RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 1/1 pp. 27-31
  • Kuchengeta Perero yechiKristu muLiberia Yasakadzwa Nehondo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchengeta Perero yechiKristu muLiberia Yasakadzwa Nehondo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Kupararira Kwehondo
  • Kushanda Kwouhama hwechiKristu
  • Kuwana Zvokudya Nemvura
  • Kuchengeta Simba Romudzimu
  • Kutarisira Vamwe
  • Zvidzidzo Zvinokosha Zvakadzidzwa
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 1/1 pp. 27-31

Kuchengeta Perero yechiKristu muLiberia Yasakadzwa Nehondo

Yakataurwa nechapupu chakaona

“APO nzou dzinorwa, uswawo huchatambura.” Chirevo ichocho cheWest Africa chinosanopeta sei chakaitika mukati mehondo yemisi ichangobva kupfuura muLiberia! Vanhu 20 000 vakarasikirwa noupenyu hwavo, uye hafu yavagari venyika yacho vane mamirioni 2,6 vakabviswa munzvimbo dzavo. Vazhinjisa vaavo vakatambura vakanga vasiri varwi; ivo vakanga vari “uswa”—varume, vakadzi, uye vana vasingakuvadzi.

Apo hondo yakatanga muna December 1989, Zvapupu zvaJehovha zvinodokusvika 2 000 muLiberia zvakanga zvichifarikanya wedzero dzakatsiga muzviverengero uye zvaitarira mberi kunguva yemberi nechivimbo. Nenzira inosuruvarisa, izvo zvakanga zviri rutivi rwo‘uswa hwakatambura.’

Kupararira Kwehondo

Hondo yakatanga mumuganhu weLiberia neCôte d’Ivoire, uye nokukurumidza vapoteri vakavamba kutizira kudzimbahwe, Monrovia, guta rine vagari vemo vanopfuura hafu yemirioni. Kuvambira muna March kusvikira kuna May wa 1990, sezvo kurwa kwakadzika kumaodzanyemba, vafundisi veZvapupu zvaJehovha vakabviswa kutanga muGanta uye ipapo muGbarnga. Ivo vaiva pakati povokupedzisira vavagari vemo kusiya aya mataundi. Hondo yakasvika pakakwirira apo mauto akashongedzerwa akapinda muMonrovia pana July 2, 1990.

Hakuna munhu akanga akagadzirira nokuda kwezvinotyisa zvakatevera. Mauto matatu akasiana akakurwisana mumigwagwa nepfuti hombe, maroketi, uye motokari dzinokanda mabhomba. Avo vasina kuurawa nemhaka yokuva mitezo yorudzi runovengwa vakanetswa nguva dzose nokunzverwa. Humwe usiku hwaAugust varume, vakadzi, uye vana vanopfuura 600 avo vakanga vapotera muSt. Peter’s Lutheran Church vakaurawa nechikwata chinouraya chaipengeswa nehondo.

Mazana akatiza kurwa vane zvipfeko bedzi zvavakanga vakapfeka. Mhuri dzakaparadzaniswa uye kwemwedzi yakati pashure hadzina kukwanisa kubatanazve. Vagari vemo vose veMonrovia vakaratidzika kuva vanotama, imba dzisina vanhu dzichigarwa navarwi navapoteri avo vakanga vatiza mamwe mativi eguta. Inopfuura hafu yavagari vemo veMonrovia vakabviswa munzvimbo dzavo. Vazhinjisa vakarasikirwa nechinhu chiri chose chavaiva nacho pamwe chete neinenge hama imwe yokunyama murufu. Vamwe vakarasikirwa navakawanda zvikuru.

Mugariro wacho wakasvika ngozi yakadaro zvokuti dzimwe nyika shanu dzeWest Africa dzakatumira varwi kuzoedza kudzorera rugare. Pakasvika mugumo waOctober 1990, kuzhinjisa kwokurwa kwakanga kwaguma. Asi ipapo kwakanga kwakaita sokunge guta rakashurikidzwa kufa nenzara naizvozvo rakapfekedzwa fuko. Masangano anobetsera akashuma kuti pane imwe nguva chinodokusvika chikamu chimwe kubva muzvitatu chavana veMonrovia vaiva pasi pamakore mashanu ezera vaipiwa zvokudya zvisina kukwana uye vanhu vanopfuura zana vakanga vachifa zuva riri rose. Zvinhu hazvina kumboitwa kuti zvive zviri nyore zvikuru navanoda kuita mhindu; vazhinji vakaba mupunga wakapiwa kubetsera uye ipapo kuutengesa nokuda kwamadhora 20 uye kupfuura mukombe mumwe. Hosha yaivapo nguva dzose, zvikurukuru korera, sezvo mvura yeguta, utsanana, uye magetsi zvakanga zvaparadzwa chose chose.

Zvapupu zvaJehovha zvinodokusvika chiuru chimwe zvaigara muMonrovia zvakatamburawo zvinotyisa. Voruzhinji vakatiza guta ndokuenda kusango, apo vamwe vakabva nengarava vachienda Ghana neNigeria kana kuti nomugwagwa kuCôte d’Ivoire kana kuti Sierra Leone. Kuvambira muna July kusvikira kuna December 1990, Zvapupu zvinopfuura 30 zvakarasikirwa noupenyu hwazvo. Zvimwe zvakaurawa nepfuti, apo zvimwe zvakafa nemiuyo yechirwere nenzara. Alan Battey naArthur Lawson, vafundisi vakapedza kufunda veAmerica veChikoro Chokurovedza Vashumiri, sezviri pachena vaiva pakati paavo vakaurawa. Haiwa, tariro yakavakirwa paBhaibheri yorumuko ndeyenyaradzo sei kuavo vedu vakarasikirwa nehama dzokunyama kana kuti shamwari mukati menguva iyoyo inotyisa!—Mabasa 24:15.

Kushanda Kwouhama hwechiKristu

Sezvo hondo yakapfuurira kudya marasha, Zvapupu zvakawanda zvakabviswa munzvimbo yazvo zvakatizira nokuda kwedziviriro kuhofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha nokumusha wavafundisi parumwe rutivi rwetaundi. Vamwe vakatsvaka dziviriro nemhaka yokuti vakanga vari mitezo yorudzi urwo varwi munharaunda vakanga vachiuraya. Vazhinjisa vakapiwa migove yebasa pabazu uye vakanga vachikosha mukubetsera nokubika nokuchenesa, apo vamwe vakagoverwa kutsvaka zvakasvibira zvinodyiwa mumatope ari pedyo apo migariro kunze yaibvumidza.

Vanhu vakanga vachivata munzvimbo iri yose, mumakamuri okuvata avafundisi, mumikoto, muBato roKutumira Zvinyorwa, uye mumahofisi. Takachera ndokuchengeta zvimbudzi. Vakadzi vakagoverwa kubatira savakoti, uye ivo vakatarisira nenzira inobudirira zvinoitika zvakawanda zvemararia nefivha. Manyoka aiwanzova chinetso.

Takaronga miitiro chaiyo yemba, kubatanidza zvokuita kana mabhomba achikandwa. Nokudaro, apo mauto anoshora aikanda mabara, takarovedzwa kusvika nharaunda dzakadzivirirwa dzebazu nokukurumidza. Kunyange zvazvo rusvingo rwedu rwakareba mamita matatu rwakanga rwuri dziviriro yakati, rwakanga rusina kukwana kudzivisa mabara anorova. Denga redu rakakurumidza kuva nechitarisiko chesefa yemhiripiri nemhaka yemwena yose yarakawana!

Vazhinji vakapinza mungozi upenyu hwavo kuti vadzivirire Zvapupu biyavo paavo vakanga vachitsvaka kuzviuraya nemhaka yokuti zvaiva zvorudzi runovengwa. Rimwe zuva imwe hanzvadzi yechiKristu yaichema yakasvika pahofisi yebazu navana vayo vapenyu, mumwe mwana ane mavhiki maviri okukura. Murume wayo nomwanakomana wechiduku vakanga vachangobva kupfurwa nepfuti ndokufa achiona. Iyo navamwe vana vayo vakanga vavanzwa nenzira inobudirira nechimwe Chapupu apo vaurayi vakadzoka kuzovatsvaka.

Imwe mhuri yakasvika pabazu nomuparidzi asina kubhapatidzwa uyo akanga abetsera kuvadzivirira pakuurawa navanhu vorudzi rwake. Ipapo, apo mugariro wakachinja uye muparidzi asina kubhapatidzwa akava mungozi, mhuri yakamuponesa pavanhu vorudzi rwavo.

Kazhinji kazhinji, vafundisi vaitaura navarume vakashongedzerwa nezvombo pageti rokuhofisi yebazu kuedza kuvadzivisa kunzvera kana kuti kupamba nzvimbo yacho. Pane imwe nguva boka rakatsamwa rakapinda namasimba masimba, vachitibata vakatinongedza nepfuti uye vachiomerera kuti takanga tichivanza mitezo yorudzi rwakati. Ivo vakashamiswa nokuona kuti Zvapupu zvomunzvimbomo zvakazvibata zvimene sei nenzira yakaterama, zvichigara zvakanyarara uye zvichiteerera pamusangano wechiKristu watakanga tichiva nawo. Ivo vakanzvera imba asi havana kuwana zvavakanga vachitsvaka. Nguva dzose taikwanisa kuvimbisa vavhozhokeri kuti takanga tisiri kuvanza varwi kana kuti muvengi upi noupi wavo. SamaKristu takanga tisingatori rutivi.

Pane imwe nguva mukati mokurwa kukuru, boka reZvapupu rakasvika pabazu rakatakura imwe hama yaiva nekenza inouraya. Nenzira inosuruvarisa, iyo yakafa nokukurumidza pashure pacho. Guva rakacherwa muruvanze, uye takava namariro anotapura zvakadini! Hama yacho yakanga yave iri mumwe wavakuru vedu vakaisvonakisisa vomunzvimbomo, ine makore akawanda ebasa rokutendeka. Vanenge vanhu vane zana rimwe vakabviswa munzvimbo dzavo vakaungana mukamuri rokusvikira nokuda kwehurukuro yechirangaridzo, iyo yakapiwa pfuti dzichirira kure.

Kuwana Zvokudya Nemvura

Migove yezvokudya yakanga yakaganhurirwa zvikuru. Kunyange hondo isati yavamba, vatengesi vakanga varega kupinza zvinhu zvinobva kune dzimwe nyika. Nokudaro, zvokudya zvishomanene zvikuru zvakasara muguta. Mugove wedu wezvokudya pabazu ungadai wakapedzera mitezo yemhuri yedu 12 mwedzi yakawanda, asi pane dzimwe nguva taiva navanhu vanosvika ku 200 vanogara nesu, kubatanidza vavakidzani vasiri Zvapupu avo vaida betsero zvikuru kwazvo. Munhu ari wose akaganhurirwa kuzvokudya zvimwe zvishomanene pazuva; takararama nemigove yakadaro kwemwedzi inoverengeka. Munhu ari wose aiva nenzara. Vana vakanga vangova ganda namafupa, vachirembera mumaoko avabereki vavo.

Nokukurumidza mugove wedu wezvokudya wakanga wava kupera. Ndokupi kwataigona kuwana zvimwe? Hapana zvitoro zvakanga zvakazaruka muMonrovia. Nzvimbo iri yose munhu akatarira, vanhu vanoziya nenzara vakanga vachifamba-famba mumigwagwa vachitsvaka zvokudya. Vanhu vakadya chinhu chiri chose—kubatanidza imbwa, katsi, uye makonzo. Vafundisi vaviri vakabva pabazu vakasarudza kuedza kuenda kuKakata, taundi riri kure naanenge makiromita 60, uko kurwa kwakanga kwamira.

Ivo vakaisa magazini eNharireyomurindi nezviratidzo mumawindo emotokari kuti vazvizivise vamene seZvapupu zvaJehovha. Pashure pokupfuura nzvimbo dzokunzvera dzakasiana-siana, ivo vakamiswa ndokubvunzwa nomurume muhombe, akasimba ane mabara akarembera pachipfuva chake vhorovhoro parutivi pake. Ivo vakazvizivisa vamene seZvapupu zvaJehovha ndokumuudza kuti vaida kusvika kuKakata nokuda kwezvokudya.

“Nditeverei,” iye akadaro. “Ndini mutungamiriri wehondo pano.” Iye akavaendesa kudzimbahwe rake. Pakuziva kuti ivo vakanga vachichengeta vanhu vakabviswa munzvimbo dzavo, akaraira varume vake kuendesa kubazu redu masaga 20 omupunga, rimwe nerimwe richirema makirogiramu 45! Uyewo, mvumo yakapiwa yokuti ivo vaende kuKakata, uye murindiri akashongedzwa nezvombo akagoverwa kuvatungamirira zvakakotsekana munzvimbo dzokunzvera dzakanga dzasara.

PaKakata ivo vakawana hama yedu yechiKristu Abraham uyo aiva nechitoro. Iye akanga achengeta makatoni ezvokudya nokuda kwedu, kubatanidza mukaka wepaudha, shuga, mirivo yakaiswa mumatini, uye zvimwe zvinhu zviri madikanwa. Kwakanga kuchishamisa zvirokwazvo kuona nzira iyo hama dzedu dzakatarisirwa nayo parwendo rwadzo. Jehovha anofanira kuva akafadzwa kuti takanga tagoverana zvokudya zvedu neshamwari dzedu navavakidzani, nokuti zvino migove yedu yakanga ichigoverwazve.—Zvirevo 11:25.

Pane rumwe rutivi rweMonrovia, vafundisi mumumwe musha wavafundisi vakanga vachitarisirawo vakabviswa munzvimbo dzavo, uye ivowo vakagamuchira rubatsiro rwakabva kumanyuko asingakarirwi. Somuenzaniso, mumwe mufundisi akawana masaga matatu omupunga kumurwi uyo akamuyeuka kuvambira panguva apo akanga abatira munharaunda yomurwi wacho makore 16 pamberi pezvi. Mumwe mufundisi akawana masaga mana omupunga pashure pebvunzurudzo yomunhu oga nomutungamiriri werimwe ramasangano anorwa.

Pane imwe nguva kwakaratidzika kuti taizofanira kubva pabazu nemhaka yeperevedzo yemvura. Tsime redu kwenguva yakati raiva manyuko bedzi emvura yokunwa nokuda kwavanhu vomunzanga. Zvisinei, mugove wamafuta wejenereta ramagetsi wepombi yedu wakavamba kupera. Apo mumwe murume uyo akanga agamuchira dziviriro pabazu mukati mamazuva okutanga okurwa akanzwa nezvechinetso chedu, iye akawana mafuta nokuda kwedu nokuda kwokuonga zvatakanga tamuitira, naizvozvo mugove wedu wemvura hauna kutongopera.

Kuchengeta Simba Romudzimu

Apo vokupedzisira vedu vafundisi takakurudzirwa kubva muLiberia muna October 1990, chikurusa mundangariro dzedu chaiva ichi, Hama dzedu nehanzvadzi vachaita sei? Kubva mumishumo iyo takagamuchira chifo chenguva iyeyo, kuri pachena kuti ivo vakaramba vakabatikana muushumiri.

Pamberi pehondo avhareji yechiverengero chamaawa Chapupu chimwe nechimwe chakapedzera muushumiri akanga ari anenge 17 mwedzi mumwe nomumwe. Bva, mukati mehondo, pasinei zvapo nokudikanwa kwenguva dzose kwokutsvaka musango nokuda kwezvokudya, Zvapupu mudzimwe ungano zvakaita avhareji yamaawa anopfuura 20 pamuparidzi! Uyezve, nemhaka yeperevedzo yamagazini eNharireyomurindi, dzakawanda dzehanzvadzi dzedu dzakakopa nyaya dzefundo noruoko kuti kugova namakopi akawanda okutenderera nokuda kwefundo paSvondo.

Ungano ina dziri pedyosa neMonrovia dzakazara neZvapupu zvakanga zvatiza kurwa muguta. Idzi shamwari dzakarasikirwa nechinhu chiri chose chavaiva nacho, sezvo vasina kukwanisa kudzokera kumisha yavo kuzotora chinhu chipi nechipi. Kutaura idi, kwemwedzi yakati vazhinji vaitova pamativi akatarisana emitsara yehondo kuvambira pavana vavo vamene navabereki! Nokuda kweChirangaridzo chorufu rwaJesu pana March 30, idzi ungano ina dzaiva nechiverengero chakabatanidzwa chavane 1 473.

Zvapupu 300 kana kuti kupfuura zvakasara muMonrovia zvakaita nhamburiko chaiyo yokuita upiona hwebetsero mukati momwedzi weChirangaridzo, kunyange zvazvo mavhiki mashomanene bedzi pamberi pacho, vakanga vave vakaneta kwazvo mumuviri nemhaka yenzara zvokuti vaisagona kufamba. Ivo vakashanda zvakaoma kukoka vanhu kuChirangaridzo, uye 1 116 vaivapo.

Mumwe mukuru wechiKristu muMonrovia akatsanangura, kuti: “Takasarudza kutanga kusangana muHoro yedu yoUmambo zvakare kuvamba muna December 1990. Vakapinda vedu vokutanga vaiva 17. Gare gare vakakwira kusvikira ku 40, uye vakaramba vari muma 40 kwenguva yakati. Ipapo pana February 24, vapindi vedu vakakura kusvikira ku 65 uye vhiki rimwe gare gare kusvikira ku 85. Uyewo, vanodokuva vose vomuungano vakagamuchira danidzo yokuita upiona hwebetsero muna March.”

Kutarisira Vamwe

“Hama dzedu dzechechi dzakanga dzakabatikana kuurayana [vanobva kumarudzi anorwisana] mukati mehondo,” hama yokunyama isiri Chapupu yechimwe cheZvapupu yakadaro, “vasitongori nenguva yavatendi biyavo.” Asi mugariro wakanga wakasiana sei navanhu vaJehovha!

Sachigaro weboka rinobetsera romunzvimbomo, somuenzaniso, akanyorera hama dzakanga dzichitarisira bazu muna February 1991, kuti: “Iyi tsamba inobatira sechiratidzo chokuonga nokutenda kwamuri nesangano renyu nokuda kwenzvimbo dzokuchengetera dzamunopfuurira kutipa mukati megoverwo yezvokudya kuvanhu vedu. Chiito chenyu chomutsa chinoratidza kudisa kwenyu seSosaiti kuunza rugare noushamwari kunyika. Ndapota pfuudzirai mberi mabasa enyu akanaka.”

Zvapupu zvaJehovha mudzimwe nyika zvakakurumidza kuita chimwe chinhu kuzvinodikanwa zvehama dzazvo dzeLiberia. Yamuro yakagoverwa ichibva kunyika dzakadai seSierra Leone neCôte d’Ivoire muWest Africa, Netherlands neItaly muEurope, uye United States.

Mumwe musikana muduku, ana mai vakaurawa nemhaka yokuti vakanga vari mutezo worudzi runovengwa, akataura kuonga kwake nokuda kweyamuro yaakagamuchira. Iye akanyora, kuti: “Ndinokuongai zvikuru kwazvo nokuda kwezvinhu zvose zvamakanditumira. Munondiita ndinzwe kunge mai vangu vari pandiri. Ndakarasikirwa navo nehanzvadzi yangu duku muhondo. Ndinokumbira Jehovha kukukomborerai mose. Ndine makore 11 okukura.”

Ichiongawo yamuro yayakagamuchira, hama ine mhuri yavatanhatu uye ine mudzimai aifanira kuvanda kwemwedzi inoverengeka nemhaka yamavambo ake orudzi yakanyora, kuti: “Hatisati tapaza misha yavanhu kuti tipambe ndokutengesa zvinhu zvavo asi, kusafanana navavakidzani vedu, tine chimwe chinhu chokudya zuva riri rose nemhaka yokuti tinoziva nzira yokushandisa nayo nokuchenjera zvishomanene zvatinazvo. Takadzidza ikoku kuna Jehovha.”

Waiororawo zvikuru wakanga uri mudzimu weimwe hama yakanga yatizira kuCôte d’Ivoire nomudzimai wayo navana vaviri. Iye akanga asiya shure imba yakaisvonaka iyo pakupedzisira yakapiswa. Bva yakataura kuti chakaikuvadza zvikurusa yakanga iri rasikirwo, kwete neimba yayo, asi neraibhurari yayo youmwari!

Zvidzidzo Zvinokosha Zvakadzidzwa

Ndichitarira shure, ndinogona kunzwisisa kuti Jehovha akatidzidzisa zvidzidzo zvinokosha zvakawanda. Ndichiziva somunhu oga vazhinji vakachengeta perero yavo ndokupukunyuka, pamwe chete navamwe vakachengeta perero yavo ndokufa, ndakadzidza kunzwisisa ukoshi hwokuva nechimiro chendangariro chomuapostora Pauro, uyo akanyora, kuti: “Zvose zviri zviviri kana tichirarama, tinoraramira Jehovha, uye kana tichifa, tinofira Jehovha. Naizvozvo zvose zviri zviviri kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.”—VaRoma 14:8, NW.

Mumwe mufundisi wenguva refu akati: “Muna ikoku kwose, takadzidza kuti Jehovha ndiye Mubetseri asina waanoenzana naye. Pauro akati: ‘Takanzwa mukati medu timene kuti takanga tagamuchira tongero yorufu. Ikoku kwakanga kuri kuti tigova nechivimbo chedu, kwete matiri timene, asi muna Mwari uyo anomutsa vakafa.’” (2 VaKorinte 1:9, NW; Pisarema 30:10) Iye akawedzera, kuti: “Hondo yakajekesa kwatiri kuti vanhu vaJehovha zvamazvirokwazvo huhama, vakapfeka rudo rwokuzvibaira urwo Jesu akasimbisa.”—Johane 13:35.

Tsamba yakabva kuhanzvadzi yeLiberia ichienda kuvamwe vedu vafundisi vaifanira kubva munyika yacho mukati mokurwa muna October 1990 inosanoratidzira simba rouhama hwedu hwechiKristu. “Munyengetero wangu kuti imi mose mudzokere kuLiberia nokukurumidza uye tinogona kuva negungano,” akanyora kudaro. “Haiwa! Handigoni kumirira zuva iroro. Mufungo waro chete unondifadza.”

Hungu, kuchava kunoshamisa kuona muitiro wenguva dzose womubato wechiKristu uchidzorerwa zvizere muLiberia. Hanzvadzi yedu yakarurama; gungano rokutanga muMonrovia pashure pokudzokera kwavafundisi navamwe vapoteri richava rinofadza. Hapana panikiro pamusoro paikoko!

[Mepu iri papeji 27]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

LIBERIA

Monrovia

Kakata

Gbarnga

Ganta

SIERRA LEONE

GUINEA

CÔTE D’IVOIRE

Atlantic Ocean

[Mufananidzo uri papeji 28]

Vana veZvapupu zvakabviswa munzvimbo dzazvo pahofisi yebazu mukati mehondo

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vapoteri veLiberia vanosarudza zvipfeko zvakapiwa neZvapupu muCôte d’Ivoire

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe