RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 3/1 pp. 10-13
  • Zvikonzero Zvakawanda Zvakadini Zvandinazvo Zvokuva Anoonga!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikonzero Zvakawanda Zvakadini Zvandinazvo Zvokuva Anoonga!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Rangu Rechikoro
  • Kokorodzano Dzamarudzi Ose
  • Kupinda Muupiona
  • Betsero Yezvinobudisa Nhau
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kutanga Kutsvaka Umambo—Upenyu Hwakachengeteka uye Hunofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 3/1 pp. 10-13

Zvikonzero Zvakawanda Zvakadini Zvandinazvo Zvokuva Anoonga!

YAKATAURWA NALOTTIE HALL

YAKAITIKA tichibva Calcutta, India, tichienda kuRangoon, Burma, muna 1963. Chinguvana pashure pokubva muCalcutta nendege, imwe yehama yakacherechedza mafuta aidzudzira pabapiro. Pakuudzwa nezvako, vashandi vomundege vakazivisa kumhara kwechimbichimbi. Ndege yacho yaifanira kutanga kurasa mafuta akawanda kuita kuti zvibvire kumhara. Mutarisiri akadanidzira kuti, “Kana muchida kunyengetera, kuitei zvino!” Takanyengetera zvamazvirokwazvo kuti kana kwakanga kuri kuda kwaJehovha, tigova nokumhara kwakakotsekana, uye takadaro. Zvirokwazvo takanga tiine chimwe chinhu chokuva vanoonga nokuda kwacho!

HUNGU, uye ndine zvimwe zvakawanda zvokuva anoonga nokuda kwazvo. Pazera ramakore 79, ndichine mwero wakati woutano nesimba, izvo ndinoshandisa muushumiri hwenguva yakazara. Uyezve, mukuwedzera kuzvikomborero izvozvo zvinozivikanwa zvikuru kuvose vavanhu vaJehovha, ndakava nezvinoitika zvakatanhamara zvizhinji. Pamwe chete, wave uri mugariro wangu unokosha kubatira Jehovha kwamakore anopfuura 60, uye inopfuura hafu yenguva iyoyo ndave ndiri mushumiri wenguva yakazara, kana kuti piona.

Zvose zvakatanga nababa vangu pataigara muCarbondale, Illinois. Ivo vakanga vakabatanidzwa nesangano raVadzidzi vaKristu uye vaifarira kuva mushumiri. Zvisinei, chinoitika chavo namakoreji maviri eBhaibheri chakavasiya vaodzwa mwoyo, nokuti vakanga vaine pfungwa dzavo vamene pamusoro poUtatu, kusafa kwomweya, uye kutambudzwa kusingagumi.

Pakupedzisira, ivo vakagutswa nezvokwadi yeBhaibheri yakaunzwa kwavari noMudzidzi weBhaibheri piona muna 1924, pandaiva namakore 12 chete okukura. Baba vangu vakafara kuziva kuti kwaiva navamwe vairangarira sezvavaiita, kuti Utatu, hero yomwoto, uye kusafa kwomweya womunhu idzidziso dzenhema. Nokukurumidza mhuri yedu yakanga yava kusangana nguva dzose naVadzidzi veBhaibheri, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvaidanwa panguva iyeyo. Kudzidza zvokwadi pamusoro paJehovha uye Shoko rake kwaiva chimwe chinhu chandakaonga zvirokwazvo.

Pasati papera nguva refu, zvisinei, ngwavaira yakarova. Murume akanga aunzira baba vangu zvokwadi idzodzi akava zvose zviri zviviri asina kutendeseka naane utere. Iye akagumbura baba vangu asi kwete amai neni. Ndine makore 15 zvino, ndakanga ndiri mukurusa wavana vatanhatu, uye naamai vangu ndakanamatira kuzvokwadi.

Muzhezha ra 1927, kwakaziviswa kuti kokorodzano huru yaVadzidzi veBhaibheri yaizoitwa muToronto, Canada. Baba vakati vaisakwanisa kuenda, asi Amai vaiva mukadzi akatsunga. Ivo vakatanga kutengesa zvinhu zvomumba zvakasiana-siana, uye pakasvika nguva yekokorodzano ivo vakanga vaunganidza madhora makumi maviri. Nechitsama ichocho ivo neni takatanga kufamba tichikumbira kutakurwa pachena nemotokari dzaipfuura kuenda kuToronto, kure namakiromita 1 600. Kwakatora mazuva mashanu uye kukwira motokari ka 37 tisati tasvika pakupedzisira, tichisvika ikoko zuva rimwe kokorodzano isati yavamba. Nemhaka yokuti mari yedu yakanga yakaderera, takakumbira ndokugamuchira dzimba dzapachena dzokurara. Apo Hama A. H. Macmillan akanzwa nezverwendo rwedu, akarunyorera pepanhau rekokorodzano pasi pomusoro unoti: “Kuwedzera Kupi Nokupi Mumitengo Yeraruwe Hakunetsi Vadzidzi veBhaibheri Ivava.”

Amai vakaita kuti Baba varambe vachiziviswa kupfurikidza namapositi kadhi. Naizvozvo, paminiti yokupedzisira, ivo vakasarudza kuuya pashure pokurangarira zvose ndokusvika nemotokari panguva chaipo nokuda kwehurukuro yavose pazuva rokupedzisira rekokorodzano. Zvino takanga tisingadikanirwi kufamba tichikumbira kutakurwa pachena nemotokari dzaipfuura tichidzokera kumusha. Yaiva kokorodzano yakadini! Ndakaonga sei kuti takanga takwanisa kuipinda, uye ndakaonga sei kuti yakabetsera baba vangu kuti vawanezve dzikamo yavo yomudzimu!

Kwamakore pandaibvunzwa rwaiva rudzidziso rwangu, ndaipindura kuti, “IBSA,” ari mabhii aimirira International Bible Students Association. Asi nguva dzose ndainzwa ndisingafari nezita iroro. Naizvozvo, ndakaonga, apo pakokorodzano yomuna 1931 muColumbus, Ohio, takagamuchira zita idzva rokuti Zvapupu zvaJehovha.

Basa Rangu Rechikoro

Pakati pezvikomborero zvakawanda zvakapfumisa upenyu hwangu zvaiva izvo zvakabatanidzwa nenziyo. Ndaida nziyo zvikuru kwazvo uye ndakakurumidza kudzidza kuridza piano. Kwamakore akawanda ndaiva neropafadzo yokuridza zviridzwa zvokuimba kweungano. Watch Tower Society isati yavamba kurekodha nziyo dzoUmambo, hama yaiva mufundisi yaibatira muPapua New Guinea yakambondikumbira kuti ndirekodhe chiverengero chakati chenziyo dzedu kuitira kuti vaPapua vagodzidza kudziimba. Ichocho chakanga chiri chimwe chinhu chandakafarikanya chaizvoizvo kuita.

Chiridzwa changu chandaida zvikuru, zvisinei, chaiva clarinet. Ndaida kuiridza mukwaya yekoreji. Purofesa wekoreji akafadzwa kwazvo nokuridza kwangu zvokuti akakumbira kuti ndiridzewo mubhendi ravarume. Mumazuva iwayo hapana munhukadzi aimboridza mubhendi ravarume, naizvozvo apo mitezo yebhendi yakanzwa pamusoro pezvakanga zvakarakadzwa napurofesa, vakaronga kuramwa basa. Vakafunga zviri nani pamusoro pako apo vakaziviswa kuti kana vakaramwa basa, vaizodzingwa. Rimwe gamuchidzanwa rakatyorwa pandakadikanirwa kuti ndifore nebhendi racho mukuratidzira kwezuva rose. Pepanhau rakakurangarira sokunofadza ndokukushuma nomusoro une mabhii makuru, waiti: “Muimbi Musikana muGungwa raVarume.”

Pakupedzisira, ndakabvunzurudzwa nokuda kwokuva purofesa munziyo. Zvisinei, ndichifunga pamusoro penhau dzose dzaigona kumuka kana ndaizodzidzisa kuimba, zvakadai sokukumbirwa kudzidzisa kana kuti kuridza nziyo dzorudzidziso nedzourudzi, ndakasarudza kuronda chimwe chinhuwo zvacho uye ndakagoverwa kudzidzisa nhau yenyika. Asi chinjo iyoyo haina kundidzivisa, makore gare gare, kuridza clarinet yangu mumakwaya ekokorodzano munyika zhinji sezvandaienda kukokorodzano dzamarudzi ose dzeZvapupu zvaJehovha.

Pashure penguva yakati ndakava muraidzi munhau yenyika pachikoro chapamusoro chikuru musabhabhu yeDetroit, uye saakadaro, ndakambokumbirwa nomukuru wechikoro kuti ndirumbidze rimwe ramabhuku okufunda matsva anoverengeka. Mukuhwirudzura iwaya, ndakakatyamadzwa neidi rokuti nepo bhuku rinoshandiswa razvino uno rakadudza zita raJehovha kasere, matsva akasiya Mwari wavaHebheru asina zita, kunyange zvazvo aidudza vazhinji vavamwari vamarudzi echihedheni, vakadai saRa, Molech, Zeus, uye Jupiter. Apo mutengesi akashanya, ndakamubvunza chikonzero nei Jehovha akanga asina kududzwa mubhuku rake rinoshandiswa, uye iye akati: “Aiwa, hatisati tichizoisa zita iroro mubhuku redu nemhaka yeZvapupu zvaJehovha.” Naizvozvo ndakamuudza, kuti: “Zvakanaka zvikuru! Ipapo handisati ndichizorumbidza bhuku renyu.” Akakandira nesimba bhuku racho mubhegi rake ndokutiza achibuda napasuo.

Gare gare, ndakashuma kumukuru kuti chaizvoizvo takanga tisingadi bhuku rinoshandiswa idzva ndokupa chiverengero chakati chezvikonzero zvakanaka. Iye akabvumirana neni. Vose vakafadzwa nechisarudzo apo, mwedzi mishomanene chete gare gare, kwakasarudzwa kurega kosi yenhau yenyika muzvidzidzo zvechikoro chapamusoro. Kosi itsva, yainzi zvidzidzo zvamagarire avanhu, yakaitsiva mumuitiro 14 wose wechikoro. Kudai chikoro chakanga chatenga mabhuku matsva enhau, ikoko kwaizodai kwakabatanidza kurasikirwa kwakadini!

Ndakava nezvinoitika zvinofarikanywa zvizhinji ndichidzidzisa pachikoro uye ndaiva murangi ane rumano. Ikoku kwakabetsera muchiverengero chakati choushamwari hwoupenyu hwose. Ndakavawo namabanza mazhinji okuita kupupurira kwamasanga. Asi pakupedzisira nguva nomugariro zvakanditungamirira mukupinda mubasa renguva yakazara.

Kokorodzano Dzamarudzi Ose

Pashure pokudzidzisa pachikoro kwamakore 20, maziso angu akavamba kusashanda zvakanaka. Uyezve, vabereki vangu vakanzwa kuti vaindida, naizvozvo baba vangu vakandikumbira kuti ndiuye kumusha, vachitaura kuti kwakanga kuine basa rokudzidzisa rinokosha zvikuru raifanira kuitwa, uye Jehovha aizova nechokwadi chokuti handiziyi nenzara. Ndakarega kudzidzisa muna 1955, uye pakati pezvikomborero zvangu zvokutanga pashure pacho kwaiva kupinda nhevedzano yo“Umambo Hunokunda” kokorodzano muEurope. Ndakava anoonga sei kuva nehama dzedu muEurope, vazhinji vavo vakanga vatambura zvikuru kwazvo mukati mehondo yenyika yechipiri! Zvikurukuru chaiva chikomborero kuva pakati pe 107 000 vakazadza Zeppelinwiese, kana kuti Zeppelin Meadow, muNuremberg, umo Hitler akanga aronga kuva nokufora kwake kworukundo pashure peHondo yeNyika II.

Iyoyo yaingova chete yokutanga yenzendo dzenyika dzakawanda dzandakaropafadzwa kuita. Muna 1963 amai vangu neni taiva pakati pavakokorodzani 583 vakafamba munyika yose namaGungano e“Mashoko Akanaka Asingaperi.” Rwendo irworwo rwakatibvisa muNew York kuenda kuEurope, ipapo kupfuura kuAsia nezvitsuwa zviri muPacific tisati tagumisa muPasadena, California. Makanga muri mukati morwendo irworwo patakava nechinoitika chinotyisa chatsanangurwa musumo. Nzendo dzapashure dzakatisvitsa kukokorodzano muSouth America, South Pacific, uye Africa. Zvirokwazvo, nzendo idzodzi dzakapfumisa upenyu hwangu, uye kukwanisa kuridza mukwaya dzekokorodzano muzhinji dzeidzi nzvimbo yaiva betsero yakawedzerwa nokuda kwomudi wokuimba.

Kupinda Muupiona

Muna 1955, pashure pokudzokera kubva kuEurope, ndakakumbanira amai vangu mubasa roupiona kwegore, uye ipapo Sosaiti yakandikumbira kushanda neungano duku yaiva paApalachicola kumadokero kweFlorida. Kwamakore manomwe imwe hanzvadzi neni takabetsera mubasa ikoko, uye nokukurumidza ungano yakakwanisa kuvaka Horo yoUmambo kuti igovere nzvimbo yewedzero. Fambiro mberi yakapfuurira, uye pasati papera nguva refu imwe ungano yakaumbwa muPort Saint Joe. Ndakapedza makore 11 ndichishanda neungano nhatu dzomumadokero eFlorida.

Pane imwe nguva ndakakumbirwa nomutariri wedunhu kuwana nzvimbo nokuda kwegungano redunhu. Ndakakwanisa kuwana kushandiswa kweCentennial Building ine mukurumbira muPort Saint Joe nokuda kwe $26 bedzi. Asi taidawo nzvimbo yamabiko, uye takafunga nezvokushandisa chivako chechikoro. Zvisinei, ndakawana kuti mutarisiri wezvikoro aishora, uye akataura kuti ndaizofanira kusangana nedare rechikoro. Meya akauyawo kumusangano iwoyo, sezvo aida kuti tishandise nzvimbo yamabiko. Paakabvunza zvaiva zvirambidzo zvokuva kwedu nayo, mukuru wedare rechikoro akataura kuti pakanga pasina muenzaniso wokushandisa kweboka rorudzidziso zvivako zvechikoro. Meya akatendeukira kwandiri nokuda kwemhinduro. Eya, ndakanga ndiine chiverengero chakati chamahendibhiri airatidza kuti takanga tashandisa zvivako zvechikoro nokuda kwemisangano yedu mumamwe mataundi, uye ipapo ndakanongedzera kuna Mabasa 19:9, iyo yakataura kuti muapostora Pauro akaparidzira muimba yechikoro. Ikoko kwakapedza. Dare rakabvumirana nameya kutirega tichiva nenzvimbo yamabiko—nokuda kwe $91.

Pandakanga ndava namakore 13 bedzi okukura, pari pazera apo ndakabhapatidzwa, ndakanyengetera, kuti: “Haiwa, Mwari, ingondiregai ndipinze munhu mumwe muzvokwadi.” Munyengetero iwoyo wakanga zvino wava kupindurwa kakawanda zvikuru, sezvo ndakakomborerwa mukubetsera chiverengero chakati kutsigira Jehovha noUmambo hwake. Kazhinji kazhinji, zvisinei, pamberi chaipo pokunge mudzidzi weBhaibheri asvika papfundo retsauriro norubhapatidzo, ndakagoverwa kuimwe ungano. Zvisinei, ndaiva neropafadzo yokusima nokudiridza, uye vazhinji vavadzidzi ivava vakabvumikisa kuva shamwari dzoupenyu hwose. Kugoverana mumibato ine zvibereko yakadaro zvirokwazvo kwakaunza zvikonzero zvizhinji zvokuti ndive anoonga.

Betsero Yezvinobudisa Nhau

Nepo zvinobudisa nhau munzvimbo zhinji nguva nenguva zvakashuma nenzira isina kunaka pamusoro pomubato weZvapupu zvaJehovha, ndinofara kutaura kuti zvinobudisa nhau munharaunda yeDe Land, Florida,—mandinobatira zvino—zvakandibetsera kupupura. Somuenzaniso, pandaiva paimwe yenzendo idzodzo dzekokorodzano dzenyika, amai vangu neni taitumira mishumo yakareba kupepanhau romunzvimbomo, uye iyoyi yaibudiswa zviri nyore, pamwe chete nemifananidzo. Mishumo yacho yaiva muchimiro chamabhaisikopo pamusoro porwendo, asi nguva dzose takakwanisa kuashandisa kuti tipupurire pamusoro pezita raJehovha noUmambo.

Zvimwe chetezvo zvave zviri zvechokwadi nezvokupupurira kwangu mumugwagwa. Ndine kona romugwagwa pandiine zvigaro zviviri zvomutsangadzi, chimwe chandinogarira uye chimwe pandinoratidzira mabhuku edu. Pane imwe nguva, nyaya yakazadza hafu yepeji ine mufananidzo yakaonekwa mupepa romunzvimbomo pasi pomusoro, unoti: “Lottie weDeland Anopfuudzira Basa Ravabereki seZvapupu.” Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, muna 1987, rimwe pepa rakanga riine nyaya yehafu yepeji nomufananidzo muhombe une mavara pasi pomusoro, unoti: “Lottie Hall Ane Kona Rake Amene Rakabatirwa Kristu.” Gore rakatevera rimwe pepa raiva nomufananidzo wangu papeji yapamberi, pamwe chete netsinhiro dzakadai sokuti, “Aripo nguva dzose” uye, “Akagara pachigaro chomutsangadzi, mudzidzisi wapachikoro akarega basa anoshandisa nzvimbo yake yapakona romugwagwa kuti aite basa roufundisi reChapupu chaJehovha.” Uyewo, kana chiteshi cheTV chakabudisa mifanikiso pamusoro pokupupurira kwangu. Ndinoramba ndichigoverana kusvikira kumwero wakaganhurirwa mumativi ose oushumiri hwoUmambo: kuparidzira paimba neimba, shanyo dzedzokerero, uye fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Zvisinei, nemhaka yokukura uye kuneta kwomuviri, zvino ndinopedzera nguva yakawanda mubasa romumugwagwa.

Mukuhwirudzura ndinofanira kutaura kuti zvirokwazvo ndine zvikonzero zvakawanda zvokuva anoonga. Mukuwedzera kuzvikomborero zvavose vavanhu vaJehovha, somudzidzisi wapachikoro ndakava neropafadzo yokupesvedzera vanhu vaduku vazhinji; ndakava nomufaro wokupinda chiverengero chakati chekokorodzano munyika yose; ndakava noushumiri hwoupiona hunobereka zvibereko zvikurusa; uye ndakakomborerwawo pamusoro pokuimba. Uyezve, kwakanga kuine kupupurira kwandakagona kuita kupfurikidza nezvinobudisa nhau. Zvirokwazvo, ndinogona kutaura nowezvamapisarema Dhavhidhi, kuti: “Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuonga.”—Pisarema 69:30, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe