Mukuru Wezana weRoma Ane Mutsa
VAKURU vezana veRoma vakanga vasina mukurumbira womutsa. Zvaaigoverwa kutungamirira boka ravarwi vakaomeswa nehondo vane zana, mukuru wezana aifanira kuva sajeni akaoma, murangi, uye, padzimwe nguva, kunyange muurayi. Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinotiudza nezvomumwe mukuru wezana weRoma weboka raAugusto uyo akaratidza rupo chairwoirwo netsitsi kumuapostora Pauro. Zita rake rainzi ani? Jurio.
Bhaibheri rinotisuma kuuyu murume muna Mabasa ganhuro 27. Muapostora Pauro akanga akumbira kuti Kesari anzwe kukwirira kwake muRoma. Nokudaro, Pauro, pamwe chete navamwe vasungwa vanoverengeka, akagamuchidzwa kutarisiro yo“mukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.” Ivo vakatanga kufamba nechikepe vachibva Kesaria, guta rechiteshi chechikepe kumadokero kwakadziva kuchamhembe kweJerusarema iro raibatira sedzimbahwe ramauto eRoma. Wenhau Ruka anoti: “Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.”—Mabasa 27:1-3.
Chikonzero nei chaizvo Jurio akasundwa kuratidza mutsa wakadaro hachitaurwi muBhaibheri. Iye aigona kuva akanga arairwa naGavhuna Festo kupa Pauro kubata chaiko. Kana kuti zvichida zvaakanga arovedzana nemigariro yokusungwa kwaPauro, Jurio angave zvake akayemura ushingi hwaPauro neperero. Muchinoitika chipi nechipi, Jurio akaratidzika kuva akanzwisisa kuti Pauro akanga asiri musungwawo zvake.
Kunyanguvezvo, Jurio haana kusarudza kuteerera nyevero yaPauro pamusoro pokutanga kufamba nechikepe achibva paZororo Rakanaka. Nokukurumidza chikepe chakabatwa mudutu guru iro rakatyisidzira kuchinyudza pamhenderekedzo yegungwa ine jecha kure nemhenderekedzo yegungwa yeAfrica yokuchamhembe. (Mabasa 27:8-17) Pakati peiri dutu, Pauro akamira ndokuvimbisa vakwiri kuti ‘hakuna mweya wavo waizorasika, asi chikepe bedzi.’ Zvisinei, vamwe vavafambisi vechikepe gare gare vakaedza kupukunyuka. Pauro ipapo akaudza Jurio, kuti: “Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.”—Mabasa 27:21, 22, 30, 31.
Nguva ino, Jurio akasarudza kuteerera Pauro, uye kutiza kwavafambisi vechikepe kwakakundikaniswa. Mukuwirirana nokudeya kutaura kwaPauro, chikepe chakarova pasi pasina kudzika pegungwa uye chakapunzika. Vachitya kuti vasungwa vangatiza, varwi vaiva muchikepe vakatsunga kuvauraya vose. Zvakare, kunyanguvezvo, Jurio akapindira ndokudzora vanhu vake, nokudaro achiponesa upenyu hwaPauro.—Mabasa 27:32, 41-44.
Bhaibheri haritiudzi chakaitika kuuyu mukuru wezana ane mutsa kana kuti kana akambogamuchira kutenda kwechiKristu. Mutsa upi kana upi uyo akaratidza zvikurukuru wakanga uri ratidzirwo yokushanda kwehana yakapiwa naMwari. (VaRoma 2:14, 15) MaKristu, zvisinei, anopfuura mutsawo zvawo wohunhu ndokuratidza mutsa woumwari unobva mukuva nomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22) Zvamazvirokwazvo, kana murwi wechihedheni uyo akanga asingazivi Mwari akagona kuratidza mutsa, vanhu vaMwari vanofanira kusundwa zvikuru kwazvo sei kuita saizvozvo!