RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 7/1 pp. 21-23
  • Ndakagamuchira Munguva Yokucheka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakagamuchira Munguva Yokucheka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Roorano Nechinetso
  • Kugamuchira Zvokwadi
  • Kucheka muCape Palmas
  • Kuenda kuLower Buchanan
  • Mamwe Maropafadzo Netuso
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
  • Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Pakupedzisira Mhuri Yedu Yakabatana!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 7/1 pp. 21-23

Ndakagamuchira Munguva Yokucheka

YAKATAURWA NAWINIFRED REMMIE

“KUCHEKA kukuru, asi vabati vashoma.” Aya mashoko aShe wedu Jesu akanyandurwa netsitsi huru nokuda kwavanhu vakanga vaneta uye vakarashwa kufanana namakwai asina mufudzi. Ndakawana uku kunzwa kumwe cheteko, uye kwamakore 40 akapfuura, ndakaedza nguva dzose kugamuchira zvakanaka kudana kwaTenzi kundoshanda mukucheka.—Mateo 9:36, 37.

Ndakaberekerwa muWest Africa mumhuri ine vana vanomwe, vose vasikana. Vabereki vedu vakanga vari vanyoro, bva vano rumano; vakanga variwo vorudzidziso zvikuru. Kupinda chechi neSandisikuru vhiki rimwe nerimwe kwakanga kuri kwemanikidziro. Nokuda kwangu ikoku kwakanga kusiri chinetso nemhaka yokuti ndaida zvinhu zvomudzimu. Kutaura idi, pazera ramakore 12, ndakagadzwa kuti ndiitise makirasi eSandisikuru.

Roorano Nechinetso

Muna 1941, pazera ramakore 23, ndakaroorwa naLichfield Remmie, muchengeti wezvinyorwa zvamaakaundi pahofisi yehurumende. Mune zvokunyama, takanga tine zvinhu zvakawanda, asi rudo rwezvinoitika zvinofadza nechishuvo chokuunganidza pfuma yakawanda zvakatiendesa kuLiberia muna 1944. Nguva yechinjo muupenyu hwomurume wangu, uye pakupedzisira muhwangu, yakasvika muna 1950 paakasangana naHoyle Ervin, mufundisi weZvapupu zvaJehovha. Pashure pamavhiki matatu chete efundo, murume wangu akavamba kugoverana mubasa rokuparidzira.

Ndakatsamwiswa apo murume wangu akarega kuenda kuchechi. Kunofanira kuyeukwa kuti, akanga ari muPurotesitendi akasimba uyo aitozvinyima zvokudya mukati momwaka weRendi. Nguva yokutanga yandakamuona achibuda kundoparidzira, bhegi riri muruoko, ndakatsamwa. “Chii chisina kururama newe?” ndakabvunza kudaro. “Munhu anokosha akafanana newe anobuda kundoparidzira naava vanhu mafuza!” Akanga akaterama uye akadzikama mukati mouku kutuka.

Zuva rakatevera, Hama Ervin vakashanya pamba pedu kuzofunda naLichfield. Senguva dzose, ndakaramba ndakanyarara mukati mefundo. Zvichida kwakanga kuri nemhaka yaikoku kuti Hama Ervin vakandibvunza kana ndakanga ndisina kudzidza. Chii? Ini, kusadzidza? Kutsamwisa kwakadini! Ndaizovaratidza kuti ndakanga ndakadzidza sei! Ndaizofumura urwu rudzidziso rwenhema!

Kugamuchira Zvokwadi

Isati iri nguva refu pashure paikoku, ndakacherekedza bhuku raMwari Ngaave Wezvokwadi patafura yomukamuri rokutandarira. ‘Musoro wokunyomba zvakadini,’ ndakafunga kudaro. ‘Mwari ave ari wechokwadi nguva dzose, haana here?’ Sezvandainzvera bhuku racho, ndakakurumidza kuwana chimwe chisakiso chokunyunyuta. Rakati munhu haana mweya, iye ndiye mweya! Kunyange imbwa nekitsi mweya! Ikoku kwakandishatirisa chaizvoizvo. ‘Idzidziso youfuza zvakadini!’ ndakafunga kudaro.

Apo murume wangu akadzoka kumusha, ndakanangana naye ndakatsamwa. “Ava vanyengeri vanoti munhu haana mweya. Vaporofita venhema!” Murume wangu haana kuita nharo; panzvimbo pezvo, akapindura akaterama, kuti: “Winnie, chinhu chiri chose chiri muBhaibheri.” Gare gare, apo Hama Ervin vakandiratidza nenzira yokushivirira muBhaibheri rangu ndimene kuti tiri mweya uye kuti mweya wedu unofa, ndakashamiswa. (Ezekieri 18:4) Rwakandiorora zvikuru rwakanga rwuri rugwaro rwuri pana Genesi 2:7, urwo runoti: “Munhu [Adhama] akava mweya mupenyu.”

Ndakanga ndave ndisina kururama sei! Ndakanzwa ndakanyengerwa navafundisi uye handina kuzotongopindazve chechi. Panzvimbo pezvo, ndakavamba kupinda misangano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Kwakanga kuchiorora sei kuona rudo ruri pakati pazvo! Urwu rwaifanira kuva rudzidziso rwechokwadi.

Kucheka muCape Palmas

Inenge mwedzi mitatu gare gare, murume wangu akava nebanza rokuba chitsama chikuru chemari mukambani yake—asi haana. Shamwari dzake dzakamunyomba: “Remmie, uchafa uri murombo.”

Zvisinei, nemhaka yokutendeseka kwake, akakwidziridzwa ndokutumirwa kuCape Palmas kundozarura hofisi itsva ikoko. Takaparidzira nokushingaira uye pashure pemwedzi miviri chete, takava neboka duku rakanga richifarira zvikuru shoko reBhaibheri. Gare gare, apo Lichfield akaenda kudzimbahwe, Monrovia, kundowana migove yehofisi itsva, akabhapatidzwa. Akakumbirawo betsero kuSosaiti yokutarisira avo vakanga vari muCape Palmas vakanga vachiratidza fariro muzvokwadi.

Sosaiti yakapindura kupfurikidza nokutumira Hama naHanzvadzi Faust kuCape Palmas. Hanzvadzi Faust vakanga vari vebetsero inokosha zvikuru kwandiri, uye muna December 1951, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha kupfurikidza nokubhapatidzwa. Zvino kupfuura nakare kose, ndakanga ndakatsunga ku‘unganidza zvibereko nokuda kwoupenyu husingaperi.’ (Johane 4:35, 36) Muna April 1952, ndakavamba ushumiri hwenguva yakazara sapiona.

Nhamburiko dzangu dzakakurumidza kukomborerwa naJehovha; mukati megore, ndakabetsera vanhu vashanu kutsauriro norubhapatidzo. Mumwe wavo, Louissa Macintosh, akanga ari hama yokunyama yapurezidhendi wapanguva iyeyo weLiberia, W. V. S. Tubman. Akabhapatidzwa ndokupinda muushumiri hwenguva yakazara uye akapfuurira akatendeka kuna Mwari kusvikira rufu rwake muna 1984. Panhambo dzinoverengeka iye akapupurira kuna purezidhendi.

Kuenda kuLower Buchanan

Muna 1957, mukati meshanyo yomutariri woruwa, murume wangu neni takakokwa kuva mapiona chaiwo. Pashure pekurukurirano yokunyengetera, takagamuchira mugove wacho. Lichfield aida mwedzi mishomanene yokupedzisa basa rake rokunyika muCape Palmas, naizvozvo ndakatanga kuenda kuLower Buchanan, ndima yakanga isina kumboshandwa, kundozarura basa ikoko.

Pakusvika, ndakagara nemhuri yaMaclean. Zuva rakatevera racho, sezvawakanga uri muitiro, ndakaendeswa kuna mambo muduku worudzi rwechiPele. Mambo nemhuri yake vakandigamuchira noushamwari, uye ndakapupurira kuboka duku ravanhu vaiva pamusha wake. Vasati vari pasi pavatanhatu vavanhu vandakataura kwavari zuva iroro, kubatanidza mambo muduku nomudzimai wake, pakupedzisira vakava Zvapupu.

Nokukurumidza ndakazviwana ndimene ndichiitisa fundo yeNharireyomurindi vanhu vanopfuura 20 vaivapo. Ndaifanira kutsamira zvakasimba pana Jehovha, uye akandipa simba raidikanwa namano kuti nditarisire makwai ake. Pandainzwa ndaneta kana kuti ndisingakwanisi, ndaiyeuka vakatendeka vomunguva dzekare, zvikurukuru vakadzi vakafanana naDhebhora naHurdha, avo vakanga vasingatyi mukuita mabasa aJehovha.—Vatongi 4:4-7, 14-16; 2 Madzimambo 22:14-20.

Muna March 1958, pashure pemwedzi mitatu chete muLower Buchanan, ndakagamuchira tsamba ichindizivisa nezveshanyo yomutariri wedunhu, John Charuk. Ndakarenda kamuri rapasi reimba iro raizokwana boka guru. Ipapo ndakaenda kuUpper Buchanan kundosangana naHama Charuk, asi havana kuuya. Pashure pokumirira kusvikira kwasviba, ndakadzokera ndaneta kuLower Buchanan.

