Bhaibheri Chipo Chaizvoizvo Chakabva Kuna Mwari Here?
“NDINODAVIRA kuti Bhaibheri chipo chakanakisisa icho Mwari ati ambopa kumunhu.” Kutaura ikoko kwakaitwa naAbraham Lincoln, purezidhendi wechi 16 weUnited States.a Iye akanga asati ari oga mukuonga kwake iri bhuku rekare.
Munhu wehurumende weBritain wezana ramakore rechi 19 William E. Gladstone akati: “Bhaibheri rinoratidzirwa naMavambo Chaiwo, uye daro risingayereki rinoriparadzanisa navakwikwidzani vose.” Nenzira yakafanana, munhu wehurumende weAmerica womuzana ramakore rechi 18 Patrick Henry akati: “Bhaibheri rinopfuura mamwe mabhuku ose ati ambotsikirirwa.” Aororwa zviri pachena naMagwaro, mambo weFrance Napoléon Bonaparte akatsinhira, kuti: “Bhaibheri harisati riri bhukuwo zvaro, asi Chisikwa Chipenyu, chine simba rinokunda zvose zvinochishora.”
Nokuda kwavamwe, Bhaibheri rave riri manyuko ebetsero nenyaradzo. Mukuru mukuru woMubatanidzwa weAmerica Robert E. Lee akati: “Mukuvhiringidzika kwangu kwose nenhamo, Bhaibheri harina kutongokundikana kundipa chiedza nesimba.” Uye nemhaka yokuonga kwake bhuku irori, purezidhendi weU.S. John Quincy Adams akati: “Kwamakore akawanda ndakakuita muitiro kurava Bhaibheri rose kamwe gore riri rose.”
Kana Wokumusorosoro akapa Bhaibheri kurudzi rwomunhu, panofanira kuva noufakazi hwokuti rakafuridzirwa nenzira youmwari. Rinofanira kuva rakakura zvikuru kupfuura rimwe bhuku ripi neripi. Uye kuti Bhaibheri rive manyuko echokwadi esimba nomurairidzo, raizofanira kuva rinovimbika zvakakwana. Naizvozvo, ipapoka, panoramba pane mubvunzo wokuti, Bhaibheri chipo chaizvoizvo chakabva kuna Mwari here? Ngatitevere kutsvaka mhinduro kumubvunzo iwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Chokwadika, pane chipo chikuru zvikuru—Jesu Kristu.—Johane 3:16.
[Mifananidzo iri papeji 3]
William E. Gladstone
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo
Abraham Lincoln
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo
Patrick Henry
[Kwazvakatorwa]
Harper’s U.S. History
Napoléon Bonaparte
[Kwazvakatorwa]
Akanyorwa naE. Ronjat
John Quincy Adams
[Kwazvakatorwa]
Harper’s U.S. History
Robert E. Lee
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo