RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 5/1 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nguva Yokuramba Takamuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kuvapo kwaKristu Kunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 5/1 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Kungagona here kutaurwa kuti nzwisiso yakawiriraniswa nemusi yenguva pfupi yapfuura yeshoko rokuti “chizvarwa” pana Mateo 24:34 (NW) inobvumira pfungwa yokuti mugumo wetsika yezvinhu ungagona kunonotswa ndokupinda munguva yemberi iri kure?

Ikoko zvirokwazvo hakuna kudaro. Mukupesana, nzwisiso yakanatswa yenguva pfupi yapfuura yeiyi nhau inofanira kutibetsera kuramba tichikarira mugumo. Kunodaro sei?

Eya, sezvakatsanangura Nharireyomurindi yaNovember 1, 1995, Jesu akashandisira kutaura kwokuti “chizvarwa ichi” kuvanhu vakaipa vanorarama panguva imwe chete. (Mateo 11:7;, 16-19; 12:39, 45; 17:14-17; Mabasa 2:5, 6, 14, 40, NW) Kwakanga kusiri, sezvakadaro, kurondedzerwa kweurefu hwenguva yakagadzwa inovamba nemusi chaiwo.

Kutaura idi, “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muchinyorwa chimwe chetecho cheNharireyomurindi chakanangidzira ngwariro pamapfundo maviri anokosha: “Chizvarwa chavanhu hachigoni kurangarirwa senhambo ine nhamba yemakore yakasarudzwa,” uye “Vanhu vechizvarwa vanorarama kwenhambo pfupi zvikuru.”

Kazhinji kazhinji tinoshandisa “chizvarwa” muiyi nzira. Somuenzaniso, tingati, ‘Varwi vechizvarwa chaNapoléon vaisaziva chinhu pamusoro pendege nemabhomba eatomu.’ Tingave tichinongedzera kuvarwi chete vakaberekwa mugore rimwe chetero chaizvo rakaberekwa Napoléon here? Tingave tichinongedzera bedzi kuvarwi vechiFrench avo vakafa Napoléon asati afa here? Chokwadika kwete; uyewo kupfurikidza nokushandisa “chizvarwa” tinenge tisingaedzi kugadza nhamba yakati yemakore. Kunyange zvakadaro, tinenge tichinongedzera kunhambo pfupi zvikuru, kwete mazana emakore kubva munguva yaNapoléon ndokupinda munguva yemberi.

Kwakafanana nenzwisiso yedu yezvakataurwa naJesu muuporofita hwake hwakapiwa paGomo reMiorivhi. Kuzadzika kwemativi akasiyana-siyana euporofita ihwohwo kunobvumikisa kuti mugumo wetsika ino wava pedyo. (Mateo 24:32, 33) Yeuka kuti maererano naZvakazarurwa 12:9, 10, nokugadzwa kweUmambo hwaMwari hwokumatenga muna 1914, Satani akakandirwa kunharaunda yepasi. Bhuku raZvakazarurwa rinowedzera kuti Satani zvino ane hasha huru. Nei? Nemhaka yokuti anoziva kuti “uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:12.

Nokudaro kwakanga kwakafanira kuti Nharireyomurindi yaNovember 1 yakanga ine musoro muduku waiti “Rindai!” Ndima yakatevera nenzira yakafanira yakati: “Hatifaniri kuziva nguva chaiyo yezviitiko. Panzvimbo pezvo, ngwariro yedu inofanira kuva pakuva vanorinda, tichisakurira kutenda kwakasimba, uye kuramba takabatikana mubasa raJehovha—kwete pakuverenga musi.” Ipapo yakanokora mashoko aJesu okuti: “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai!”—Marko 13:33, 37.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe