Iwe Unoyeuka Here?
Wakapa mufungo wokungwarira here kuzvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura zveNharireyomurindi? Kana zvakadaro, zvimwe uchakuwana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:
◻ Chinyorwa cheBhaibheri chehondo dzaJehovha chinotipa sei chivimbo mukutarisana ne“dambudziko guru”? (Mateo 24:21, NW)
Achidzora nguva dzose, Jehovha akaratidzira kuti anogona kukunda kufunga vavengi vake ndokuronga migariro nokuda kworuponeso rwavanhu vake.—8/15, peji 27.
◻ Chii icho vabereki vanofanira kuva vanodisa kuita kuti vachengete kurukurirano pakati pavo vamene navana vavo?
Vabereki vanofanira kupedza nguva vane vana vavo. Uyewo, ivo vanofanira kuva vanodisa kurega zvimwe zvinhu nokuda kwavana vavo nokuda kwokukura kwendangariro dzavo, kwomuviri, uye kwomudzimu.—9/1, peji 22.
◻ Irevoi ine kushanduka chitarisiko kwaJesu nokuda kwedu nhasi? (Marko 9:2-4)
Kushanduka chitarisiko kunogona kuvaka kutenda mushoko raJehovha rouporofita uye kunosimbisa chitendero chedu muna Jesu Kristu soMwanakomana waMwari naMesia akapikirwa. Kunogonawo kusimbisa chitendero chedu murumuko rwaJesu kuupenyu hwomudzimu ndokuwedzera kutenda kwedu muhurumende yaMwari.—9/15, peji 23.
◻ Chii chiri revo ya“kwechinguvana” pana Isaya 11:6? (NW)
Kushandurwa kwokungwarira kweiyi ndima kunoratidza kuti bere negwaiana hazvisati zvichigara pamwe chete nguva dzose munyika itsva. Kunobvira kuti mhuka dzakadaro dzichava dzichine mokugara makasiana naizvozvo ndokupinda mumapoka e‘mhuka dzinopfuyiwa nezvikara’ sezvaivapo muParadhiso yokutanga. (Genesi 1:24) Zvisinei, mhuka dzichava norugare neimwe neimwe ndokukwanisa kugara pamwe chete pasina ngozi.—9/15, peji 31.
◻ Chii chiri kiyi kuchiKristu chaichoicho?
Rudo ndiyo kiyi kuchiKristu chaichoicho. Kutenda, mabasa, uye songaniro yakarurama zvinokosha, asi pasina rudo ukoshi hwazvo hahuwanwi. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti Jehovha zvikurukuru ndiMwari worudo. (1 VaKorinte 13:1-3; 1 Johane 4:8)—10/1, peji 20.
◻ Kutaura kwokuti “nguva yokuberekwa, nenguva yokufa” kuri pana Muparidzi 3:2 kunotsigira here pfungwa yokuti Mwari akagadza pachine nguva mberi nguva yedu yorufu?
Aiwa. Soromoni akanga achingokurukura zvake denderedzwa rinopfuurira roupenyu norufu iro rinotambudza vanhu vasina kukwana. Muparidzi 7:17 inoti: “Usava munhu wakaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?” Iri zano raizova nomufungoi kudai nguva yomunhu yorufu yakasarudzwa pachine nguva mberi?—10/15, mapeji 5-6.
◻ Chii chinoramba kuva kwomuapostora Petro bhishopi wokutanga weRoma?
Hakuna chibvumikiso chokuti Petro akamboshanyira guta reRoma; uyewo Petro haana kutongonongedzera kwaari amene sechinhu chipi nechipi chinopfuura mumwe wavaapostora vaKristu. (2 Petro 1:1)—10/15, peji 8.
◻ Kwakarurama here kuti maKristu atumire maruva nokuda kwamariro?
Kana kuchisanozivikanwa kuti tsika (kana kuti mugadzirirwo, zvakadai somuchinjikwa) panguva ino ine revo yorudzidziso munharaunda yomunhu, kunofanira kudziviswa. Naizvozvo maKristu haasati aizotumira maruva ari muchimiro chomuchinjikwa kana kuti kuashandisa nenzira yakati yetsika iyo chaizvoizvo ine revo yorudzidziso rwenhema. Zvisinei, panguva ino munyika dzakawanda, tsika yokugovera maruva pasina batano dzorudzidziso yakapararira. Mamwe maKristu akatumira maruva kuwedzera kufara kunhambo yokusuruvara nokuratidza tsitsi nokuitira hanya.—10/15, peji 31.
◻ Chii icho rondedzero dzapamutemo dzinojekesa pamusoro poUtatu?
Idzo dzinojekesa kuti dzidziso yoUtatu haisati iri pfungwa yakapfava. Panzvimbo pezvo, muunganidzwa wakaoma kunzwisisa wepfungwa dzakaunganidzwa pamwe chete mumazana amakore anoverengeka apfuura ndokukiirwa muimwe neimwe. Nyanzvi dzakawanda, kubatanidza vezvoUtatu, dzinobvuma kuti Bhaibheri zvomenemene harina dzidziso yoUtatu.—11/1, mapeji 21-2.
◻ Neiko 29 N.V. uri musi unokosha munhau yeBhaibheri?
Nemhaka yokuti kupfurikidza nokubatanidza mashoko chaiwo eBhaibheri nokuronga misi kwenyika kwokutonga kwaTibherio, vadzidzi veBhaibheri vanogona kuverenga kuti ushumiri hwaJohane hwakavamba muchirimo cha 29 N.V. uye kuti mwedzi mitanhatu gare gare, mumunakamwe wa 29 N.V., Johane akabhapatidza Jesu.—11/15, peji 31.
◻ “Kunamata” kwakarevei kuvanhu vaitaura chiHebheru, uye ikoku kunoshanda sei kuZvapupu zvaJehovha nhasi?
Rakaenzana reshoko rechiHebheru rokuti “kunamata” rinogona kushandurwa kuti “basa.” Mundangariro yechiHebheru, naizvozvo, kunamata kunoreva basa. Ikoku ndokwakunoreva kuvanhu vaJehovha nhasi, naizvozvo chiratidzo chinokosha zvikuru chorudzidziso rwechokwadi ibasa roumwari rokuparidzira.—12/1, peji 19.