Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Mateo 28:17 inoreva kuti vaapostora vakati vakapfuurira kupanikira nguva refu pashure pokunge Jesu akamutswa aoneka kwavari here?
Aiwa, hatifaniri kusvika mhedziso iyoyo kubva muna Mateo 28:16, 17, iyo inorava, kuti: “Vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda Garirea, kugomo ravakarairwa naJesu. Vakati vachimuona, vakamunamata, asi vamwe vaka[panikira, NW].”
Pachine nguva mberi chaizvo Jesu akaedza kubetsera vadzidzi kuziva “kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navaprista vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu.” (Mateo 16:21) Kunyanguvezvo, kusungwa kwake nokuurawa zvakasiya vadzidzi vaodzwa mwoyo uye vavhiringidzika. Rumuko rwake runoratidzika kuva rwakauya sekatyamadzo. Uye apo iye akazviratidzira amene muchimiro chohunhu, pakutanga vamwe vakanga “vachigere kutenda nokufara kwavo.” (Ruka 24:36-41) Kuoneka kwake pashure porumuko, kunyanguvezvo, kwakabetsera vateveri vake vapedyo kugamuchira idi rorumuko rwake; kunyange muapostora Tomasi akapwiswa kuti Jesu akanga amutswa.—Johane 20:24-29.
Pashure paizvozvo vaapostora vakatendeka 11 “vakaenda Garirea.” (Mateo 28:16; Johane 21:1) Apo vakanga variko, Jesu “akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe.” (1 VaKorinte 15:6) Mumugariro iwoyu umo Mateo 28:17 inodudza kuti “vamwe vaka[panikira, NW].” Naizvozvo avo vakanga vachiri vane panikiro vaigona kusanova vaiva pakati pavateveri 500 ivavo.
Cherekedza tsinhiro inofadza pamusoro paikoku iyo C. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, akaita:
“Avo vakapanikira hatigoni kufungidzira nenzira ine mufungo kuti vaiva vapi navapi vavaapostora gumi nomumwe, nokuti vakagutswa zvizere, vakapwiswa zvakakwana, uye vakanga vazvitaurira vamene saizvozvo kare. Avo vakapanikira, tinofunga kuti, vanofanira kuva ve‘hama dzine mazana mashanu’ vaivapo pauyu musangano wakarongwa, avo vakanga vasina kuva neonano naye kare chifo chorumuko rwake, uye vamwe vavo, tingafungidzira nenzira ine mufungo kuti, vakanga vakaneta zvikuru mukutenda kupfuura vaapostora neshamwari chaidzo dzakatotaurwa nadzo. Kutaura kwokuti ‘vamwe vakapanikira’ hufakazi hwokururama kwechinyorwa choMuevhangeri. Kunotiratidzawo kuti vateveri vaShe vakanga vasiri vanodavira nenzira iri nyore zvikuru, asi panzvimbo pezvo vaida kunzvera ndokuyera ufakazi hunopiwa, uye shingairo yapashure, simba nomudzimu wokuzvibaira zvaavo vakadavira zvinotipa ufakazi hukuru hwouchokwadi hwokupwiswa kwavo pamusoro porumuko rwaShe wedu, urwo ivo pamwe chete nesu tinoziva kuva musimboti umene wokutenda kwedu maari. Kudai Kristu akanga asina kumutswa kutenda kwedu kuri pasina maturo uye tichiri muzvivi zvedu.—1 VaK. 15:17.”—Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, May 1, 1901, peji 152.
Tingacherekedzazve zvedu kuti nzira iyo Mateo anodudza nayo iri pfundo inotigovera ufakazi hwokuvimbika nokutendeseka zveBhaibheri. Kudai munhu ari kuronga nhauro, iye aizokombamira kugovera ufakazi uhwo hwaizoita kuti nhau yake inoitwa iratidzike kuva inodavirika; sezvingabvira aizorangarira kuti udzame hwakasiiwa kana kuti inoratidzika kuva mikaha yaizoita kuti nhau yake yenhema ipanikirwe. Zvakadiniko naMateo?
Haana kunzwa achisungirwa kugovera tsananguro ine udzame yetsinhiro yake yokuti “vamwe vaka[panikira, NW].” Nhauro dzakanyorwa naMarko, Ruka, uye Johane hadzitauri chinhu pamusoro paikoku, naizvozvo tsinhiro yaMateo ikatorwa iri yoga ingaratidzika kuva inobatanidza vaapostora 11, vaaiva mumwe vavo. Kunyanguvezvo, Mateo akaita tsinhiro pfupi asingagoveri jekeso ipi neipi. Makore 14 gare gare, muapostora Pauro akanyora bhuku raVaKorinte Wokutanga. Nebetsero youdzame hwaakagovera pana 1 VaKorinte 15:6, tinogona kusvika mhedziso ingabvira yokuti avo vakapanikira vakanga vasati vari vaapostora asi vadzidzi muGarirea avo Jesu akanga achigere kuoneka kwavari. Nokudaro, tsinhiro yaMateo yokuti “vamwe vaka[panikira, NW]” inonzwika kuva yechokwadi; ine kunzwika nenzira yakarurama kwomunyori akatendeseka anopa nhauro yechokwadi asingaedzi kutsanangura udzame huri hwose hwokupedzisira.