Hausati Uchizoodzwa Mwoyo
VAROORANI vaviri muPhilippines vakatora mazuva maviri kuti vasvikeko. Ivo vakafamba makiromita 70, vakatakura vana vaduku vaviri mumasango akazadzwa nezvikwevaropa uye kuyambuka nzizi dzakazadzwa nemvura dzedutu guru. Asi vakanga vakatsunga kusakupotsa.
Vakadzi vaviri muZaire vakafamba makiromita anopfuura 500, vachipedza mazuva 14 vachifamba, kuti vaveko. Uyewo muZaire, mumwe mukweguru ane makore 70 okukura akasvikako nokutasva bhasikoro rake makiromita 260. Iye haana kudziviswa nedaro kana kuti kusakodzera. Chinhu chikosha kwakanga kuri kusakupotsa.
Vose vakanga vachienda kupi? Kukumwe kwokuungana kukuru kweZvapupu zvaJehovha kwakarongwa munyika dzavo. Uye hazvinei hazvo nokuti rwendo rwacho rwakanga rwakaoma sei, vose vakanzwa kuti nhamburiko dzavo dzakanga dzakafanira.
Wati waita gadziriro here dzokuva pa 1992 “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa? Sezvingabvira, hausati uchizofanira kuita nhamburiko huru yakadaro sezvo ava vanhu vakatendeka vakaita kuti vapinde. Asi kunyange kana kuchikuparira kusakodzera, tinokukurudzira kusaipotsa.
Purogiramu yakaisvonaka neinoshanda zvikuru yakagadzirirwa. Kana uchifarikanya ruwadzano rwechiKristu uye uchifarira kudzidza nzira yokuwana nayo rugare chairwoirwo, chine nguva yemberi, kana kuti nzira iri nani yokuita nayo kuda kwaMwari, tinogona kuvimbisa kuti hausati uchizoodzwa mwoyo. Chapupu chipi nechipi chiri munharaunda menyu chichakuudza uko kokorodzano iri pedyosa newe ichaitirwa uye rini.