RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 1/1 pp. 9-18
  • Kufarira Musiki Wedu Mukuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira Musiki Wedu Mukuru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Kukukurumidzisa’
  • Kutarisira Kumwe Kukura
  • Maawa Ane Bhirioni Imwe!
  • Gadziriro Huru Yokuvaka
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 1/1 pp. 9-18

Kufarira Musiki Wedu Mukuru

“Israeri ngaafarire kwazvo musiki wake; vana veZioni ngavave nomufaro naMambo wavo.”—PISAREMA 149:2.

1. Pasinei zvapo nedanidzo dzo“rusununguko pakupedzisira,” chii chiri mugariro chaiwoiwo worudzi rwomunhu?

NYIKA yanhasi inorwadziwa na“marwadzo enhamo.” Ikoko ndiko kutaura uko Jesu akashandisa muuporofita hwake pamusoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu,” nhambo ine ngwavaira iyo yakavamba nehondo yenyika yokutanga muna 1914. (Mateo 24:3-8, NW) Vezvamatongerwe enyika vakawanda havaoni chinhu asi rusuruvaro nokuda kwenguva yemberi. Pasinei zvapo nedanidzo dzo“rusununguko pakupedzisira” muEastern Europe, aichimbova purezidhendi munharaunda iyoyo akapeta mugariro wacho apo iye akati: “Kuwandisa kwechiverengero chavagari vapasi nokudziya kwapasi, mwena muozone uye AIDS, tyisidziro yougandanga hwenyukireya nomukaha unofara zvinoshamisa pakati penyika dzokuchamhembe dzakapfuma nenyika dzokumaodzanyemba dzine urombo, ngozi yenzara, kupera kwenzvimbo inogara zvipenyu namanyuko ezvinocherwa zvapasi, kukura kwetsika dzinotsigirwa neterevhizheni uye tyisidziro inokura yehondo dzomunharaunda—zvose izvozvi, zvichibatanidzwa nezviuru zvezvimwe zvinhu, zvinomirira tyisidziro huru kurudzi rwomunhu.” Hakuna simba romunhu rinogona kubvisa iyi tyisidziro yengwavaira inourayisa.—Jeremia 10:23.

2. Ndiani ane mhinduro yechigarire kuzvinetso zvorudzi rwomunhu, uye inhanoi yakatoitwa?

2 Tinogona kufara, zvisinei, kuti Musiki wedu Mukuru ane mushonga wechigarire. Muuporofita hwaJesu “mhedziso yetsika yezvinhu” yakabatanidzwa no“kuvapo” kwake kusingaoneki. (Mateo 24:3, 37-39, NW) Kuti asike “matenga matsva,” Jehovha akaisa Jesu pachigaro chake choumambo saMambo wouMesia, ufakazi hwouporofita huchiratidza kuti ichi chinoitika chinokosha chakaitika mumatenga mugore ra 1914.a (2 Petro 3:13, NW) Somutongi pamwe naChangamire Ishe Jehovha, Jesu zvino anotumwa kundotonga marudzi nokuparadzanisa vanhu vanyoro, vakafanana namakwai vapasi vachibva mune vakafanana nembudzi vakaoma musoro. “Mbudzi” dzisina umwari dzinoratidzirwa nokuda kwo“kugurwa kusingaperi” uye “makwai” nokuda kwoupenyu husingaperi munzvimbo yapasi yoUmambo.—Mateo 25:31-34, 46, NW.

3. Chisakisoi chine maKristu echokwadi chokufara?

3 Vakasarira vaIsraeri womudzimu pasi pano, vakakumbanirwa zvino neboka guru raaya makwai anoteerera, vane chikonzero chiri chose chokuva vanofarira Jehovha, Mambo asingagumi, sezvo anosvitsa madonzo ake makuru kumugumo kupfurikidza noUmambo hwoMwanakomana wake. Ivo vanogona kuti: “Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro muna Mwari wangu; nokuti wakandifukidza nguvo dzoruponeso . . . Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadyarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha uchameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.” (Isaya 61:10, 11) Uku “kumeresa” kunoratidzirwa mumamirioni ayo zvino ari kuunganidzwa achibva mumarudzi kuti aimbe rumbidzo yaJehovha.

‘Kukukurumidzisa’

4, 5. (a) Kuunganidzwa kwavanhu vaMwari kwakadeya kutaurwa sei? (b) Iwedzeroi yakatanhamara yakaonwa mukati megore rebasa ra 1992?

4 Kuunganidza kunokurumidza sezvo mugumo wetsika yaSatani unosvika. Musiki wedu Mukuru anozivisa, kuti: “Vanhu vako vose vachava vakarurama . . . , vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe. Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:21, 22) Uku kukurumidza kunoratidzirwa nenzira inoshamisa muMushumo weGore reBasa ra 1992 weZvapupu zvaJehovha muNyika Yose, unobudiswa pamapeji 12 kusvikira ku 15 emagazini ino.

5 Chakatanhamara mumushumo uno chiverengero chitsva chapamusoro chavazivisi voUmambo 4 472 787, wedzero ye 193 967—4,5 muzana kupfuura gore rakapfuura. Chiverengero chapamusoro chavakabhapatidzwa 301 002 mukati ma 1992 chinoratidzirawo idi rokuti vazhinji vari kugamuchira zvokwadi yeBhaibheri. Tinofarira sei kuti muiri “zuva rerima nokusviba, . . . mune rudzi rukuru rune simba,” avo, kufanana neboka remhashu, vari kufutunura uchapupu hwoUmambo “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi”! (Joere 2:2, 25; Mabasa 1:8, NW) Kuvambira kuAlaska inotonhora zvikurusa—uko ndege yeWatch Tower Society yakaita shanyo dzinopfuura 50 kundima dzakafukidzwa nesinou—kusvikira kumarenje akapiswa eMali neBurkina Faso nezvitsuwa zvakapararira zveMicronesia, vabatiri vaJehovha vari kupenya se“chiedza chavahedheni, kuti kuponesa [kwake] kusvikire kumugumo wenyika.”—Isaya 49:6.

6, 7. Ichinjoi yezvinoitika isingakarirwi yakapupurirwa mumakore achangobva kupfuura aya, uye vabatiri vaJehovha vakaita sei kwairi?

6 Jehovha ave akafanana nenhare neshongwe yakasimba mukudzivirira nokutsigira vanhu vake. Mumativi akawanda apasi, Zvapupu zvaJehovha zvakafanira kutsungirira makumi amakore edzvinyiriro youtsinye nechitambudzo. (Pisarema 37:39, 40; 61:3, 4) Asi misi ichangobva kupfuura iyi, sokunge kupfurikidza nenenji, ganhuriro nemhinganidzo zvakabviswa munyika 21, zvokuti zvino vanhu vaMwari vanogona kuzivisa norusununguko kuti Musiki wedu Mukuru akagadza Kristu saMambo pamusoro papasi.—Pisarema 2:6-12.

7 Ko vanhu vaJehovha vari kushandisa zvakanaka here rusununguko rwavo ruchangobva kuwanwa? Cherechedza muchati wedzero nokuda kweBulgaria, Romania, uye yaichimbova Soviet Union muEastern Europe uye nokuda kweAngola, Benin, uye Mozambique muAfrica. MuZairewo kukura kwacho kunoshamisa. Nomufaro mumwoyo yadzo, hama dzedu dzakasunungurwa dzinopindura danidzo, yokuti: “Ongai Jehovha, nokuti wakanaka . . . Iye oga, unoita zvishamiso zvikuru; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” (Pisarema 136:1, 4) Uku kuonga kunotaurwa nebasa rokushingaira mukuunganidza vamwe vanhu vakafanana namakwai kurutivi rwoUmambo.

8. Varumbidzi vatsva vaJehovha “vanobhururuka segore” sei muEastern Europe? muAfrica?

8 Mukati mezhezha rapfuura reEurope, kokorodzano dzavanhu vaJehovha dzakaitwa mudzaichimbova nyika dzechiKomonisiti dzakava navanopinda vanoshamisa. Zvinotova zvinoshamisa zvikuru ndizvo zviverengero zvinobhapatidzwa munyika idzodzo. Nenzira yakafanana, muTogo, Africa, chirambidzo chakabviswa pana December 10, 1991. Mwedzi wakatevera wacho kokorodzano yorudzi yakaitwa. Vachienzaniswa neavhareji yomwedzi nomwedzi yavaparidzi 6 443 mumunda, vakapinda kokorodzano iyoyi vakasvika ku 25 467, vane 556 vachibhapatidzwa—8,6 muzana yechiverengero chavaparidzi. Sezvinoratidzira Isaya 60:8, varumbidzi vatsva vaJehovha “vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo” muungano dzavanhu vaJehovha.

9. Igadziriroi dzakaitwa kuitira kuti maKristu munyika dzakasunungurwa misi ichangobva kupfuura agogona ‘kudya ndokuguta’?

9 Nzara yezvokudya zvomudzimu muEastern Europe neAfrica iri kupedzwawo. Fekitari dzeWatch Tower Society muGermany, Italy, uye South Africa dzakatumira rori yakazara pashure perori yakazara namabhuku, muchiverengero chakati chemitauro, kunyika dzakaziya mumudzimu. Kare, zvakawanda zveZvapupu zvaifanira kupfuudza magazini akasakara kumumwe nomumwe, asi zvino zviri kugamuchira zvokudya zvomudzimu zvakawanda. Zvinofara kugoverana muzadziko youporofita, hunoti: “Muchadya zvakawanda, mukaguta, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa.”—Joere 2:26.

Kutarisira Kumwe Kukura

10. Nemhaka yavapindi vakakwirira paChirangaridzo, ikokeroi inopiwa kuvose vanofarira?

10 Chinoshamisa zvamazvirokwazvo ndicho chiverengero chavakapinda munyika yose Chirangaridzo chorufu rwaJesu, 11 431 171, wedzero ye 781 013, kana kuti 7,3 muzana kupfuura gore rakapera. Munogamuchirwa, imi mose vauyi vatsva! Kwaizova kunoshamisa sei kudai vanhu vachangobva kufarira vose vakadaro vakafarikanya betsero yefundo yeBhaibheri yapamusha nomumwe weZvapupu zvaJehovha! (Ona Isaya 48:17.) Mushumo weGore reBasa unoratidza 4 278 127 yeidzi fundo dziri kuitiswa mwedzi mumwe nomumwe, wedzero yakaisvonaka ye 8,4 muzana. Zvisinei, vamwe vazhinji vangagona kuzviyamura vamene neiyi betsero. Zvapupu zvaJehovha zvinofara kushanyira nguva dzose vanofarira kuti zviitise fundo yeBhaibheri yapachena mumusha, nokudaro zvichibetsera ivava kuisa tsoka dzavo zvakasimba munzira inoenda kuupenyu husingaperi. (Johane 3:16, 36) Kuregerereiko kukumbira fundo yakadaro? Uye yeuka, gamuchiro youshamwari nguva dzose yakakumirira paHoro yoUmambo!—Pisarema 122:1; VaRoma 15:7.

11, 12. (a) Zvinetsoi zviri kunanganwa nazvo mudzimwe nyika? (b) “Kuenzanisa” kuri kuitika pakati penyika dzakapfuma zvikuru nedzine urombo zvikuru munzirai?

11 Ungano dziya dzine Horo dzoUmambo dzakaisvonaka dzakakomborerwa zvikuru. Mugariro wacho wakasiana munyika umo Zvapupu zvakavimbika zvakatsungirira makore akawanda muchirambidzo, zvichisangana pachivande mumapoka maduku. Muchiverengero chakati chedzakadaro, zvino zvakasununguka asi zvine Horo dzoUmambo shomanene. Mune imwe nyika yeAfrica, somuenzaniso, neungano 93, kunongova neHoro dzoUmambo nhatu chete. Naizvozvo misangano kazhinji kazhinji inoitirwa panzvimbo huru dzapasi dzisina zvinhu. Ungano yavanhu 150 ingava navane 450 vanopinda nguva dzose misangano iyoyi.

12 MuEastern Europe kunowanzova kwakaoma kutenga nzvimbo kana kuti kuvaka, asi fambiro mberi yakati iri kuitwa. Tsauriro yenzvimbo itsva yakaisvonaka yebazu yakarongwa nokuda kwaNovember 28, 1992, muPoland. Mipiro yorupo kubasa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha iri kushandiswa kubetsera kuvaka horo nedzimwe nzvimbo. Nokudaro, “kuenzanisa” kunoitika mukuti rupo rwehama dzinopa mupiro kubva mu“zvomuraudzo” zvadzo zvokunyama dzinobetsera mukugovera nokuda kwezvinodikanwa zvomudzimu zveungano dziri munyika dzine urombo.—2 VaKorinte 8:13, 14, NW.

Maawa Ane Bhirioni Imwe!

13. Maawa mangani akapedzerwa mukuparidzira nokudzidzisa muna 1992, uye inhamburiko dzavanaani dzinoratidzirwa muichi chiverengero?

13 Chii chawaizoita namaawa ane bhirioni? Vose vanosvika kuupenyu husingaperi vachakwanisa kupedzera maawa akawanda kudaro, uye kunyange anopfuura, mubasa rinobudirira, rinogutsa kuna Jehovha. Asi fungidzira kuzadza maawa akawanda kudaro mugore rimwe! Izvozvo ndizvo izvo vanhu vaJehovha vakaita mukati ma 1992. Tichibatanidza pamwe chete mishumo mimwe nemimwe yavaparidzi vose voUmambo, tinowana chiverengero chitsva chapamusoro chamaawa 1 024 910 434 chakapedzerwa munzira yakanakisisa iyo maawa anogona kupedzwa nayo—kurumbidza Musiki wedu Mukuru, “kudzidzisa . . . pachena uye paimba neimba.” (Mabasa 20:20, NW) Paavhareji, Zvapupu 4 289 737 zvakanga zvichishuma mwedzi mumwe nomumwe. Izvo zvinobva mumifambiro yose youpenyu. Zvimwe zvakaganhurirwa munguva yazvinogona kupa kubasa roUmambo. Izvozvi zvinobatanidza misoro yemhuri, iyo inofanira kugovera mhuri; vakura; uye vazhinji vane zvinetso zvoutano; pamwe chete navana vachiri muchikoro. Bva, mushumo wakaitwa nomumwe nomumwe iratidzirwo inokosha yorudo nokuda kwaJehovha.—Enzanisa naRuka 21:2-4.

14. Vaduku ‘vari kurangarira Musiki wavo Mukuru’ sei?

14 Chizvarwa chiduku zvikuru chiri kukura mubasa raJehovha, uye nomufaro voruzhinji vaivava vari kushandisa mashoko aSoromoni ari pana Muparidzi 12:1 (NW), anoti: “Rangarirawo Musiki wako mumazuva oujaya hwako.” Ivo vari kuzvishandisa vamene mubasa ravo rokuchikoro, pamwe chete nokurovedzwa muzvinhu zvomudzimu navabereki vakazvipira. Wave uri mufaro kuona chiverengero chakanaka chavaduku vechiduku vachimira pakokorodzano dzemisi ichangobva kupfuura, vachizvipa vamene nokuda kworubhapatidzo. Mufarowo kuziva kuti vazhinji, kupfurikidza nokudzidza basa rakati kana kuti unyanzvi, vari kuita gadziriro inoshanda nokuda kwokupayona apo vanopedza kudzidza muchikoro. Nokudaro, vachakwanisa kuzvitsigira vamene, sezvakaita muapostora Pauro panguva nenguva kupfurikidza nokugadzira tende.—Mabasa 18:1-4.

15, 16. Mapiona navamwe vabatiri venguva yakazara vakagovera sei kufambiro mberi yebasa roUmambo, uye chikomboreroi icho vamwe vavo vakafarikanya?

15 Mupiro mukuru wakadini mapiona navamwe vabatiri venguva yakazara vari kuita kufambiro mberi yebasa roUmambo! Mapoka amapiona akawedzera kusvikira kuchiverengero chapamusoro chavane 931 521 gore rino rakapfuura. Sezvo iwaya anoparidzira zuva nezuva paimba neimba ndokuitisa fundo dzeBhaibheri mumisha yavanhu, anova anobudirira zvikuru mukutaura iwo amene pamusoro paMagwaro. Uyezve, akawanda akakwanirisa kupinda Chikoro cheBasa roUpiona chamavhiki maviri, icho chinoabetsera kusakurira mano makuru zvikuru nomufaro mukuita basa raMwari.

16 Mumwe nomumwe waaya mapiona akatendeka anogona kutsigira mashoko ari pana Isaya 50:4: “Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko.” Kune vanhu vakawanda nhasi vaneta nenyika yakaipa yakavakomberedza asi vari kuwana zorodzo kupfurikidza neshoko rinotaurwa namapiona edu akatendeka.—Enzanisa naZvirevo 15:23; Ezekieri 9:4.

Gadziriro Huru Yokuvaka

17. Mukuwedzera kukuvaka kwomudzimu, kuvakai kwokunyama kwakapupurirwa mumakore achangobva kupfuura?

17 Budiriro yomudzimu yomunyika yose yeZvapupu zvaJehovha inorairawo kukura kwokunyama. Kukura kwenzvimbo dzokutsikirira, hofisi, uye misha yeBheteri nokuvakwa kweHoro dzoUmambo neHoro dzaMagungano kunova kuri madikanwa. Naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinodikanirwa kuva vavaki munzira yokunyama. Kuvaka kwakafanana kwakaitika muzuva raMambo Soromoni. Soromoni akavaka tembere yokunamatwa kwaJehovha mukuwirirana no“mufananidzo . . . uyo wakanga wasvika pakuva naye kupfurikidza nefuridziro,” Jehovha achiva akagovera iwoyu kuna baba wake, Mambo Dhavhidhi. (1 Makoronike 28:11, 12, NW) Nokudaro, Soromoni haana kungovaka bedzi vateereri vake namashoko anokosha ouchenjeri asi akarairawo kuvakwa kwechinhu chokuisvonaka kusina kutongowanwa nenyika yokunyika.—1 Madzimambo 6:1; 9:15, 17-19.

18, 19. (a) Igadziriroi dzokuvaka dzinofambira mberi nokukurumidza dziri kupfuuridzirwa nesangano raJehovha? (b) Mudzimu waJehovha wave uchioneka sei mukuvaka kwokunyama pamwe chete nokwomudzimu?

18 Nhasi, Zvapupu zvaJehovha hazvivaki kupfurikidza nemifananidzo yakafuridzirwa nenzira youmwari, asi zvine mudzimu waMwari. Somumazuva aIsraeri, iwoyu unozvisunda kuvaka nenzira inoshamisa vanhu venyika. (Zekaria 4:6) Nguva ipfupi. Horo dzoUmambo nezvimwe zvivako zvinodikanwa pasina nonozeko. Mudzimwe nyika Horo dzoUmambo dzinovakwa nokukurumidza dzinozivikanwa navose zvikuru. Mumakore 10 apfuura, somuenzaniso, Canada inoshuma kuvakwa kwehoro 306, imwe neimwe mumazuva asingasviki maviri. Nemhaka yokukura kunokurumidza kwebasa raJehovha munyika yose, hwerengedzo yezvivako zvitsva zvamapazu 43 kana kuti kufutunurwa kwamapazu panguva ino zviri kuvakwa kana kuti kurongwa. Uyezve, chivako chokugara chine nhurikidzwa 30, chenzvimbo dzokugara dzavazvipiri veBheteri vanenge chiuru, chava kudokupedzwa muBrooklyn. Uyewo muNew York State, paPatterson, kuvakwa kwenzvimbo yedzidzo yeBhaibheri, gadziriro hurusa Watch Tower Society isati yamboita, iri kufambira mberi pamberi zvikuru porudungwe.

19 Idzi gadziriro dziri kufambira mberi zvakaisvonaka norunako rwebasa runoshamisa makambani okuvaka anoziva enyika. Neiko? Nemhaka yomupiro mukuru unoitwa neZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha. Mudzimu wake unozvisunda kwete bedzi kuti zvigovere tsigiro yokunyama asiwo kupa nomwoyo wose nguva yazvo nesimba. Nzvimbo dzokuvaka dzinozara navashandi vakasanorovedzwa, vakazvipira. Hapana kuramba kushanda kwavashandi, uye hapana kurovha pabasa. Mudzimu waJehovha unogovera sundo, sezvo wakasunda vavaki vetabhernakeri munguva yaMosesi uye avo vakavaka tembere mumazuva aSoromoni. Umudzimu ivara rakatanhamara rinodikanwa kuava vashandi.—Enzanisa naEksodho 35:30-35; 36:1-3; 39:42, 43; 1 Madzimambo 6:11-14.

20. (a) Mashoko akanaka achiri achaparidzirwa kusvikira kutambanukoi? (b) Ikariroi yakakomborerwa yakamirira vanhu vaJehovha?

20 Soromoni akapfuuridzira gadziriro yake yokuvaka pashure pokupedza tembere. (2 Makoronike 8:1-6) Kuti chapupu chomuzuva razvino uno chichakurazve kusvikira kutambanuko yakadini—nokudikanwa kunovambirana kwokuvakwa kwehoro nedzimwe dzvimbo—hatizivi. Tinoziva, zvisinei, kuti apo aya mashoko akanaka oUmambo anenge aparidzirwa kusvikira kutambanuko iyo Jehovha anoraira, ipapo mugumo, “dambudziko guru,” uchasvika. (Mateo 24:14, 21, NW) Mupasi risati richaparadzwazve navanhu vana makaro, gadziriro yaJehovha ya“matenga matsva nepasi idzva” panguva iyoyo ichaunza zvikomborero zvisingatauriki kurudzi rwomunhu. Naizvozvo ngati‘fare ndokufara nokusingaperi muizvo Mwari ari kusika,’ tichipa rumbidzo yose kuMusiki wedu Mukuru!—Isaya 65:17-19, 21, 25, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona “Let Your Kingdom Come,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 105-16, 186-9.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Zvikonzeroi zvatinazvo zvokufarira Musiki wedu Mukuru?

◻ Iwedzeroi dzakashumwa mukati megore rebasa ra 1992?

◻ Munyika umo kupupurira kwakarambidzwa kare, zvikomboreroi zvikuru zvakashumwa?

◻ Pwere namapiona vakabetsera sei kuwedzero musangano raJehovha?

◻ Vanhu vaJehovha vave vakabatikana sei mumabasa okuvaka okunyama pamwe chete noomudzimu?

[Bhokisi riri papeji 17]

Gore rapera maawa anopfuura bhirioni imwe akapedzerwa mubasa rokuparidzira nokudzidzisa

[Chati iri papeji 12-15]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA 1992 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(Ona bhaundi vhoriyamu)

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mazana ezviuru avanoda kubhapatidzwa gore rapera anoratidzira chikomborero chaJehovha pabasa rokuparidzira nokudzidzisa

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zviverengero zvikuru zvavanhu vaduku zviri ‘kuyeuka Musiki wazvo Mukuru’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe