RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 3/15 pp. 3-4
  • Icho Umambo hwaMwari Hunoreva Kuvazhinji

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Icho Umambo hwaMwari Hunoreva Kuvazhinji
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marangarirwe Akaitwa Umambo
  • Nei Tichifanira Kuda Kuziva nezveUmambo hwaMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Vaporofita Venhema Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Umambo hwaMwari
    Mukai!—2013
  • Umambo hwaMwari—Uri Kuhunzwisisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 3/15 pp. 3-4

Icho Umambo hwaMwari Hunoreva Kuvazhinji

JESU KRISTU aiwanzotaura pamusoro poUmambo hwaMwari. Muna ikoku wezvenhau H. G. Wells akanyora, kuti: “Hunoshamisa hutanhamari hukuru hwakapiwa naJesu kukudzidziswa kweicho iye akadana kuti Umambo hwoKudenga, uye kusakosha kwahwo kukuru mumuitiro nokudzidzisa kwamazhinjisa amachechi echiKristu. Iyi dzidziso yoUmambo hwoKudenga, iyo yakanga iri dzidziso huru yaJesu, uye iyo inoita rutivi ruduku kwazvo muzvitendero zvechiKristu, zvamazvirokwazvo ndiimwe yedzidziso dzakasiana zvikuru dzati dzambonyandura ndokuchinja mufungo womunhu.”

Neiko machechi ane zvishomanene kwazvo zvokutaura pamusoro poUmambo hwaMwari? Chimwe chikonzero chingava chokuti pane kusava nechokwadi pamusoro poUmambo hwacho. Mirangariroi yakadavirwa pamusoro pahwo?

Marangarirwe Akaitwa Umambo

Vamwe vakazivisa Umambo hwaMwari neChechi yeKaturike. Pashure pokunge mabhishopi agamuchira Mambo Constantine somutungamiriri wawo paDare reNicaea mugore ra 325 N.V., chechi yakabatanidzwa mune zvamatongerwe enyika, uye vanhu vakaudzwa kuti Umambo hwakanga hwatouya. Encyclopædia Britannica inotsanangura kuti mukuwirirana nedzidziso yaAugustine (354-430 N.V.), “Umambo hwaMwari hwakatovamba munyika ino nokutangwa kwechechi” uye “hutori mumasakaramendi echechi.”

Vamwe vanorangarira Umambo hwaMwari sohunoitwa navanhu. Enisaikoropidhia imwe cheteyo inoti: “Machechi eReformation . . . akakurumidza kuva machechi esangano renzvimbo, ayowo akadzvinyirira kariro yenguva yomugumo” pamusoro pokuuya kwoUmambo hwaMwari. H. G. Wells akanyora, kuti: “Vanhu vakabvisa nongedzero youpenyu hwavo muumambo hwaMwari nouhama hworudzi rwomunhu kuenda kuzvinhu zviya sezviri pachena zviri chaizvoizvo zvipenyu zvikuru, France neEngland, Holy Russia, Spain, Prussia . . . Zvakanga zviri vamwari chaivoivo navapenyu veEurope.”

Munguva dzazvino unowo, Umambo hwakaitwa kuti huve hwenyika. Encyclopædia Britannica inotsanangura, kuti: “Muenzaniso wakanaka chimiro chikuru chendangariro chokuti munhu amene anofanira kugadzirira nzanga yakakwana yomunguva yemberi nomutoo wokuumba nokuronga uye kuti ‘kukarira’ no‘kumirira’ zvinotsiviwa nokutanga kuita zvinhu kwavanhu.” Pamusoro pe“sangano rokuchinja nzanga kuva yechiKristu,” bhuku renongedzero rimwe chetero rinopfuurira, kuti: “Iri sangano rairangarira shoko rechiKristu roUmambo hwaMwari zvikurukuru sesundo nokuda kwokurongwazve kwemigariro yenyika yenzanga mupfungwa yetsika yoUmambo hwaMwari.”

VaJudha vazhinji vakarangarirawo Umambo sohunoitwa navanhu. Muna 1937 musangano wavadzidzisi veReform muColumbus, Ohio, U.S.A., wakati: “Tinokurangarira sebasa redu rinokosha kubatira pamwe navanhu vose mukugadzwa kwoumambo hwaMwari, kwouhama hwenyika yose, ruramisiro, zvokwadi norugare pasi pano. Iyi ndiyo nharidzano yedu youmesia.”

Mumwe murangariro unodavirwa zvikuru ndowokuti Umambo hwaMwari mugariro womwoyo womunhu. MuUnited States, somuenzaniso, Southern Baptist Convention ya 1925 yakazivisa, kuti: “Umambo hwaMwari kutonga kwaMwari mumwoyo noupenyu zvomunhu muukama huri hwose hwavanhu, uye muchimiro chiri chose nesangano renzanga yakarongwa. . . . Umambo hwaMwari huchakwana apo mufungo uri wose nokuda kwomunhu zvichapinzwa muutapwa hwokuda kwaKristu.”

Naizvozvo, ipapoka, chechi ndiyo Umambo hwaMwari here? Umambo ihwohwo huchaparirwa kupfurikidza nomutoo wenyika here? Ihwo mugariro womwoyo here? Uye chii icho Umambo hwaMwari hunogona kureva kwauri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe