‘Matenga Anozivisa ...’
Anenge makiromita ane mamirioni 150 kubva pauri iko zvino, zuva rinopenya norujeko rwomwoto mudenga. Anonamatwa samwari kwezviuru zvamakore, muvakidzani wedu womudenga ane mbiri, panzvimbo pezvo, chipupuriro kusimba roMusiki wake, “Muiti wedenga napasi.” (Pisarema 115:15, NW) Rujeko rwaro nokudziya zvinokosha nokuda kwoupenyu pasi pano. Uye maidi ayo masayendisiti akadzidza pamusoro paro anotizadza neshamisiko.
Tinoudzwa kuti zuva rinobudisa zvitsama zvihombe zvomwoto. Waiziva here kuti isingasviki hafu yechibhirioni yokupisa nechiedza izvo rinobudisa zvinomiswa nepasi? Bva, chikamu chiduku ichocho chinoguma nesimba hombe rebhiza 240 000 000 000 000!
Zuva rinoita sei mwoto iwoyo wose? Kupfurikidza nechoto chikuru chenyukireya icho chiri pakati paro icho chinobudisa mwoto kupfurikidza nokupedza anenge matani mapfupi ane mamirioni mana ehydrogen sekondi iri yose. Nomufaro nokuda kworudzi rwomunhu, mune mwoto wakakwana muzuva wokuchengeta uyu muitiro uchipfuurira kwamabhirioni amakore.
Zvimwe zvinhu izvo masayendisiti akawana zvinomutsa mimwe mibvunzo. Somuenzaniso, zuva rinozununguka nguva dzose, kufanana nerata rarohwa nesando. Neiko? Uyewo, rangarira izvi: Pakati panopfuta mwoto pezuva ndirwo rutivi rwaro runopisa zvikurusa uye kana chikamu chiri kure napakati chinova chinotonhora zvikuru. Asi apo tinosvika kuchikamu chokunze chenharaunda yezuva, corona, ikoko kunochinja. Corona inopisa zvikuru kupfuura zvikamu zviri pedyo zvikuru napakati panopfuta mwoto. Neiko?
Uyezve, nepo—kufanana napasi—zuva richitenderera, mativi akasiana-siana anotenderera nokumhanya kwakasiana. Somuenzaniso, pamusoro panotenderera nokukurumidza zvikuru kupfuura zvikamu zviri mukati. Neiko? Uye ikoko kunobvira sei? Ipapo kune zvikwapa zvezuva. Izvi zvikwapa zviri pamusoro pezuva zvinouya nokuenda mudenderedzwa renguva dzose munhambo yamakore 11. Neiko zvichichinja nenzira yakadaro yenguva dzose?
Kunyange zvazvo kuchine zvakawanda zvichigere kudzidzwa pamusoro pezuva, zvatinotoziva zvinotiita titarire norutyo paMusiki waro, Jehovha. Nguva iri yose tinoona zuva, tinoyeuchidzwa kuti “matenga anozivisa mbiri yaMwari; uye nzvimbo inotaura nezvebasa ramaoko ake.”—Pisarema 19:1, NW.