Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Mufambiro Unoshongedza Ushumiri Hwedu hwechiKristu
MUAPOSTORA Petro anoraira maKristu, kuti: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni.” (1 Petro 2:12) Muapostora Pauro anoratidza kuti kupfurikidza nomufambiro wedu wakanaka, tino“shongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.” (Tito 2:10, NW) Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvine mukurumbira womufambiro wakanaka. Cherechedza mimwe mienzaniso.
Murangariro Womudzidzisi Womufambiro Wakanaka
◻ Hofisi yebazu yeWatch Tower Society muCosta Rica inoshuma kuti chiverengero chikuru chavanhu vaduku vari munyika iyoyo chinogadza muenzaniso wakaisvonaka. Imwe hama inotaura chakaikwevera kuzvokwadi. Iyo inorondedzera, kuti: “Chinhu chakandikwezva zvikurusa chakanga chiri mufambiro wakaisvonaka wavose vari vaviri pwere navakura asi zvikurukuru pwere. Pandaishanda somudzidzisi, ndakava nebanza rokusanocherechedza Zvapupu zvaiva pachikoro changu. Uye sezvo ndaigara nemhuri yeZvapupu zvaJehovha, ndakacherechedza mufambiro wavana vaivapowo.
“Hapana zvandaigona kuita kunze kwokucherechedza musiano pakati pavadzidzi vakanga vari Zvapupu navamwe vadzidzi vari muchikoro changu. Nguva dzose Zvapupu zvaisvika panguva ndokusanozvibata, zvaisatongoreva nhema, uye zvaiita migove yazvo nguva dzose. Ndakacherechedzawo kuti zvakanga zvakatendeseka pakuita bvunzo, kunyange zvazvo vamwe vadzidzi vaiwanzobira. Kupfuurirazve, zvakanga zvakapfava zvikuru uye zvichindiremekedza somudzidzisi wazvo. Ndaororwa neZvapupu zviduku pachikoro nomumusha mandaigara, ndakatanga kuongorora urwu rudzidziso uye pakupedzisira ndakagamuchira zvokwadi.”
Zvakanaka Zvinobva Mumufambiro wechiKristu Pakokorodzano
◻ Mumwe weZvapupu zvaJehovha muungano iri murutivi rwokumadokero kweEl Salvador aishuva kugoverana mashoko akanaka oUmambo nehama dzake mbiri dzokunyama. Mumwe akateerera ndokuvamba kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Imwe hama yokunyama yaiva yechechi yeEvhangeri yainzi Muchinda woRugare, uye iyo yakati kune hama yayo yokunyama: “Usataura neni; uri kubatira fariro dzaDhiabhorosi.”
Apo nguva yakasvika yekokorodzano yoruwa, uyo akanga achifunda akakoka hama yake yokunyama kuti iende naye kukokorodzano. Hama yokunyama yacho yakati: “Zvakanaka, ndichaenda; ndiri kungoenda bedzi kundoona kwandinogona kuwana Zvapupu.” Hama dzokunyama mbiri dzakapinda kokorodzano pamwe chete. Chiverengero chikuru chavapindi nenhevedzano yakanaka pakokorodzano zvakaorora muEvhangeri, uyo akataura kuti akanga asina kutongoona chinhu chipi nechipi chakafanana nacho kare. Paakasvika kumba, iye akati kune hama yake yokunyama: “Ndipe ruoko rwako.” “Kuti zviite seiko?” hama yake yokunyama yakabvunza kudaro. “Ndipe ruoko rwako bedzi,” ndiyo yakanga iri mhinduro yacho. Vakabatana maoko, uye hama yokunyama yakanga yave iri yechechi yeEvhangeri yakati: “Kubva zvino zvichienda mberi ndichafunda neZvapupu zvaJehovha. Chaizvoizvo, ndakanga ndisingazivi chandakanga ndiri kupotsa.” Zvino iyewo muzivisi anoshingaira neane mbavarira wamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.