RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/1 pp. 14-15
  • Kumwe Kuoneka kwaJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kumwe Kuoneka kwaJesu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anozviratidza Kune Vakawanda Amutswa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Anopinda Mukamuri Rakakiiwa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Mupenyu!
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/1 pp. 14-15

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Kumwe Kuoneka kwaJesu

VADZIDZI vachiri vakaora mwoyo. Ivo havanzwisisi revo yeguva risina munhu, uyewo havatendi mishumo yavakadzi. Naizvozvo gare gare paSvondo, Kreopasi nomumwe mudzidzi vanobva muJerusarema vachienda Emausi, chinhambwe chaanenge makiromita gumi nerimwe.

Vari munzira, vachikurukura zvinoitika zvezuva racho, muenzi anovakumbanira. “Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?” anobvunza kudaro.

Vadzidzi vanomira, zviso zvavo zvakasuruvara, uye Kreopasi anopindura, kuti: “Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?”

“Zvinyiko?” anobvunza kudaro.

“ZvaJesu weNazareta,” ivo vanopindura kudaro. “Vaprista vakuru navabati vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera. Takanga tichiti ndiye waizodzikinura vaIsraeri.”

Kreopasi neshamwari yake vanotsanangura zvinoitika zvinoshamisa zvezuva racho—mushumo pamusoro pechiono chechienzi chengirozi neguva risina munhu—asi ipapo vanotaura shamisiko yavo pamusoro perevo yeizvi zvinhu. Muenzi anotsiura, achiti: “Imi vokusafunga, mune mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaporofita! Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here?” Iye ipapo anovadudzira zvikamu zvamashoko zvomurugwaro runoyera izvo zvine chokuita naKristu.

Pakupedzisira ivo vanosvika pedyo neEmausi, uye muenzi anoita sokunge ari kupfuurira kuita rwendo. Vachida kunzwa zvakawanda, vadzidzi vanokurudzira, kuti: “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Naizvozvo iye anogara nokuda kwezvokudya. Sezvo iye anonyengetera uye anomedura chingwa uye anochipa kwavari, vanoziva kuti ndiJesu chaizvoizvo ari mumuviri wohunhu wakapfekwa. Asi ipapo anonyangarika.

Zvino vanonzwisisa kuti muenzi aiziva zvakawanda kwazvo sei! “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi,” vanobvunza kudaro, “achitaura nesu munzira nokutizarurira Magwaro here?” Pasina kunonoka, vanosimuka uye vanokurumidza kudzokera kuJerusarema, uko vanowana vaapostora naavo vakaungana navo. Kreopasi neshamwari yake vasati vagona kutaura chinhu, vamwe vanoshuma namanyemwe, kuti: “Ishe wamuka zvirokwazvo; waonekwa naSimoni!” Ipapo vaviri vanorondedzera kuti Jesu akaonekawo sei kwavari. Ikoku kunoita kana mukati mezuva apo iye akaoneka kuvakasiana-siana vavadzidzi vake.

Kunyange zvazvo masuo akakiiwa nemhaka yokuti vadzidzi vanotya vaJudha, Jesu kamwe kamwe anoita kuonekwa kwechishanu. Iye anomira pakati pavo chaipo uye anoti: “Rugare ngaruve nemi.” Ivo vanotyiswa, vachifungidzira kuti vari kuona mudzimu. Naizvozvo, achitsanangura kuti haasati ari dzangaradzimu, Jesu anoti: “Munomanikidzwa neiko? Mifungo inomukireiko mumwoyo yenyu? Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu kuti ndini ndimene. Ndibatei muone, nokuti [mudzimu, NW] haune nyama namafupa, sezvamunondiona ndinazvo ini.” Zvisinei, ivo vanozengurira kutenda nemhaka yokuti kuva kwake mupenyu kunoratidzika kuva kwakanyanyonaka zvokusagona kuva kwechokwadi.

Kuvabetsera kunzwisisa kuti iye chaizvoizvo ndiJesu, anobvunza, kuti: “Mune zvokudya pano here?” Pashure pokugamuchira nhindi yehove yakagochwa nokuidya, iye anovamba kuvadzidzisa, achiti: “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichinemi [pamberi porufu rwangu], kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.”

Achipfuuridzira, chaizvoizvo, inova fundo yeBhaibheri navo, Jesu anodzidzisa, kuti: “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka muvakafa nezuva retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.”

Nokuda kwechikonzero chakati Tomasi haapo pauyu musangano unokosha weSvondo madekwana. Naizvozvo mukati mamazuva anotevera, vamwe vanomuudza nomufaro, vachiti: “Taona Ishe.”

“Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake,” Tomasi anoramba achidaro, “nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.”

Eya, mazuva masere gare gare vadzidzi vanosangana zvakare mumba. Nguva ino Tomasi anavo. Kunyange zvazvo masuo akakiiwa, Jesu anomirazve pakati pavo uye anoti: “Rugare kwamuri.” Ipapo, achitendeukira kuna Tomasi, iye anokumbira, kuti: “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.”

“Ishe wangu, naMwari wangu!” Tomasi anodaro.

“Watenda, nokuti wandiona?” Jesu anobvunza kudaro. “Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.” Ruka 24:11, 13-48; Johane 20:19-29.

◆ Mibvunzoi inoita muenzi kuvadzidzi vaviri vari panzira vachienda Emausi?

◆ Chii chinotaura muenzi icho chinoparira mwoyo yavadzidzi kupisa mukati mavo?

◆ Vadzidzi vanonzwisisa sei kuti muenzi ndiJesu?

◆ Apo Kreopasi neshamwari yake vanodzokera kuJerusarema, mushumoi unofadza wavanonzwa?

◆ Kuonekai kwechishanu kunoita Jesu kuvadzidzi vake, uye chii chinoitika mukati mako?

◆ Chii chinoitika mazuva masere pashure pokuoneka kwechishanu kwaJesu, uye Tomasi anopwiswa sei pakupedzisira kuti Jesu mupenyu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe