RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 11/15 pp. 28-31
  • Jesu Kristu Akanga Ari Muporofita Akafanana naMosesi Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu Akanga Ari Muporofita Akafanana naMosesi Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakafanana Pakuvamba Mumabasa Avo
  • Varume Vose Vari Vaviri Vakarumbidza Jehovha
  • Dzimwe Fanano Dzinokosha
  • Ngwarira Uporofita
  • Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri
    Mukai!—2004
  • Kunzwisisa Mosesi Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Tevedzera Kutenda kwaMosesi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 11/15 pp. 28-31

Jesu Kristu Akanga Ari Muporofita Akafanana naMosesi Sei?

JEHOVHA MWARI haarevi nhema. (Tito 1:2; VaHebheru 6:18) Naizvozvo, mauporofita eShoko rake, Bhaibheri, akavimbika uye ndeechokwadi. Iwo ane chokwadi chokuzadzikwa.

Pakati paaya mauporofita akafuridzirwa nenzira youmwari pane uhwo muporofita wechiHebheru Mosesi akanyora pamusoro paMesia. Achinokora mashoko Jehovha, Mosesi akati: “Ndichavamutsira muporofita [vaIsraeri], unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe [Mosesi]; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira.”—Dheuteronomio 18:17, 18.

Muapostora Petro akashandisa uporofita ihwohwu kuna Jesu Kristu apo akanyora, kuti: “Mosesi akati, ‘Jehovha Mwari achakumutsirai pakati pehama dzenyu muporofita akafanana neni. Munofanira kumuteerera mukuwirirana nezvinhu zvose zvaanotaura kwamuri.’” (Mabasa 3:22, NW) Kutaura idi, Jesu amene akanga ati: “Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora zvangu.” (Johane 5:46) Munzirai umo Jesu naMosesi vakanga vakafanana?

Vakafanana Pakuvamba Mumabasa Avo

Vose vari vaviri Mosesi naJesu vakanzvenga kuurawa kwavanarume vaduku zvikuru. Mucheche Mosesi akavanzwa pakati petsanga pahombekombe dzoRwizi rweNire uye nokudaro akanzvenga kuurawa kwavanarume vechiIsraeri sezvakarairwa naFarao weEgipita. Somwana muduku, Jesu akanzvengawo kuurawa kwavanhurume vanosvika kumakore maviri okukura muBhetrehema namaruwa aro. Uku kuuraya kwakarairwa naMambo Herodhe Mukuru, uyo, kufanana naFarao, akanga ari muvengi waMwari navanhu Vake.—Eksodho 1:22–2:10; Mateo 2:13-18.

Mudzimu munyoro, kana kuti wokuzvininipisa, wakaratidzirwa navose vari vaviri Mosesi naJesu. Kunyange zvazvo akarerwa somwanakomana mumhuri yamambo ane simba weEgipita, Mosesi akasvika pakuva “munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Nenzira yakaenzana, Jesu akanga abatira somuchinda mukuru Mikaeri mudenga asi nokuzvininipisa akauya kupasi. (Dhanieri 10:13; VaFiripi 2:5-8) Kupfuurirazve, Jesu aiva netsitsi nokuda kwavanhu uye aigona kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.”—Mateo 11:29; 14:14.

Nokuda kwebasa raJehovha, vose vari vaviri Mosesi naJesu vakasiya shure nzvimbo dzakatanhamara nepfuma huru. Kuti abatire Jehovha navanhu Vake, Mosesi akarega pfuma nenzvimbo ine mukurumbira muEgipita. (VaHebheru 11:24-26) Nenzira yakafanana, Jesu akasiya shure nzvimbo inodikanwa zvikuru kwazvo nepfuma mudenga kuti abatire Mwari navanhu Vake pasi pano.—2 VaKorinte 8:9.

Mosesi naJesu vose vari vaviri vakava vazodziwa vaMwari. Muporofita Mosesi akabatira somuzodziwa waJehovha kurudzi rwaIsraeri. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro, Mosesi “akakoshesa kuzvidzwa kwo[kuva] Kristu [muzodziwa] sepfuma huru zvikuru kupfuura mifarwa yeEgipita.” (VaHebheru 11:26, NW; Eksodho 3:1–4:17) Ndirini Jesu akava Kristu, kana kuti Muzodziwa? Ikoku kwakaitika apo akazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, pakubhapatidzwa. Kumukadzi weSamaria aiva patsime raJakobho paSikari uye pamberi pomuprista mukuru waIsraeri apo akanga achitongwa, Jesu akapupurira kuti akanga ari Mesia, kana kuti Kristu.—Marko 14:61, 62; Johane 4:25, 26.

Vose vari vaviri Mosesi naJesu vakazvinyima zvokudya kwamazuva 40. Pakuvamba mubasa rake somutauriri waMwari, Mosesi akazvinyima zvokudya kwamazuva 40 ari mugomo reSinai. (Eksodho 34:28) Jesu akazvinyima zvokudya kwamazuva 40 ari murenje uye ipapo akadzivisa muedzo wousatani pakuvamba mubasa rake saMesia akapikirwa.—Mateo 4:1-11.

Varume Vose Vari Vaviri Vakarumbidza Jehovha

Jehovha akashandisa vose vari vaviri Mosesi naJesu kukudza zita Rake dzvene. Mwari akaudza Mosesi kuenda kuvaIsraeri muzita ra‘Jehovha Mwari wamadzibaba avo.’ (Eksodho 3:13-16) Mosesi akamirira Mwari pamberi paFarao, uyo akachengetwa aripo kuti simba raJehovha rigogona kuratidzwa uye zita Rake riziviswe mupasi rose. (Eksodho 9:16) Jesu nenzira yakafanana akauya muzita raJehovha. Somuenzaniso, Kristu akati: “Ndakauya nezita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri.” (Johane 5:43) Jesu akarumbidza Baba vake, akaita kuti zita raJehovha riratidzirwe kuvanhu Mwari akamupa, uye akariita risanozivikanwe papasi.—Johane 17:4, 6, 26.

Kupfurikidza nesimba roumwari, Mosesi naJesu vose vari vaviri vakaita manenji ayo akarumbidza Mwari. Mosesi akaita manenji kubvumikisa kuti iye akanga atumwa naJehovha Mwari. (Eksodho 4:1-31) Mubasa rake rose, Mosesi, uyo akashandiswa naMwari kuparadzanisa Gungwa Dzvuku, akapfuurira kuita manenji ayo akarumbidza Jehovha. (Eksodho 5:1–12:36; 14:21-31; 16:11-18; 17:5-7; Pisarema 78:12-54) Nenzira yakafanana, Jesu akaunza mbiri kuna Mwari kupfurikidza nokuita manenji akawanda. Kwakanga kwakadaro zvikuru kwazvo zvokuti Jesu aigona kuti: “Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana kusi kudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene.” (Johane 14:11) Pakati pamanenji ake pakanga pane riye rokuparira dutu ramasimba masimba kuderera, zvokuti Gungwa reGarirea rakaterama.—Marko 4:35-41; Ruka 7:18-23.

Dzimwe Fanano Dzinokosha

Mosesi naJesu vose vari vaviri vakabatanidzwa negadziriro yamanenji yezvokudya. Mosesi akanga ari muporofita waJehovha apo zvokudya zvakagoverwa nenzira yenenji nokuda kwavaIsraeri. (Eksodho 16:11-36) Nenzira yakafanana, panhambo mbiri dzechinyorwa cheBhaibheri, Jesu akadyisa nenzira yenenji mapoka zvokudya zvokunyama.—Mateo 14:14-21; 15:32-38.

Mana yakabva kudenga yakabatanidzwa nebasa ravose vari vaviri Mosesi naJesu. Mosesi akanga achitungamirira vaIsraeri apo vakagoverwa mana yakabva kudenga, sokunge zvakadaro. (Eksodho 16:11-27; Numeri 11:4-9; Pisarema 78:25) Nenzira yakaenzana asi inokosha zvikuru, Jesu akagovera nyama yake amene semana yakabva kudenga nokuda kwoupenyu hworudzi rwomunhu runoteerera.—Johane 6:48-51.

Vose vari vaviri Mosesi naJesu vakatungamirira vanhu kubuda muusungwa vachipinda murusununguko. Mosesi akashandiswa naMwari kutungamirira vaIsraeri kubuda muusungwa kuvaEgipita ndokupinda murusununguko savanhu Vake. (Eksodho 12:37-42) Nenzira yakafanana, Jesu Kristu ave achitungamirira vateveri vake kupinda murusununguko. Kristu achatungamirirazve rudzi rwomunhu runoteerera kupinda murusununguko kubva muusungwa kusangano raSatani Dhiabhorosi, pamwe chete nomuchivi norufu.—1 VaKorinte 15:24-26; VaKorose 1:13; 1 Johane 5:19.

Mosesi naJesu vose vari vaviri vakareverera sungano. Mosesi akanga ari murevereri wesungano yoMutemo, pakati paJehovha Mwari navaIsraeri. (Eksodho 19:3-9) Jesu ndiye Murevereri wesungano itsva, pakati paMwari naIsraeri womudzimu.—Jeremia 31:31-34; Ruka 22:20; VaHebheru 8:6-13.

Kutonga kwakapiwa kuvose vari vaviri Mosesi naJesu Kristu. Mosesi akabatira somutongi nomupi wemitemo kuna Israeri wokunyama. (Eksodho 18:13; Maraki 4:4) Jesu anobatira soMutongi uye akapa “Israeri [womudzimu] waMwari” mitemo yake nemirairo. (VaGaratia 6:16, NW; Johane 15:10) Kristu amene akati: “Nokuti Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba, vakamutuma.”—Johane 5:22, 23.

Vose vari vaviri Mosesi naJesu vakaronzeswa umusoro paimba yaMwari. Mosesi akanga akatendeka somusoro paimba yaMwari muna Israeri wakare. (Numeri 12:7) Nenzira yakaenzana, Jesu akaitwa Musoro weimba yomudzimu yaJehovha yavanakomana uye akabvumikisa kuva akatendeka pairi. Zvamazvirokwazvo, Jesu “wakanga akatendeka kuna Iye wakamugadza, saMosesiwo muimba yake yose. Nokuti uyu wakanzi wakafanira kukudzwa kupfuura Mosesi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuura imba; . . . Zvino Mosesi wakanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvaifanira kuzotaurwa, asi Kristu soMwanakomana, wakaiswa pamusoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.”—VaHebheru 3:2-6.

Kunyange pamusoro porufu, Mosesi naJesu vakanga vakafanana. Seiko? Eya, Jehovha akabvisa muviri waMosesi, nokudaro achidzivisa vanhu kuushatisa kana kuti zvimwe kuunamata. (Dheuteronomio 34:5, 6; Judhasi 9) Nenzira yakafanana, Mwari akabvisa muviri waJesu, asingaubvumiri kuona kuora nokudaro achidzivisa kuva kwawo chikugumbuso kukutenda.—Pisarema 16:10; Mabasa 2:29-31; 1 VaKorinte 15:50.

Ngwarira Uporofita

Izvozvi zviri pakati penzira umo Jesu Kristu akabvumikisa kuva muporofita akafanana naMosesi. Mashoko aMwari kuna Mosesi pamusoro pokuuya kwomuporofita iyeyo akazadzikwa nenzira inoshamisa sei!

Hapana panikiro yokuti Jehovha akaita chipikirwa chake chouporofita chokumutsa muporofita akafanana naMosesi. Mashoko aDheuteronomio 18:18 akazadzikwa muupenyu nezvinoitika zvaJesu Kristu. Uye zadziko yakadaro inotipa chikonzero chokuva nechivimbo mumamwe mativi ouporofita eShoko raMwari. Naizvozvo, nguva dzose ngatingwarirei uporofita hweBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe