RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 12/1 p. 31
  • Ivo Vanoita Zvavanogona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ivo Vanoita Zvavanogona
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Tinotenda Jehovha Nekuda Kwerudo Rwenyu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Nei Tichipa Iye Ane Zvese?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • ‘Isa Chimwe Chinhu Parutivi’
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 12/1 p. 31

Ivo Vanoita Zvavanogona

Kunyange zvazvo vasingakwanisi kuripira Jehovha nokuda kwebetsero dzake dzose kwavari, vazhinji vanoita zvavanogona kutsigira basa rokuparidzira renyika yose reZvapupu zvake. (Mateo 24:14; enzanisa naMarko 14:3-9.) Inofadza muna ikoku ndeiyi tsamba yakabva kumhuri iri muMinnesota U.S.A.:

“Hama Dzinodiwa,

“Tiri kutumira mupiro muchitsama che$——. Tiri kukumbira kuti ushandiswe kuwanira mari basa renyika yose kana kuti ushandiswe kuMari yoKuvaka Horo yoUmambo, kana kuti chimwe chinodikanwa chipi nechipi sangano ringava nacho. . . .

“Tine chivimbo chokuti iyi mari ichashandiswa mutsinhirano nokuda [kwaJehovha]. Tingada kushandisa iri banza kupa kurudziro yedu yokupfuuridzira basa rakaisvonaka, uye zvikurukuru tinokuongai nokuda kwevideotape yamabasa enyika yose [eWatch Tower] Sosaiti. Yakanga iri iyi tepi yakaita kuti tizive ukuru hwebasa racho, uye yakaroverera patiri kuti mipiro yedu yokuzvidira inodikanwa. Kare, takanga tarega ungano, dunhu, uye ruwa zvichitarisira kutumirwa kwemipiro kwamuri, asi zvino tinoonga Jehovha nokuda kwokutishivirira mukusanzwisisa kwedu uye achitiratidza norudo kudikanwa kwokuti isu somunhu oga tibetsere kuwanira mari iri basa rinoponesa upenyu, mukuwedzera kuzvimwe zvimiro zvemipiro. Tiri kusarudza kutumira, semhuri, chitsama chiduku che$—— pamwedzi . . . zvakananga kuNew York.

“Zvakare, tinokuongai nokuda kwebetsero yakaisvonaka yamave muri kwatiri uye nokuda kwokutendeka kuna Jehovha kwamakaratidzira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe