RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/1 pp. 16-19
  • Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mudziyo Unoshanda
  • Hwaro Hwefundo dzeBhaibheri
  • Kupindura Kwaungaita Vangangoramba Kukurukurirana
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Pfungwa Yacho Inopinda Mumarudzidziso okuMabvazuva
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Machechi Ose Anonamata Mwari Mumwe Chete Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nei Vakawanda Vasina Chokwadi Chokuti Chitendero Chinogona Kubatanidza Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/1 pp. 16-19

Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu

NEIKO isu, seZvapupu zvaJehovha, takapiwa “mutauro wakachena”? Zvamazvirokwazvo, hakusi kuti tiuchengete kwatiri timene. Uye hakusi kuti tigone kufarikanya mararamire akanaka akafanana nenzira yechiKristudhomu yakapfava, yokubvumirana pane zvisina kufanira yechiito. Panzvimbo pezvo, kuri nokuda kwokuti ‘vose vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete.’ (Zefania 3:9, NW) Hungu, mutauro wakachena unobatanidza mubato unoitwa pamwe chete namamirioni ehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu—dzinobva mumadzinza ose, marudzi, uye mitauro—idzo dziri kuparidzira nenzira yokutendeka mashoko akanaka mugumo usati wasvika.—Marko 13:10; VaRoma 13:11; Zvakazarurwa 14:6, 7.

Kuparidzira kwedu nhasi pane dzimwe nguva kunopa denho dzechienzi. Neiko kwakadaro? Mukati mezana rino ramakore rechi 20, kwave kune kufamba kukuru kwavanhu somuuyo wehondo, manikidziro, dzvinyiriro dzezvemari, uye nokuda kwezvimwe zvikonzero. Somuuyo, vanhu vemitauro mizhinji namarudzidziso vakapinda mutsika dzisiri dzavo vamene. Nokudaro, nzanga huru dzavaHindu, vaBuddha, uye vaMuslim dzakatamira munyika yokuMadokero. Sezvatinogoverana mutauro wakachena paimba neimba, tinosangana naava vanhu. Pane dzimwe nguva tinovhiringidzwa nemhaka yokuti tinoziva zvishomanene kwazvo pamusoro pomugariro wavo worudzidziso. Chii chatinogona kuita pamusoro pako?—Enzanisa naMabasa 2:5-11.

Tinogoverana sei zvokwadi nomuMuslim kana kuti muJudha? Vanosiana sei mumwe nomumwe? MuHindu anodavirei chaizvoizvo? Neiko vaSikh vachipfeka matebhani? Chii chiri bhuku ravo dzvene? MuBuddha akasiana sei nomuHindu? VaShinto veJapan vanodavirei? VaTao vechiChina kana kuti vaConfucius vanodavira muna Mwari here?a MuJudha weOrthodox anosiana sei nomuJudha weReform kana kuti muJudha weConservative? Kuti tisvike iyi mhatsa huru yavanhu, kutanga kwazvose tinofanira kunzwisisa murangariro wavo uye ipapo kuziva nzira yokuvanangidzira nayo nenzira yomutsa neyokungwarira pakutaura kuna Mwari wechokwadi, Jehovha.—Mabasa 17:22, 23; 1 VaKorinte 9:19-23; VaKorose 4:6.

Kutibetsera kuva nenzwisiso yakajeka zvikuru yamamwe marudzidziso, dzidziso dzawo, uye mugariro wawo wenhau, Watch Tower Society yakabudisa kupota nyika yose mukati meKokorodzano dza 1990 “Mutauro Wakachena” chinyorwa chitsva chine musoro unoti Mankind’s Search for God. Takashongedzerwa nouyu mudziyo, tichakwanisa zviri nane kuparidzira kuvanhu venyika isiri yechiKristu pamwe chete nokuavo vechiKristudhomu.

Mudziyo Unoshanda

Iri bhuku rine mapeji 384 rine maganhuro 16 anorondedzera nhau yokutsvaka Mwari kworudzi rwomunhu mumakore zviuru zvitanhatu apfuura. Iro rinopindura mazana emibvunzo pamusoro pamarudzidziso enyika. Heuno muenzaniso wemimwe yacho: Zvinhui zvinosarudza rudzidziso rwomunhu kazhinji kazhinji? Neiko kuri kusina kuipa kunzvera kumwe kutenda? Ifananoi dziripo pakati pechiKaturike cheRoma nechiBuddha? Ibasai iro ngano dzinoita mumarudzidziso mazhinji? Neiko vanhu vazhinji vachidavira mumashiripiti, kutenda midzimu, uye ruzivo rwenyeredzi? Neiko vaHindu vaine vamwari navamwarikadzi vazhinji kwazvo? VaSikh vanosiana sei navaHindu? Ndiani akanga ari Buddha, uye chii chaaidzidzisa? Neiko Shinto rwuri zvikurukuru rudzidziso rwechiJapan? Neiko vaJudha vaine mutemo unotaurwa pamwe chete nowakanyorwa? Tinoziva sei kuti Kristu haasi ngano? Koran inosiana sei neBhaibheri? Neiko vaKaturike vachitaura kuti Petro akanga ari papa wokutanga? Neiko muprista weKaturike Luther akabva muChechi yeRoma Katurike?

Mibvunzo yacho inodokusaguma, uye ichi chinyorwa chinounganidza mhinduro kuti tigogona kuparidzira nenzira inobudirira zvikuru kuvanhu vane iyi migariro yakasiana-siana yorudzidziso. Bhuku racho rinoziva kuti vanhu vazhinji vane rudzidziso rwavo vamene uye kuti rudzidziso inhau yomunhu oga zvikuru. Bva, papeji 8, rinoti: “Panodokuva kubva pakuberekwa pfungwa dzorudzidziso kana kuti dzetsika dzinodyarwa mundangariro yedu navabereki vedu nehama dzokunyama. Somuuyo, kazhinji kazhinji tinotevera miitiro yorudzidziso yavabereki vedu navanasekuru.” Ikoko kunoreva kuti “muzvinoitika zvizhinji vamwe vakatisarudzira rudzidziso. Yangova zvayo nhau yokwatakaberekerwa nokuti rini.”—Enzanisa naVaFiripi 3:4-6.

Ipapo bhuku racho rinomutsa mubvunzo une mufungo. “Kune mufungo here kufunga kuti rudzidziso rwakaiswa pakuberekwa kwomumwe ndiyo zvayo zvokwadi yose?” Nokudaro, munhu ari wose anokurudzirwa kunzvera mamwe marudzidziso nendangariro yakazaruka. Sezvinotaurwa papeji 10, kuti: “Kunzwisisa murangariro womumwe nomumwe kunogona kutungamirira kukurukurirano ine revo zvikuru nokutaurirana pakati pavanhu vokutenda kwakasiana.” Rinopfuurira, kuti: “Chokwadi, vanhu vangasabvumirana zvakasimba pamusoro pezvitendero zvavo zvorudzidziso, asi hapana hwaro hwokuvenga munhu nemhaka bedzi yokuti iye ane murangariro wakasiana.”—Mateo 5:43, 44.

Mumwe mubvunzo unokosha unomuka mubhuku racho rose ndowokuti, Munhu ane mweya usingafi uyo unopukunyuka rufu rwake ndokupfuurira kuenda kuupenyu hwapashure here? Muchimiro chimwe kana kuti chimwe chacho, runenge rudzidziso rwuri rwose runodzidzisa mufungo iwoyo. Sokutaura kunoita Mankind’s Search for God (peji 52), kuti: “Mukutsvaka kwake Mwari, munhu akaedza asingabudiriri, akanyengerwa nenyengedzo yokusafa. . . . Chitendero mumweya usingafi kana kuti mhatsa yako igamuchidzanwa rakasvika kwatiri mumamireniyumu apfuura.” Mimwe mibvunzo ndeiyi: Kune nzvimbo yakadai sehero uko mweya inotambudzwa here? Chii chiri tariro yechokwadi nokuda kwavakafa? Kuna Mwari mumwe, kana kuti kuna vamwari vazhinji here?—Genesi 2:7; Ezekieri 18:4.

Hwaro Hwefundo dzeBhaibheri

Munenge munhevedzano yenguva yokuonekwa kwawo panyika, bhuku racho rinokurukura kutanga kwamarudzidziso makuru orudzi rwomunhu—chiHindu, chiBuddha, chiTao, chiConfucius, chiShinto, chiJudha, chiKristu, chiKristudhomu, uye chiIslam. Muganhuro imwe neimwe mabhuku matsvene amarudzidziso iwaya anonokorwa mashoko zvokuti mutendi upi noupi wapachokwadi anogona kuzvinzverera amene mashoko akanokorwa. Nokuda kweganhuro pamusoro pechiIslam, shanduro nhatu dzakasiana-siana dzechiNgezi dzeKoran dzinoshandiswa. Shanduro yeJewish Publication Society yazvino uno yeTanakh—a New Translation of the Holy Scriptures inonokorwa mashoko muganhuro pamusoro pechiJudha.—Enzanisa naMabasa 17:28; Tito 1:12.

Chii chirimo nokuda kwaasingadaviri kuvapo kwaMwari naasingadaviri kuti pane chinozivikanwa pamusoro paMwari? Ganhuro 14 inobata nokusadavira kwazvino uno muna Mwari nechikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichiziva kuti Mwari aripo. Muganhuro iri yose, muravi anonangidzirwa kuBhaibheri. Nokudaro, tichishandisa ichi chinyorwa, Mankind’s Search for God, takashongedzerwa zviri nane kutanga fundo dzeBhaibheri navanhu vokutenda kuri kwose kana kuti naavo vasingatongodi vanotenda. Iro rinobata rudzidziso rumwe norumwe nenzira yokuremekedza nenzira yokungwarira pakutaura, asi rinomutsa mibvunzo iyo inogona kutungamirira munhu kuna Jehovha nezvokwadi. Nokuda kwaavo vari kutsvaka Mwari zvapachokwadi, bhuku iri richava chikomborero chaichoicho.—Pisarema 83:18; Johane 8:31, 32; 2 Timotio 3:16, 17.

Mabhokisi okudzidzisa anoraidza anobatanidzwa muganhuro iri yose. Somuenzaniso, pamapeji 226 ne 227, pane bhokisi pamusoro pe“Judaism—A Religion of Many Voices” iro rinotsanangura mitsauko mikuru inowanwa mukutenda kwechiJudha. Pasi pe“Hinduism—A Search for Liberation,” pane bhokisi riri pamapeji 116 ne 117, “Hinduism—Some Gods and Goddesses.” Iri rinopa ndaza yavashomanene chete vavamwari vanopfuura mamirioni 330 vanonamatwa navaHindu. VaBuddha vanodavira muna Mwari sokunzwisisa kunoita nyika yokuMadokero shoko iroro here? Bhokisi rinoti “Buddhism and God” riri papeji 145 rinopindura mubvunzo iwoyo. Bhuku racho rinewo indekisi inoshanda nokuda kwenongedzero yokukurumidza kumisoro mikuru. Ndaza yamabhuku amanyuko makuru akashandiswa mukunzvera hwarowo nokuda kwokupfuurira kurava kana mumwe achida udzame hukuru.

Bhuku racho rine mapikicha anopfuura 200 nemifananidzo, asi haisimo nokuda kwokushongedza chete. Mufananidzo mumwe nomumwe une pfundo rokudzidzisa rokuita iro rinojekesazve rudzidziso rwuri kukurukurwa. Somuenzaniso, papeji 238 pane nhevedzano yamapikicha iyo inoenzanisira mimwe yemifananidzo iyo Jesu akadzidzisa. Kumwewo, kune nhevedzano yemifananidzo mishanu inoenzanisirawo mativi akasiana-siana oushumiri hwaKristu—manenji ake, kushanduka chitarisiko kwake, rufu rwake rwechibairo, uye kutuma kwake vadzidzi vake kuti vaparidzire munyika yose.

Papeji 289 pane nhevedzano yamapikicha ichafadza vaMuslim. Inopinza muoni kuMecca, munzvimbo yokunamatira huru uko kune Kaaba uye ipapo kuibwe dema chairoiro iro vaMuslim vanokudza. Kunamata kwechiBuddha kwakasiana-siana kunoratidzirwa papeji 157. VaHindu vachafadzwa kuona mifananidzo yavamwari vavo vakakurumbira Ganesa naKrishna pamapeji 96 ne 117.

Vashumiri vakakwaniriswa vechiKristu munyika yose vakabvunzwa kuitira kuwana kusvika kwounyanzvi kurudzidziso rukuru rumwe norumwe. Somuenzaniso, mashoko anokosha akabva Israel nokuda kweganhuro pachiJudha nokutenda kweBahaʼi. Zvapupu zviri munyika dzechiMuslim zvakanzvera nenzira yokungwarira zviri mukati meganhuro pamusoro pechiIslam. Mashoko anobetsera akabva kuIndia pavaHindu, vaSikh, uye vaJain. Vashumiri vari muMabvazuva vakava nechokwadi chokuti ganhuro pamusoro peShinto yakanga yakarurama, uye vakapawo zano pachiBuddha, chiTao, uye chiConfucius.

Nemhaka yokufukidza kwokungwarira kwebhuku racho rudzidziso rumwe norumwe, avo vanaro mumutauro wavo vachakwanisa kutanga fundo dzeBhaibheri muganhuro yakakodzera kumugariro worudzidziso womunhu mumwe nomumwe. Ipapo vangada kupinda muganhuro inobata nokumuka kwechiKristu chapakuvamba nezvikonzero zvokudavira kuti Kristu Mumiriri wechokwadi waMwari, uyo akashandiswa kukwevera rudzi rwomunhu kuna Mwari. Mune ganhuro dzinotsanangura nzira iyo kuwa pakutenda kwakavapo nayo, kuchiguma namapoka mazhinji namasekete zvechiKristudhomu. Ganhuro mbiri dzokupedzisira dzinoratidza nzira iyo kunamata kwechokwadi kwakadzorerwa nayo muano mazuva okupedzisira nechine nguva yemberi iri pedyo nokuda kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hwaSatani hworudzidziso rwenhema. Pashure paikoko, nyika itsva netariro yeBhaibheri yorumuko zvinosimbiswa.—Johane 5:28, 29; 12:44-46; 14:6; Zvakazarurwa 21:1-4.

Zvirokwazvo ichi chinyorwa chinofanira kubetsera vazhinji kupota nyika kuswedera pedyo naMwari, sokutaura kwakaita Jakobho muganhuro 4 yetsamba yake, Jak 4 ndima 8, kuti: “Swederai kuna Mwari iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.” Hungu, sokutaura kunoita Isaya, kuti: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo.”—Isaya 55:6; Johane 6:44, 65.

Tose zvedu ngatipfuurire kuendeswa murutivi rwakarurama, kuna Changamire Ishe wechisiko chapose pose, Jehovha Mwari. Uye neyamuro yechinyorwa chino, Mankind’s Search for God, ngatibetsere zvimwe zviuru kunamata Jehovha “nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Ngatipfuurire kutsvaka vatsvaki vezvokwadi ndokuvaudza pamusoro paMwari wezvokwadi, nokuti, zvamazvirokwazvo, iye anogona kuwanikwa!

[Mashoko Omuzasi]

a “Tao” anodudzwa kuti dow; anowirirana nanow.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Munhu akatsvaka Mwari munzira dzakawanda

[Mufananidzo]

VaKaturike vapachokwadi vanotendeukira kuna Maria

[Mufananidzo]

VaHindu vanokudza rwizi rwaGanges

[Kwazvakatorwa]

Harry Burdich, Transglobe Agency, Hamburg

[Mufananidzo]

VaJudha vakazvipira vanopfeka mafiraktera

[Kwazvakatorwa]

GPO, Jerusalem

[Mufananidzo]

Varume vechiMuslim vanoita rwendo rwokunzvimbo tsvene kuMecca

[Kwazvakatorwa]

Camerapix

[Mufananidzo]

Vazhinji vanokudza Buddha

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jesu akashandisa mienzaniso kubetsera vanhu kuwana Mwari wechokwadi

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe