Chii Chiri Kiyi kuchiKristu Chaichoicho?
NHASI, vanhu vazhinji vanoti ndevechiKristu kupfuura kuva verimwe boka ripi neripi rorudzidziso. Asi zvitendero zvaaya maKristu okuzviita zvinopokanidzana, haana chinzwano, uye pane dzimwe nguva anotourayana. Nenzira yakajeka, vazhinji havasati vari maKristu chaiwoiwo. Jesu akataura kuti muzuva redu, vazhinji vaizoti kwaari, “Ishe, Ishe,” namamwe mashoko, kutaura kuva maKristu, bva aizoti kwavari: “Handina kutongokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vaiti vokusateerera mutemo.” (Mateo 7:21, 23, NW) Zvirokwazvo, hapana nomumwe wedu angada kuva pakati paivava! Naizvozvo tinogona sei kuziva kana tiri maKristu chaiwoiwo?
Idi nderokuti, zvinhu zvakawanda zvinodikanwa kuva muKristu chaiyeiye. MuKristu chaiyeiye anofanira kuva nokutenda kwakasimba nemhaka yokuti “pasina kutenda hakubviri kusanofadza” Mwari. (VaHebheru 11:6, NW) Kutenda kwakasimba ikoko kunofanira kuperekedzwa namabasa akarurama. Mudzidzi Jakobho akanyevera kuti “kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 2:26) Uyezve, muKristu anofanira kuziva chiremera cho“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Asi kiyi kuchiKristu chaichoicho ndichimwe chinhu chakasiana neizvi zvinhu.
Chii chiri kiyi yacho? Muapostora Pauro akatsanangura mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, kuti: “Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwerengwere! Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndine kutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsirwi chinhu.”—1 VaKorinte 13:1-3.
Naizvozvo rudo ndiyo kiyi kuchiKristu chaichoicho. Kutenda, mabasa, uye songaniro yakarurama zvinokosha, zvinodikanwa. Asi pasina rudo, ukoshi hwazvo hahuwanwi. Nei kwakadaro?
Zvikurukuru, nemhaka yorudzi rwaMwari watinonamata. Muapostora Johane akarondedzera Jehovha, Mwari wechiKristu chechokwadi, muaya mashoko, okuti: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Jehovha Mwari ane mamwe mavara akawanda, akadai sesimba, ruramisiro, uye uchenjeri, asi sezvo iye ari nenzira yakatanhamara Mwari worudo, rudziiko rwavanhu rwaangada vanamati vake kuva? Zvirokwazvo, vanhu vanomutevedzera ndokusakurira rudo.—Mateo 5:44, 45; 22:37-39.
Vavariro Yakarurama
Hungu, rudo runoparira maKristu kuva akafanana naMwari waanonamata. Kunoreva kuti vavariro dzawo dzakafanana nevavariro dzaMwari. Ivavariroi kupfuura dzose yakasunda Jehovha Mwari kutumira Jesu kupasi kuzotipa banza rokuwana upenyu husingagumi? Rudo. “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Ndeipi, ipapoka, inofanira kuva vavariro yedu mukuita kuda kwaMwari? Zvakare, rudo. “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake.”—1 Johane 5:3.
Kunobvira here kubatira Mwari nevavariro yakaipa? Hungu. Pauro akadudza vamwe vomuzuva rake vakanga vachibatira negodo negakava. (VaFiripi 1:15-17) Ikoko kungagona kuitika kwatiri. Nyika ino ine makwikwi zvikuru, uye mudzimu iwoyo ungagona kutitapura. Tingadada kufunga kuti tiri mukurukuri ari nani kana kuti tinokwanisa kugovera mabhuku akawanda kupfuura vamwe. Tingaenzanisa maropafadzo edu ebasa neayo anofarikanywa nomumwe munhuwo zvake ndokuva anozvikudza—kana kuti ane godo. Mukuru angaitira shanje nzvimbo yake yechiremera, kunyange kusvikira papfundo rokudzivisa mumwe murume muduku ane mano kuita fambiro mberi. Chishuvo chemhindu yomunhu oga chingatisunda kusakurira ushamwari hwamaKristu akapfuma zvikuru tichifuratira varombo zvikuru.
Izvi zvinhu zvinogona kuitika nemhaka yokuti hatina kukwana. Zvisinei, kana—kufanana naJehovha—tikaita rudo sundo yedu huru, tichadzivisa kombamiro dzakadaro. Udyire, chishuvo chokuzvirumbidza timene, kana kuti rudado rwokuzvitutumadza zvinogona kudzinga rudo, zvokuti hati“batsirwi chinhu.”—Zvirevo 11:2; 1 VaKorinte 13:3.
Rudo Munyika Ine Udyire
Jesu akataura kuti vateveri vake vaizova “vasati vari rutivi rwenyika.” (Johane 17:14, NW) Tinogona sei kudzivisa kukurirwa nepesvedzero yenyika yakatipoteredza? Rudo ruchabetsera. Somuenzaniso, nhasi vanhu “vadi vemifarwa panzvimbo pavadi vaMwari.” (2 Timotio 3:4, NW) Johane akatinyevera kusava vakadaro. Iye akati: “Musada nyika kana kuti zvimwe zvinhu zviri munyika. Kana munhu upi noupi achida nyika, rudo rwaBaba harusati rwuri maari; nemhaka yokuti chinhu chiri chose chiri munyika—chishuvo chenyama nechishuvo chameso neratidzirwo yokuzvitutumadza yemitoo yomunhu youpenyu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.”—1 Johane 2:15, 16, NW.
Bva, hakusi nyore kuramba chose chose “chishuvo chenyama” ne“chishuvo chameso.” Zvinhu izvozvi zvinodiwa zvikurukuru nemhaka yokuti zvinofadza kwazvo kunyama yedu. Uyezve, kune mifarwa yakawanda kwazvo neyakasiana-siana inowanika nhasi kupfuura yaivako muzuva raJohane, naizvozvo kana chishuvo chameso chaiva chinetso panguva iyeyo, chakadaro zvikurukuru nazvino.
Nenzira inofadza, yakawanda yemifarwa yazvino uno iyo nyika inopa haina kuipa mairi imene. Hapana chakaipa nokuva nemba huru, motokari yakaisvonaka, terevhizheni, kana kuti sitirio. Uyewo hakupunzi mutemo upi noupi weBhaibheri kuita nzendo refu, dzinofadza ndokuva namazororo anofadza. Chii chiri pfundo renyevero yaJohane, ipapoka? Kutanga, kana zvinhu zvakadaro zvikava zvinonyanyokosha kwatiri, zvinotanga mukati medu mudzimu woudyire, kudisa zvenyika, uye rudado. Uye nhamburiko yokuwana mari yokuzviwana ingagona kutidzivisa mubasa redu kuna Jehovha. Kunyange kufarikanya zvinhu zvakadaro kunotora nguva, uye nepo chitsama chine mufungo chevaraidzo chichiunza zorodzo, nguva yedu yakaganhurirwa, nemhaka yomusengwa wedu wokufunda Bhaibheri, kusangana namaKristu biyedu nokuda kwokunamata, uye kuparidzira mashoko akanaka oUmambo.—Pisarema 1:1-3; Mateo 24:14; 28:19, 20; VaHebheru 10:24, 25.
Muzera rino rokudisa zvenyika, kunoda kutsunga ku‘isa Umambo hwaMwari pakutanga’ ndokudzivisa ‘kushandisa nyika ino zvakazara.’ (Mateo 6:33; 1 VaKorinte 7:31) Kutenda kwakasimba kuchabetsera. Asi zvikurukuru, rudo rwechokwadi nokuda kwaJehovha uye nokuda kwavavakidzani vedu ruchatisimbisa kudzivisa zvinokwezva izvo, nepo zvisina kuipa mazviri zvimene, zvingatidzivisa pa‘kupedza chose chose ushumiri hwedu.’ (2 Timotio 4:5) Pasina rudo rwakadaro, ushumiri hwedu hungagona nyore nyore kuipa kuva nhamburikowo zvayo.
Rudo Muungano
Jesu akasimbisa ukoshi hworudo apo akati: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:35, NW) Neiko vakuru vaizopedza nguva yakawanda kwazvo vachifudza nokubetsera maKristu biyavo kana vaisavada? Neiko ungano yaizoshivirira utera hwavamabiyavo—kubatanidza vakuru—kana kusiri nemhaka yorudo? Rudo runosunda maKristu kubetserana munyama apo anonzwa kuti mamwe anoshaiwa. (Mabasa 2:44, 45) Mukati menguva dzechitambudzo, maKristu anodzivirirana uye kunyange kufirana. Neiko? Nemhaka yorudo.—Johane 15:13.
Pane dzimwe nguva zvibvumikiso zvikurusa zvorudo zvinouya muzvinhu zviduku. Mukuru, anotova mudzvinyiriro inobva kumutoro unorema webasa, angasvikwa nomuKristu biyake uyo zvakare anomutsa nyunyuto iyo inoratidzika kuva isingakoshi chose kumukuru. Mukuru anofanira kutsamwa here? Panzvimbo pokubvumira ikoku kuva chisakiso cheparadzano, iye anobata nenzira yokushivirira uye nenzira yomutsa nehama yake. Ivo vanokurukura nhau yacho pamwe chete, uye kunosimbisawo ushamwari hwavo. (Mateo 5:23, 24; 18:15-17) Panzvimbo pokuti mumwe nomumwe aomerere pamaruramiro ake, vose vanofanira kuedza kusakurira mutsa uyo Jesu akarumbidza, kugadzirira kukanganwira hama dzavo “makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” (Mateo 18:21, 22) Nokudaro, maKristu anoedza zvakaoma kuzvipfekedza amene rudo, “nokuti chisungo chakakwana chohumwe.”—VaKorose 3:14, NW.
Kusimbisa Rudo Rwedu Rwomumwe Nomumwe
Hungu, rudo ivavariro yakarurama yokubatira nayo Jehovha. Rudo ruchatisimbisa kuramba takaparadzana nenyika, uye rudo ruchaita kuve nechokwadi chokuti ungano inoramba iri zvirokwazvo yechiKristu. Nepo rusingaderedzi kusanoita, ruchabetsera avo vane chiremera kusava vanorangarira kwazvo kusanoita zvokuti vanokanganwa mutsa nounyoro mukubata navamwe. Rudo runobetsera tose zvedu ku“teerera avo vanotungamirira . . . uye kuzviisa pasi.”—VaHebheru 13:17, NW.
Muapostora Petro akatikurudzira kuva no“rudo rukuru” nokuda kwomumwe nomumwe nemhaka yokuti “rudo runofukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8, NW) Tinogona sei kuita ikoku? Munhu akasikwa mumufananidzo waMwari uye nokudaro ane simba romuzvarirwo rokuda. Asi rudzi rworudo rwatiri kutaura nezvarwo pano runoda chimwe chinhu chomuraudzo. Kutaura idi, chibereko chikuru chomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22) Nokudaro, kuti tisakurire rudo, tinofanira kuzviratidzira timene kumudzimu waMwari. Seiko? Kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, iro rakafuridzirwa nomudzimu waJehovha. (2 Timotio 3:16) Kupfurikidza nokunyengeterera mudzimu waJehovha kuti uvake rudo rwedu nokuda kwaJehovha uye nokuda kwehama dzedu. Uye kupfurikidza nokusonganirana neungano yechiKristu, uko mudzimu unoyerera zvakasununguka.
Tinodawo kuzvinzvera timene kuti tiwane mabasa api naapi kana kuti mifungo zvisiri zvorudo. Yeuka, rudo ivara romwoyo, uye “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose.” (Jeremia 17:9) Pasinei zvapo nebetsero yose Jehovha anopa, pane dzimwe nguva tichaita nenzira isina rudo. Tingataura nokukasharara kusiri madikanwa kumuKristu biyedu, kana kuti tingashatirwa ndokugumburwa nechimwe chinhu chinotaurwa. Nokudaro, tinoita zvakanaka kudzokorora munyengetero waDhavhidhi: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.”—Pisarema 139:23, 24.
Sezvinotaura Bhaibheri, “rudo harutongokundikani.” (1 VaKorinte 13:8, NW) Kana tichishandisa kudana, hatisati tichizotongowanwa tichiperevedza munguva dzokuedza. Rudo ruripo pakati pavanhu vaMwari runogovera zvikuru kuparadhiso yomudzimu iripo nhasi. Avo bedzi vanodana zvikuru zvichibva mumwoyo vachawana mufarwa mukurarama munyika itsva. Nokudaro, tevedzera Jehovha mukuratidzira rudo rwakadaro uye nokudaro uchisimbisa chisungo chechinzwano. Sakurira rudo, uye iva nekiyi kuchiKristu chaichoicho.