Kusakurira Hunhu Hutsva Muroorano
“Munofanira kuvandudzwa musimba rinonyandura ndangariro yenyu, uye munofanira kupfeka hunhu hutsva.”—VAEFESO 4:23, 24, NW.
1. Neiko roorano isingafaniri kurerutswa?
ROORANO ndiimwe yenhano dzakakomba zvikurusa iyo munhu anoita muupenyu, naizvozvo haitongofaniri kurerutswa. Neiko kwakadaro? Nemhaka yokuti inoda musengwa woupenyu hwose kune mumwe munhu. Inoreva kugoveranwa kwoupenyu hwose hwomunhu nomunhu iyeyo. Chisarudzo chakakwana chinodikanwa kana musengwa iwoyo uchizova wakasimba. Inorairawo pesvedzero yakanaka ‘inonyandura ndangariro uye naizvozvo inoumba hunhu hutsva.’—VaEfeso 4:23, 24; enzanisa naGenesi 24:10-58; Mateo 19:5, 6.
2, 3. (a) Chii chinodikanwa kusarudza mukwanyina weroorano nenzira yokuchenjera? (b) Chii chinobatanidzwa muroorano?
2 Pane chikonzero chakanaka chokusamhanyira muroorano, kupesvedzerwa nechishuvo chine simba chenyama. Nguva inodikanwa yokuti hunhu hwomukuru nechimiro zvikure. Nenguva panovawo noruzivo rwokuzviwanira uye zivo iyo inogona kubatira sohwaro hwechisarudzo chakanaka. Ipapo, kusarudza mukwanyina woupenyu anotsinhirana kungava nomwero mukuru zvikuru webudiriro. Chirevo chechiSpanish chinokutaura zvakajeka: “Zviri nani kufamba uri woga pane kuroora zvakashata.”—Zvirevo 21:9; Muparidzi 5:2.
3 Kusarudza mukwanyina akarurama sezvinooneka kunokosha kuroorano inobudirira. Nokuda kwaikoko muKristu anofanira kushandisa nhungamiro dzeBhaibheri, kwete kutungamirirwa chete nekwezvo yomuviri uye dzvinyiriro dzisakafanira dzemirangariro nedzorudo. Roorano inopfuura zvikuru kubatanidzwa kwemiviri miviri. Kubatanidzwa pamwe chete kwohunhu huviri, mhuri mbiri uye migariro yekare yedzidzo, sezvinobvira tsika mbiri uye mitauro. Kubatanidzwa kwavanhu vaviri muroorano zvamazvirokwazvo kunoraira kushandiswa kwakafanira kwendimi mbiri; dzine simba rokutaura, zvimwe tinoputsanya kana kuti tinovaka. Kubva muna ikoku kwose, tinoonawo uchenjeri hwezano raPauro roku‘roora bedzi munaShe,’ ndiko kuti, mutendi biyako.—1 VaKorinte 7:39; Genesi 24:1-4; Zvirevo 12:18; 16:24.
Kunangana Nenhamo Dzeroorano
4. Neiko rwisano nenyanduko pane dzimwe nguva zvichimuka muroorano?
4 Kunyange nohwaro hwakanaka, pachava nenguva yerwisano, dzvinyiriro, uye nyanduko. Izvozvi ndezvomuzvarirwo nokuda kwomunhu upi noupi, angave akaroora kana kuti asina. Zvinetso zvemari nezvoutano zvinogona kuparira nhamo muukama hupi nohupi. Chinjo dzechimiro chendangariro dzinogona kutungamirira kubonderano dzohunhu mudzakanakisisa dzeroorano. Chimwe chinhu ndechokuti hapana munhu ano udzori hwakakwana hworurimi, seizvo Jakobho akataura, kuti: “Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wosewo. . . . Saizvozvowo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, mwoto muduku unotungidza huni zhinji sei!”—Jakobho 3:2, 5.
5, 6. (a) Chii chinodikanwa apo kusanzwisisana kunomuka? (b) Chiitoi chingada kuitwa kuporesa chikanganiso?
5 Apo dzvinyiriro dzinomuka muroorano, tinogona sei kudzora mugariro wacho? Tinogona sei kudzivisa kusanzwisisa zvakarurama kukura kuva gakava uye gakava kupinda muukama hwakaputsika? Apa ndipo apo simba rinonyandura ndangariro rinova netapuro. Uyu mudzimu unosunda unogona kuva wakanaka kana kuti zvichida wakashata, unovaka uye une kombamiro yomudzimu kana kuti unoshatsa, unotungamirirwa nekombamiro dzokunyama. Kana uchivaka, munhu wacho achaita chimwe chinhu kuporesa chikanganiso, kuchengeta roorano yake iri mugwara rakarurama. Nharo nokusabvumirana hazvifaniri kugumisa roorano. Mugariro wacho unogona kugumiswa uye kuremekedzana nokunzwisisana kudzorerwa kupfurikidza nokushandisa zano reBhaibheri.—VaRoma 14:19; VaEfeso 4:23, 26, 27.
6 Muiyi migariro mashoko aPauro akakodzera zvikuru, anoti: “Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:12-14.
7. Chinetsoi icho vamwe vangava nacho muroorano yavo?
7 Rugwaro irworwo rwuri nyore kurava, asi mudzvinyiriro youpenyu hwazvino uno, harwugarovi nyore kwazvo kushandisa. Chii chingava chinetso chikuru? Pane dzimwe nguva, asingazivi, muKristu angararama nemipimo miviri. PaHoro yoUmambo, iye ari pakati pehama, uye anoita nomutsa rangariro. Ipapo, kumba, mumuitiro wenguva dzose wapamba, angakombamira kukanganwa ukama hwake hwomudzimu. Ikoko ndiye murume nomudzimai chete, “iye” na“ye.” Uye mudzvinyiriro murume (kana kuti mudzimai) angaguma otaura zvinhu zvisina mutsa zvaisazotongotaurwa muHoro yoUmambo. Chii chaitika? Kwechinguvana, uKristu hwanyangarika. Mubatiri waMwari akanganwa kuti iye (kana kuti mudzimai) achiri hama (kana kuti hanzvadzi) yechiKristu pamusha. Simba rinonyandura ndangariro rava rakaipa panzvimbo pokuva rakanaka.—Jakobho 1:22-25.
8. Chii chinogona kuvapo apo simba rinonyandura ndangariro rinenge rakaipa?
8 Chii chiri muuyo? Murume angarega ku‘gara nomudzimai wake mukuwirirana nezivo, achimupa ruremekedzo somudziyo une simba duku, munhukadzi.’ Mudzimai angava asingacharemekedzi murume wake; “mudzimu wakanyarara nomunyoro” wake warasika. Simba rinonyandura ndangariro rava renyama panzvimbo peromudzimu. “Kufunga kwenyama” kwadzora. Naizvozvo, chii chinogona kuitwa kuchengeta simba iroro rinosunda riri romudzimu uye rakanaka? Tinofanira kusimbisa umudzimu hwedu.—1 Petro 3:1-4, 7, NW; VaKorose 2:18.
Simbisa Simba
9. Zvisarudzoi zvatinofanira kuita muupenyu hwezuva nezuva?
9 Simba rinosunda ikombamiro yendangariro inoshanda apo tinofanira kuita zvisarudzo uye zvido. Upenyu hunopa nhevedzano yenguva dzose yezvisarudzo—zvakanaka kana kuti zvakaipa, zvoudyire kana kuti zvisiri zvoudyire, zvetsika kana kuti zvoutere. Chii chichatibetsera kuita zvisarudzo zvakarurama? Simba rinonyandura ndangariro kana rakanangidzirwa pakuita kuda kwaJehovha. Wezvamapisarema akanyengetera, kuti: “Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; ndigoichengeta kusvikira pakuguma.”—Pisarema 119:33; Ezekieri 18:31; VaRoma 12:2.
10. Tinogona sei kusimbisa nenzira yakanaka simba rinonyandura ndangariro?
10 Ukama hwakasimba naJehovha huchatibetsera kumufadza uye kubva pachiri chakashata, kubatanidza kusatendeseka muroorano. Israeri akakurudzirwa ku“ita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari” wavo. Asi Mwari akapawo zano, kuti: “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.” Nemhaka yowechinomwe weMirairo ine Gumi, unoti: “Usaita upombwe,” vaIsraeri vaifanira kuvenga upombwe. Murairo iwowo wakaratidza murangariro waMwari worumano wokutendeka muroorano.—Dheuteronomio 12:28; Pisarema 97:10; Eksodho 20:14; Revhitiko 20:10.
11. Tinogona sei kusimbisazve simba rinonyandura ndangariro dzedu?
11 Tinogona sei kusimbisazve simba rinonyandura ndangariro? Kupfurikidza nokuonga mibato yomudzimu nezvinokosha. Ikoko kunoreva kuti tinofanira kusvitsa chinodikanwa chokufunda Shoko raMwari nguva dzose uye kudzidza kufarira kukurukura pamwe chete mifungo yaJehovha nezano. Mirangariro yedu yomwoyo wose inofanira kufanana neiyo yowezvamapisarema: “Ndakakutsvakai nomwoyo wangu wose; musanditendera kutsauka pamirairo yenyu. Shoko renyu ndakariviga mumwoyo wangu, kuti ndirege kukutadzirai. Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; ndigoichengeta kusvikira pakuguma. Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; zvirokwazvo, ndichauchengeta nomwoyo wangu wose.”—Pisarema 119:10, 11, 33, 34.
12. Zvinhui zvinogona kutibatanidza mukuratidzira ndangariro yaKristu?
12 Rudzi urwu rwokuonga nheyo dzakarurama dzaJehovha rwunochengetwa kwete bedzi nokufunda Bhaibheri asiwo kupfurikidza nokugoverana nguva dzose mumisangano yechiKristu uye kupfurikidza nokupinda muushumiri hwechiKristu pamwe chete. Idzi pesvedzero mbiri dzakasimba dzinogona kusimbisa nguva dzose simba rinonyandura ndangariro dzedu zvokuti tinogona nguva dzose kuita zvisarudzo zvisina udyire zvinoratidzira ndangariro yaKristu.—VaRoma 15:5; 1 VaKorinte 2:16.
13. (a) Neiko munyengetero chiri chinhu chinokosha mukusimbisa simba rinonyandura ndangariro? (b) Muenzanisoi uyo Jesu akagadza muna ikoku?
13 Chimwe chinhu ndiicho Pauro anosimbisa mutsamba yake kuvaEfeso: “Nechimiro chiri chose chomunyengetero neteterero . . . pfuurirai kunyengetera panhambo iri yose mumudzimu.” (VaEfeso 6:18, NW) Varume navadzimai vanofanira kunyengetera pamwe chete. Kazhinji kazhinji minyengetero iyoyo inozarura mwoyo ndokutungamirira kukurukurirano dzechokwadi dzinogadzira chikanganiso chipi nechipi. Munguva dzechiedzo nomuedzo, tinofanira kutendeukira kuna Mwari mumunyengetero, tichikumbira betsero, nokuda kwesimba romudzimu rokuita chiri mubvumirano nendangariro yaKristu. Kunyange Jesu akakwana akatendeukira kuna Baba vake mumunyengetero panguva dzakawanda, achikumbira simba. Minyengetero yake yaiva yomwoyo wose neyakakomba. Nenzira yakafanana nhasi, munguva dzomuedzo, tinogona kuwana simba rokuita chisarudzo chakarurama kupfurikidza nokudana pana Jehovha kuti atibetsere kudzivisa chishuvo chokutera kunyama ndokusava akavimbika kumhiko yeroorano.—Pisarema 119:101, 102.
Kusianisa Mienzaniso Yomufambiro
14, 15. (a) Josefa akaita sei kumuedzo? (b) Chii chakabetsera Josefa kudzivisa muedzo?
14 Tinogona sei kunangana nomuedzo? Muna ikoku tine musiano wakajeka pakati penzira yakatorwa naJosefa uye naDhavhidhi. Apo mudzimai waPotifari akaramba achiedza kunyengera Josefa akanaka, uyo sezviri pachena akanga asina kuroora panguva yacho, iye pakupedzisira akamupindura nokutaura, kuti: “Hakuno mukuru kwandiri paimba ino; haana [murume wenyu] kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”—Genesi 39:6-9.
15 Chii chakabetsera Josefa kutora nzira yakarurama apo kungadai kwakava kuri nyore kwazvo kutera? Aiva nesimba rinonyandura ndangariro yake. Iye aiziva zvikuru nezvoukama hwake naJehovha. Iye aiziva kuti kuita ufeve nouyu mukadzi aiva norudo rwusina mufungo kwaizova zvomenemene chivi kwete bedzi kumurume wake asi, zvinokosha zvikuru, kuna Mwari.—Genesi 39:12.
16. Dhavhidhi akaita sei kumuedzo?
16 Mukusiana, chii chakaitika kuna Dhavhidhi? Aiva murume akaroora, ane vakadzi vanoverengeka sezvaibvumidzwa noMutemo. Mamwe manheru ari pamuzinda wake akacherechedza mukadzi aishamba. Akanga ari Bhati-shebha akaisvonaka, mudzimai waUria. Nenzira yakajeka Dhavhidhi aiva nechisarudzo chechiito—kuramba akatarira apo ruchiva rwaikura mumwoyo wake kana kuti kutenderuka ndokuramba muedzo. Iye akasarudza kuitei? Akaita kuti iye aunzwe kumuzinda wake, uye akaita upombwe naye. Zvakatoipa zvikuru, akapfuurira kuparira rufu rwomurume wake.—2 Samueri 11:2-4, 12-27.
17. Tinogona kugumisei pamusoro pomugariro womudzimu waDhavhidhi?
17 Chii chaiva chinetso chaDhavhidhi? Kubva mureururo yake yokupfidza gare gare muPisarema 51, tinogona kuwana maidi. Iye akati: “Sikai mandiri kunyange mwoyo wakachena, Haiwa Mwari, uye isai mukati mangu mudzimu mutsva, wakasimba.” Kuri pachena kuti panguva yomuedzo wake, akanga asina mudzimu wakachena uye wakatsiga. Zvichida akanga aregeredza kurava kwake Mutemo waJehovha, uye somuuyo, umudzimu hwake hwakaneta. Kana kuti angave akabvumira nzvimbo yake nesimba samambo kushatisa kufunga kwake zvokuti akava nyajambwa kuruchiva rwakashata. Zvamazvirokwazvo, simba rinonyandura ndangariro yake panguva iyoyo rakanga riri roudyire uye rine chivi. Nokudaro, akasvika pakuziva kuda kwake “mudzimu mutsva, wakasimba.”—Pisarema 51:10, NW; Dheuteronomio 17:18-20.
18. Izanoi iro Jesu akapa pamusoro poupombwe?
18 Dzimwe roorano dzechiKristu dzakaparadzwa nemhaka yokuti mumwe kana kuti vakwanyina vose vari vaviri vakazvibvumira vamene kuwira mumugariro wokuneta mumudzimu wakafanana nowaMambo Dhavhidhi. Muenzaniso wake unofanira kutinyevera kudzivisa kuramba takatarira mumwe mukadzi, kana kuti murume, noruchiva, nokuti upombwe hungaitika pakupedzisira. Jesu akaratidza kuti iye akanzwisisa mirangariro yavanhu muna ikoku, nokuti akati: “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.” Muchinoitika chakadaro, simba rinonyandura ndangariro rine udyire uye nderenyama, kwete romudzimu. Chii, ipapoka, icho maKristu anogona kuita kudzivisa upombwe ndokuchengeta roorano dzawo dzichifara uye dzichigutsa?—Mateo 5:27, 28.
Simbisa Chisungo Cheroorano
19. Roorano inogona sei kusimbiswa?
19 Mambo Soromoni akanyora, kuti: “Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.” Zvamazvirokwazvo, vaviri vari muroorano ine tsinhirano vanogona kumira pamwe chete munhamo zviri nani kupfuura mumwe. Asi kana chisungo chavo chakafanana nerwonzi rwakakoshwa mutatu kupfurikidza nokuva naMwari mairi, roorano ichasimba. Uye Mwari anogona sei kuva muroorano? Kupfurikidza nokushandisa kwavanyakuroorana nheyo dzake uye zano nokuda kweroorano.—Muparidzi 4:12.
20. Izanoi reBhaibheri rinogona kubetsera murume?
20 Zvirokwazvo, kana murume achishandisa zano ramagwaro anotevera, roorano yake ichava nohwaro huri nani hwokubudirira:
“Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.”—1 Petro 3:7.
“Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo; saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida.”—VaEfeso 5:25, 28.
“Nomurume wakewo unomurumbidza, achiti: Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”—Zvirevo 31:28, 29.
“Kana munhu ungatsika mazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndizvo zvakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake; aninani unomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa. Unoita upombwe . . . Unoda kuparadza upenyu hwake ndiye unoita izvozvo.”—Zvirevo 6:28, 29, 32.
21. Izanoi reBhaibheri rinogona kubetsera mudzimai?
21 Kana mudzimai akapa ngwariro kunheyo dzeBhaibheri dzinotevera, kuchabetsera kukugarisa kweroorano yake:
“Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasine shoko rinorehwa, kana vachiona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari [uye womudzimu wenyu, NW] munyoro wakanyarara.”—1 Petro 3:1-4.
“Murume ngaape mukadzi zvakafanira [vatano]; nomukadzi ngaadarowo kumurume. . . . Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana.”—1 VaKorinte 7:3-5.
22. (a) Ndizvimwe zvinhui zvinogona kutapura roorano zvachose? (b) Jehovha anorangarira sei chatanuro?
22 Bhaibheri rinoratidzawo kuti rudo, mutsa, kunzwira urombo, shiviriro, kunzwisisa, kurudziro, uye rumbidzo zvimwe zvinhu zvinokosha zvechinokosha cheroorano. Roorano isinazvo yakafanana nomuti usina chiedza chezuva uye mvura—hauwanzotumbuka. Naizvozvo simba rinonyandura ndangariro dzedu ngaritisunde kukurudzira uye kuzorodza mumwe nomumwe muroorano yedu. Yeukai kuti Jehovha ‘anovenga chatanuro.’ Kana rudo rwechiKristu rwuri kushandiswa, hapafaniri kuva nebviro youpombwe nokuputsika kweroorano. Neiko? “Nemhaka yokuti rudo harutongokundikani.”—Maraki 2:16; 1 VaKorinte 13:4-8; VaEfeso 5:3-5.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chinokosha kuroorano inofadza?
◻ Simba rinonyandura ndangariro rinogona sei kutapura roorano?
◻ Chii chatinogona kuita kusimbisa simba rinonyandura ndangariro dzedu?
◻ Josefa naDhavhidhi vakasiana sei apo vaiva mumuedzo?
◻ Izanoi reBhaibheri richabetsera varume navadzimai kusimbisa chisungo cheroorano?
[Mifananidzo iri papeji 18]
Tinorarama nemipimo miviri yomufambiro here—vane mutsa muungano uye vane hasha pamusha?