Panenge pakati pousiku, ndakanzwa kugogodza pasuo. Pakurizarura, ndakaona kwete bedzi mutariri wedunhu asiwo murume wangu, ane kusvika kwake kunoshamisa kwakava panguva imwe cheteyo zvakanakisisa nouko kwaHama Charuk. Vakaziva sei pandaiva? Vakanga vasangana nomumwe muvhimi ndokumubvunza kana aiziva mumwe mukadzi uyo aiparidzira kuvanhu pamusoro paJehovha. “Hungu,” akapindura kudaro, uye ipapo iye akavanangidzira kunzvimbo yangu. Ndakanzwa ndichifara sei kuti mumwedzi mitatu chete ndiri muLower Buchanan, chiedza changu chakanga chichipenya zvakajeka kwazvo!—Mateo 5:14-16.

Takafarikanya chiverengero chikuru chapamusoro chavane 40 mukati meshanyo yaHama Charuk. Pashure penguva yakati ungano inobudirira yakatangwa, uye takakwanisa kuvaka Horo yoUmambo yakaisvonaka. Zvisinei, upenyu nguva dzose hwakanga husati huri husina zvinetso. Somuenzaniso, muna 1963 chitambudzo chorudzidziso chakatanga muKolahun, uye murume wangu akasungwa ndokupinzwa mutorongo. Akarohwa zvakaipa kwazvo zvokuti aitofanira kupinzwa muchipatara.

Isati iri nguva refu pashure pokubudiswa kwake, mugore rimwe chete iroro, takava nekokorodzano paGbarnga. Pazuva rokupedzisira, varwi vakakomba vose vaivapo ndokutiraira kukwazisa mureza. Apo takaramba, varwi vacho vakatimanikidzira kusimudza maoko edu mumhepo uye kutarira zvakananga kuzuva. Vakarovawo vamwe vedu nezvigaro zvezvigwagwagwa zvavo. Sebetsero kukuchengeta perero yangu kuna Mwari, ndakaimba kwandiri ndimene rwiyo rwoUmambo “Musavatya!” Pashure paikoko varwi vacho vakatikandira mutorongo rakanga rine tsvina. Mazuva matatu gare gare vokumwe vakasunungurwa, uye Lichfield neni takaendeswa kuSierra Leone. Zvapupu zvomunzvimbomo zvakasunungurwa zuva rakatevera racho.

Mamwe Maropafadzo Netuso

Takagoverwa kundoshanda neBo Ungano, kumaodzanyemba kweSierra Leone. Takabatira imomo kwamakore masere tisati tatamisirwa kuNjala. Tiri muNjala murume wangu akagadzwa kubatira somutsivi womutariri wedunhu, uye ndaiva neropafadzo yokumuperekedza sezvo aiita iri basa. Ipapo, pakati pama 1970, takagoverwazve kuEast Freetown Ungano.

Ndakawana tuso yokuona vazhinji vaavo ndakafunda navo Bhaibheri vachigamuchira kunamata kwechokwadi. Ndine vana vomudzimu vanopfuura 60 uye vazukuru se“tsamba dzerumbidzo.” (2 VaKorinte 3:1, NW) Vamwe vaitofanira kuita chinjo huru, sezvakaita Victoria Dyke, uyo akanga ari muporofitakadzi wesekete reAladura. Pashure pokurangarirwa kwa 1 Johane 5:21, pakupedzisira akarasa mishonga yake mizhinji nezvinhu zvaikudzwa. Akaratidzira tsauriro yake kupfurikidza norubhapatidzo uye pakupedzisira akava piona chaiye, achibetsera vazhinji vehama dzake dzokunyama kugamuchira zvokwadi.

Muna April 1985, ndakarasikirwa nomurume wangu murufu, mwedzi mishomanene chete pamberi pokuchengeta muchato wedu kwegore negore kwechi 44. Asi handina kusiiwa ndiri ndoga. Ndakapfuurira kubatira Mubetseri wangu, Jehovha, somushumiri wenguva yakazara. Uye ndinonzwa chisungo chaicho naavo ndakabetsera kusvika pakumuziva. Imhuri mupfungwa chaiyo. Ndinovada uye vanondida. Apo ndinenge ndichirwara, vanomhanya kuzonditarisira uye, chokwadika, ndinovabetserawo.

Hapana panikiro pamusoro pako, kudai ndaifanira kukuitazve, ndaizotora nokufara jeko rangu ndokukumbanira mukucheka somushandi biyake waJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Winifred Remmie nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe