Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Jehovha Anotusa Pwere Yakatendeka
PWERE dzakatendeka dzinokosha zvikuru mumeso aJehovha. Chinoitika chinotevera chomurume muduku akatendeka chinofanira kukurudzira vamwe vaduku kuchengeta perero yavo sezvavanobatira Jehovha.
MuArgentina mumwe mukomana wamakore 11 okukura nomunun’una wake vakafunda bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi nambuya vavo. Nokukurumidza, vabereki vavakomana vacho vakaratidzira chishoro, uye vakarambidza vakomana vacho kuenda kumisangano kuHoro yoUmambo. Kwenguva yakati, kuti vapinde misangano, vakomana vacho vaitiza napafafitera romuimba yokugezera, kusvetukira muberere, uye kubva ipapo vaikwira rusvingo ndokupinda muberere romuvakidzani ndokupfuurira kuHoro yoUmambo. Ipapo mumwe munhu akaudza mai vavo kuti vakanga vachipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Mai vacho vakatyisidzira kuvarova, uye ikoku kwakatyisa mukomana muduku, uyo akarega kufunda. Asi mukuru wacho akapfuurira. Kwamakore mashanu iye akakwanisa kupinda misangano vabereki vake vasingazivi.
Apo akanga ava namakore 16 okukura, aida kuita kosi muchikoro chapamusoro yakanga isingagoverwi mutaundi romumusha make. Kuva asiri pamusha kwaizomupa rusununguko rwakawanda rwokuronda zvokwadi. Vabereki vake vakabvuma kumurega achienda, uye chinhu chiri chose chakafamba zvakanaka kwemwedzi mitatu. Ipapo mukuru wechikoro akazivisa vabereki vake kuti mwanakomana wavo aisakwazisa mureza kana kuti kuimba rwiyo rworudzi. Pamberi pomukuru wacho, vabereki vake, munyori, gweta, uye mapurofesa gumi, murume muduku wacho akakwanisa kupa uchapupu hwakaisvonaka pamusoro pechikonzero nei aisagona nenzira yokutungamirirwa nehana kuita izvi zviito. (Eksodho 20:4, 5) Vabereki vacho vakatsamwa. Mai vakatora vhorovhoro, vachida kupfura mbuya, avo vavairangarira kuva vane mutoro. Asi vaisatongovawana vari voga.
Gare gare, pachikarakadzo cheshamwari yemhuri yacho uye netendero yomukuru wechikoro, vabereki vakasarudza kuisa pwere mukiriniki yavanorwara mundangariro, vachifunga kuti kurapwa ndangariro kwaizomuita kuti asiye kutenda kwake. Vashandi vapakiriniki vaienda nomukomana wacho makiromita 100 kubvapo vari mumotokari uye vaimubaya jekiseni rine mushonga wakawanda weinsulin nemimwe mishonga kusvikira arasikirwa nokuziva. Pakumuka, akanga avhiringidzika chose chose, aisaziva munhu upi noupi, uye akatambura kusayeuka kuduku. Pashure penzvero zhinji vanachiremba vaisagona kuona kuvhiringika kupi nokupi kwendangariro maari. Asi kiriniki yakapfuurira nokurapa kwacho. Apo ainge ava kuziva, mukomana wacho ainyengetera nenzira inopfuurira kuna Jehovha kuti asamurege uye akamukumbira simba rokutsungirira. Jehovha akamudzivirira, uye pakupedzisira akabudiswa mukiriniki.
Pane imwe nhambo mukuru wechikoro akabvunza murume muduku wacho kana akanga akagadzirira kurega kutenda. Apo akati aiwa, mukuru wacho akaudza vabereki kuti vamudzosere kukiriniki nemhaka yokuti akanga ava noupenzi kupfuura kare. Vabereki vakamuendesa kuimba yokuroja uye vakaudza muridzikadzi wenzvimbo yacho kuva nechokwadi chokuti aisaenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Pashure pokunge vabereki vacho vaenda, chishamiso chakadini icho mukomana akagamuchira! Varidzi veimba yokuroja vakanga vari Zvapupu zvaJehovha! Pakupedzisira vabereki vakamubvisa pakurapwa ndangariro, vapwiswa kuti vanachiremba vakanga vavarevera nhema. Munguvayo Dare Rapamusoro reArgentina rakatonga kuti vana veZvapupu zvaJehovha vaisagona kudzingwa pachikoro nokuda kwokusakwazisa mureza.
Iyi miedzo yakabetsera iyi pwere yakatendeka here? Hungu. Iye anoti: “Ndakakwanisa kupa uchapupu hwakakura kuna vanachiremba, vanapurofesa, vokuchikoro biyangu, vabereki, uye hama dzokunyama, kutaura idi, kuguta rose. Vabereki vangu vati pfavei uye vane pfungwa iri nani yeZvapupu. Zvino, apo ndinotarira shure pahuduku hwangu, ndinoona kuti Mwari wedu anoshamisa uye munyoro sei mukutarisira mumwe munhu anoramba akavimbika kwaari. Kuri chaizvoizvo sokutaura kwakaita wezvamapisarema paPisarema 27:10, kuti: ‘Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.’”
Uyu murume muduku zvino ava namakore 23 okukura, akaroora, uye anoshingaira zvikuru mubasa raJehovha. Zvirokwazvo, simba rinotsigira raJehovha harina muganhu.—Pisarema 55:22.