzwa mwoyo kwakadini uko mumwe mutungamiriri worudzidziso navateveri vake vakatambura? (b) Nemhaka yokuti kariro dzakati hadzina kuzadzikwa, mibvunzoi ingabvunzwa?

“NDAGAMUCHIRA danidzo yabva kuna Mwari mukati momunyengetero wokupedzisira wousiku huno. Ati vanhu 116 000 vaizokwira kudenga uye makuva avatendi vakafa vane mamirioni 3,7 achazarukira kudenga.” Akadaro mumwe mutungamiriri weMission for the Coming Days pausiku hwapamberi paOctober 28, 1992, zuva ravo rakaporofitwa rokuzvidavirira. Zvisinei, sezvo October 29 akasvika, hapana nomunhu mumwe akanga akwira kudenga, uye hakuna makuva avakafa akanga azarurwa. Panzvimbo pokutorwa nokukurumidza mukutorwa kwokudenga, vadaviri ivavo vezuva rokuguma kwenyika muKorea vakaona rimwe zuva richibuda. Nguva dzakatarwa dzezuva rokuguma kwenyika dzakasvika ndokupfuura, asi vatauri vezuva rokuguma kwenyika vanoramba vari vasingaori mwoyo. Chii icho maKristu anofanira kuita? Anofanira kurega kudavira kuti mugumo uri kusvika nokukurumidza here?

2. Ndiani akataura kuvaapostora nezvezuva romunguva yemberi rorutongeso, uye mumigariroi mavakadzidza nezvairori?

2 Kuti tipindure, ngatiyeuke nhambo apo Jesu akanga ari mukurukurirano yapachivande navadzidzi vake. Ikoko, muruwa rweKesaria Firipi, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweGungwa reGarirea, neGomo rakaisvonaka reHermoni richigovera kuseri kunoshamisa, vakamunzwa achitaura nenzira yakananga kuti iye aizourawa. (Mateo 16:21) Mamwe mashoko anokatyamadza akanga achizotevera. Pashure pokuvatsanangurira kuti kuva mudzidzi kunoreva kurarama upenyu hwokuzvibaira kwenguva dzose, Jesu akanyevera, kuti: “Mwanakomana womunhu uchauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo ucharipira mumwe nomumwe paakabata napo.” (Mateo 16:27) Jesu akataura nezvokuuya kwomunguva yemberi. Paiyi nhambo, zvisinei, iye aizova Mutongi. Panguva iyoyo chinhu chiri chose chaizotsamira pakuti aizowana munhu achimutevera nenzira yokutendeka here kana kuti kwete. Rutongeso rwaJesu rwaizovakirwa pamufambiro, pasinei zvapo nokuti munhu iyeyo angava kana kuti angasava nezvakawanda sei muzvinhu zvokunyika. Vadzidzi vake vaifanira kuchengeta iri idi zvakasimba mundangariro. (Mateo 16:25, 26) Nokudaro, ndiJesu Kristu amene uyo anoudza vateveri vake kukarira kuuya kwake kune mbiri, norutongeso rwako.

3. Jesu akaratidzira sei uchokwadi hwokuuya kwake kwomunguva yemberi?

3 Izvo Jesu anotevera kutaura zvinoratidzira uchokwadi hwokuuya kwake kwomunguva yemberi. Nenzira ine chiremera iye anoti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.” (Mateo 16:28) Aya mashoko anozadzikwa mazuva matanhatu gare gare. Chiono chakajeka chaJesu akashandurwa chitarisiko chinoshamisa vadzidzi vake vapedyo. Vanoona zvomenemene chiso chaJesu chichipenya sezuva uye zvipfeko zvake zvakachena nenzira inopenya. Kushandurwa chitarisiko kwakanga kuri kudeya kuonwa kwembiri yaKristu noUmambo. Kusimbiswa kunosimbaradza zvakadini kwouporofita hwoUmambo! Isundo ine simba zvakadini yokuti vadzidzi vave vakanaka mundangariro!—2 Petro 1:16-19.

Chikonzero Nei Kuri Kwokukurumidzira Kuva Akanaka Mundangariro

4. Neiko maKristu achifanira kuva akangwarira mumudzimu kukuuya kwake?

4 Risingasviki gore rimwe gare gare, tinowana Jesu akagara paGomo reMiorivhi, zvakare mukurukurirano yapachivande navadzidzi vake. Sezvavanotarira guta reJerusarema, iye anotsanangura kuti chiratidzo chokuvapo kwake kwomunguva yemberi chichava chipi uye ipapo anonyevera, kuti: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.” Vateveri vake vanofanira kungwarira nguva dzose nemhaka yokuti nguva yokuuya kwake haizivikanwi. Vanofanira kuva vakagadzirira nguva dzose nokuda kwayo.—Mateo 24:42.

5. Kudikanwa kwokusvinurira kunogona sei kuenzanisirwa?

5 Mumutoo wokuuya kwake, Ishe anofanana nembavha. Iye anopfuurira kuti: “Asi zivai izvi, kuti mwene weimba, dai aiziva nguva yokusvika kwembavha, ungadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe.” (Mateo 24:43) Mupazi haaiti chiziviso chokuzivisa saimba apo iye achauya; chombo chake chikuru ikatyamadzo. Naizvozvo, saimba anofanira kurinda nguva dzose. Zvisinei, nokuda kwomuKristu akatendeka, kusvinurira kwokusaneta hakusati kuri nemhaka yefunganyo ipi neipi yorutyo. Panzvimbo pezvo, kunosundwa nokukarirwa kwokudisa kwokuuya kwaKristu mumbiri kuti apinze Mireniyumu yorugare.

6. Neiko tichifanira kuva vakanaka mundangariro?

6 Pasinei zvapo nokurinda kwose, hapana munhu achazombofungidzira pachine nguva yemberi zuva chairoiro raanofanira kuuya. Jesu anoti: “Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingamutariri.” (Mateo 24:44) Nokudaro kune kudikanwa kwokunaka kwendangariro. Kana muKristu akafunga kuti pazuva rakati, Kristu aisazouya, zvichida ndiro ringava zuva rimene raanouya! Chokwadika, maKristu ane vavariro dzakanaka, akatendeka munguva yakapfuura akaedza zvapachokwadi kudeya kutaura apo mugumo waizouya. Bva, nyevero yaJesu yakabvumikiswa yabvumikiswazve kuva yechokwadi: “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.”—Mateo 24:36.

7. Kuti tive muteveri waKristu, tinofanira kurarama sei upenyu hwedu?

7 Chii, naizvozvo, chatinofanira kugumisa? Kuti kuti tive vateveri vaKristu, tinofanira kurarama tichidavira nguva dzose kuti mugumo wetsika ino yakaipa wava pedyo.

8. Chii chave chiri chiratidzo chamaKristu chifo chamazuva apakuvamba zvikurusa echiKristu?

8 Chimiro chendangariro chakadaro nguva dzose chave chiri chiratidzo chamaKristu, sokuziva kunoita vezvenhau venyika nenyanzvi dzeBhaibheri. Somuenzaniso, vapepeti veThe Translator’s New Testament, pasi peshoko rokuti “Zuva” mundaza yavo yamashoko, vanoti: “MaKristu omunguva dzeT[estamente] I[tsva] airarama achikarira Zuva (ndiko kuti nguva) apo nyika yazvino nezvakaipa zvayo zvose nouipi zvaizogumiswa uye Jesu aizodzokera kupasi kuti atonge rudzi rwose rwomunhu, kutanga nguva itsva yorugare ndokuvamba kuva Ishe kwake panyika yose.” Encyclopædia Britannica inoti: “Kukura munyika yose kwechienzi kwechiKristu kune chokuita zvakananga nekariro yechiKristu yenguva yomugumo, muchimiro chekariro iri pedyo yokudzoka kwaKristu. Kariro yechiKristu yenguva yomugumo yakanga isina kutongoumbwa nechishuvowo zvacho chokuuya kwoUmambo hwaMwari.”

Chinoreva Kuva Akanaka Mundangariro

9. Kunyange zvazvo dzimwe dzekariro dzaPetro pamusoro paMesia dzakanga dzisina kururama, neiko aigona kuramba ane chivimbo?

9 Muapostora Petro, makore 30 pashure pekurukurirano dzapedyo idzodzo idzo Jesu akava nadzo navadzidzi vake vapedyosa, haana kuneta kumirira kuti mugumo uuye. Kunyange zvazvo kariro dzapakutanga dzake nedzavadzidzi biyake vake pamusoro paMesia dzakanga dzisina kururama, iye akaramba aine chivimbo chokuti rudo rwaJehovha nesimba zvaivimbisa kuzadzikwa kwetariro yavo. (Ruka 19:11; 24:21; Mabasa 1:6; 2 Petro 3:9, 10) Iye anotaura pfundo rinonzwika nguva dzose muMagwaro echiGiriki apo iye anoti: “Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo.” Ipapo anokurudzira maKristu biyake, kuti: “Naizvozvo ivai [vakanaka mundangariro, NW], musvinure kuti munyengetere.”—1 Petro 4:7.

10. (a) Kuva akanaka mundangariro kunorevei? (b) Chii chinobatanidzwa mukuona zvinhu mukuwirirana kwazvo kwakafanira nokuda kwaMwari?

10 Kuva “akanaka mundangariro” hakusati kuchireva kuva akachenjera mumurangariro wenyika. Jehovha anoti: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera, ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” (1 VaKorinte 1:19) Shoko iro Petro anoshandisa rinogona kureva “kuva nendangariro yakaterama.” Uku kuterama kwomudzimu kwakabatanidzwa nokunamata kwedu. Naizvozvo, tichiva vakatsiga mundangariro, tinoona zvinhu mukuwirirana kwazvo kwakakodzera nokuda kwaJehovha; tinonzwisisa kuti zvinhu zvipi zvinokosha uye kuti ndezvipi zvisati. (Mateo 6:33, 34) Pasinei zvapo nomugumo wava pedyo, hatikukurwi namararamire oupengo; uyewo hatisi vasingaitiri hanya nhambo yenguva yatiri kurarama mairi. (Enzanisa naMateo 24:37-39.) Panzvimbo pezvo, tinotongwa nokuva nomwero nedzikamo mumufungo, chimiro chendangariro, uye mufambiro, unoratidzirwa kutanga kuna Mwari (“musvinure kuti munyengetere”) uye ipapo kumuvakidzani wedu (“danai norudo rukuru”).—1 Petro 4:7, 8.

11. (a) Ku“itwa vatsva musimba rinosunda ndangariro” yedu kunorevei? (b) Simba idzva rendangariro rinotibetsera sei kuita zvisarudzo zvakanaka?

11 Kuva akanaka mundangariro kunobatanidza kuva kwedu ta“kaitwa vatsva musimba rinosunda ndangariro” yedu. (VaEfeso 4:23, NW) Kuitirwei vatsva? Sezvo takagara nhaka kusakwana uye tichigara mumhoteredzo dzinotadza, ndangariro yedu inodzorwa nekombamiro inorwisana noumudzimu. Simba iroro rinosunda nguva dzose mifungo nekombamiro murutivi rwokudisa zvenyika, rwoudyire. Nokudaro, apo mumwe munhu anova muKristu, anoda simba idzva, kana kuti chimiro chendangariro chikuru, icho chichasundira mifungo yake murutivi rwakarurama, rutivi rwomudzimu, kukudisa kuzvibaira. Nokudaro, apo chisarudzo chinopiwa, somuenzaniso, mudzidzo, basa, mushando, varaidzo, nhandaro, mupfekero, kana kuti chipi kana chipi chachingava, kombamiro yake yokutanga ichava kurangarira nhau yacho mumurangariro womudzimu panzvimbo powokunyama, woudyire. Ichi chimiro chitsva chendangariro chinoita kuti kuve nyore zvikuru kusarudza zvinhu nokunaka kwendangariro uye nokuziva kuti mugumo wava pedyo.

12. Tinogona sei kuramba ta“kanaka mukutenda”?

12 Kuva akanaka mundangariro kunoreva kuti tine utano hwomudzimu hwakanaka. Tinogona sei kuramba tiri “vakanaka mukutenda”? (Tito 2:2, NW) Tinofanira kudyisa ndangariro yedu norudzi rwakarurama rwezvokudya. (Jeremia 3:15) Zvokudya zvakadzikama zveShoko raMwari rezvokwadi zvinotsigirwa nokushanda kwomudzimu mutsvene wake zvichatibatsira kuchengeta dzikamo yedu yomudzimu. Naizvozvo, kuva wenguva dzose mufundo yomunhu oga, pamwe chete nebasa romumunda, munyengetero, uye songaniro yechiKristu, kunokosha.

Kutitaviridza Kunoita Kunaka Kwendangariro

13. Kunaka kwendangariro kunotitaviridza sei mukuita zvikanganiso zvoupenzi?

13 Kunaka kwendangariro kunogona kutitaviridza mukuita chikanganiso choupenzi icho chingagona kuparira kurasikirwa kwedu noupenyu husingaperi. Ikoku kunobvira sei? Muapostora Pauro anotaura nezvo“murairo womurangariro.” Nokuda kwomunhu akanaka mukutenda, murairo iwoyo wendangariro unodzorwa nechimwe chinhu chaanofarira, ndiko kuti “murairo waMwari.” Chokwadi, “murairo wezvivi” unorwisana nomurairo wendangariro. Zvisinei, muKristu anogona kukunda nebetsero yaJehovha.—VaRoma 7:21-25.

14, 15. (a) Ipesvedzeroi mbiri dzinorwisa kudzora ndangariro? (b) Tinogona sei kuwina hondo yendangariro?

14 Pauro anopfuurira kupfurikidza nokuita musiano mukuru pakati pendangariro inodzorwa nenyama inotadza, ine pfundo guru riri paupenyu hwokuzvigutsa, uye ndangariro inodzorwa nomudzimu waMwari, ine pfundo guru riri paupenyu hwokuzvibaira mubasa kuna Jehovha. Pauro anonyora pana VaRoma 8:5-7, kuti: “Vari venyama vanofunga zvenyama: asi vari vo[mudzimu, NW], vanofunga zvo[mudzimu, NW]. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwo[mudzimu, NW] ndihwo upenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoniwo.”

15 Pauro, VaR 8 mundima 11, ipapo anotsanangura kuti ndangariro inobatira pamwe nomudzimu mutsvene inokunda sei hondo yacho: “Zvino kana [mudzimu, NW] waiyeyo wakamutsa Jesu kuvakafa uchigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa miviri yenyu inofa no[mudzimu, NW] wake, anogara mukati menyu.”

16. Kunaka kwendangariro kunotidzivirira pazvinonyengera zvipi?

16 Naizvozvo, kupfurikidza nokuva vakanaka mundangariro, hatisati tichizonyengerwa nezvinonyengera zviri kunzvimbo iri yose zvenyika ino, izvo zvinoratidzirwa nokuzvigutsa kukuru mumarudzi ose emifarwa, zvinhu zvokunyama, uye mufambiro wakaipa wevatano. Ndangariro yedu yakanaka ichatiudza ku“tiza upombwe” ndokupukunyuka miuyo yahwo ine ngwavaira. (1 VaKorinte 6:18) Chimiro chedu chendangariro chakanaka chichatisunda kuisa fariro dzoUmambo pakutanga uye chicharinda kufunga apo tinoedzwa nezvikarakadzo zvebasa rokunyika iro ringanetesa ukama hwedu naJehovha.

17. Imwe hanzvadzi piona yakaratidza sei kunaka kwendangariro payakanangana nemisengwa yezvemari?

17 Somuenzaniso, mune imwe nyika iri munzvimbo dzinopisa dzapasi muSoutheast Asia, mune hanzvadzi duku iyo yakachengeta fariro dzoUmambo dziri pakutanga mundangariro. Iyo yakanga yasakurira rudo rwebasa renguva yakazara. Munyika iyoyo mabasa mazhinjisa anoda mazuva matanhatu kana kuti manomwe ebasa renguva yakazara. Pashure pokunge yapedza kufunda payunivhesiti, baba vayo, avo vakanga vasati vari mumwe weZvapupu zvaJehovha, vaiikarira kuwanira mhuri mari yakawanda. Asi sezvo iyo yakanga ine chishuvo chakasimba chokupayona, yakawana basa renguva isina kuzara ndokutanga basa roupiona. Ikoku kwakatsamwisa baba vayo, avo vakatyisidzira kukandira zvinhu zvayo mumugwagwa. Nemhaka yokubhejera, ivo vakanga vane zvikwereti zvikuru, uye vaikarira mwanasikana wavo kuripira zvikwereti zvavo. Hanzvadzi yayo duku yakanga iri kufunda payunivhesiti, uye nemhaka yezvikwereti, pakanga pasina mari yokuripira mari yokudzidza. Hanzvadzi duku yacho yakavimbisa kuti kana iyo ikaibetsera, iyo yaizotarisira mhuri apo inenge yawana basa. Mwoyo wayo wakakamuraniswa pakati porudo rwayo nokuda kwehanzvadzi yayo norudo rwayo nokuda kwebasa roupiona. Pashure pokusanorangarira nhau yacho, iyo yakasarudza kupfuurira kupayona ndokutsvaka basa rakasiana. Mumhinduro kuminyengetero yayo, iyo yakawana basa rakanaka uko yakanga ichikwanisa kwete bedzi kuyamura mhuri yayo nehanzvadzi yayo mune zvemari asiwo kupfuurira norudo rwayo rwokutanga, basa roupiona.

Tsvaka Betsero yaJehovha Mukuchengeta Kunaka Kwendangariro

18. (a) Neiko vamwe vanhu vanganzwa vaora mwoyo? (b) Magwaroi anganyaradza avo vakaora mwoyo?

18 Vamwe vateveri vaKristu vangave vari kukuwana kwakaoma kuchengeta kunaka kwendangariro yavo. Shiviriro yavo ingave iri kuderera nemhaka yokuti tsika ino yakaipa yezvinhu iri kugara nguva refu kupfuura zvavaikarira. Vanganzwa vachiodzwa mwoyo pamusoro pako. Zvisinei, mugumo uchauya. Jehovha anopikira izvozvo. (Tito 1:2) Uye ndizvo zvichaitawo Paradhiso yake yapasi yakapikirwa. Jehovha anoivimbisa. (Zvakazarurwa 21:1-5) Apo nyika itsva inouya, kuchava no“muti woupenyu” nokuda kwavose avo vakachengeta kunaka kwendangariro yavo.—Zvirevo 13:12.

19. Kunaka kwendangariro kunogona sei kuchengetwa?

19 Tinogona sei kuchengeta kunaka kwendangariro? Tsvaka betsero yaJehovha. (Pisarema 54:4) Gara pedyo naye. Tinofara sei kuti Jehovha anoshuva kuva pedyo kwedu! “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi,” anonyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 4:8, NW) Pauro anoti: “Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzivikanwe navanhu vose. Ishe uri pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:4-7) Uye apo mitwaro yetsika ino iri kufa yezvinhu inoratidzika kuva yakakura zvikuru zvokusagona kutakurazve, ikandire pana Jehovha, uye iye amene achakutsigira.—Pisarema 55:22.

20. Tinofanira kupfuurira munzirai, mukuwirirana na 1 Timotio 4:10?

20 Hungu, mugumo wava pedyo, naizvozvo iva akanaka mundangariro! Rakanga riri zano rakanaka makore 1 900 akapfuura; izano rinokosha nhasi. Ngatipfuurire kushandisa mano edu akanaka endangariro kuti tirumbidze Jehovha sezvo anopfuurira kutitungamirira zvakakotsekana kuti tipinde munyika itsva yake.—1 Timotio 4:10.

Waizopindura Sei?

◻ Chii chiri kunaka kwendangariro?

◻ Neiko kuchikosha kwazvo kuva akanaka mundangariro?

◻ Tinogona sei kuitwa vatsva musimba rinosunda ndangariro yedu?

◻ Ihondoi yenguva dzose yatinofanira kurwa mundangariro dzedu?

◻ Tinochengeta sei kunaka kwendangariro?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuswedera pedyo naMwari mumunyengetero kunotibetsera kuchengeta kunaka kwendangariro

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tichiva vakanaka mundangariro, hatisati tichizonyengerwa nezvinonyengera zvenyika ino

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe