Kusunungurwa Kwowokupedzisira Wemipumburu Yamanyoro yeGungwa Rakafa
SEPTEMBER apfuura, mhinganidzo yenyanzvi iyo yakanga yagara kwamakumi amakore yakadimuka pakupedzisira. Gakava rakakasharara pakati pavadzidzi veMipumburu yaManyoro yeGungwa Rakafa rakaratidzika kuva rakagumiswa, kunyange zvazvo gakava idzva ringave rakavamba.
Mipumburu yaManyoro yeGungwa Rakafa yakawanwa mumapako pedyo neGungwa Rakafa muna 1947 nomumakore akatevera. Iyo yakanga iri youkoshi hukuru mukuratidzira ururami hunokosha hworugwaro rwaMagwaro echiHebheru nomukujekesa migariro yorudzidziso muParestina apo Jesu akanga ari pasi pano. (Isaya 40:8) Nepo mamwe amanyoro acho akabudiswa nokukurumidza nenzira ine mufungo, muna 1991 anodokuva manyoro 400 akanga achiri asina kubudiswa uye asingawaniki kunyanzvi zhinjisa. Vazhinji vakanzwa, saPurofesa Ben Zion Wacholder, “vavhiringidzwa nokuziva kuti pamwero wazvino wokubudisa tose tichave tafa apo mabhuku akakwana amagwaro eGungwa Rakafa anowanika kunyika.”
Asi mugariro iwoyo wakachinja September apera. Kutanga, Purofesa Wacholder nomusonganiri, Martin Abegg, vakazivisa kuti ivo vakanga vashandisa nounyanzvi komupiyuta kuitazve magwaro aisanochengetwa. Ipapo, Huntington Library muSan Marino, California, U.S.A., vakazivisa kuti ivo vaiva namapikicha amanyoro apakuvamba uye vaizoita kuti iwawa awanike pachena kunyanzvi dzakakurumbira. Sezviri pachena, chiverengero chakati chamakopi amapikicha amanyoro acho chakanga chaitwa kuva nechokwadi chokuchengetwa kwawo. Mapikicha acho akanga achengetwa munzvimbo dzakasiana-siana, uye pakupedzisira rimwe rakazova muHuntington Library.
Imwe nyanzvi yakadana iyi chinjo yezvinoitika kuti ‘chakaenzana chenyanzvi nokupunza Rusvingo rweBerlin.’ Vapepeti vapamutemo vakadana zvose zviri zviviri kubudiswa kworugwaro rwekomupiyuta nokusunungurwa kwo‘kubiwa’ kwamapikicha. Sezvingabvira, nharo pamusoro petsika dzichavapo kwamakore. Munguvayi, kunoratidzika kuti nyanzvi dzokuwedzera dzichakwanisa pakupedzisira kunzvera boka rose reMipumburu yaManyoro yeGungwa Rakafa.
[Mufananidzo uri papeji 32]
Ratidzirwo yetsinhiro pamusoro paHabhakuki, mumwe weMipumburu yaManyoro yeGungwa Rakafa