RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/1 pp. 4-7
  • Mufaro Wenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro Wenyika Yose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mufaro Usina Munhu Anogona Kutora”
  • “Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi”
  • “Ivai Norudo Pakati Penyu Mumene”
  • Vanhu Vane Rugare
  • “Makaona Kutambudzika Kwangu”
  • Batira Jehovha Nomwoyo Unofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Zadzwa Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mufaro waJehovha Inhare Yedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kubatira Jehovha Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/1 pp. 4-7

Mufaro Wenyika Yose

“TARIRAI! Varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo.” (Isaya 65:14) Jehovha akadaro kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, uye izadziko yakaisvonaka zvakadini mashoko ake ari kuva nayo pakati peZvapupu zvaJehovha! Mufaro wavo womwoyo unobvepi? Mukunamata kwavo kwakabatana Jehovha Mwari. Iye ndiye “Mwari anofara,” uye avo vanomunamata “vanofara muna Jehovha.” (1 Timotio 1:11; Zekaria 10:7) Uku kuzvipira kwokufara kunovabatanidza murudzi rumwe sezvo pamwe chete ivo vanoparidza mashoko akanaka oUmambo ndokusimudza danidziro yenyika yose yerumbidzo kuna Mwari wavo.—Zvakazarurwa 7:9, 10.

“Mufaro Usina Munhu Anogona Kutora”

Zvamazvirokwazvo, kuzivisa zita raMwari noUmambo manyuko omufaro wenguva dzose kuZvapupu zvaJehovha. (Marko 13:10) Izvo zvinogamuchira mashoko owezvamapisarema, anoti: “Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.”—Pisarema 105:3.

Kazhinji kazhinji, izvo zvinokurira mhinganidzo kuti zviite ikoku. MuSpain, Isidro akazvitsaurira amene kuna Jehovha, uye aida kutaura kuvamwe pamusoro Pake. Asi iye muchairi werori ane nguva yokusununguka yakaganhurirwa, anoita nzendo refu usiku uye anorara mukati mezuva. Isidro aida kupupurira kuvamwe vanofamba namarori, asi aigona sei kuita ikoku?

Iye akaisa murori yake nhepfenyuro yeCB (citizens band [yavagari vemo]) yaaigona kushandisa kutaura kuvamwe vachairi. Iye akakurumidza kuwana mukoto unoshandiswa zvishomanene, 13, uye akasarudza kuushandisa. Chokwadika, apo akatanga kukarakadza kuvamwe vanofamba namarori kuti vataure pamusoro peBhaibheri munhepfenyuro yeCB, mhinduro yakanga yakaipa chose. Asi vamwe vakateerera. Shoko rakapararira, uye vazhinji zvikuru vavafambi namarori veSpain vakavhura mukoto 13. Misi ichangobva kupfuura iyi, Isidro akaziva kuti anenge mumwe ari kuita nhano dzokupfuuridzira fundo yake yeBhaibheri.

MuItaly mumwe murume akanzwa nezveZvapupu zvaJehovha kupfurikidza nekurukurirano yaakava nayo mubhazi. Mudzimai wake akasangana nazvo kupfurikidza neshamwari. Vose vari vaviri vakafunda Bhaibheri uye vaidisa kugoverana zvavakadzidza navamwe. Vakadisa kwazvo zvokuti murume akaramba kusimudzirwa mufemu yake uye mudzimai akarega basa rinobhadhara zvakanaka kuti vagogona kupedzera nguva yakawanda vachiudza vamwe mashoko akanaka oUmambo. Kwakanga kwakakufanira here? Hungu. Murume wacho anoti: “Chifo chaapo takasvika pakuziva zvokwadi, mudzimai wangu neni takava nomufaro wokubetsera vanhu 20 kusvika pazivo yakarurama yedonzo raMwari. Apo madekwana anosvika, uye ndinodzokera kumba pashure pezuva mubasa raJehovha, ndinonzwa ndaneta, ichokwadi. Asi ndinofara, uye ndinoonga Jehovha nokuda kwokuva akandipa mufaro usina munhu anogona kutora.”

“Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi”

Avo vari murudzi runofara rwaMwari vanoratidza shingairo yakafanana kupi kana kupi kwavari, kunyange mu“rutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Nzvimbo shomanene dziri kure zvikuru kupfuura kuchamhembe kweGreenland. Bva, kunyange ikoko, makiromita 320 kuchamhembe kweArctic Circle, kune ungano duku yeIlulissat, yakaumbwa navanhu 19. Ivo vanoparidzira mashoko akanaka mamwe chetewo savaviri ivavo veItaly, uye ivo vakafadzwa gore rapera kuona vagari veGreenland vanomwe vachibhapatidzwa muratidziro yetsauriro yavo kuna Jehovha.

Zviuru zvakawanda zvamakiromita kubva kuGreenland, pachitsuwa chomunzvimbo dzinopisa dzapasi cheMauritius muIndian Ocean, Anjinee ane mufaro mumwe chetewo. Zvinhu pakutanga zvakanga zvakaomera Anjinee. MuMauritius kupinda misangano yechiKristu nokuparidzira pachena pamusoro paMwari hazvirangarirwi semibato yakakodzera musikana asina kuroorwa wamavambo echiHindu weIndia. Asi Anjinee akatsungirira. Zvino, makore mapfumbamwe pashure pokunge avamba nzira yake yechiKristu, vamwe vehama dzake dzokunyama vava kufundawo Bhaibheri.

Pamusoro paAnjinee panofanira kududzwa Emilio, parumwe rutivi rwenyika, muHonduras. Emilio akanzwa vashandi biyake vachikurukura Bhaibheri pabasa ndokukumbira kubatanidzwa. Iye aisagona kurava asi akateerera nomufaro apo magwaro eBhaibheri akaraviwa. Sezvo zvokwadi yechiKristu yakapinda mumwoyo make, Emilio akarega mararamiro ake outere uye akarega kunyanyonwisa. Zvapupu zvaJehovha zvakamudzidzisa kurava nokunyora, uye zvino iye mushumiri murudzi runofara rwaMwari.

Zviuru zvamakiromita kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweHonduras, mumwe mai weEskimo muAlaska akadzidza zvokwadi yechiKristu imwe cheteyo. Uyu mukadzi aigara mumusha uri woga zvikuru, uye onano yake bedzi neZvapupu zvaJehovha yaiva kupfurikidza netsamba. Naizvozvo iye akafunda netsamba, akabvunza mibvunzo yake netsamba, uye zvino ari kugoverana nenzira yokushingaira zvaanoziva navavakidzani vake. Mienzaniso yakadai seiyi ingagona kuwanziridzwa kanodokuva kasingazivikanwi. Kupota nyika yose, vane mwoyo munyoro vari kuuya kuzo“batira Jehovha nokufara.”—Pisarema 100:2.

“Ivai Norudo Pakati Penyu Mumene”

Chinhu chimwe chinokwezva vose ivava rudo ruripo murudzi runofara rwaMwari. Jesu akati: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:35, NW) Rudo rwechiKristu runoonwa muupenyu hwezuva nezuva hwaaya maKristu echokwadi, uye zvikurukuru munguva dzengwavaira.

Muimwe nyika yeAfrica umo mubato weZvapupu zvaJehovha, sezvineiwo, wakarambidzwa, maiva nokusanaya kwemvura kwakakomba. Vanhu vane zviuru gumi vakafa, uye mapoka ose emombe akaparara. Zvapupu zvakapukunyuka sei? Kupfurikidza nokudya midzi yemiti nembeu dzamaavhokadho dzakabikwa! Asi mugariro wazvo wakaderedzwa zvikuru apo, nebetsero yaMwari, Zvapupu zviri mudzimwe nyika nenzira isingakarirwi zvakawana mvumo yokupinza matani 25 ebetsero dzezvokudya. Zvamazvirokwazvo, pasinei zvapo nerambidzo, izvi zvokudya zvakaperekedzwa navarwi kuva nechokwadi chokupiwa kwazvo kwakachengeteka!

Zvirokwazvo, Zvapupu izvozvo zveAfrica zvakafara zvikuru kugamuchira ichi chibvumikiso chorudo rwehama dzazvo nokuda kwazvo sezvo zvakawana zadziko yamashoko aIsaya, anoti: “Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa.”—Isaya 59:1.

Vanhu Vane Rugare

Vanhu vane mwoyo unozvininipisa vari kukwezverwawo kurudzi runofara rwaMwari nemhaka yokuti mitezo yarwo yakasiya nzira dzokurwa dzenyika ino uye ‘vakapfura minondo yavo kuva miromo yamapadza.’ (Isaya 2:4) MuEl Salvador, imba yomunhu aichimbova murwi yakanga yakazara nezviyeuchidzo zvebasa rake rokurwa. Asi apo iye akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akatanga fariro dzine rugare. Pakupedzisira, akabvisa mumba make chinhu chiri chose chaiva nechokuita nehondo uye akatanga nokushingaira basa rokuparidzira.

Apo mauto anorwisana nehurumende akadzora musha wake, iye akaitwa musungwa—sezviri pachena mumwe munhu akanga amutengesa saachimbova murwi. Iye akatsanangura, zvisinei, kuti akanga asisiri murwi asi mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vapanduki vakamupomera kuva nezvombo mumba make, asi kunzvera hakuna kuzivisa chimwe. Aitarisira vapanduki ipapo akabvunza vavakidzani pamusoro pake. Tsinhiro yechokwadi yaiva: “Iye anongokwira zvake achidzika nomugwagwa achiparidzira pamusoro peBhaibheri zuva nezuva.” Murume wacho akasunungurwa. Pasina panikiro, shingairo yake yakabatira kuponesa upenyu hwake.

Mushumo wakabva kuimwe nyika yeAfrica unotaura nezvavarwi vaviri vakafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Mumwe akabatira muuto rehurumende, mumwe wacho akarwira vapandukiri. Pakupedzisira, vose vari vaviri vakasarudza “kupfura minondo yavo kuva miromo yamapadza” uye vakabuda muuto. Apo vakapinda misangano yechiKristu kwenguva yokutanga, murwi anorwisana nehurumende akabvunza mumwe, kuti: “Unodei pano?” Iye akapindura, kuti: “Uye iwe, unodei pano?” “Ipapo,” mushumo unogumisa kuti, “vachimbundirana, vakabudisa misodzi yomufaro nemhaka yokuti vaigona kuva pamwe chete murugare.” Varume ivava vose vari vaviri vaichimbova varwi pasina panikiro vakanyengetera kuna Mwari, kuti: “Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.”—Pisarema 51:14.

“Makaona Kutambudzika Kwangu”

“Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; nokuti makaona kutambudzika kwangu; makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu.” (Pisarema 31:7) Akanyengetera kudaro wezvamapisarema, uye vazhinji nhasi vanofara nemhaka yokuti Shoko raMwari rinovabetsera kugonana nenhamo dzavo. MuFrance mumwe weZvapupu zvaJehovha anoitisa fundo mumwe mukadzi anotambura nechirwere chepfungwa. Uyu mukadzi akanga ave achirapwa pfungwa kwenguva yakati, asi ikoku kwakanga kusina kubetsera. Vhiki rapashure pokunge atanga fundo yake, murapi wepfungwa akabvunza, kuti: “Unonzwisisa chaizvoizvo here izvo uyu mukadzi ari kukutsanangurira kubva muBhaibheri?” Naizvozvo vhiki rakatevera racho, Chapupu chakaenda kuhofisi yake ndokufunda Bhaibheri nomukadzi wacho iye aripo.

Pashure pefundo, murapi wepfungwa akaudza Chapupu, kuti: “Mumakore ose apfuura ndakava nefariro mumarudzidziso avarwere vangu, asi ndakacherechedza kuti hapana tsigiro chaiyoiyo yakapiwa norudzidziso rupi norupi. Muchinoitika chenyu, kunyanguvezvo, zvinhu zvakasiana. Mai P— anouya kaviri pavhiki nokuda kwenzvero, uye iye anondibhadhara nokuda kwayo. Bva, nedzidziso yenyu yeBhaibheri nezano rakanaka, muri kuita basa riri nani pasina mutengo. Ari kuita fambiro mberi yakanaka. Rambai muchidaro, uye ndinokuvimbisai batira pamwe yangu yakazara kana muchizomboida.”

Bhaibheri rinoti: “Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu. Vanofara muzita renyu zuva rose.” (Pisarema 89:15, 16) Munhu ari wose weZvapupu zvaJehovha anoziva kuti iri pisarema nderechokwadi. Kubva mumiromo yazvo danidziro yenyika yose yomufaro iri kukwira kurumbidzo yaJehovha. Vazhinji zvikuru vanodirana vachibuda mumarudzi kuti varumbidze Mwari pamwe chete nazvo. Kuregerereiko kusonganirana nazvo ndokuwana mufaro iwoyo nokuda kwako umene?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvapupu zvaJehovha muEastern Europe zvinofarira zvino rusununguko rwazvo rutsva rwokugamuchira ndokufunda “Nharireyomurindi” mumitauro yazvo zvimene

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe