RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 7/1 p. 20
  • Mashoko Akanaka Anobva kuEastern Europe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanaka Anobva kuEastern Europe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nei Vasikana Vasingandidi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Mwari Haakanganwi “Rudo Rwamakaratidza nokuda kweZita Rake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 7/1 p. 20

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Mashoko Akanaka Anobva kuEastern Europe

ZVINHU zvizhinji zvinofadza zviri kuitika mumunda woubati ushe hwaMwari muEastern Europe. Yakatanhamara yakanga iri kokorodzano yamarudzi ose muZagreb, August 16-18, 1991, apo Zvapupu 7 300 zvakagamuchira nomwoyo wose hama dzazvo dzaibva kumarudzi 15. Pamwe chete, 14 684 vakapinda. Yakanga iri ratidzirwo inoshamisa yorudo nechinzwano munyika yakazununguswa nokusagadzikana!

Zvapupu zvomuEastern Europe zvakabatikana kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha, uhwo zvinoziva kuti ndihwo bedzi tariro nokuda kworugare chairwoirwo. Muna mamwe mativi idenho kuti zvichengete chimiro chazvo chokusatora rutivi. Kunyanguvezvo, vanhu kazhinji kazhinji vanoteerera, uye Zvapupu zvinoshuma zvinoitika zvizhinji zvakaisvonaka.

Mune rimwe taundi mumwe musikana wamakore 16 okukura akanzwa mashoko akanaka kuChapupu bedzi chaJehovha mutaundi iroro. Fundo yeBhaibheri yenguva dzose yakatangwa, uye kunzwisisa kwake zvokwadi kwakakura. Ane chishuvo chikuru chokuudza vamwe zvinhu zvinoshamisa zvaakanga adzidza, akaedza kutaura navekuchikoro biyake asi akasangana nechishoro nokunyombwa. Mumwe wokuchikoro biyake aimushora zvikuru asi akashamiswa ndokuororwa neshiviriro yake, nokuti mudzidzi muduku weBhaibheri haana kutsamwa pasinei hapo nokunyomba kwose. Gare gare, uchapupu hwakakwana zvikuru hwakapiwa kuuyu musikana, uye iye akaziva kuti chimiro chake chendangariro chakanga chisina kururama. Fundo yeBhaibheri yakatangwa naye, uye ipapo mudzidzi weBhaibheri wapakuvamba neshamwari yake itsva vakaedza kugoverana mufarwa wavo navamwe, pasinei hapo nechishoro chaibva kuvabereki vavo, mudzidzisi wavo, uye vokuchikoro biyavo.

Somuuyo wokupupurira kwavo, mumwe wokuchikoro biyavo akagamuchira zvokwadi. Zvino makanga mava navatatu vavo mukirasi, uye vatatu vose vakanga vari mienzaniso yakanaka yokudisa kubetsera vamwe neyokuratidza rudo pakati pavo vamene. Ipapo mumwe musikana akavakumbanira.

Zvino pakanga pava navanhu vana pabhenji muyadhi yechikoro apo vaikurukura Bhaibheri pamwe chete. Uye kukushamisika kwavazhinji, chiverengero chavo chakakura. Mumwe musikana womukirasi yacho, afadzwa nomufambiro wavo wakaisvonaka, akasarudza kukumbanira mufundo yeBhaibheri. Vashanu vavo vakapfuurira kukoka vamwe, vadzidzi navadzidzisi, kuita zvimwe chetezvo. Kunyanguvezvo, vasikana vacho vakapfuurira kuwana dzvinyiriro huru yaibva kuvabereki vavo. Vabereki vakaedza zvakaoma kumanikidzira vasikana vacho kurega fundo yavo yeBhaibheri kupfurikidza nokuparadza mabhuku avo uye kupfurikidza nokuvabata zvisina kufanira.

Chii chakanga chiri muuyo wouku kupupurira uko kwakatanga nomunhu mumwe bedzi muduku aifarira? Mumwe wavasikana vacho akabhapatidzwa pakokorodzano yoruwa muna 1990, uye vamwe vana pagungano redunhu muchirimo cha 1991. Ikoku kwakanga kuri chisakiso chomufaro mukuru! Nhasi, vasikana vashanu vose vari kubatira samapiona enguva dzose! Mutaundi umo ikoku kwakaitika, muna vaparidzi 11 zvino, 8 vavo vari mubasa roupiona.

Jehovha ari kutsigira nokukomborera Zvapupu zvake muEastern Europe. Nenzira yakajeka pane bviro huru yewedzero pakati pavane mwoyo yakatendeseka muurwu rutivi rwenyika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe