Mifananidzo Inogona Kukuswededza Pedyo Zvikuru Namwari Here?
ZVIVERENGERO zvikuru zvemifananidzo yeEgipita, yeBhabhironi, uye yeGirisi zvakazadza mamiyuziyemu nhasi. Zvifananidzo zvaichimbova chinhu chokukudzwa kwokushingaira zvino zvava kuratidzirwa samabasawo zvawo ounyanzvi hwekare hwokugadzira zvinhu. Simba razvo rakanga riri bedzi mufungidziro yaavo vaizvinamata. Nokufa pakupedzisira kwavanhu vaiinamata, raifungidzirwa kuva simba reiyi mifananidzo rakaperawo. Mifananidzo yacho yakaratidzirwa seisina simba—uko kutaura idi yakanga yave yakadaro nguva dzose—zvinhu zvisina upenyu zvamatanda, ibwe, kana kuti simbi.
Zvakadiniko nemifananidzo iri kukudzwa nokunamatwa navanhu nhasi? Iyi mifananidzo inombova nesimba zvikuru kupfuura mifananidzo yekare yeEgipita, yeBhabhironi, uye yeGirisi here? Yave ichishanda zvirokwazvo mukubetsera munhu kuswedera pedyo zvikuru naMwari here?
Nokupfuura kwechizvarwa chiri chose, rudzi rwomunhu runoratidzika kuva rwuri kuramba ruchienda kure naMwari. Uye chii icho mifananidzo yose iri munyika inogona kuita pamusoro pako? Kana ikasiiwa isingatarisirwi, inova neguruva uye pakupedzisira inoita ngura kana kuti kuora. Haigoni kuzvitarisira imene, tisingatauri chinhu pamusoro pokuitira vanhu chinhu chipi nechipi. Chinokosha zvikuru, zvisinei, Bhaibheri rinotii pamusoro peiyi nhau?
Inodhura, Yakasanogadzirwa,Asi Haibetseri
Nenzira isingashamisi, Bhaibheri rinoratidzira mifananidzo seisingabetseri neisingakwanisi chose chose kubetsera vazvipiri vayo kuswedera pedyo zvikuru naMwari. Kunyange zvazvo mifananidzo yorudzidziso ichiwanzova inodhura neyakasanogadzirwa, Bhaibheri rinoratidza ukoshi hwayo hwechokwadi parinoti: “Zvifananidzo zvavo isirvheri nendarama, basa ramaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni; zvine nzeve, asi hazvinzwi; nemhino zvinadzo asi hazvinhuwidzi; zvine maoko asi hazvibati; namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; hazvitauri napahuro pazvo. Ivo vanozviita vachafanana nazvo; zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.”—Pisarema 115:4-8.
Bhaibheri harisati richiratidzira bedzi zvidhori sezvisina maturo asi rinotaurawo nenzira yokushurikidza pamusoro pemifananidzo navanamati vayo, kuti: “Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nokuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni. Munhu mumwe nomumwe wava asina njere, haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema; hakuna [mudzimu, NW] mazviri. Hazvina maturo, ibasa rinonyengera.”—Jeremia 10:5, 14, 15.
Murangariro weKaturike
Vakawanda, ichokwadi, vanokotama, kunyengetera ndokubatidzira makenduru ku, uye kutsvoda mifananidzo yorudzidziso havazvirangariri vamene savanamati vezvidhori kana kuti vanamati vemifananidzo. Somuenzaniso, vaKaturike vanotaura kuti vanokudza mifananidzo yaKristu naMaria, kwete nemhaka yokuti mifananidzo imene ine umwari hupi nohupi, asi nemhaka youyo mifananidzo yacho inomirira. The World Book Encyclopedia inotaura kuti “muChechi yeRoma Katurike, mifananidzo inokudzwa sezviratidziro zvavanhu vanomirirwa nayo.” Vafundisi veKaturike vakaparidza kuti kwakakodzera kukudza mufananidzo chero bedzi kukudza kwacho kuri kuduku murudzi pane uko kunofanira kupiwa kuna Mwari amene.
Idi nderokuti iyi mifananidzo iri kukudzwa. Kunyange New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti kukudza kwakadaro “chiito chokunamata.” Zvisinei, Jesu Kristu akabvisa kushandiswa kwemifananidzo seyamuro mukusvika Mwari apo akati: “Hapana munhu anouya kuna Baba, asi nokwandiri.” (Johane 14:6) Hakushamisi, ipapoka, kuti maKristu omuzana rokutanga ramakore akazvidza kushandiswa kwemifananidzo mukunamata.
Kunyanguvezvo, nhasi marudzidziso echiKristudhomu anopfuura mamwe ose muchiverengero chikuru chemifananidzo. Hungu, pasinei zvapo noufakazi hwose hwenhau nohwapaMagwaro hunoratidzira ufuza hwokupa rukudzo kumufananidzo, anonzi maKristu munyika yose anopfuurira kukotama nokunyengetera pamberi pemifananidzo mukutsvaka kwawo Mwari kwapachokwadi. Neiko?
Vanonyengedzwa Nomuvengi
Muporofita Isaya akataura kuti vanamati vemifananidzo vomuzuva rake vakakundikana kuona ufuza hwezviito zvavo nemhaka yokuti maziso avo akanga a“namira kuti arege kuona, nemwoyo yavo, kuti varege kunzwisisa.” (Isaya 44:18) Ndiani angagona sezvingabvira kushandisa pesvedzero yakadaro pavanhu? Dare ravapunzi vemifananidzo ra 754 N.V. rakazivisa kuti kukudzwa kwemifananidzo kwakatangwa naSatani nokuda kwedonzo rokunyengedza munhu kubva kuna Mwari wechokwadi. Mhedziso iyoyi yakanga yakarurama here?
Hungu, nokuti inotsinhirana neBhaibheri rakafuridzirwa, iro rakataura mazana amakore pakuvamba kuti muvengi mukuru waMwari, Satani Dhiabhorosi, “akapofumadza ndangariro” dzavanhu zvokuti zvokwadi hai“sati ichivhenekera.” (2 VaKorinte 4:4, NW) Naizvozvo pakukudza mufananidzo, panzvimbo pokuswedera pedyo zvikuru naMwari, chaizvoizvo mumwe ari kubatira fariro dzamadhemoni.—1 VaKorinte 10:19, 20.
Kuswedera Pedyo Zvikuru naMwari
Mifananidzo haigoni kutibetsera kuswedera pedyo zvikuru naMwari. Musiki Mukuru, Jehovha Mwari, anosema kukudzwa kwemifananidzo. (Dheuteronomio 7:25) “Jehovha ndiMwari anoraira kuzvipira kwapoga.” (Nahumi 1:2, NW) Iye anoti: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.” (Isaya 42:8) Naizvozvo, Bhaibheri rinonyevera kuti avo vanopa rukudzo kumifananidzo “havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.”—VaGaratia 5:19-21, NW.
Bva, Jehovha ndiMwari anewo ngoni naanokanganwira. Bhaibheri rinotaura pamusoro paavo vakatendeukira kuna Mwari vachibva kuzvidhori zvavo uye vakaruramiswa pashure pokurega miitiro yavo yokunamata zvidhori. (1 VaKorinte 6:9-11; 1 VaTesaronika 1:9) Vakateerera mashoko aJesu, anoti: “Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nezvokwadi.”—Johane 4:24, NW.
Fundo yapachokwadi yeBhaibheri ichazivisa kuti hakuna kuoma kuswedera pedyo zvikuru naMwari. (Mabasa 17:26-28) Iye ane hunhu hwoushamwari, hworudo, hunosvikika, uye iye anotikoka ndokutikarira kukudziridza ukama hwapedyo naye.—Isaya 1:18.
Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka kuti usvike pakuziva Baba vedu vokudenga soMunhu, kudzidza pamusoro pezita rake, Jehovha, uye pamusoro pamavara ake nokubata norudzi rwomunhu. Kupfurikidza namapeji eShoko rake, Bhaibheri, uchasvika pakunzwisisa chikonzero nei usingadi chaizvoizvo yamuro dzinooneka, zvakadai sezvifananidzo nemifanikiso, kuti usvike Mwari. Hungu, “swedera pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo newe.”—Jakobho 4:8, NW.
[Bhokisi riri papeji 6]
Vezvenhau Vanotaura Kuti . . .
◻ “Iidi rinosanozivikanwa kuti chiBuddha, chakavambwa muzana ramakore rechitanhatu PNV, hachina kuona mufananidzo wokutanga womuvambi wacho kusvikira munenge muzana rokutanga ramakore NV.”
“Kwamazana amakore, gamuchidzanwa rechiHindu zvikurukuru rakanga risina zvidhori kana kuti mifananidzo.”
“ChiHindu nechiBuddha zvose zviri zviviri zvakatanga zvisina zvidhori kana kuti mifananidzo uye zvakagamuchira bedzi pashoma napashoma mifananidzo mukunamata kwazvo. ChiKristu chakaita zvimwe chetezvo.”—The Encyclopedia of Religion, rakanyorwa naMircea Eliade.
◻ “Kubva munhauro dzakasiana-siana dzeBhaibheri kuri pachena kuti kunamatwa kwechokwadi kwaMwari kwakanga kusina mifananidzo. . . . MuTI [Testamente Itsva]wo, kunamatwa kwavamwari vokumwe nezvidhori kunorambidzwa.”—New Catholic Encyclopedia.
◻ “Mifananidzo yakanga isingazivikanwi mukunamata kwamaKristu apakuvamba.”—Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, rakanyorwa naMcClintock naStrong.
◻ “MuTestamente Itsva, kana kuti zvimwe mumanyoro api naapi apachokwadi ezera rokutanga rechiKristu, hamugoni kuwanwa chiratidzo chipi nechipi chokushandiswa kwezvidhori kana kuti mifananidzo mukunamata kwamaKristu, pangave pachena kana kuti pakavandika.”—A Concise Cyclopedia of Religious Knowledge, rakanyorwa naElias Benjamin Sanford.
◻ “MaKristu apakuvamba angadai akatarira nokutyiswa pachikarakadzowo zvacho chokuisa mifananidzo mumachechi, uye angadai akarangarira kukotama kana kuti kunyengetera pamberi pazvo sezvimwe chetezvo nokunamata zvidhori.”—History of the Christian Church, rakanyorwa naJohn Fletcher Hurst.
◻ “Muchechi yapakuvamba, kuitwa nokukudzwa kwemifananidzo yaKristu navatsvene zvaishorwa nguva dzose.”—The New Encyclopædia Britannica.
◻ “Kunyange zvazvo Chechi yapakuvamba yakanga isiri isingavengi mabasa okugadzira zvinhu, bva yakanga isina mifananidzo yaKristu.”—Schaff-Herzog Encyclopedia of Religious Knowledge.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Jesu akasimbisa kuti Mwari ari kutsvaka avo vano“namata Baba nomudzimu nezvokwadi”