RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 3/1 p. 23
  • ‘Kupinza Zivo yaMwari naJesu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kupinza Zivo yaMwari naJesu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Fundo Nhamba 8—Betsero dze“New World Translation”
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “New World Translation”—Younyanzvi Uye Yakatendeseka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Unofanira Kudzidzira chiHebheru nechiGiriki Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 3/1 p. 23

‘Kupinza Zivo yaMwari naJesu’

“IKOKU kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Akataura kudaro Jesu mumunyengetero kuna Baba vake vokudenga, uye neiyi nzira iye akaratidza chinhu chinokosha chokuwana nacho upenyu husingagumi. Neiko, kunyanguvezvo, New World Translation ichishandura iyi ndima kuti “kupinza zivo ya . . . Mwari” panzvimbo pokuti “kuziva . . . Mwari,” sokuitaura kunoita zhinjisa dzedzimwe shanduro dzeBhaibheri?—Onawo mashoko omuzasi kuna Johane 17:3.

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti ‘kupinza zivo’ kana kuti “kuziva” chimiro chechiito chokuti gi·noʹsko. Uye kushandura kuri muNew World Translation kwakarongedzerwa kubudisa zvizere zvikuru sezvinobvira revo yeshoko iroro. Revo huru yagi·noʹsko, ndiku“ziva,” asi shoko rechiGiriki rine mhatsa dzakasiana-siana dzerevo. Cherekedza rondedzero dzinotevera:

“GINŌSKŌ (γινώσκω) rinoreva kuva anopinza zivo, kusvika pakuziva, kuziva, kunzwisisa, kana kuti kunzwisisa chose chose.” (Expository Dictionary of New Testament Words, W. E. Vine) Nokudaro, kushandura gi·noʹsko ‘kupinza zivo’ hakusi ‘kuchinja Bhaibheri,’ sokutaura kwakaita vatsoropodzi veNew World Translation. Mukurukurirano yemhatsa dzakasiana-siana dzerevo shoko racho rinogona kubatanidza, munyori akakurumbira weduramashoko James Hope Moulton anoti: “Chinhu chakapfava chazvino uno, γινώσκειν, chinopfuurira, ‘kuva anopinza zivo.’”—A Grammar of New Testament Greek.

A Grammatical Analysis of the Greek New Testament inotsanangura gi·noʹsko sezvaanooneka pana Johane 17:3 so“kureva muitiro unopfuurira.” Imwezve tsinhiro pairi shoko rechiGiriki inooneka muWord Studies in the New Testament, rakanyorwa naMarvin R. Vincent. Irori rinoti: “Upenyu husingagumi hwakaumbwa nezivo, kana kuti panzvimbo pezvo kurondwa kwezivo, sezvo shoko razvino rinoratidzira kupfuurira, nzwisiso inofambira mberi.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwake.) Word Pictures in the New Testament yaA. T. Robertson inokarakadza kushandura shoko rokuti “unofanira kuramba uchiziva.”

Naizvozvo, muchiGiriki chapakuvamba, mashoko aJesu ari pana Johane 17:3 anoreva nhamburiko inopfuurira yokusvika pakuziva Mwari wechokwadi noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye ikoku kunosanojekeswa mukushandurwa kweNew World Translation. Tinowana iyi zivo kupfurikidza nokufunda nokushingaira Shoko raMwari uye kupfurikidza nokuchinjira upenyu hwedu nenzira yokuteerera kumipimo yaro. (Enzanisa naHosea 4:1, 2; 8:2; 2 Timotio 3:16, 17.) Ituso yakaisvonaka zvakadini yakamirira avo vanozvirovedzanisa vamene nohunhu hwaMwari uye nouhwo hwoMwanakomana wake uye ipapo kuedza kuvatevedzera? Upenyu husingaperi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe