Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Apo mumwe munhu anofa, kwakafanira here kuti maKristu ape maruva kumhuri yacho kana kuti kutumira maruva kumusha wamariro?
Mudzimwe nyika ndokwomuitiro kuita saizvozvo. Asi kushandisa maruva pamariro padzimwe nguva kwakava nerevo yorudzidziso. Naizvozvo ngatinzverei nhau yacho muudzame hwakati, zvikurukuru sezvo kune dzimwe tsika dzingaratidzika kuva nebatano dzakafanana norudzidziso rwenhema. Cherekedza tsinhiro dzinobva muThe Encyclopedia of Religion (1987):
“Maruva akabatanidzwa nenzvimbo inoyera kupfurikidza nebatano yawo navamwari navamwarikadzi. Flora, mwarikadzi weRoma wenguva yechirimo namaruva, anounza runako nokunhuwira kumaruva . . . Vanamwari vanganyaradzwa ndokunamatwa . . . kupfurikidza nokupiwa kwezvokudya namaruva.
“Kubatanidzwa kwamaruva nemiitiro yorufu kunoitika munyika yose. VaGiriki navaRoma vaifukidza vakafa namakuva avo namaruva. Mweya yavaBuddha vofa muJapan inotakurwa ichikwidzwa paruva, uye mabwe omumakuva munzvimbo dzamakuva angatsamira pamaruva akachekwa . . . VaTahiti vanosiya maruva akaputirwa mumafern ari parutivi pomutumbi pashure porufu uye ipapo vanodururira mafuta amaruva pachitunha kupfavisa kupfuura kwacho chichipinda muupenyu hunoyera hwapashure porufu . . . Maruva angavapowo panguva dzinoyera muchimiro chezvinonhuwira kana kuti mafuta.”
Achiziva kuti maruva akashandiswa mukuwirirana norudzidziso rwenhema, mamwe maKristu akarangarira kuti haafaniri kupa kana kuti kutumira maruva nokuda kwamariro. Kurangarira kwawo kungaratidzirawo chishuvo chokudzivisa tsika dzenyika, sezvo vateveri vaJesu vachifanira kuva “vasiri rutivi rwenyika.” (Johane 15:19, NW) Zvisinei, magwaro akafanira eBhaibheri nemirangariro yomunzvimbomo zvine chokuita panhau yacho.
Maruva rutivi rwezvipo zvakanaka zvaMwari zvokuti vapenyu vafarikanye. (Mabasa 14:15-17; Jakobho 1:17) Runako rwamaruva ake akasikwa rwakashandiswa mukunamata kwechokwadi. Chigadziko chomwenje chaiva mutabhernakeri chakanga chakanyerenyetwa na“maruva omuamanda . . . namaruva.” (Eksodho 25:31-34) Zvakavezwa zvaiva mutembere zvakabatanidza maruva akazaruka nemichindwe. (1 Madzimambo 6:18, 29, 32) Nenzira yakajeka, kushandiswa kwamaruva kwechihedheni kana kuti maruva akazaruka hakuna kureva kuti vanamati vechokwadi nguva dzose vaifanira kudzivisa kuashandisa.—Mabasa 14:13.
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, pamusoro penhau huru zvikuru yokutevera tsika, dzakadai setsika dzamariro? Bhaibheri rinonongedzera kutsika dzakawanda, dzimwe dzisina kufanira nokuda kwavanamati vechokwadi, dzimwe dzinoteverwa navanhu vaMwari. Madzimambo Wokutanga 18:28 inodudza “tsika” yavanamati vaBhaari yoku“danidzira kwazvo, vakazvicheka”—tsika iyo vanamati vechokwadi vasati vaizotevera. Pane rumwe rutivi, Rute 4:7 (NW), haikarakadzi kusatenderwa kwe“tsika yekare muna Israeri pamusoro po[mutoo wokushandisa] maruramiro okudzikinura.”
Tsika dzinogamuchirika kuna Mwari dzingatovamba muzvinhu zvorudzidziso chaizvo. Apo Mwari akaonesa mutambo wePaseka, haana kududza kushandiswa kwewaini, asi pakasvika zana ramakore rokutanga, kwakanga kwava kwomuitiro kushandisa mikombe yewaini. Jesu navaapostora vake havana kuramba iyi tsika yorudzidziso. Ivo vakaiwana isingarambiki, uye vakaitevera.—Eksodho 12:6-18; Ruka 22:15-18; 1 VaKorinte 11:25.
Kwakafanana netsika dzamariro. VaEgipita netsika vaiomesa vakafa. Tateguru akatendeka Josefa haana kungoti, ‘Iyi itsika yechihedheni, naizvozvo isu vaHebheru tinofanira kuidzivisa.’ Panzvimbo pezvo, “akaraira varanda vake dzakanga dziri n’anga, kuti dzisasike baba vake,” sezviri pachena kuitira kuti Jakobho agogona kuvigwa muNyika Yakapikirwa. (Genesi 49:29–50:3) VaJudha gare gare vakatanga tsika dzamariro dzakasiana-siana, zvakadai sokushamba mutumbi nokuuviga pazuva rorufu. MaKristu apakuvamba akagamuchira tsika dzechiJudha dzakadaro.—Mabasa 9:37.
Zvisinei, zvakadiniko kana tsika yamariro ichirangarirwa seine revo yakavakirwa pachikanganiso chorudzidziso, zvakadai sechitendero mumweya usingafi? Yeuka kubva muenisaikoropidhia kuti vamwe “vanosiya maruva akaputirwa mumafern ari parutivi pomutumbi pashure porufu uye ipapo vanodururira mafuta amaruva pachitunha kupfavisa kupfuura kwacho chichipinda muupenyu hunoyera hwapashure porufu.” Kuti kungava netsika yakadaro hakurevi kuti vabatiri vaMwari vanofanira kudzivisa chinhu chipi nechipi chakafanana. Nepo vaJudha vakanga vasingadaviri mu“kupfuura uchipinda muupenyu hunoyera hwapashure porufu,” Bhaibheri rinoti: “Vakatora mutumbu waJesu, vakauputira nemicheka pamwe chete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.”—Johane 12:2-8; 19:40.
MaKristu anofanira kudzivisa miitiro inorwisana nezvokwadi yeBhaibheri. (2 VaKorinte 6:14-18) Zvisinei, marudzi ose ezvinhu, migadziriro, uye miitiro, panguva yakati kana kuti nzvimbo, zvakapiwa dudziro yenhema kana kuti zvakabatanidzwa nedzidziso dzisiri dzapamagwaro. Miti yakanamatwa, chimiro chomwoyo chakarangarirwa sechinoyera, uye zvinonhuwira zvakashandiswa mumitambo yechihedheni. Ikoku kunoreva here kuti muKristu haatongofaniri kushandisa zvinonhuwira, kuva nemiti mushongedzero ipi neipi, kana kuti kupfeka mabwe anokosha akagadzirwa muchimiro chomwoyo?a Iyoyo haisati iri mhedziso yakanaka.
MuKristu wechokwadi anofanira kurangarira, kuti: Ko kutevera tsika yakati kwaizoratidzira kuvamwe kuti ndakagamuchira zvitendero zvisiri zvapamagwaro kana kuti miitiro here? Nhambo yenguva nenzvimbo zvingagona kupesvedzera mhinduro. Tsika (kana kuti gadziriro) ingave yakava nerevo yorudzidziso rwenhema mamireniyumu apfuura kana kuti ingava neyakadaro nhasi munyika iri kure. Asi pasina kupinda munzvero inopedza nguva, zvibvunze umene, kuti: ‘Chii chiri murangariro wavose mandinogara?’—Enzanisa na 1 VaKorinte 10:25-29.
Kana kuchisanozivikanwa kuti tsika (kana kuti gadziriro, zvakadai sechipiyaniso) ine revo yorudzidziso rwenhema, idzivise. MaKristu nokudaro haasati aizotumira maruva muchimiro chechipiyaniso, kana kuti mwoyo mutsvuku kana ikoko kuchirangarirwa sokune revo yorudzidziso. Kana kuti kungava nenzira yakati yomuitiro iyo maruva anoshandiswa nayo pamariro kana kuti panzvimbo yeguva iyo ine revo yorudzidziso munzvimbomo. MuKristu anofanira kudzivisawo ikoko. Ikoko hakusati kuri kutaura, kunyanguvezvo, kuti kungogovera chete maruva pamariro kana kuti kupa maruva kushamwari iri muchipatara kunofanira kurangarirwa sechiito chorudzidziso chinofanira kudziviswa.b
Mukupesana, munyika dzakawanda tsika yokugovera maruva yakapararira uye inorangarirwa somutsa wakafanira. Maruva anogona kugovera runako rwakati uye anogona kuita kuti nhambo yokusuruvara ive inofadza zvikuru. Iwo angavawo chiito chokunzwira tsitsi neitiro hanya. Kudzimwe nzvimbo tsika yacho ingava kuratidzira mirangariro yakadaro kupfurikidza nechiito chorupo, zvakadai sokugovera zvokudya nokuda kwavanorwara kana kuti vanotambudzika. (Yeuka chidakadaka chakanzwiwa nokuda kwaDhorkasi nemhaka yokuti airatidzira fariro yake muvamwe neitiro hanya. [Mabasa 9:36-39]) Apo kuita saizvozvo kunenge kusina kubatanidzwa zvakajeka nezvitendero zvenhema, vamwe veZvapupu zvaJehovha vakarovedza kugovera maruva anofadza nokuda kweshamwari iri muchipatara kana kuti muchinoitika chorufu. Uye somunhu mumwe nomumwe izvo zvingaratidzirazve fariro yazvo nemirangariro kupfurikidza namabasa anoshanda.—Jakobho 1:27; 2:14-17.
[Mashoko Omuzasi]
a Vahedheni vakashandisa kwenguva refu zvinonhuwira zvamaruva mumitambo yavo, asi kwakanga kusina kuipa kuti vanhu vaMwari vashandise zvinonhuwira mukunamata kwechokwadi. (Eksodho 30:1, 7, 8; 37:29; Zvakazarurwa 5:8) Onawo “Are They Idolatrous Decorations?” muna Mukai! muchiNgezi yaDecember 22, 1976.
b Zvido zvemhuri zvinofanira kurangarirwa, nokuti vamwe vanozivisa kuti munhu upi noupi anoda kutumira maruva anofanira panzvimbo pezvo kuita mupiro kuungano kana kuti kusangano rakati rinobetsera vanoshaiwa.