“Seshumba Inodzvova”
IWE unodavira kuti Satani aripo here? Nhasi, vazhinji havasati. Kunoratidzika kuti ivo vanorangarira chitendero chakadaro se“chisiri chesayenzi.” Kunyange shure muna 1911, Encyclopædia Britannica yakati: “Sayenzi yakatsanangura kwazvo yakawanda yemiitiro yohunhu hwokunze neyoupenyu hwomukati zvomunhu zvokusasiya nzvimbo youSatani.” Vafundisi vanorangarira kuti Satani anongova zvake chiratidzo, ngano. The World Book Encyclopedia inoti: “Vafundisi vazhinji vazvino uno vanorangarira Dhiabhorosi kuva chiratidzo chesimba rezvakaipa, chamavara akaipisisa ohunhu hwomunhu.”
Ndaapiko, kunyanguvezvo, ari maidi? Kana uchidavira Bhaibheri, unofanira kudavira kuti Satani chaiyeiye. Jesu haana kungodavira bedzi kuti aripo asi akamudana kuti “mutongi wenyika.” (Johane 14:30, NW) Muapostora Pauro akadana Satani kuti “mwari wetsika ino yezvinhu.” (2 VaKorinte 4:4, NW) Uye mukweguru muapostora Johane akati: “Nyika yose iri musimba rowakaipa.”—1 Johane 5:19, NW.
Kana usingabvumirani naJohane, funga nezvenhau yazvino. Rangarira zvikwata zvinouraya nokushandiswa kwokutambudza kunoitwa nehurumende. Yeuka hondo nokuuraya dzinza rose izvo chizvarwa chedu chakaona. Uye zvakadiniko nezvemhaka dzinotyisa dzakaitwa misoro mumapepanhau edu—kuurawa kwavazhinji, kubata zvibharo, kuuraya kunotevedzana, kushatiswa kwavana muvatano, kungodudza zvishomanene chete? Munhu upi noupi kunze kwaSatani angagona kuva mwari weiyi nyika here?
Muapostora wechiKristu Petro akanyevera, kuti: “Chenjerai. Muvengi wenyu, Dhiabhorosi, anofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kuparadza mumwe munhu.” (1 Petro 5:8, NW) Kana shumba yakasununguka munharaunda menyu, ungava uchikurukura here kana iripo kana kuti kwete? Kana kuti ungatizira kuuhwando here?
Iva nechokwadi chokuti Satani aripo. Iye haana ngoni uye anotyisa, uye iye akasimba kupfuura zvatakaita. Naizvozvo mhanyira dziviro kuno Uyo akatosimba zvikuru. “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” (Zvirevo 18:10) Hwanda muna Jehovha Mwari, uye ziva kuti nokukurumidza rudzi rwomunhu rwuchasunungurwa mupesvedzero yakaipa iyeyo, Satani. Iyoyo ichava sununguko inofadza zvakadini!—Zvakazarurwa 20:1-3.