Kudzidza Zvikuru—Asi Kuchinja Kushoma
“Pasinei nokubudirira mune zvesayenzi, vanhu havana kuchinja zvakanyanya mumakore zviuru zviviri apfuura; uye naizvozvo tichiri kufanira kuedza kudzidza kubva kune zvakaitika kare.”—Kenneth Clark, Civilisation—A Personal View.
PAVE paine kufambira mberi zvechokwadi kunoshamisa mune zvesayenzi mumazana emakore apfuura. Magazini yeTime inoti kufambira mberi uku kwakaita kuti “mamiriyoni evanhu akwanise kurarama upenyu hwakanaka zvisina kumboitika kare.” Kumwe kufambira mberi kwakanaka zvikuru kwave kuri mune zvokurapa. Makore anoda kusvika chiuru adarika, “kurapa kwakanga kusina unyanzvi uye kwaiva kwoutsinye,” anodaro munyori wezvakaitika kare Zoé Oldenbourg. “Chiremba aikwanisa kuuraya kufanana nokurapa kwaaiita.”
Vanhu Vaisada Zvokudzidza
Vanhu havana kubvira kare vachida zvokudzidza. Somuenzaniso, mukunopera kwezana remakore rechi19, vanachiremba vakawanda vairamba uchapupu hwaiva pachena hwokuti ivo pachavo vakanga vari kuparadzira zvirwere kune vavairapa. Naizvozvo vairamba vachiita zvavakanga vari kuita zvaiva nengozi uye vairamba kugeza maoko avo vasati vaenda pane mumwe murwere vachibva pane mumwe.
Kunyange zvakadaro, sayenzi uye ruzivo rwokugadzira zvinhu zvakaramba zvichifambira mberi. Saka zvine musoro kutaura kuti kubva kune zvakaitika kare vanhu vanofanira kudzidza kuti vangaita sei kuti nyika ive inofadza, neyakachengeteka yokugara. Asi aya handiwo mafambiro akaita zvinhu.
Funga nezveEurope muzana remakore rechi17. Nguva iyoyo yakatsanangurwa kuti yakanga iri nguva yokuona chiedza uye kushandisa pfungwa. Asi, chokwadi chinoramba chiripo chokuti “nokuuya kwakaita vanhu vane pfungwa dzakapinza mune zvokunyora mifananidzo uye zvesayenzi,” anodaro Kenneth Clark, “kwakanga kuine kutambudzwa kwevanhu kusina musoro uye hondo dzoutsinye dzakarwiwa zvisina kumbenge zvaitika kare.”
Mazuva ano vamwe vanhu havadi kudzidza kubva kune zvakaitika kare kuti vadzivise kudzokorora zvikanganiso zvacho. Izvi zvakaguma nokuti iye zvino kurarama kwedu pasi pano kunenge kuri mungozi. Munyori anonzi Joseph Needham akapedzisa achiti mamiriro ezvinhu ave akaipa zvikuru zvokuti ‘iye zvino changosara kuti tiite kuva netariro ndokunamata kuti nhubu dzirege kuzoshandisa masimba aripo kuparadza upenyu hwose huripo pasi pano.’
Nei zvakadaro kuti pasinei nepfungwa dzakapinza dzevanhu uye kudzidza, tichiri munyika yakazara nokurwisana uye utsinye? Izvi zvichafa zvakachinja here? Nyaya mbiri dziri kutevera dzichakurukura mibvunzo iyi.