Bhaibheri—Rakabva Kuna Mwari Here?
JEHOVHA, Mwari wesimba risina kuganhurirwa nechiremera, zvamazvirokwazvo ane maruramiro okukurukura nechisiko chake chavanhu munzira ipi kana ipi yaanoshuva. Kana akasarudza kukurukura kupfurikidza neshoko rakanyorwa, aizofanirawo kuchengeta shoko rake mumazera ose. Izvi ndizvo zvazvave zvakaita neBhaibheri here?
Anenge makore 1 500 pamberi paKristu, apo kunyorwa kweBhaibheri kwakatanga, kwaiva namamwe manyoro orudzidziso mazhinji aivako. Zvisinei, ose iwaya akarega kushandiswa uye pakupedzisira akangonyangarika. Mamwe akafukunurwa navezvokuchera matongo uye zvino ava zviyeviwa zvinoratidzirwa mumamiyiziyemu. Pane rumwe rutivi, zvikamu zveBhaibheri zvakanyorwa zvinopfuura zviuru zvitatu zvamakore zvapfuura hazvina kutongokanganwika, uye makopi akapukunyuka kusvikira kuzuva redu chairo. Ikoku kunoshamisa, zvikurukuru pakurangarira utsinye hwakanyandurwa mukurwisana neBhaibheri munhau yose. Hapana rimwe bhuku rave riri chipfuro chokushora kwakaipa kukuru zvikuru noruvengo. Kurava kana kuti kuparadzira Bhaibheri kwave kuchirangwa nefaindi, kuiswa mutorongo, chitambudzo, uye kazhinji kazhinji rufu.
Bhukuwo zvaro raigona sei kupukunyuka mumigariro yakadaro? Bhaibheri rimene rinotiudza, kuti: “Shoko ra[Jehovha, NW] rinogara nokusingaperi.” (1 Petro 1:25) Kugara nokusaparadzika kweBhaibheri zvinobetsera kuriziva seShoko dzvene raMwari.
Mukuwedzera, tinofanira kukarira nenzira ine mufungo kuti shoko raMwari kurudzi rwomunhu raizowanikwa munyika yose. Ndizvo zvazvakaita neBhaibheri here? Zvamazvirokwazvo ndizvo! Hakuna rimwe bhuku munhau rakasvika kunyange pedyo neBhaibheri muna ikoku. Kuparadzirwa kweBhaibheri kwakafungidzirwa kuva 3 000 000 000. Uyezve, hakuna rimwe bhuku rakashandurirwa mumitauro yakawanda zvakadaro. Bhaibheri zvino rinogona kuraviwa, rose kana kuti murutivi, mundimi dzakasiana-siana dzinopfuura 1 900. American Bible Society inoshuma kuti zvino rinowanikwa ku 98 muzana yechiverengero chavagari venyika. The New Encyclopædia Britannica inodana Bhaibheri, kuti “zvimwe muunganidzwa unopesvedzera zvikurusa wamabhuku munhau yavanhu.” Hakusati kuri kuzvitutumadza, ipapoka, kurirondedzera sebhuku gurusa pasi pano.
Kutsinhirana kwomukati kweBhaibheri kubva pamavambo kusvikira kumugumo kuri makuri kumene ufakazi hune simba hwokuti zvamazvirokwazvo rakafuridzirwa naMwari. Kwaizova kwechokwadi here kukarira kuti manyoro avanhu vamwe navamwe 40 munhambo inopfuura makore 1 600 angagona ose kubvumikisa kuva ane tsinhirano uye ane musoro mumwe mukuru? Ikoku kwaizova kusingabviri kana kukasiirwa kutsaona kana kuti kunhungamiro yomunhuwo zvake. Bva, izvi ndizvo zvazvakaita namabhuku 66 ayo anoumba Bhaibheri. Ungwaru hunopfuura hwohunhu bedzi, hwagara kwenguva refu hwaigona kuita chinhu chinoshamisa chakadaro.
Haisati Iri Nhau Chete
Zviri mukati zvenhau zveBhaibheri zvinoshamisa. Asi shoko rakabva kuna Mwari rinoumbwa bedzi bedzi namashoko enhau raizobvumikisa kuva roukoshi hwakaganhurirwa kwatiri. Tinoda nhungamiro nouchenjeri hunoshanda, uye zvakadaro zvinogonawo kuwanwa muBhaibheri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotikurudzira kusakurira “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora”—misoro iyo zvizhinji zvakanyorwa pamusoro payo mumapeji aro ose. (VaGaratia 5:22, 23, NW; VaKorose 3:12-14) Bhaibheri rinorumbidza kubishaira, rucheno, kutendeseka, kutendeka muroorano, ruremekedzo norudo nokuda kwavanhu biyedu; uye rine pfuma huru yezano pamufambiro wohunhu mukati memhuri nenzanga.
Apo rinoshandiswa, zano reBhaibheri rinotanhamara serinobetsera zvirokwazvo. Rinotisunungura mukusaziva nokutenda mashura. (Johane 8:32) Uchenjeri hwaro hunoshanda hahuenzaniswi. Zvamazvirokwazvo, iro rine, pasina panikiro, uchenjeri hwoumwari.
Kutaura kuti “shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba” kunotsinhirana zvizere nenzira iyo Bhaibheri rinochinja nayo chaizvoizvo vanhu. (VaHebheru 4:12, NW) Mamirioni nhasi akakurira miitiro yohunhu inokuvadza ndokuchinja yaichimbova nzira yavo inoparadza nokuda kweiri nani somuuyo wokufungisisa mipimo yeBhaibheri.—VaEfeso 4:22.
Chii chinoitika apo mipimo yeBhaibheri inofuratirwa? Muuyo wacho kusava nomufarwa nenhamo, hondo, urombo, hosha dzinopfuudzwa muvatano, uye misha yakaputsika. Zvinhu zvakadaro zvinofanira bedzi kukarirwa nemhaka yokuti kuzvidza Bhaibheri Dzvene kunoreva kuramba nhungamiro yaMwari, uyo akasika munhu uye anoziva zvinodikanwa zvake.
Bhaibheri rinodeya kuzivisawo nguva yemberi, chimwe chinhu chisingabviriri vanhu kuita. Kumuka kwamasimba enyika kuvambira paBhabhironi kusvikira mumazana amakore kuzuva redu timene kwakaziviswa nenzira youporofita muBhaibheri. (Dhanieri, ganhuro 2, 7, 8) Mukuwedzera, anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura, kwakabatanidzwa muBhaibheri rondedzerwo yakarurama yemigariro yenyika muzana rino ramakore rechi 20. (Mateo, ganhuro 24, 25; Marko, ganhuro 13; Ruka, ganhuro 21; 2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4; Zvakazarurwa 6:1-8) Ndaza refu yamauporofita eBhaibheri akazadzikwa inotisimbisira kuti kariro dzenguva yemberi inofadza sedzinorondedzerwa mumapeji aro ndedzechokwadi.
Mutoro Wedu
Hwose ihwohwu ufakazi hukuru hwokuti Mwari akakurukura chaizvoizvo navanhu. Chokwadi, Mwari akatumira shoko rake noruoko rwavanhu vasina kukwana. Asi ichochi hachisati chiri chikonzero chokudavira kuti Bhaibheri nderechokwadi zvishomanene kupfuura zvaizoita shoko rakataurwa nomuromo rakabva kuna Mwari, kana kuti rakapiwa kupfurikidza nengirozi, kana kuti rakanyorwa nenzira yenenji mudenga ndokupiwa noruoko kuvanhu vari pasi.
Zvisinei, kubvuma mavambo matsvene, kana kuti oumwari, eBhaibheri kunoisa patiri mutoro. Jehovha anotikarira nenzira yakarurama kurava Shoko rake nguva dzose. (Pisarema 1:1, 2) Kurava Bhaibheri kune miuyo kunoda chimiro chakakodzera. Mumwe anofanira kurangarira kuti Bhaibheri harifaniri kuraviwa sokunge bhuku ripi neripiwo zvaro. Mumwe anofanira kurisvika, “kwete seshoko ravanhu, asi, sezvarakangoita chaizvoizvo, seshoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13, NW.
Zvimwe zvinhu zviri muBhaibheri zvingava zvakaoma kunzwisisa. Asi kupfurikidza nokurava nguva dzose, munhu anokura munzwisiso uye anowana chiono chakakwana zvikuru chokuda kwaMwari nechamadonzo ake. (VaHebheru 5:14) Zvichida hausati wapwiswa zvizere kuti Bhaibheri iShoko dzvene raMwari. Asi, nenzira inotsinhirana, unogona sei kuratidzira chitendero kana kuti kusatenda Bhaibheri kana usina kurifunda nenzira yokungwarira?
Pasinei zvapo nepanikiro yanhasi pamusoro pamavambo aro oumwari, kusanonzvera Bhaibheri Dzvene kwakaparira vanhu vamwe navamwe vazhinji vanofunga kuti vataure mumashoko omuapostora Pauro, kuti: “Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema”!—VaRoma 3:4.
[Girafu riri papeji 4]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Bhaibheri zvino rinowanikwa ku 98 muzana yechiverengero chavagari venyika
Hakuna rimwe bhuku munhau rakasvika pedyo nokuparadzirwa kweBhaibheri kunofungidzirwa kuva 3 000 000 000. The New Encyclopædia Britannica inoridana kuti “zvimwe muunganidzwa unopesvedzera zvikurusa wamabhuku munhau yavanhu”
[Mifananidzo iri papeji 4]
Bhaibheri rakapukunyuka, nepo mamwe manyoro orudzidziso akava zviyeviwa zvazvo zvomumiyiziyemu
Pamusoro: Nhauro yeAsiria yeBoporodzi
Kurudyi: Minyengetero kuna mwari weEgipita Ra
[Kwazvakatorwa]
Zvose zviri zviviri: Courtesy of the Trustees of The British Museum
[Mufananidzo uri papeji 5]
Rakanyorwa navanhu vamwe navamwe vakasiana-siana 40 munhambo inopfuura makore 1 600, Bhaibheri rinotevera musoro mumwe mukuru kubva pamavambo kusvikira kumugumo. Ungwaru hunopfuura hwohunhu bedzi, hwagara kwenguva refu hwaigona kuita chinhu chinoshamisa chakadaro
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kumuka kwamasimba enyika kuvambira paBhabhironi kusvikira mumazana amakore kuzuva redu timene kwakaziviswa nenzira youporofita muBhaibheri. (Dhanieri 2, 7, 8)
Kurudyi: Kesari Augusto
[Kwazvakatorwa]
Museo della Civiltà Romana, Roma
[Mufananidzo uri papeji 6]
Anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura, Bhaibheri rakadeya kutaura nenzira yakarurama migariro yenyika nhasi. (Mateo 24, 25; Marko 13; Ruka 21; 2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4; Zvakazarurwa 6:1-8) Kururama kusina mhosho kwouporofita hweBhaibheri kunotisimbisira kuti chipikirwa chaMwari cheparadhiso yapasi chine chokwadi chokuzadzikwa
[Kwazvakatorwa]
Reuters/Bettmann Newsphotos