Basa Romurume
“¡Ropa, zapato, casa, y comida!” Aya mashoko anobva murwiyo rwekare rweSpain urwo runoronga zvinhu zvikuru zvina murume anokarirwa kugovera nokuda kwemhuri yake: zvipfeko, shangu, pokugara, uye zvokudya. Uye varume vazhinjisa vane mufungo vanoedza nokudada kuita mutoro iwoyo.
Zvisinei, kana iwe uri murume wemhuri, unotarisira here zvinodikanwa zvinokosha zvikuru zvomudzimu zvemhuri yako? Kana kuti iwe, kufanana navarume vazhinji, unofunga kuti kutarisira zvinhu zvorudzidziso pamusha harisi chaizvoizvo basa romurume here? Mutsika dzakati hakusati kuchimbokarirwa kuti varume vangawana nguva yokudzidzisa vana vavo pamusoro paMwari neBhaibheri.
Shoko raMwari rinopa zvikurukuru murume wemba mutoro wokuroverera mumhuri yake rudo nokuda kwaMwari nenzwisiso huru yemipimo youmwari. Somuenzaniso, pana VaEfeso 6:4 (NW), Magwaro anopa zano varume vechiKristu sezvinotevera: “Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”
Vamwe, kunyange zvazvo vakarovedzana naaya mashoko, vangasanzwisisa zvizere kuti rugwaro rwacho rwakanangidzirwa zvikurukuru kuna baba, murume wemba. Somuenzaniso, vanhu vanotaura chiSpain nechiPutukezi vanganzwisisa mashoko aVaEfeso 6:4 kuva anotaurwa kuvose vari vaviri baba namai. Muiyi mitauro shoko nokuda kwa“madzibaba” uye shoko nokuda kwa“vabereki” ndirimwe chetero. Zvisinei, mundima 1 yaVaEfeso ganhuro 6, muapostora Pauro akaita nongedzero kuvose vari vaviri baba namai kupfurikidza nokushandisa shoko rechiGiriki go·neuʹsin, kubva muna go·neusʹ, rinoreva kuti “mubereki.” Asi mundima 4, shoko rechiGiriki rinoshandiswa raiva pa·teʹres, rinoreva kuti “madzibaba.” Hungu, pana VaEfeso 6:4, Pauro akataura mashoko ake zvakananga kumurume mumhuri.
Chokwadika, kana mumhuri musina murume wokutungamirira, ipapo mukadzi anofanira kuita uyu mutoro. Nebetsero yaJehovha vanamai vazhinji vakarera nenzira inobudirira vana vavo muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha. Zvisinei, apo murume wechiKristu anenge aripo, anofanira kutungamirira. Kana akaregeredza uyu mutoro, kwakaomera zvikuru vasara vemhuri kuchengeta gadziriro yakanaka yokudya kwomudzimu. Uye murume akadaro ane mutoro kuna Jehovha nokuda kweregeredzo yake.
Mirangariro yaMwari paiyi nhau iri pachena muzvikwaniriso zvapaMagwaro zvinooneswa nokuda kwavatariri navabatiri vanoshumira muungano yechiKristu. Bhaibheri rinotaura kuti anosarudzwa nokuda kwenzvimbo yakadaro anofanira kuva “murume anotungamirira mhuri yake amene nomutoo wakaisvonaka, ane vana vanozviisa pasi norukudzo rwose; (kana zvamazvirokwazvo murume upi noupi asingazivi nzira yokutungamirira nayo mhuri yake amene, achatarisira sei ungano yaMwari?).”—1 Timotio 3:4, 5, 12, NW; Tito 1:6.
Murume wemhuri anofanira kuva anodisa kurega mifarwa nekodzerwo yomunhu oga nokuda kwegarikano yomudzimu yavana vake. Padzimwe nguva angafanira kuderedza nguva inopiwa kumimwe mibato kuti agova nechitsama chine mufungo chenguva chokupedza ane vana vake pahwaro hwenguva dzose. (Dheuteronomio 6:6, 7) Kunyanguvezvo, iye haasati achizopa kuvamwe uyu mugove wakapiwa naMwari. Rudo rwake nefariro muvana vake zvichapfuura zvikuru kugovera zvipfeko, shangu, pokugara, uye zvokudya.
Idenho chose kurera vana “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Ndokusaka mutoro mukuru uri womurume. Apo baba wechiKristu anosanoita basa rake, ipapo iye anogona kurangarira vana vake vanotya Mwari sechikomborera chinobva kuna Jehovha. Iye anogona kutaura nowezvamapisarema, kuti: “Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya. Une mufaro iye murume une goba rizere navo.”—Pisarema 127:4, 5.