Mapira Anopfuura Kufadza
Vashanyi vanofadzwa namapira ari muMediterranean Sea paKesaria, pachiteshi chengarava chakare chiri pamhenderekedzo yegungwa yeIsraeri. Herodhe Mukuru akavaka ichi chiteshi chengarava ndokutumidza zita guta racho murukudzo rwaKesari Augusto.
Vacheri vamatongo vakafukunura rakawanda reguta racho, kubatanidza horo yaro huru. Ivo vakapindawo pasi pemvura kuti vawane nzwisiso munzira iyo chiteshi chengarava chakaoma kunzwisisa chakavakwa nayo mumhenderekedzo yegungwa ine jecha.
The New York Times (January 8, 1991) yakashuma kuwanwa kwamapira muzvisaririra zveimba yamambo iyo kare yaipinda mugungwa. Izvozvi zvinokosha mukuti manyoro ari pazviri anodudza vanagavhuna veRoma avo vaisazivikanwa kare. “Mutarisiri” wengarava anodudzwawo, urwo ruri “runyoro rwokutanga rwati rwambowanwa rune chokuita nechiteshi chacho chengarava.”
Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti muapostora Pauro akapinda nengarava muichi chiteshi chengarava pamhedziso yenzendo mbiri dzoufundisi. Pano iye akagara naFiripo muevhangeri, uye zvinoitika zvake zvinofanira kuva zvakakurudzira zvikuru vadzidzi. (Mabasa 18:21, 22; 21:7, 8, 16) Tinogona kurava zvakawanda zveizvi zvinoitika zvinofadza mubhuku reBhaibheri raMabasa aVaapostora.
Naizvozvo aya mapira ari mumhenderekedzo yegungwa haasati achingova zvawo zvisaririra zvenhau zvisina maturo. Anoyeuchidza maKristu hama dzawo dzapakuvamba, idzo dzakaparadzira nokushingaira mashoko akanaka muzviteshi zvengarava uye kubuda “kusvikira kurutivi ruri kure zvikurusa rwapasi.”—Mabasa 1:8, NW.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Garo Nalbandian