RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/15 pp. 20-23
  • Kukutapura Kunoita Kushanduka Chitarisiko kwaKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukutapura Kunoita Kushanduka Chitarisiko kwaKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoitika Zvokutanga
  • Hachisati Chiri Chiroto Kana Kuti Chisiri Chaichoicho
  • Chikonzero Nei Mosesi Akaonekwa
  • Chikonzero Nei Eria Akaoneka
  • Donzo Rako
  • Revo Yako Nokuda Kwako
  • Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Chiso Chake Nenguo Zvinoshanduka Achiratidza Zvaanenge Akaita Muumambo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chiono Chapachine Nguva Mberi Chembiri yoUmambo yaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Teerera Shoko raMwari Rouprofita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/15 pp. 20-23

Kukutapura Kunoita Kushanduka Chitarisiko kwaKristu

Varume vana vakanga vachangobva kukwira mugomo refu. Vari makakwirira imomo chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika. Sezvo vadzidzi vatatu vanoshamiswa vaJesu Kristu vaitarira, iye akachinja pamberi pameso avo. Teerera sezvo munyori weEvhangeri Marko anoshuma ichi chinoitika chinofadza:

“JESU akatora Petro naJakobho naJohane, uye akavakwidza mugomo refu vari voga. Uye iye akashandurwa chitarisiko pamberi pavo, uye nguvo dzake dzokunze dzikapenya, dzikachena zvikuru kupfuura kudzichenesa kwaizoita muchenesi wezvipfeko upi noupi pasi pano. Uyewo, Eria naMosesi vakaoneka kwavari, uye vakanga vachikurukura naJesu. Uye mukupindura Petro akati kuna Jesu: ‘Rabhi, kwakaisvotinakira kuva pano, naizvozvo ngativakei matende matatu, rimwe nokuda kwenyu uye rimwe nokuda kwaMosesi uye rimwe nokuda kwaEria.’ Kutaura idi, haana kuziva kuti imhinduroi yaanofanira kuita, nokuti vakatya zvikuru. Uye gore rakaumbwa, richivafukidza, uye inzwi rakabuda mugore, richiti: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, unodiwa; muteererei.’ Kamwe kamwe, zvisinei, vakatarira-tarira ndokusaona munhu upi noupi achinavo, kunze kwaJesu oga.”—Marko 9:2-8, NW.

Chimbofunga zvako! Chiso chaJesu chakanga chichipenya sezuva rimene. (Mateo 17:2) Nguvo dzake dzakanga dzichipenya, “kupfuura kudzichenesa kwaizoita muchenesi wezvipfeko upi noupi pasi pano.” Pakava nokutinhira kweinzwi rine simba raMwari amene richiita ziviso pamusoro poMwanakomana wake. Ndichinoitika chinoshamisa zvakadini!

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kushandurwa chitarisiko” rinoreva “kuchinjira mune chimwe chimiro.” Rinoonekawo pana VaRoma 12:2 (NW), apo maKristu anopiwa zano roku“chinjwa” kupfurikidza nokuvandudza ndangariro dzavo.—An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine, Volume IV, peji 148.

Hungu, chinoitika chinoshamisa chakaitika apo Jesu akashandurwa chitarisiko nguva yakati pashure pokuchengetwa kwePaseka ya 32 N.V. Chii chakatungamirira kuiri nenji? Rine donzo chairo here? Neiko Mosesi naEria vakabatanidzwa? Uye kushanduka chitarisiko kwaKristu kunokutapura here?

Zvinoitika Zvokutanga

Vasati vakwira mugomo, Jesu navadzidzi vake vakanga vari pedyo neKesaria Firipo. Sezvo iri guta rakanga riri anenge makiromita 25 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweGomo reHemoni, kushanduka chitarisiko kungave kwakaitika parimwe ramakomo aro marefu.

Apo vaifamba vachienda ku“gomo refu,” Jesu akabvunza vadzidzi vake, kuti: “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura kuti: “Johane Mubhapatidzi; vamwe, Eria, vamwezve, mumwe wavaporofita.” Ipapo Kristu akabvunza, kuti: “Ko imi munoti ndini ani?” Petro akapindura, kuti: “Ndimi Kristu.” Pana ikoko, Jesu “akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvi zvake. Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaprista vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura.”—Marko 8:27-31.

Jesu akapfuurira kuita ichi chipikirwa: “Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazooni rufu, vasati vaona [umambo, NW] hwaMwari huchiuya nesimba.” (Marko 9:1; Mateo 16:28) Ichi chipikirwa chakazadzikwa “mazuva matanhatu gare gare,” apo Jesu akanga achinyengetera uye akashanduka chitarisiko pamberi paPetro, Jakobho, uye Johane. Ruka anoti ikoku kwakaitika “mazuva anenge masere” pashure paikoko, sezviri pachena nemhaka yokuti iye akabatanidza zuva rechipikirwa neiro rezadziko.—Mateo 17:1, 2, NW; Marko 9:2; Ruka 9:28.

Hachisati Chiri Chiroto Kana Kuti Chisiri Chaichoicho

Kushanduka chitarisiko kwaJesu kwakanga kusati kuri chiroto. Vaapostora vatatu vangadai vasina kuva nechiroto chimwe chetecho, uye Jesu akakudana kuti “chiono.” Ikoko hakusati kuchireva chisiri chaichoicho, nokuti shoko rechiGiriki rinoshandiswa pana Mateo 17:9 rinoshandurwa kune imwe nzvimbowo kuti ku“ona.” (Mabasa 7:31) Naizvozvo vacherekedzi vakanga vakamuka chose chose, uye nameso avo nenzeve, vakaona chaizvoizvo ndokunzwa chakanga chichiitika.—Ruka 9:32.

Akamuka zvikuru asi asingazivi chokutaura, Petro akakarakadza kuvakwa kwamatende matatu—mumwe rimwe raJesu, Mosesi, uye Eria. (Ruka 9:33) Gore rakaumbika sezvo Petro akataura sezviri pachena rakaratidzira kuvapo kwaMwari mugomo racho, sapatende raIsraeri rokusonganira murenje. (Eksodho 40:34-38; Ruka 9:34) Uye zvirokwazvo vaapostora vaisazova vakarara apo “Mwari Baba” akazivisa, kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa. Muteererei.”—2 Petro 1:17, 18; Ruka 9:35, NW.

Chikonzero Nei Mosesi Akaonekwa

Apo kushanduka chitarisiko kwakaitika, Mosesi akanga “asingatongozivi chinhu,” nokuti iye akanga afa mazana amakore pamberi pezvi. (Muparidzi 9:5, 10, NW) Kufanana naDhavhidhi, iye akanga asina kumutswa uye naizvozvo akanga asipo somunhu oga. (Mabasa 2:29-31) Asi neiko Mosesi akaonekwa aina Kristu muichi chiono?

Mwari akanga audza Mosesi, kuti: “Ndichavamutsira muporofita anobva pakati pehama dzavo, akafanana newe; uye zvamazvirokwazvo ndichaisa mashoko angu mumuromo make, uye iye achataura zvamazvirokwazvo kwavari zvose zvandichamuraira.” (Dheuteronomio 18:18, NW) Petro akashandisa zvakananga uhu uporofita kuna Jesu Kristu. (Mabasa 3:20-23) Kunze kwaJesu, Mosesi akanga ari muporofita mukurusa uyo Mwari akatumira kurudzi rwaIsraeri.

Fanano dziripo pakati paMosesi naMosesi Mukuru, Jesu Kristu. Somuenzaniso, apo vakanga vari vacheche, upenyu hwavose vari vaviri hwakaiswa mungozi navatongi vanodzvinyirira, asi Mwari akaita kuti vana vacho vachengetwe. (Eksodho 1:20–2:10; Mateo 2:7-23) Varume vose vari vaviri vakapedza mazuva 40 vachizvinyima zvokudya pakutanga kwamabasa avo savabatiri chaivo vaJehovha. (Eksodho 24:18; 34:28; Dheuteronomio 9:18, 25; Mateo 4:1, 2) Uye Mosesi naJesu vose vari vaviri vakaita manenji kupfurikidza nesimba raMwari.—Eksodho 14:21-31; 16:11-36; Pisarema 78:12-54; Marko 4:41; Ruka 7:18-23; Johane 14:11.

Mwari akashandisa Mosesi kununura Israeri muubatwa hweEgipita, kunyange sezvo Jesu achiparira rusununguko rwomudzimu. (Eksodho 12:37–14:31; Johane 8:31, 32) Mosesi akaropafadzwa kureverera sungano yoMutemo pakati paMwari navaIsraeri, nepo Jesu ari Murevereri wesungano itsva. (Eksodho 19:3-9; 34:3-7; Jeremia 31:31-34; Ruka 22:20; VaHebheru 8:3-6; 9:15) Jehovha akashandisawo Mosesi kuzviitira Amene zita pamberi pavaIsraeri, vaEgipita, uye vamwe, kungofanana nokukudza kwakaita Jesu Kristu zita dzvene raJehovha. (Eksodho 9:13-17; 1 Samueri 6:6; Johane 12:28-30; 17:5, 6, 25, 26) Kupfurikidza nokuita kuti Mosesi aoneke naJesu akashanduka chitarisiko, Mwari akaratidza kuti Kristu aizobatira muidzi nzvimbo pamwero mukuru zvikuru.

Chikonzero Nei Eria Akaoneka

Kunyange zvazvo muporofita akafa Eria akanga asina kumutswa, kwakanga kwakakodzera kuti iye anofanira kuoneka muchiono chokushanduka chitarisiko. Eria akaita basa guru mukudzorera kunamata kwakachena nokutsvenesa zita raJehovha pakati pavaIsraeri. Jesu Kristu akaita zvimwe chetezvo paaiveri pasi pano uye achaita kunyange zvakawanda kudzorera rudzidziso rwakachena ndokureverera Baba vake vokudenga kupfurikidza noUmambo hwaMesia.

Muporofita Maraki akaratidza kuti basa raEria rakadeya kufananidzira mubato womunguva yemberi. Kupfurikidza naMaraki, Mwari akati: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika. Iye uchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kumadzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”—Maraki 4:5, 6.

Uhu uporofita hwakava nezadziko yahwo duku mubasa raJohane Mubhapatidzi. Jesu akaonesa ikoku pashure pokushanduka chitarisiko, apo vadzidzi vake vakabvunza chikonzero nei vanyori vakataura kuti Eria anofanira kutanga kuuya—pamberi pokuoneka kwaMesia. Jesu akati: “Eria uchauya hake, avandudze zvinhu zvose. Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.” Nhauro yacho inowedzera, kuti: “Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakavaudza zvaJohane Mubhapatidzi.”—Mateo 17:10-13.

Johane akaita basa rakafanana neraEria apo iye akabhapatidza vaJudha vakapfidza zvivi zvavo mukurwisana nesungano yoMutemo. Chinokosha zvikuru, Johane akanga ari mutangiri waMesia uye akasuma Jesu Kristu. (Mateo 11:11-15; Ruka 1:11-17; Johane 1:29) Asi neiko basa raJohane rakanga riri zadziko duku bedzi youporofita hwaMaraki?

Muichi chiono, Eria akaonekwa achitaura naJesu. Ikoku kwakanga kuri pashure porufu rwaJohane Mubhapatidzi, nokudaro kuchireva kuti basa raEria raizoitwa munguva yemberi. Uyezve, uporofita hwacho hwakaratidza kuti iri basa raizoitwa pamberi pe“zuva guru nerinotyisa raJehovha.” Chinoitika ichocho chiri kusvika nokukurumidza chinobatanidza “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paHar–Magedhoni, kana kuti Armagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14-16, NW) Ikoku kwakareva kuti kugadzwa kwomunguva yemberi kwoUmambo hwaMwari hwokudenga panguva iyeyo kwaizotangirwa nebasa rinowirirana nemibato yaEria nomutsivi wake, Erisha. Uye kwerinopfuura zana rimwe ramakore, Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha zvave zvichipfuudzira basa rinobatanidza kudzorerwa kwokunamata kwakachena nokukudzwa kwezita raMwari.—Pisarema 145:9-13; Mateo 24:14.

Donzo Rako

Kushanduka chitarisiko kunofanira kuve kwakasimbisa Jesu nokuda kwokutambura norufu zvaakanga odokutambura. Kunzwa Baba vake vokudenga vachitaura nezvake soMwanakomana Wavo anotenderwa kunofanira kuve kwakasimbisa kutenda kwaJesu. Asi kushanduka chitarisiko kwakaitei nokuda kwavamwe?

Kushanduka chitarisiko kwaJesu kwakasimbisawo kutenda kwavacherekedzi. Kwakaroverera pandangariro dzavo kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari. Zvamazvirokwazvo, sezvo Mutauriri Mukuru waJehovha, Shoko, ipapo akanga ari pakati pavo, vakanzwa inzwi raMwari amene richizivisa, kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” Kunyange zvazvo Jehovha akanga apupurira ufakazi hwakafanana apo Jesu akabhapatidzwa, mukati mokushanduka chitarisiko Mwari akawedzera kuti vadzidzi vanofanira kuteerera Mwanakomana Wake.—Mateo 3:13-17, NW; Mat. 17:5; Johane 1:1-3, 14.

Kushanduka chitarisiko kwakasimbisa kutenda mune imwe nzira. Mukati mechiono chacho, Jesu, “Mosesi,” uye “Eria” vakataura pamusoro po“kuenda kwake [Kristu], kwaakanga ondopedzisa paJerusarema.” (Ruka 9:31) “Kuenda” rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rokuti eʹxo·dos. Uku kubuda, kana kuti kuenda, sezviri pachena kwakabatanidza zvose zviri zviviri rufu rwaJesu norumuko rwake rwakaitwa naMwari kuupenyu hwomudzimu. (1 Petro 3:18) Naizvozvo kushanduka chitarisiko kwakasimbisa kutenda murumuko rwaKristu. Zvikurukuru kwakavaka kutenda kupfurikidza nokugovera ufakazi hunopwisa hwokuti Jesu aizova Mambo woUmambo hwaMesia hwaMwari. Uyezve, chiono chacho chakaratidza kuti Umambo hwaizova hune mbiri.

Kushanduka chitarisiko kwakasimbisawo kutenda muuporofita hwapaMagwaro. Makore 32 gare gare (munenge muna 64 N.V.), Petro akayeukazve ichi chinoitika ndokunyora, kuti: “Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona umambo hwake. Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya inzwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukurukuru richiti: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, unodikanwa, wandinofarira.’ Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene. Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu.”—2 Petro 1:16-19.

Revo Yako Nokuda Kwako

Hungu, Petro akarangarira kushanduka chitarisiko kwaJesu sesimbiso ine simba yeshoko rouporofita raMwari. Muapostora Johane angavewo akanongedzera kuichi chiono paakati: “Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwe chete wababa, azere nenyasha nezvokwadi.” (Johane 1:14) Nenzira yakafanana, kushanduka chitarisiko kunogona kuvaka kutenda kwako mushoko rouporofita raJehovha.

Kushanduka chitarisiko nezvinoitika zvinobatanidzwa zvinogona kusimbisa kutenda kwako kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari naMesia akapikirwa. Kunogona kusimbisa kudavira kwako rumuko rwaJesu kuupenyu hwomudzimu mudenga. Ichi chiono chinoshamisa chinofanirawo kuwedzera kutenda kwako muhurumende yaMwari, nokuti kushanduka chitarisiko kwakanga kuri chiono chapachine nguva mberi chembiri yaKristu nesimba roUmambo.

Kunosimbisa kutenda zvikuru kuziva kuti kushanduka chitarisiko kwaKristu kwakanongedzera kuzuva redu, apo kuvapo kwaJesu kuri chaichoicho. (Mateo 24:3-14) Chifo cha 1914 ave achitonga saMambo akagadzwa waMwari mumatenga. Chiremera chake chakapiwa naMwari nesimba zvichakurumidza kushandiswa mukurwisana navavengi vose vokutonga kwoumwari, kuchizarurira nzira nyika itsva. (2 Petro 3:13) Unogona kufarikanya zvikomborero zvako zvisingagumi kana ukashandisa kutenda muzvinhu zvinoshamisa zvakaratidzwa mukushanduka chitarisiko kwaJesu Kristu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe