Kurukurirano Muushumiri hwechiKristu
“Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose.” —MATEO 28:19, NW.
1. Ibasai rakapiwa naKristu rinoratidza kudikanwa kwokukurukura?
BASA raJesu, ranokorwa mashoko pamusoro apa, rinotipa denho yokukurukura navanhu muushumiri hwedu sezvatinoenda paimba neimba, kuita shanyo dzedzokerero, uye kugoverana mumamwe mativi ose okuparidzira Umambo. Unobatanidzwa mubasa iroro mutoro wokuzivisa zvokwadi pamusoro paJehovha Mwari, Jesu Kristu, uye Umambo hwaMesia umo Jesu zvino anotonga.—Mateo 25:31-33.
2. Kuti tikurukure nenzira inobudirira, chii chatinoda?
2 Tinogona sei kukurukura nenzira inobudirira? Kutanga, tinofanira kudavira mashoko atiri kukurukura. Namamwe mashoko, tinofanira kuva nokutenda kwakasimba kwokuti Jehovha ndiye Mwari mumwe wechokwadi, kuti Bhaibheri iShoko raMwari chaizvoizvo, uye kuti Umambo hwaMwari ndiyo bedzi tariro yorudzi rwomunhu. Nenzira iyoyo, zvatinodzidzisa zvichabva mumwoyo, uye tichave tichiteerera zano raPauro kuna Timotio: “Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.”—2 Timotio 2:15.
Kurukurirano Isina Mashoko
3-5. (a) Tinogona sei kukurukura kunyange tisingatauri shoko? (b) Ndizvinoitikai zvinopupurira ikoku?
3 Kazhinji kazhinji kurukurirano inobatanidza mashoko. Asi, kutaura idi, tinokurukura navanhu kunyange tisati tataura kwavari. Seiko? Kupfurikidza nechimiro chedu uye kupfurikidza nenzira yatinozvipfekedza nayo timene nokuzvitsvindisa. Makore akati apfuura mumwe mufundisi akapedza kufunda weWatchtower Bible School of Gilead akanga achifamba nengarava inotakura vanhu achienda kumugove wake wokumwe. Pashure pamazuva mashomanene ari mugungwa, mumwe muenzi akamubvunza chikonzero nei akanga akasiana kwazvo navamwe vose vakanga vari mungarava. Mufundisi wacho akanga achikurukura chimwe chinhu chinokosha—kuti akanga ane mipimo yakasiana uye akanga achisvikika—kupfurikidza bedzi nechitarisiko chake nechimiro chake. Ikoku kwakapa banza rakaisvonaka rokuti mufundisi ape uchapupu.
4 Ipapo zvakare, imwe hanzvadzi yakanga imire pamugwagwa ichigovera mabhuku eBhaibheri kuna vapfuuri yakanyemwerera noushamwari kumukadzi akapfuura pedyo nayo. Uyu mukadzi akatanga kudzika masitepisi achipinda muchiteshi chapasi pevhu. Ipapo akachinja ndangariro yake, akafamba achidzokera shure kuhanzvadzi yacho, uye akakumbira fundo yeBhaibheri yapamusha. Chii chakanga chamuorora? Kunyange zvazvo akanga asina kugoverwa mabhuku eBhaibheri, akanga anyemwererwa noushamwari neChapupu chaiita basa romumugwagwa.
5 Muenzaniso wechitatu: Rimwe boka reZvapupu zviduku rakadya zvokudya mukahotera uye vakashamiswa apo mumwe muenzi akasvika patafura yavo ndokubhadhara zvokudya zvavo. Neiko akaita izvozvo? Iye akanga aororwa nechimiro chavo. Asingatauri shoko kumuenzi wacho, aya maKristu maduku akanga akurukura kuti akanga ari vanhu vanotya Mwari. Nenzira yakajeka, kupfurikidza nomufambiro wedu, chitarisiko, uye ushamwari, tinokurukura kunyange tisati tataura shoko.—Enzanisa na 1 Petro 3:1, 2.
Kurangarira Kunokosha Kukurukurirano
6. Enzanisira kuti kurangarira kunokosha sei nokuda kwekurukurirano.
6 Kuti tikurukure namashoko navanhu pamusoro pamashoko akanaka, tinofanira kuva vakagadzirira, kwete kutaura zvakasimba, asi kurangarira navo. Tinorava taravazve kuti Pauro akarangarira naavo vaakaedza kupa mashoko akanaka. (Mabasa 17:2, 17; 18:19) Tinogona sei kutevera muenzaniso wake? Eya, migariro iri kuipa yenyika ingave yakatungamirira vamwe kupanikira kuvapo kwaMwari wamasimba ose naane rudo uyo anoitira hanya rudzi rwomunhu. Tingagona kurangarira navo, kunyanguvezvo, kuti Mwari ane nguva yechinhu chiri chose. (Muparidzi 3:1-8) Nokudaro, VaGaratia 4:4 inotaura kuti apo nguva yakafanira yaMwari yakasvika, akatumira Mwanakomana wake kupasi. Ikoku kwakanga kuri zviuru zvamakore pashure pokunge atanga kupikira kuita saizvozvo. Nenzira yakafanana, apo nguva yake yakafanira inosvika, iye achagumisa kutambura nouipi. Uyezve, Shoko raMwari rinoratidza kuti Mwari ane zvikonzero zvakasimba zvokubvumira uipi kupfuurira kwenguva yakareba kwazvo. (Enzanisa naEksodho 9:16.) Kurangarira neiyi nzira, uye kutsigira kurangarira ikoko nemienzanisiro noufakazi hwakasimba hwapaMagwaro, kuchabetsera vanhu vapachokwadi kuziva kuti kupararira kwouipi hakugoni kushandiswa sechibvumikiso chokuti Jehovha haako kana kuti haaitiri hanya.—VaRoma 9:14-18.
7, 8. Kurangarira kungatibetsera sei kukurukura nomuJudha weOrthodox?
7 Ngatitii apo unenge uchienda paimba neimba, mumwe saimba anoti kwauri: “Ndiri muJudha. Handifariri.” Ungapfuurira sei? Imwe hama inoshuma budiriro ichishandisa uku kusvika: ‘Ndine chokwadi chokuti muchabvumirana neni kuti Mosesi akanga ari mumwe wavaporofita vakurusa avo Mwari ati amboshandisa. Uye maiziva here kuti iye akati sezvakanyorwa pana Dheuteronomio 31:29: “Ndinoziva kuti kana ndafa . . . [muchatsauka, NW] panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai”? Mosesi akanga ari muporofita wechokwadi, naizvozvo mashoko ake aifanira kuitika. Kungava kuti akaitika apo Mwari akatumira Mesia kuvaJudha uye ndicho chikonzero nei vaJudha vasina kumugamuchira here? Ikoko kwaigona kuve kwakadaro. Zvino kana ikoku kwakadaro uye vakaita chikanganiso, ichocho chikonzero chipi nechipi nei imi neni tichifanira kuita chikanganiso chimwe chetecho here?’
8 Yeukawo, vaJudha vakatambura zvakawanda musimba rechiKristudhomu, zvikurukuru mukati mezana rino ramakore. Naizvozvo ungada kuudza saimba kuti taisava norutivi muna ikoko. Somuenzaniso, ungada kuti: ‘Maiziva here kuti apo Hitler akanga achitonga, Zvapupu zvaJehovha zvakazvidza kuramba kwake vaJudha? Zvakarambawo kuti “Rumbidzai Hitler” uye kubatira muhondo yake.’a
9, 10. Kurangarira kungashandiswa sei kubetsera uyo anodavira hero yomwoto?
9 Mukuedza kukurukura nomunhu anodavira hero yomwoto, ungarangarira kuti kana munhu achifanira kutambura nokusingagumi muhero, anofanira kuva nomweya usingafi. Mutendi wehero yomwoto achabvuma nokudisa. Ipapo unogona kududza nhauro yokusikwa kwaAdhama naEvha ndokubvunza nenzira yomutsa kana iye akambocherekedza munhauro iyoyo kududzwa kupi nokupi kwomweya wakadaro usingafi. Uchipfuurira nokurangarira kwako, ipapo ungakwevera ngwariro yake kuna Genesi 2:7, apo Bhaibheri rinotiudza kuti Adhama akava mweya. Uye cherekedza icho Mwari akati chaizova muuyo wechivi chaAdhama: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Nokudaro, Adhama mweya akadzokera kuguruva.
10 Ungagonawo kukwevera ngwariro kuidi rokuti hapana munhauro yaGenesi apo Mwari anodudza kutambura kusingagumi muhero yomwoto. Apo Mwari akanyevera Adhama kusadya muchero wakarambidzwa, iye akati: “Muzuva raunodya pauri uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:17, NW) Hapana kududzwa kwehero yomwoto! Kana muuyo chaiwoiwo wechivi chaAdhama wakanga uchizova, kwete rufu, ‘kudzokera kuguruva,’ asi kutambura kusingagumi, mururamisiro yose Mwari aisafanira kuva akatsanangura ikoku nenzira yakajeka here? Nokudaro, kurangarira kwokungwarira nokwomutsa kungabetsera munhu wapachokwadi kuona kusabvumirana kwechitendero chake. Ngatisatongofuratire ukoshi hwokuita kuti kurangarira kufadze sezvatinogoverana navamwe zvokwadi yeShoko raMwari.—Enzanisa na 2 Timotio 2:24-26; 1 Johane 4:8, 16.
Mavara Anodikanwa Nokuda Kwekurukurirano Inobudirira
11-13. Mavarai echiKristu anogona kutibetsera kukurukura nenzira inobudirira?
11 Zvino, mavarai atinofanira kusakurira kuti tikurukure zvokwadi dzoUmambo nenzira inobudirira zvikurusa? Eya, muenzaniso waJesu unotiudzei? Pana Mateo 11:28-30, tinorava mashoko ake, anoti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, mutoro wangu unorerukira.” Ipapo tinoona chimwe chezvinokosha zvokubudirira kwaJesu mukukurukurirana. Iye akanga ari munyoro naanozvininipisa mumwoyo. Vanhu vane mwoyo wakarurama vakamuwana achizorodza. Muapostora Pauro akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka, nokuti, sezvaakaudza vakuru vakabva Efeso, kuvambira pazuva rokutanga raakauya kwavari, iye akanga achishandira Ishe “nokuzvininipisa zvikuru.”—Mabasa 20:19.
12 Kupfurikidza nokuratidzira kwedu nguva dzose mwero nokuzvininipisa kwendangariro, vamwe vachawana kuti isuwo tinozorodza, uye kuchava nyore zvikuru kuti tikurukure navo. Chimwe chimiro chipi nechipi sezvingabvira chichasimudza mhinganidzo pakati pedu naavo tiri kuedza kukurukura navo. Zvirokwazvo, “uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.”—Zvirevo 11:2.
13 Kuti tipe mashoko nenzira inobudirira, tinofanirawo kuva vanoshivirira navanongwarira pakutaura. Muapostora Pauro akanga achingwarira pakutaura zvamazvirokwazvo paakapupurira kuvazivi vakaungana pamberi pake paMars’ Hill. Iye akapa mashoko akanaka munzira yavaigona kunzwisisa. (Mabasa 17:18, 22-31) Kana tichida kukurukura nenzira inobudirira navateereri vedu, tinofanira kuteerera zano iro muapostora Pauro akapa kuvaKorose paakati: “Kurukurirano yenyu ngaive nenyasha nguva dzose, uye isati iri isingatongofadzi; fundai nzira yakanakisisa yokutaura nayo nomunhu mumwe nomumwe wamunosangana naye.” (VaKorose 4:6, The New English Bible) Kutaura kwedu kunofanira kuva kwakanaka nguva dzose. Kutaura kwakadaro kuchazarura ndangariro dzavateereri vedu, nepo kutaura kwokusachenjera kuchavaparira kusagamuchira.
14. Kusvika kwakasununguka, kwokukurukurirana kungatibetsera sei kukurukura navamwe?
14 Tinoda kutarisika takasununguka nguva dzose. Ikoku kunobetsera kuita kuti vateereri vedu vanzwe vakasununguka. Kuva akasununguka kunoreva kusanyanyoitira hanya kuita kutaura kwose. Panzvimbo pezvo, nechimiro chisiri chechimbichimbi nemibvunzo youshamwari, tinopa vateereri vedu banza rokuzvitaurira vamene. Zvikurukuru patinenge tichipupurira nenzira yamasanga kuchenjera kukurudzira mumwe munhu kutaura. Nokudaro, chimwe Chapupu chakambozviwana chimene chakagara mundege parutivi pomumwe muprista weRoma Katurike. Kweinopfuura awa, Chapupu chakaramba chichipa muprista wacho mibvunzo yokungwarira pakutaura, uye muprista wacho, mukupindura, akaita kuzhinjisa kwokutaura. Asi kusvikira panguva yavakaparadzana, muprista wacho akanga awana zvinyorwa zvinoverengeka zveBhaibheri. Kusvika kwakadaro kwokushivirira kuchatibetsera kushandisa rimwe vara rinodikanwa, ndiko kuti tsitsi.
15, 16. Tsitsi dzinogona sei kutibetsera kukurukura?
15 Tsitsi dzinoreva kuzviisa timene munzvimbo yavamwe, sokunge zvakadaro. Muapostora Pauro akanzwisisa zvizere kudikanwa kwetsitsi, sezvinogona kuonwa mune zvaakanyorera vaKorinte: “Kunyange ndakasununguka kuna vose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo; kuna vasina murairo, ndakava somunhu asina murairo, kunyange ndisati ndiri munhu asina murairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasina murairo. Kuna vasina simba, ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuna vanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitovo yose.”—1 VaKorinte 9:19-22.
16 Kuti titevedzere muapostora Pauro muaya mativi, tinofanira kuva vanongwarira pakutaura, vanonzwisisa, uye vanocherekedza. Tsitsi dzichatibetsera kukurukura zvokwadi kuvateereri vedu mukuwirirana nenzira yavo yokufunga nokunzwa. Chinyorwa chaKurangarira muMagwaro chinopa betsero huru muna ikoku. Iva naro nguva dzose muushumiri.
Rudo—Yamuro Mukurukurirano
17. Paose amavara echiKristu, nderipi rinokosha zvikurusa mukukurukura zvokwadi nenzira inobudirira, uye rinoratidzwa sei?
17 Mwero, kuzvininipisa kwendangariro, shiviriro, uye tsitsi zvinokosha nokuda kwekurukurirano inobudirira mukupa mashoko. Kupfuura zvose, kunyanguvezvo, rudo rusina udyire ruchatibetsera kuva vanobudirira mukusvika mwoyo yavamwe. Jesu akanzwira urombo vanhu nemhaka yokuti vakanga “vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” Rwakanga rwuri rudo rwakasunda Jesu kutaura, kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.” (Mateo 9:36; 11:28) Imhaka yokuti tinovada zvokuti isuwo tinoda kuzorodza vanhu ndokuvabetsera kupinda munzira inoenda kuupenyu. Redu ishoko rorudo, naizvozvo ngatirambei tichiritaura nenzira yorudo. Urwu rudo runozviratidzira rumene kupfurikidza nenyemwerero youshamwari, kupfurikidza nomutsa nounyoro, kupfurikidza nokufara noushamwari.
18. Tingatevedzera sei Pauro, sezvaakatevedzera Tenzi?
18 Muna ikoku muapostora Pauro akanga ari mutevedzeri akaisvonaka waTenzi wake, Jesu Kristu. Neiko akabudirira kwazvo mukutanga ungano imwe pashure peimwe? Nemhaka yeshingairo yake here? Hungu. Asiwo nemhaka yorudo rwaakaratidzira. Cherekedza kutaura kwake kwechidakadaka pamusoro peungano itsva yaiva paTesaronika: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” Kutevedzera Pauro kuchatibetsera munhamburiko dzedu dzokukurukura.—1 VaTesaronika 2:7, 8.
19. Neiko tisingafaniri kubvumira ndima isingagamuchiri kutiodza mwoyo?
19 Kana taita unani hwedu kukurukura uye tichikundikana kuwana miuyo inoshuviwa, tinofanira kuodzwa mwoyo here? Nyangwe. Vadzidzi veBhaibheri (sokudanwa kwaichimboitwa Zvapupu zvaJehovha) vaiwanzoti kuti vagamuchire zvokwadi, vanhu vanofanira kuva namavara matatu. Vanofanira kuva vakatendeseka, vanozvininipisa, uye vane nzara. Hatigoni kukarira vanhu vasiri vapachokwadi, avo vasina kutendeseka, kugamuchira zvakanaka zvokwadi; uyewo hatigoni kukarira vanhu vanozvitutumadza kana kuti vanodada kuteerera kumashoko akanaka. Uyezve, kunyange kana munhu ane mwero wakati wokutendeseka nokuzvininipisa, sezvingabvira haasati achizogamuchira zvokwadi kana asina nzara mumudzimu.
20. Neiko nguva dzose kuchigona kutaurwa kuti nhamburiko dzedu dzave dzisati dziri dzisina maturo?
20 Pasina panikiro vazhinji vaunosangana navo mundima yako vachange vasina rimwe kana kuti anopfuura amavara matatu. Muporofita Jeremia akava nechinoitika chakafanana. (Jeremia 1:17-19; enzanisa naMateo 5:3.) Zvisinei, nhamburiko dzedu hadzitongovi dzisina maturo. Zvokona neiko? Nemhaka yokuti tiri kuzivisa zita raJehovha noUmambo. Kupfurikidza nokuparidzira kwedu nokuvapo kwedu kumene, tiri kunyevera vakaipa. (Ezekieri 33:33) Uye usatongokanganwa kuti kupfurikidza nenhamburiko dzedu dzokukurukura zvokwadi kuvamwe, tinozvibetsera timene. (1 Timotio 4:16) Tinochengeta kutenda kwedu kwakasimba uye tariro yedu yoUmambo yakajeka. Uyezve, tinochengeta perero yedu uye nokudaro kugoverana mukutsvenesa zita raJehovha Mwari, tichiita kuti mwoyo wake ufare.—Zvirevo 27:11.
21. Chii chinogona kutaurwa mukupeta?
21 Kupeta: Kurukurirano kupiwa kunobudirira kwamashoko. Unyanzvi hwekurukurirano hunokosha, uye kuvadziko huru inovapo apo kurukurirano inoparara. Taona kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vakurukurirani vakurusa uye kuti Jesu Kristu akatanga mukoto wekurukurirano wezuva redu. Tacherekedzawo kuti kupfurikidza nokutsvinda kwedu nomufambiro, tinokurukura, tichitumira mashoko kuvamwe. Tadzidza kuti kurangarira kunoita rutivi runokosha mukuedza kwedu kukurukura navanhu uye kuti kuti tikurukure nenzira inobudirira, tinofanira kuva vane mwero navanozvininipisa, vanoratidzira tsitsi, vanoshandisa shiviriro, uye, kupfuura zvose, kusundwa nomwoyo wakazara norudo. Kana tikasakurira aya mavara ndokutevera mienzaniso yeBhaibheri, tichava vakurukurirani vanobudirira vechiKristu.—VaRoma 12:8-11.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwezvimwe zvikarakadzo pamusoro penzira yokukurukura nayo navaJudha vanotenda navamwe, ona Kurangarira muMagwaro, mapeji 21-4.
Waizopindura Sei?
◻ Kurukurirano inovamba munzirai shoko risati rataurwa?
◻ Ndeipi iri mimwe yemienzaniso yekurukurirano yakaitwa nokurangarira kunobudirira?
◻ Mavarai akagonesa Jesu Kristu naPauro kukurukura nenzira inobudirira?
◻ Neiko tisingafaniri kuodzwa mwoyo kana miuyo ichinonoka kuuya?