Zvino Yava Nguva Yokutsvaka Jehovha
“Jehovha ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, kuti aone kana wakachenjera aripo, unotsvaka [Jehovha, “NW”].”—PISAREMA 14:2.
1, 2. (a) Vazhinji vanorangarira sei Mwari wechokwadi, Jehovha? (b) Tinoziva sei kuti Jehovha anoziva kusakendenga kworudzi rwomunhu?
NHASI, Mwari wechokwadi, Jehovha, anorambwa navasingadaviri kuvapo kwaMwari, vanodavira kuti hakuna chinogona kuzivikanwa nezvaMwari, vanamati vavamwari venhema, uye mamirioni anoti anodavira muna Mwari asi anomuramba kupfurikidza namabasa awo. (Tito 1:16) Vazhinji vanodavira kufanana nomuzivi weGermany wezana ramakore rechi 19 Nietzsche kuti “Mwari akafa.” Jehovha haazivi nezvouku kusakendenga kwakakomba here? Aiwa, nokuti iye akafuridzira Dhavhidhi kunyora, kuti: “Benzi rakati mumwoyo maro: ‘Mwari haako.’ Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; hapana unoita zvakanaka.”—Pisarema 14:1.
2 Dhavhidhi akapfuurira, kuti: “Jehovha ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, kuti aone kana wakachenjera aripo, unotsvaka [Jehovha, NW].” Hungu, Changamire Ishe anoziva nezvaavo vanotsvaka kumuziva ndokumubatira. Nokudaro, kumutsvaka kwedu nenzira yechokwadi zvino kunokosha. Kuchareva musiano pakati poupenyu husingaperi noruparadziko rusingaperi.—Pisarema 14:2; Mateo 25:41, 46; VaHebheru 11:6.
3. Ibviroi iripo nokuda kwenguva yemberi?
3 Naizvozvo, tinogona kuona chikonzero nei kuchikosha kwazvo kuti tibetsere vamwe kutsvaka Jehovha zvino. Kuchine mamirioni avanhu asati atongosangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti kunzwa “mashoko akanaka oumambo.” Uye kuti “boka guru” richava guru zvikuru zvakadini muchiverengero pamberi pe“dambudziko guru,” hatisati tichiziva. Asi zvamazvirokwazvo pane bviro yokuti vazhinji vatsvake ndokuwana Jehovha Mwari munguva yemberi iri pedyo kusati kwava kunyanyononoka. Mubvunzo zvino ndouyu, Chii chatinogona kuita kubetsera zvimwe zviuru kuwana Mwari?—Mateo 24:14; Zvakazarurwa 7:9, 14, NW.
4, 5. Mukutsvaka kwavo mwari, vazhinji vanodei?
4 Vanhu vazhinji munyika nhasi vari kutsvaka, asi kutsvakeiko? Vashomanene zvikuru vari kutsvaka chaizvoizvo Mwari mumwe wechokwadi, Jehovha. Vazhinji vanoda mwari anokodzera zvishuvo zvavo vamene zvomunhu oga nokufungira mano akaipa. Sokutaura kwakaita Mutungamiriri wokunzvera mifungo yavanhu weU.S. George Gallup, Jr., kuti: “Hauwani chaizvoizvo musiano mukuru pakati pevechechi navasiri vechechi pamusoro pokunyengera, kunzvenga mitero, uye utsotsi, zvikurukuru nemhaka yokuti pane rudzidziso rwenzanga rwakawanda.” Iye anowedzera kuti “vazhinji vari kungoisa zvavo rudzidziso pamwe chete urwo rwakavanakira norwunovafadza . . . Mumwe munhu akarudana kuti rudzidziso rwakasiana-siana.”
5 Vamwe vachati, “Rudzidziso rwangu rwakandinakira zvakakwana.” Chokwadika, mubvunzo chaizvoizvo unofanira kuva wokuti, “Rudzidziso rwangu rwakanakira Mwari zvakakwana here?” Chokwadi, voruzhinji muchiKristudhomu nechiHindu vanogutsikana nokukudza mifananidzo yavo nezvidhori. Vazhinjisa vanonzi maKristu vanowana kuti mwari woUtatu asina zita akavakwanira. Uye maMuslim anopfuura mamirioni 900 anodavira muna Allah. Pane rumwe rutivi, mamirioni avasingadaviri kuvapo kwaMwari anoti hakuna Mwari.
Avo Vanoda Betsero
6. Varavi vazhinji veNharireyomurindi vakawanei?
6 Asi zvakadiniko nezvaavo vedu vanorava iyi magazini nguva dzose? Takatsvaka Mwari wechokwadi uye takamuwana. Takabvumikisa kuva echokwadi mashoko aJakobho 4:8 (NW), anoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” Kupfurikidza nesonganiro yokushingaira neungano yechiKristu, takaswedera pedyo naMwari, uye takazviwanira timene kuti Jehovha anoswedera pedyo sei nesu.—Johane 6:44, 65.
7. Tinoziva sei kuti kuna vanhu vazhinji vachiri kufarira kuva vanoshingaira muzvokwadi?
7 Zvisinei, tinoziva kuti kuchine vazhinji vanofara kusonganirana panhambo nenhambo navanhu vaJehovha asi vachigere kuita chiito chakanaka chokuswedera pedyo naJehovha kupfurikidza netsauriro norubhapatidzo. Tinoziva sei ikoku? Muna 1990 vanhu vanodokusvika mamirioni gumi vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Asi vangani vari kuzivisa nokushingaira mashoko akanaka oUmambo? Vanopfuura mamirioni mana chete. Ikoko kunoreva kuti tine anenge mamirioni matanhatu anofarira zvokwadi uye pane dzimwe nguva anofarikanya kusonganirana nesu asi achigere kutanga kurumbidza mutauro wakachena wezvokwadi kupfurikidza nokuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Pasina panikiro, panhambo dzamasanga vazhinji vanotaura nokuda kwaJehovha nokutonga kwoUmambo hwake. Zvisinei, vachigere kuzvizivisa vamene zvakajeka seZvapupu zvaJehovha. Ivavawo tinoda kubetsera.—Zefania 3:9; Marko 13:10.
8, 9. (a) Chii icho Jehovha anotikurudzira kuita? (b) Neiko kusati kuri kuchenjera kuregeredza zano raJehovha?
8 Tinoda kukurudzira ivava kuva Zvapupu zvaJehovha zvinofara, zvinoshingaira murutivi rwokupedzisira rwebasa guru zvino riri kuitwa munyika yose. Tapota cherekedza kokero yorudo yaJehovha iri pana Zvirevo 1:23: “Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, tarirai ndichadurura [mudzimu, NW] wangu pamusoro penyu; ndichakuzivisai mashoko angu.” (Enzanisa naJohane 4:14.) Kunokurudzira sei kuziva kuti Jehovha achapindura kuita kwedu nhano dzakanaka dzokuzvizivisa timene nezita rake nokunamata! Zvamazvirokwazvo, hatidi kubatanidzwa pakati paavo vanorondedzerwa pana Zvirevo 1:24, 25, kuti: “Zvandakadana, imi mukaramba; ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu wakarangarira; asi makazvidza mano angu ose, mukaramba chose kuraira kwangu.”
9 Avo vanoregeredza zano raJehovha rokuti vamutsvake achiri angawanikwa uye vanosundira mberi chisarudzo chavo kusvikira vaona chaizvoizvo dambudziko guru richitanga vachaona kuti vakamirira kwenguva refu zvikuru. Nzira yakadaro yaizoratidza kushaikwa kwokutenda nouchenjeri uye yaizova inozvidza mutsa usakafanirwa waJehovha.—2 VaKorinte 6:1, 2.
10. Neiko kusaitira hanya nokusakendenga zvine ngozi?
10 Kuenzanisira kudikanwa kwechiito chokukurumidza, ungatevera zano rakanaka rachiremba apo bedzi unenge watova namabayo akakomba here? Kana kuti, panzvimbo pezvo, pawakacherekedza zviratidzo zvokutanga zvechirwere here? Ipapo kumirireizve kweimwe nguva kuti uzviparadzanise umene nenyika iri kurwara yaSatani ndokutsigira Jehovha neZvapupu zvake? Miuyo yokusaitira hanya, kusakendenga, uye kuregeredza inojekeswa pana Zvirevo 1:26-29: “Naizvozvo iniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; ndichakudadirai kana kutya kwenyu kuchisvika . . . Nenguva iyo vachadana kwandiri, asi handingapinduri; vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani. Zvavakavenga zivo, vakasazvitsaurira kutya Jehovha.” Ngatisawanikei ‘tichitsvaka Jehovha’ pakunenge kwava kunyanyononoka!
11. Ibetseroi inowanika nokuda kwaavo vari kutsvaka kubatira Mwari?
11 Vamwe vanorava magazini ino vangava vachiri kutsvaka Mwari wechokwadi. Tinofara kuti muri kupfuurira mukutsvaka kwenyu. Tinonyengetera kuti zivo yenyu yeBhaibheri ichakusundai kuita chimwe chiito chakanaka chokumira makasimba nokuda kwezvokwadi. Ivai nechokwadi chokuti imwe neimwe yeungano dzeZvapupu zvaJehovha yakagadzirira kukubetserai mukutsvaka kwenyu.—VaFiripi 2:1-4.
Nguva Yeshingairo Nechiito
12, 13. Neiko tichifanira kuita chiito pamusoro pokunamata kwechokwadi?
12 Neiko kuchikosha kuti tose zvedu tiite chiito chokuzvizivisa timene naJehovha Mwari nokunamatwa kwake kwechokwadi? Nemhaka yokuti zvinoitika zvenyika zviri kunanga kumugumo. Mapeji enhau ari kupetenuka nokukurumidza zvikuru kupfuura kuarava kunogona kuita munhu. Zvino haisati iri nguva yokuzengurira kana kuti kusashingaira. Jesu akataura nenzira yakajeka zvikuru, kuti: “Usineni, unopesana neni, nousingaunganidzi neni, unoparadza.” Akatiwo: “Nokuti ani naani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwe[ngirozi tsvene, NW].”—Mateo 12:30; Ruka 9:26.
13 Zvino yava nguva yeshingairo nechiito! Tinoziva kuti zvinoitika zvenyika zviri kufamba, uye Armagedhoni yava pedyo. Naizvozvo, kudana ndokwokutsvaka Jehovha zvino pamberi pe‘zuva rokutsamwa kwake,’ achiri angawanikwa. Padambudziko guru, kuchava kunyanyononoka.—Zefania 2:2, 3; VaRoma 13:11, 12; Zvakazarurwa 16:14, 16.
14. Zvikonzeroi zvatinazvo zvokutsvaka Mwari?
14 Chaizvoizvo, rudzi rwose rwomunhu runofanira kuva rwuri kutsvaka nyasha dzaMwari zvino. Muapostora Pauro akakutaura zvakafanira pana Mabasa 17:26-28, kuti: “[Mwari] wakaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo; kuti vatsvake Mwari, vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu. Nokuti maari tino upenyu, tinofamba, tiripo.” Kutaura ikoko kwokupedzisira kwokuti, “nokuti maari tino upenyu, tinofamba, uye tiripo,” kunotipa chikonzero chakakwana chokutsvaka Mwari. Tinoonga mutsa usakafanirwa waJehovha, tinogara munzvimbo nhete inogara zvipenyu asi inokosha yeiri pasi dukusa. Hatifaniri here kuva vanoonga Changamire Ishe wechisiko chapose pose? Uye hatifaniri here kuratidza kuonga kwedu kwaari nenzira dzinoshanda?—Mabasa 4:24.
15. (a) Chii icho wezvenhau Arnold Toynbee akarangarira kuva donzo rorudzidziso rwakakwirira zvikuru? (b) Chii chatinofanira kuita kuti tikwanise kurumbidza Mwari?
15 Wezvenhau Arnold Toynbee akambonyora, kuti: “Donzo rechokwadi rorudzidziso rwakakwirira zvikuru nderokuratidzira mazano omudzimu nezvokwadi izvo zviri zvinokosha zvaro mumweya mizhinji zvikuru serainogona kusvika, kuti mumwe nomumwe weiyi mweya igogoneswa nomutoo iwoyo kuita mugumo wechokwadi woMunhu. Mugumo wechokwadi woMunhu ndowokurumbidza Mwari nokuMufarikanya nokusingaperi.” (An Historian’s Approach to Religion, mapeji 268-9) Kuti tirumbidze Mwari, tinofanira kutanga kumutsvaka ndokuwana zivo yakarurama yake namadonzo ake. Nokudaro, kudana kwaIsaya kwakasanofanira: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:6, 7.
Ibetseroi Inoshanda Yatinogona Kugovera?
16. (a) Idenhoi yakatarisana neungano yechiKristu? (b) Tinogona kubatsira vamwe kubatira Jehovha munzirai inoshanda?
16 Mamirioni avanhu vanofarira avo vachigere kuva vaparidzi vanoshingaira vanopa denho kutose zvedu. Chii chatiri kuita munzira inoshanda savakuru, vabatiri vanoshumira, mapiona, uye vaparidzi kubetsera avo vanofarira zvokwadi kuti vave vatori rutivi vanoshingaira mukunamata kwechokwadi nesu? Imwe nzira yokugovera nayo betsero inoshanda painodikanwa kushanyira misha yavo ndokuenda navo kumisangano paHoro yoUmambo kuti ivowo vagone kufarikanya betsero dzomudzimu waJehovha pahwaro hwenguva dzose. Zano raPauro kuVaHebheru, muganhuro 10, ndima 24 na 25 (NW), nderekurumidziro nhasi sezvarakanga rakaita panguva iyoyo: “Ngatirangariranei kuti tinyandurirane kurudo namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu timene pamwe chete, setsika yavamwe, asi tikurudzirane, uye zvikuru kwazvo sezvamunoona zuva richiswedera pedyo.” Tinokurudzira vose vanoda kuwana mutsa waJehovha kusonganirana neZvapupu zvaJehovha nguva dzose paHoro yoUmambo yazvo yomunzvimbomo.
17. Kana tichizobetsera vadzidzi veBhaibheri kufambira mberi mukutsvaka kwavo Jehovha, mibvunzoi inoda kupindurwa?
17 Kana tikafunda Bhaibheri nomumwe munhu uyo anopinda misangano nguva dzose, tinogona here kubetsera iyeyo kukwanirisa somuparidzi wamashoko akanaka? (Ona Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 97-9.) Uye paanongova muparidzi asina kubhapatidzwa bedzi, kokero inotambanudzirwa here yokuenda nesu nguva dzose mubasa rapachena rokuparidzira napadzimwe dzefundo dzedu neshanyo dzedzokerero? (Ona chinyorwa cheNharireyomurindi, December 1, 1989, peji 31.) Namamwe mashoko, panongokwanirisa bedzi vatsva vakadaro, tinovakurudzira here kupfurikidza nokuvarega vachiona zvakananga mimwe yemiuyo yakanaka yomubato wedu wokuparidzira?—Mateo 28:19, 20.
Jehovha Akafanirwa Nokutsvakwa
18. Jehovha akaratidza sei ngoni dzake kurudzi rwomunhu?
18 Nemhaka yechibairo chorudzikinuro chaKristu Jesu, Jehovha haachengeti zvivi zvedu zvomunguva yakapfuura ndokutiregeredza kana tikapfidza ndokushandisa kutenda. Cherekedza mashoko aDhavhidhi: “Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubairo sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:10-14; VaHebheru 10:10, 12-14.
19. Ikurudziroi iripo nokuda kwaavo vangave vakakukurwa muzvokwadi?
19 Jehovha ndiMwari ane mutsa naane tsitsi zvirokwazvo. Kana tikauya kwaari nokuzvininipisa nokupfidza, iye anokanganwira ndokukanganwa. Haachengeti mafi asingagumi nokutambudzwa kusingaperi muhero yomwoto somuuyo. Aiwa, kuri sokutaura kwakaita Jehovha, kuti: “Ini,—iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.” Ikoko kunofanira kuva kurudziro yakadini nokuda kwavapi navapi vangave vakakukurwa muzvokwadi uye vakaregeredza ukama hwavo naJehovha! Ivowo vanokurudzirwa kutsvaka Jehovha zvino ndokudzokera musonganirano yokushingaira navanhu vezita rake.—Isaya 43:25.
20, 21. (a) Muenzanisoi unokurudzira watinawo muna Judha wekare? (b) Chii icho vagari vaJudha vaifanira kuita kuti vawane chikomborero chaJehovha?
20 Muna ikoku tine muenzaniso unokurudzira muna Mambo Asa muna Judha wekare. Iye akaparadza kunamata kwenhema muumambo hwake, asi zvisaririra zvokunamata kwechihedheni zvakangosara. Nhauro iri pana 2 Makoronike 15, ndima 2 kusvikira ku 4, inotiudza icho muporofita Azaria akataura kuna Asa sechiyeuchidzo, kuti: “Jehovha unemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye uchakurashaiwo. Zvino nguva huru vaIsraeri vakanga vasina Mwari wazvokwadi . . . Asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo.”
21 Jehovha haana kuita chimuvande muvande naMambo Asa asi “akazviita amene kuti awanikwe.” Mambo akaita sei kushoko iri? Muganhuro imwe cheteyo, 2 Mak. 15 ndima 8 ne 12 dzinopindura, kuti: “Zvino Asa wakati achinzwa mashoko awa . . . akatsunga mwoyo, akabvisa zvainyangadza zvose panyika . . . akavandudza atari yaJehovha, yakanga iri pabiravira raJehovha. [Judha] akazvisunga kutsvaka Jehovha Mwari wamadzibaba avo nemwoyo yavo yose uye nemweya yavo yose.” Hungu, vakatsvaka zvapachokwadi Jehovha “nemwoyo yavo yose uye nemweya yavo yose.” Chii chakava muuyo worudzi rwacho? 2 Mak. 15 Ndima 15 inotiudza, kuti: “VaJudha vose vakafara nokupika uku; nokuti vakanga vapika nemwoyo yavo yose, nokumutsvaka nokuda kwavo kwose, iye akawanikwa navo; Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.”
22. Chii chinotikurudzira kuva vanoshingaira zvino mubasa raJehovha?
22 Zvino, iyoyo haisati iri kurudziro yokuti tose zvedu tiite chiito chakanaka pamusoro pokunamatwa kwakachena kwaJehovha here? Tinoziva kuti bviro iripo yokuti mamwe mamirioni arumbidze Jehovha. Pasina panikiro vazhinji vaivava vari kuita chinjo muupenyu hwavo kuti vasvitse zvinodikanwa zvapaMagwaro zvebasa raJehovha. Vamwe vari kukura mukunzwisisa nokutenda, vari kutsvaka Jehovha, uye vachakurumidza kusundwa kugoverana mutauro wakachena navamwe kupfurikidza nokuvapa kunzwisiswa kukuru kwezvokwadi pamusoro paJehovha namadonzo ake oUmambo. Uye neiko kuchikosha kwazvo kuti tose zvedu titsvake Jehovha zvino paanogona kuwanika? Nemhaka yokuti nyika itsva yake yakapikirwa yava pedyo!—Isaya 65:17-25; Ruka 21:29-33; VaRoma 10:13-15.
Unoyeuka Here?
◻ Ndivanaani vanoratidza kusakendenga kuna Mwari wechokwadi, Jehovha?
◻ Kazhinji kazhinji rudzidziso runotapura mufambiro kusvikira pamweroi?
◻ Ibviroi iripo yewedzero muZvapupu zvinoshingaira?
◻ Neiko zvino iri nguva yeshingairo nechiito?
◻ Neiko Jehovha akafanirwa nokutsvakwa?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Shamwari zhinji dzeZvapupu zvaJehovha idzo dzinopinda Chirangaridzo vabatiri vanobvira vaMwari
Chiverengero chavakapinda Chirangaridzo cha 1990: 9 950 058
Chiverengero chapamusoro Chavaparidzi cha 1990: 4 017 213
[Mufananidzo uri papeji 12]
Muzuva raMambo Asa, rudzi rwakatendeukira kuna Jehovha