Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
PANA October 6, 1990, boka ravanodokusvika 5 000 rakaungana muAssembly Hall of Jehovah’s Witnesses muJersey City, New Jersey, U.S.A., nokuda kwomusangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society rakanga rodokushamiswa. Sachigaro, John E. Barr, akazivisa vateereri nezvokubudiswa kwevhidhiyo yamaminiti 55 ino musoro unoti Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Iyi yakanga iri vhidhiyo yokutanga yati yabudiswa neSociety, asi zvamazvirokwazvo kwete yokupedzisira.
Vhidhiyo yacho inoratidza kuti vanhu vaJehovha vakarongwa sei kuti vapupurire zita roumwari ndokuzivisa “mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 24:14, NW) Dzimbahwe riri paBrooklyn, New York, uye zvivako zvokuWatchtower Farms zvinoratidzwa. Anopfuura makopi 500 000 muchiNgezi akabudiswa, uye zvino inowanika (kana kuti ichakurumidza) mumimwe mitauro 26.a
Chii Chave Chiri Kuita?
Vanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha vakaita sei kuvhidhiyo yacho? Mumwe murume webhizimisi akanyora, kuti:
“Ndakawana tepi yacho kuva yakaisvonaka. Ndakaororwa zvikuru norujeko nebasa rakanaka rokuronga vhidhiyo yacho. Ndakava nekombamiro yokukanganwa kuti yakanga iri tepi ndokufunga nezvayo zvikuru sebhaisikopo. Iyi tepi inofanira kuva inobetsera zvikuru mukutsanangura donzo redzimbahwe renyu reNew York. Makorokoto pairi basa rakatanhamara.”—J. J.
Avo vanofunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha vakabetserwa nokuona vhidhiyo yacho. Zvinotevera zvinotsanangura chikonzero nei:
“Ndinodzidza Bhaibheri nomumwe murume muduku ane makore 20 okukura uye uyo anoenda kuyunivhesiti yomuno. Iye ave achiitira hanya mugariro wenyika unoipa zvikuru. Asi pashure pokuona tepi nokuona hama dzapaBheteri duku dzakaisvonaka idzodzo dzine donzo chairoiro muupenyu, chimiro chake chose chendangariro chakachinja. Iye akapinda Zuva Chairo reGungano redu ndokukumbira kufunda Bhaibheri kaviri pavhiki. Mumwe mudzidzi weBhaibheri, mudzidzisi wapachikoro chapamusoro, akakwereta vhidhiyo yacho kuti aratidze kuhama dzake dzokunyama. Ivo vaifunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvaingova hazvo sangano risina simba, risina kukurumbira, duku. Vakakatyamadzwa nomugariro wenyika yose webasa redu nomusiano watiri kuva nawo, kuonga kuna Jehovha.”—J. B.
“Mashoko haagoni kutaura mufaro wandakanzwa apo mumwe mukadzi wandinofunda naye Bhaibheri akabudisa misodzi yomufaro nokuonga pashure pokuona iyi vhidhiyo. Iye akati achichema: ‘Munhu upi noupi haagoni sei kuona kuti iri ndiro sangano raMwari wechokwadi, Jehovha? Ndaisatongoziva kuti vanhu vakadaro vaivapo.’ Uye ipapo iye akati: ‘Ndinoda kubhapatidzwa.’”—C. D.
“Takava nebudiriro yakawanda tichishandisa vhidhiyo navadzidzi veBhaibheri. Usiku hwapfuura murume womumwe wavadzidzi veBhaibheri vomudzimai wangu akauya. Iye akange ave achishora zvikuru. Akatarira vhidhiyo. Pashure akabvunza mibvunzo ndokubva pano aine Bhaibheri nebhuku refundo yeBhaibheri Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Kare iye akanga apisa mabhuku eBhaibheri ose omudzimai wake!”—D. H.
Vanhu vaduku vakawanawo vhidhiyo yacho kuva inotora ngwariro, sezvinoratidza tsinhiro dzinotevera:
“Ndine makore matanhatu nehafu. Ndakada rutivi pamusoro pamaBhaibheri uye apo mabhokisi akafamba nokukurumidza.”—K. W.
“Vana vedu vaduku vakataura kuti yakanga iri nani kupfuura purogiramu ipi neipi yavakaona muTV.”—R. C.
“Pashure pokuona vhidhiyo yacho kwenguva yechipiri, mwanakomana wedu ane makore mashanu okukura uyo akasanopa ngwariro mose, akabvunza kuti, ‘Tinogona kuona iyoyi zuva riri rose here?’ Mwanasikana wedu ane makore matatu okukura akapindira na‘Ndinoda kuenda kuBheteri ndokugadzira mabhuku!’”—M. E.
“Vana vangu, Robin naShannan, vane makore 12 ne 9 okukura, vanoramba vachivhura iyi tepi. Mwanasikana wangu mudukusa pashure pokuona tepi yacho akazivisa kuti, ‘Ndinoda kupinda mubasa romumunda. Rinofadza zvikuru.’ Tinorangarira kuti iyi vhidhiyo yakava nomuuyo wakananga paupenyu hwedu hwemhuri. Kunozorodza sei kuvhura purogiramu yeterevhizheni yaunoziva kuti yakanaka kuona!”—N. B.
“Ndine makore 131/2 okukura. Vhidhiyo itsva yakaita kuti ndizive kuti ndinorerutsa sei gadziriro dzinoshamisa dzinobva kuna Jehovha. Iropafadzo kuva mumwe wavanhu vaMwari.”—K. W.
“Ndine makore 16 okukura, uye iyi vhidhiyo yakabetsera kusimbisa mundangariro yangu kuti iri ibasa renyika yose riri kuitwa.”—A. M.
“Vana vedu vakataura kuti TV yenguva dzose yairasa chimwe chinhu mumeso avo somuuyo wokuona icho varaidzo chaiyoiyo youbati ushe hwaMwari ingagona kuva yakaita. Yakasimbisawo chishuvo chavo chokupinda mubasa renguva yakazara.”—L. M.
Kunyange avo vave vari Zvapupu zvaJehovha kwamakore akawanda vakaororwa neizvo vakaona.
“Kana vhidhiyo yacho ichisiya kuorora kwakadaro patiri savanhu vaJehovha, ichatapura zvikuru kwazvo sei vamwe? Apo tsika ino inova yakanyanyooma kugonana nayo, ndinotora awa yenguva yangu ndokushanyira Bheteri ndiri makanaka mekamuri rangu rokutandarira!”—K. B.
“Pashure pokunge ndaona ngwariro noururami zvinopinda murutivi rwuri rwose rwebasa, ndakanzwa ndichida kupinda mukamuri rangu ndichigumbatira mabhuku angu eBhaibheri.”—L. P.
Tinokukurudzirawo kuwana nguva yokuona vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Ichakupa murangariro wakasiana paupenyu ndokukubetsera kuva nechivimbo munguva yemberi yakachengeteka.
[Mashoko Omuzasi]
a Mutauro wezviratidzo weAmerica, chiArabic, chiBascue, chiCantonese, chiCatalan, chiCroatian, chiCzech (cheBohemian), chiDanish, chiDutch, chiFinish, chiFrench, chiGerman, chiGreek, chiHungarian, chiItalian, chiJapanese, chiKorean, chiMandarin, chiNorwegian, chiPolish, chiPutukezi (cheBrazil), chiPutukezi (cheEurope), chiRomanian, chiSlovak, chiSpanish, chiSwedish.