RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 6/1 p. 7
  • Upenyu hwaJesu Noushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu hwaJesu Noushumiri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Nyaya Dzinotibatsira Muushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Nyaya Itsva Ichange Yava Kubuda muNharireyomurindi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Uri Kunyatsoishandisa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Nyaya Itsva Dzokushandisa Pakutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 6/1 p. 7

Upenyu hwaJesu Noushumiri

NYAYA inoti “Jesu Anopedza Zvose Mwari Anokumbira,” iri pamapeji anotevera, ndicho chikamu chokupedzisira chenhevedzano yedu refu inoti “Upenyu hwaJesu Noushumiri.” Rutivi urwu rwakaoneka muNharireyomurindi kwaanopfuura makore matanhatu, muzvinyorwa 149 zvinotevedzana, kutanga nechinyorwa chaApril 1, 1985.

Itariro yedu kuti iyi nhevedzano yomuNharireyomurindi yakakubetsera kutevera zano romuapostora Pauro roku‘tarisisa Jesu’ nokuteerera murairo waMwari wokuti “muteererei.” (VaHebheru 12:2, 3; Mateo 17:5, NW) Mumakore apfuura, vazhinji vakanyora kuti vataure kuti vakabetserwa kuita ikoku. “Kwakaita sokunge ndakanga ndiriko ndichimuteerera nokutarira chaanoita,” akanyora kudaro mumwe muravi. “Ndasvika pakumuda zvikuru nemhaka yeidzi nyaya.”

Mumwe muravi akanyora, kuti: “Chinyorwa chiri chose chinoratidzika kuva chine pfundo randakanga ndapotsa pakurava nhauro yeBhaibheri. Ndakafarikanya kupinza mundangariro zvinoitika zvakasiana-siana muupenyu hwaJesu munhevedzano yenguva iri nani zvikuru kupfurikidza nokurava nyaya imwe neimwe.” Vazhinji vakataura kuonga kwakafanana nokuda kwokudzidza nguva nenzvimbo Jesu akadzidzisa nokuita zvinhu mukati moushumiri hwake.

Mumwe mukadzi muSpain akati: “Ndakachengeta nyaya dzose chifo chapamavambo. Idzo dzinoraidza kwazvo vakuru pamwe chete navana. Ndine makore 44, uye ndinofadzwa apo ndinorava idzi nhauro. Kwakaita sokunge ndaivapo muchinoitika chenhau chimwe nechimwe.”

Mumwe mai muUnited States akanyora, kuti: “Nemhaka youpfupi hwenyaya dzacho nokutaura kwadzo kwakapfava, murume wangu akakumbanira mufundo yedu yemhuri. Mwanakomana wangu ane makore masere okukura akandikumbira kunyora kukutendai kuti baba vake zvino vanofunda Bhaibheri. Iye anokumbira kuti rimwe zuva apo iyi nhevedzano inopedzwa nyaya dzacho dzibudiswe mubhuku kuti agone kudzigoverana nevekuchikoro biyake.”

Zvichida iwe unogoverana mirangariro yomuravi uyo misi ichangobva kupfuura iyi akachema, kuti: “Ndinonzwa ndichiti suruvariswei nokufunga kuti nhevedzano dzichakurumidza kuguma sezvo mazuva okupedzisira oupenyu hwaKristu anorangarirwa. Zvirokwazvo ndicharasikirwa nenzvimbo yadzo muNharireyomurindi.” Tinokarira kuti muchafarikanya ichi chikamu chokupedzisira munhevedzano yedu inoti, “Upenyu hwaJesu Noushumiri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe