Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Rusununguko Rwomudzimu muColombia
KUBVIRA panguva yavakundi veSpania, chiKaturike chakava nesimba rorudzidziso paSouth America. MuColombia changuve chiri rudzidziso rwapamutemo rweHurumende. Kwamakore 105 apfuura, Vatican yakava nechibvumirano nehurumende yeColombia icho chakadzivirira chechi ndokuipa ropafadzo chaidzo mune zvedzidzo neroorano.
Muna December 1990 vanhu veColombia vakasarudza dare kuti riite bumbiro idzva remitemo, iro rakapedzwa pakasvika pakati pama 1991. Bumbiro idzva remitemo rinochinja mugariro worudzidziso muColombia. Marudzidziso ose zvino ane maruramiro akaenzana pamberi pomutemo, uye murairidzo worudzidziso haugoni kumanikidzirwa pavana muzvikoro zvehurumende. Chibvumirano neVatican chodokuhwirudzurwa kuchirangarirwa idzi chinjo dzebumbiro remitemo.
Urwu rusununguko rukuru zvikuru rworudzidziso ruchaderedza pesvedzero yeChechi yeKaturike, kuchikuita kuti kuve nyore zvikuru kuti vanhu vane mwoyo wakatendeseka vawane zivo yeBhaibheri ndokuwana rusununguko rwomudzimu.
Zvichikarira urwu rusununguko rwomudzimu, Zvapupu zvaJehovha zvine 51 000 munyika yacho zvave zvichiita gadziriro dzokutarisira vapoteri vomudzimu. Zvivako zvazvo zvitsva zvebazu zvine zvokushandisa zvakawedzerwa, izvo zvinobatanidza muchina wokutsikirira unomhanya zvikuru woruvara rwakazara, zvave kudokupera. Mapiona chaiwo echinguvana akatumirwa mumataundi maduku zvikuru kundotsvaka makwai akarasika aJehovha uye akaita basa rinoshamisa redzidzo yeBhaibheri. Mumataundi 63, rimwe nerimwe riine vagari vanenge 10 000, ungano itsva 47 namapoka zvakaumbwa.
Sezvo mudzimu waJehovha unopfuurira kusunda vanhu vane mwoyo wakatendeseka, pwere dzakawanda dziri kugamuchirawo. Chinyorwa chinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda chakabvumikisa kuva yamuro inokosha kuvose vari vaviri vanhu vaduku vakadaro nokuvabereki vavo. Apo chakanga chichienda pasuo nesuo, chimwe Chapupu chakasangana nomumwe murume uyo akanga arava zvikamu zveiri bhuku, kopi yaro yakanga yaposhwa kwaari nomuvakidzani. Akaororwa zvikuru nouchenjeri hunoshanda hwarinoratidzira mukukurukura zvinetso zvemhuri. Ganhuro 4, “Neiko Baba Naamai Vakaparadzana?” yakamuorora zvikuru, sezvo iye nomudzimai wake vakanga vodokuparadzana. Iye akataura kuti bhuku racho rakamudzivisira ngwavaira huru. Zvino iye nemhuri yake vari kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye vari kupinda misangano yose yeungano. Vanoonga zvikuru uchenjeri hunoshanda uhwo Jehovha anogovera kupfurikidza neBhaibheri nesangano rake.
Ichi chinoitika chinoratidzira rusununguko rwomudzimu rwuri kuitika muColombia sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinobetsera vanhu vane nzara mumudzimu kudzidza nezvamadonzo anoshamisa aJehovha nenyika yake itsva, zvino yaswedera pedyo.—2 Petro 3:13.