Minda Yaibva Nokuda Kwokucheka muBrazil
“SIMUDZAI meso enyu, onai minda, kuti yatoibvira kucheka. Unocheka unopiwa mubairo, unounganidza zvibereko muupenyu husingaperi.” (Johane 4:35, 36) Mashoko iwayo ouporofita aJesu Kristu ndeechokwadi nhasi munzvimbo dziri kure dzenyika hombe yeSouth America yeBrazil.
Kwamakore anoverengeka Zvapupu zvaJehovha muBrazil zvave zvichifarikanya wedzero dzakaisvonaka. Muna April 1991, chiverengero chapamusoro chavacheki voUmambo 308 973 chakaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 401 574. Pana March 30, 1991, hwerengedzo yavanhu 897 739 yakaungana kuzochengeta rufu rwaJesu, uyo akavamba basa rokucheka.
Pasinei zvapo nemiuyo yakaisvonaka yakadaro, rutivi rwomunda wacho rwuchiri kumirira kuchekwa. Vanhu vanopfuura mamirioni mashanu vanogara munharaunda dzeBrazil umo basa rokuparidzira shomanene kana kuti kusina rinopfuuridzirwa neZvapupu zvaJehovha. Chiiko chiri kuitwa kutambanudzira kucheka kunharaunda idzodzi?
Mapiona Anogoverana Mukucheka
Mukati menhambo yemwedzi mitanhatu yemisi ichangobva kupfuura iyi, hofisi yebazu yeWatch Tower Society muBrazil yakatumira vazivisi voUmambo venguva yakazara—mapiona chaiwo echinguvana 100 namapiona enguva dzose 97—kumataundi 97, zvikurukuru murutivi rwokumabvazuva rune vanhu vakawanda zvikuru rwenyika yacho. Vaparidzi voUmambo vakabva kuungano dzakasiana-siana vakazvipirawo kushanda muidzi nharaunda kwenhambo pfupi zvikuru. Pasinei zvapo nemhinganidzo dzaifanira kukurirwa, miuyo yave ichigutsa.
Somuenzaniso, muSão João da Ponte, munyika yeMinas Gerais, mapiona akashanyira mudzidzisi worudzidziso wechikoro chomunzvimbomo. Pashure pokunzwa shoko, iye akaodha makopi 50 ebhuku rinonzi Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri nokuda kwekirasi yake yeketekasimu. Mumwe mudzidzisi akaudza mapiona aienda, kuti: “Hamusati muchifanira kuva muchienda, sezvo muri kuita basa rakaisvonaka rakadai muno. Imi ndimi moga vanogona kupa tsananguro yakajeka yeBhaibheri.”
Haasati ari munhu ari wose akafadzwa neiri basa rakaisvonaka. Somuenzaniso, rangarira tsamba yakabudiswa mupepanhau romunzvimbomo (Diário de Montes Claros) pasi pomusoro mukuru wapamberi pepeji “Muprista Anopomerwa Kunyandura Masimba Masimba Norusaruro.” Tsamba yacho yakati: “Muchechi, [muprista] ane tsika yokuzvidza vanhu vanotevera mamwe masekete namarudzidziso, kunyange zvazvo vafundisi vomunzvimbomo vasingagoveri nhungamiro yakakwana yeKaturike nechiKristu paEvhangeri nokuda kwavakatendeka. MuMisa, iye akadenha vashumiri veZvapupu zvaJehovha avo vari mutaundi, kunyange zvazvo vasingabati vaKaturike zvakashata.” Asingaratidzi utsinye hwakadaro, munyori wenyaya yacho (mufundisi) akapinda hurukuro yeBhaibheri yakakurukurwa namapiona ndokuunza vamwe vanofarira. Vose vakafarikanya musangano wacho.
Hama ina dzakabva kuFortaleza dzakafamba nendege kuenda kuFernando de Noronha Island, makiromita 400 kubva kunyika. Vagari vechitsuwa chacho vane 1 500 vakanga vasina kugamuchira uchapupu hwakanaka mumakore anopfuura 15. Mumazuva gumi hama dzakagovera mabhuku 50 namagazini namabhurocha 245, uye dzakatanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha 15. Vanhu gumi navaviri vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu, icho chakaitika mukati meshanyo yavo. Mapiona anokarira kuti nebetsero yaJehovha basa richakurumidza kusimbiswa imomo. Dzimwe hama dzakarangarira kutamira kuchitsuwa chacho.
Pesvedzero Yavafundisi Inotapura Kucheka
Rimwe boka ravaparidzi voUmambo veArpoador Ungano muRio de Janeiro rakazvipira kupedza mavhiki maviri richiparidzira mumataundi anoverengeka munyika yeMinas Gerais, kure naanenge makiromita 200. Kukufara kwavo vakawana vanhu vomunzvimbomo vane ushamwari nomutsa zvikurusa. Varume vaiva netsika yokubvisa heti dzavo nguva iri yose Mwari kana kuti zita rake, Jehovha, rakadudzwa. Nemhaka yokuremekedza kwavo Mwari, zvisinei, vakapesvedzerwa nyore nyore navafundisi.
Mutaundi rimwe muprista akapangira vanhu kusateerera Zvapupu zvaJehovha kana kuti kupinda musangano wazvakanga zvichironga kuva nawo. Iye akarongawo Misa chaiyo panguva imwe cheteyo neyomusangano, uye Misa yacho yakaziviswa noruzha negudzanzwi kunze kwechechi yake. Pasinei zvapo nenhamburiko dzake, zvisinei, vagari vomunzvimbomo 29 vakapinda musangano, mukuwedzera kuvashanyi.
Taundi riri pedyo rakanga rakasiana chose! Imomo muprista akaudza vanhu kuteerera apo Zvapupu zvinoshanya. Muuyo waiva wokuti vane 168 vakapinda musangano wokutanga. Gare gare, iye akavaudza kupa ngwariro kunzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta nayo Chirangaridzo nemhaka yokuti, sezvaakataura, “zvinokuita nenzira yakafanira.” Mukati mamavhiki maviri ebasa rokuparidzira Umambo munharaunda iyoyo, mabhuku 1 014 uye magazini namabhurocha 1 052 zvakagoverwa.
Nhamburiko Dzakapfuuridzirwa Dzakaunza Zvikomborero
Mwedzi mumwe gare gare vaparidzi voUmambo 34 vakadzokera kuzotarisira fundo dzeBhaibheri dzakatangwa mukati meshanyo yokutanga. Mukuru wechiKristu aitungamirira akanyora, kuti: “Kwakanga kuchifadza kuona vanhu vanofarira vachitigamuchira nokuonga nemisodzi yomufaro mumeso avo.” Imwe hanzvadzi inoyeuka kuti mumwe mukadzi akaisvika nezvimwe Zvapupu munotengeserwa zvokudya zvamasikati “achiteterera, nemisodzi mumeso ake, kuti tiuye ndokufunda naye.” Mumwe mukadzi akafunda katatu mukati mevhiki iro Zvapupu zvakanga zviriko. Nguva imwe neimwe, aigadzirira chidzidzo chake uye aimirira fundo. Mukadzi wacho akataura kuti akanga avamba kunyengetera kuna Mwari wechokwadi, Jehovha. “Mumwoyo mangu ichi ndicho chandave ndichimirira nguva dzose,” akawedzera kudaro.
Gare gare, mapiona maviri akagoverwa kundotarisira fariro munharaunda iyoyo. Somuzana rokutanga ramakore N.V., “vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.” (Mabasa 13:48) Uye kufanana nomukadzi weSamaria uyo Jesu akapa uchapupu kwaari patsime raJakobho, ivo vakavamba kutaura kuvamwe pamusoro peizvo vakadzidza. (Johane 4:5-30) Nhasi mapiona 2 ane vamwe 6 vanobatira navo, uye avhareji yavanhu 20 inopinda misangano yevhiki nevhiki.
Vaine mbavarira pamusoro pebudiriro yeiri basa chairo, vaparidzi 29 veArpoador Ungano vakaenda kundoparidzira mutaundi reMutum, kure namakiromita anenge 500. “Kugamuchirwa kwakanga kwakatanhamara chaizvoizvo,” akadaro mukuru aitungamirira boka racho. “Vanhu vazhinjisa vakateerera nengwariro yakadaro nefariro zvokuti fundo dzeBhaibheri 170 dzakatangwa, uye tinonzwa kuti vazhinji vavo vachapfuurira.” Mumavhiki maviri vaparidzi vakaparidzira avhareji yamaawa 90 mumwe nomumwe ndokugovera mabhuku anodokusvika 1 100 kuvanhu. Chiverengero chapamusoro chavane 181 chakapinda hurukuro dzavose dzakakurukurwa nehama.
Mwedzi mishomanene gare gare, ungano yakarenda imba yakaisvonaka pakati peMutum yokushandisa seHoro yoUmambo nomusha wapiona. Mushumo wokutanga wakatumirwa kuSosaiti nehanzvadzi mbiri dziri mapiona dzakagoverwa ikoko wakarava murutivi, kuti: “Nefundo dzakawanda kwazvo dzakatotangwa, tinoda mamwe mapiona. Kunyange nebetsero yehama dzinobva kuRio de Janeiro kamwe pamwedzi, basa ihombe. Vapfumbamwe kubva muvanasaimba gumi vanotaurwa kwavari vanotikumbira kudzokera. Tinodawo betsero yokuitisa misangano.” Mumwe piona zvino akavakumbanira.
Upenyu Hunoshandurwa
Kwave kuchikurudzira zvikuru kuona zvokwadi ichisimba ndokubereka zvibereko zvakaisvonaka. Mumwe munhu anofarira akanyora, kuti: “Kuwana iyi zivo yeBhaibheri chinhu chakanakisisa chati chamboitika kwandiri. Upenyu hwangu hwachinja nokuda kwezviri nani, uye handifaniri kunwazve zvinonyaradza. . . . Jehovha ngaakutusei nokuda kwechinhu chiri chose chamakandiitira.”
Mumwe munhu akati: “Ndinoshamiswa chaizvoizvo nenzira iyo Jehovha akazarura nayo meso angu. Kunyange zvazvo ndakarasikirwa nambuya vangu vhiki rino, zvino ndine tariro yokuvaona zvakare. Ndinokarira kubhapatidzwa, asi ndinoda kusanogadzirira pakutanga. Jehovha ngaakukomborerei nokuda kwokuuya kuno kuzotiratidza nzira nhete inotungamirira kuupenyu husingagumi.” Mumwezve munhu akati: “Ndinoda kuti muzive kuti ndakarega kusvuta mwedzi mumwe wapfuura. Ndinofara zvikuru nemagazini yamakanditumira. Yaiva nezvinhu zvakawanda zvakanaka mairi izvo zvakandibetsera kuita saizvozvo.” Zvirokwazvo, kucheka kunopa chikonzero chakanaka chokufara.
Zvisinei, zvikomborero zvakadaro hazvina kuuya pasina kurwa. Somuenzaniso, apo mumwe mukadzi nomwanasikana wake vakavamba kufunda, muprista womunzvimbomo akavanyevera kuti kana vakaenda kumisangano yeZvapupu, aizovadzinga muchechi. Vachifuratira tyisidziro yacho, vakaenda kumisangano. Ivo ipapo vakarambwa nedzaichimbova shamwari, vamwe vadzo vakavapomera kupenga nemhaka yokuti “Jehovha iyeyo” haaoneki muBhaibheri reKaturike. Sezvo mukadzi wacho asina kukwanisa kuwana zita raJehovha muBhaibheri rake reKaturike, akakoka vavakidzani kuti vamushanyire pazuva refundo yake namapiona. Mumwe mukadzi akauya neshanduro yake yeKaturike yavaPaulinas yeBhaibheri. Apo akarava zita raMwari mumashoko omuzasi kuna Eksodho 6:3, akagamuchira fundo yeBhaibheri mumusha make.
Goverana Zvizere Mukucheka
Kubatira mundima isingawanzoshandwi kwakava nomuuyoi pavashandi vamene? Mumwe muparidzi woUmambo akati: “Uyu mubato wakabatira kusimbisa kutenda kwedu noukama hwedu naJehovha uye wakatibetsera kunzvera zvokutanga zvedu.” Mumwe muparidzi akati: “Nhambo iyoyo yamazuva 14 yakawedzera rudo rwangu nokuda kwehama dzangu, idzo dzinobatira semhuri imwe ine donzo rimwe: kutsvaka vanyoro vakawanda. Yakandiita kuti ndide zvikuru avo vanogamuchira shoko redu, kazhinji kazhinji nemisodzi mumeso avo, vachiratidza nyota chaiyoiyo nokuda kwezvokwadi. Uye chinokosha zvikurusa chazvose, ndakanzwa rudo rwaJehovha mukutipa ropafadzo yokumubatira.”
Mumwe mukuru uyo akagoverana mukuparidzira mundima isingawanzoshandwi akanongedzera kumusiano pakati poupenyu ikoko nomumaguta makuru. Iye akati: “Hapana chandinogona kuita kunze kwokufunga kuti upenyu hwehama dzakawanda hwaigona kupfumiswa sei nokutamira mukati. Masimba masimba anodokuva asipo muno. Upenyu mumataundi maduku neepakati nepakati hwakadaro kuti hunotibvumira kwete bedzi kurarama nemari shomanene asiwo kuva nesonganirano yakawanda nehama dzedu nokupa nguva yakawanda kumibato yomudzimu. Hama dzakawanda dzakarega kushanda, vanhu vaduku vane mutoro muduku wemhuri, kana kuti hama dzine basa rinodzibvumidza kutama dzinogona here kugamuchira iyi ropafadzo yechienzi ndokuunza mufaro kwavari vamene, kuna Jehovha, uye kuvavakidzani vavo?”
Uyu mushumo pamusoro pendima isingawanzoshandwi muBrazil unobvumikisa kuti minda yaibva nokuda kwokucheka. Mumakore maviri chete, basa muuyu munda rakaguma neungano itsva 191 namapoka ari oga. Zvakawanda zvasara kuti zviitwe, asi zvirokwazvo Jehovha achapfuurira kupa zvikomborero zvake sezvo vaparidzi vazhinji voUmambo vanotora rutivi mukucheka kunobudirira. Iwe unogona here kuva negoverano huru zvikuru makuri?
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 25]
Zvapupu zvinofara zvokuRio de Janeiro zvinogoverana mukucheka
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
BRAZIL
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kupupurira muruwa muMinas Gerais