RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 10/1 p. 19
  • ‘Vanofara Vane Nzara Mumudzimu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vanofara Vane Nzara Mumudzimu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Kugutisa Vane Nzara Mumudzimu—Muchikoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mawanire Akaita Vamwe Mhinduro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 10/1 p. 19

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

‘Vanofara Vane Nzara Mumudzimu’

JESU akati: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) Vanhu vakadaro vachatsvaka mashoko anopa upenyu anobva muShoko raMwari, Bhaibheri, uye kupinza zivo iyoyi kuchavatungamirira kuupenyu husingaperi.—Mateo 4:4; Johane 17:3.

◻ Mumwe munhu ane nzara mumudzimu mune imwe nyika yeAfrica akafamba kwamaawa mana muchando nerima kuti awane kopi yeBhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri. Pakusvika pamusha apo Zvapupu zvaJehovha zvaiparidzira, iye akaodzwa mwoyo zvikuru kuwana kuti bhuku rokupedzisira rakanga ragoverwa. Iye akagara mumusha wacho kwamazuva matatu kusvikira mugove wokuwedzera wamabhuku wagona kuwanwa, uye ipapo akafara pakupedzisira kuva naaya mashoko omudzimu akaisvonaka.

Mukati momwedzi wokugara kwazvo muiyi nzvimbo iri yoga, Zvapupu zvakaparadzira mabhuku 55, mabhurocha 365, uye magazini 145, uye zvakawana kuzvinyoresa 5. Zvakanyandurwa zvikuru apo, sezvo zvaibva, vose vari vaviri vakuru navana vakadanidzira vachivatevera mumutauro weKpelle, kuti: “Jehovha ngaave nemi!” Nhamburiko dziri kuitwa dzokutevera fariro.

Mumwe munhu munyika imwe cheteyi akanga anewo nzara mumudzimu. Iye akanga ari muchengeti wemari wechechi yake nomukuru mukuru wevaraidzo wenyika yake. Apo Zvapupu zvakamushanyira, akabvuma nemisodzi kuti chechi yaikundikana zvikuru kusvitsa zvinodikanwa zveBhaibheri nokuda kwechiKristu. Zvapupu zvakamuratidza muBhaibheri rake amene nzira yokuziva nayo rudzidziso rwechokwadi. Ipapo akapinda misangano miviri paHoro yoUmambo pashure pacho ndokuti: “Zvandaona nokunzwa zvandipwisa chaizvoizvo kuti iyi ndiyo zvokwadi.” Akaororwa nemisangano yacho uye nomufambiro waavo vaivapo. Akaona kuti izvo Zvapupu zvakamushanyira zvakanga zvataura zvakanga zvisati zviri chimwe chinhu chazvakanga zvarota asi chakanga chiri chimwe chinhu chaichoicho. Kubvira ipapo akatanga kuita nhano dzokudimbura ukama hwake nechechi, uye ikoku kwakaguma nouchapupu hwakanaka munzanga yacho.

◻ Muketekumeni wechiduku weMelanesia muNew Caledonia akanga ane nzara mumudzimu. Iye akawana kopi yebhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi patafura mumba maamai vake, uye iye akarava ganhuro 2 ne 3. Magwaro eBhaibheri Eksodho 20:4, 5 naJohane 4:23, 24 anokurukurwa imomo akaorora mwoyo wake. Nemhaka yeizvo magwaro iwaya anotaura, iye akabvunza muprista wake chikonzero nei Chechi yeKaturike ichishivirira kushandiswa kwemifananidzo mukunamata. Muprista akanzvenga mubvunzo wacho. Murume wacho akaenda kuanoverengeka amamwe marudzidziso echi“Kristu,” asi haana kumupa mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yake. Pakupedzisira iye akasarudza kupinda musangano weZvapupu zvaJehovha naamai vake, avo vakanga vatoratidzira fariro muzvokwadi. Rudo rwaakaona pakati peZvapupu nedzidziso dzazvo dzakavakirwa paBhaibheri zvakamuorora zvikuru kwazvo.

Pasinei zvapo nedaro guru, nguva dzose iye aienda kumisangano achikumbira kutakurwa nemotokari dzaipfuura, akakurumidza kutsigira zvokwadi, uye akabhapatidzwa. Zvino iye mubatiri anoshumira. Amai vake nehanzvadzi dzake dzokunyama mbiri vakawavo Zvapupu zvaJehovha. Murume muduku akaparidzira kurudzi rwake amene ndokutanga fundo dzeBhaibheri dzakawanda. Zvino chiverengero chakati chiri kupinda misangano munharaunda iyi—zvose nemhaka yokuti murume muduku akacherechedza patafura bhuku rinotsanangura Bhaibheri, akarifunda, uye akarangarira zvakakomba zvaakadzidza.

Jehovha ane gadziriro huru yokudya kwomudzimu iri kushanda nhasi, uye vazhinji vanobetserwa nayo. Isaya akaporofita nenzira yakakodzera pamusoro payo paakati: “Tarirai! Vabatiri vangu ndimene vachadya, asi imi mumene [mitezo yorudzidziso rwenhema] muchava nenzara.” (Isaya 65:13, NW) Tinofara kana tikabetserwa negadziriro yaJehovha yokugutsa nzara yedu yomudzimu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe