‘Pfuurira Kugadziridzwa’
“MUNE chokwadi here chokuti hatisi kuzoipotsa?” Mutakurwi akanangidzira mubvunzo wake kumukuru wokutanga wengarava. Sezvo ngarava duku yakaenda uku nouko mukubata kwamasaisai eCape ano mukurumbira wakaipa eSouth Atlantic, kwakaratidzika kwaari kuti raizova nenji kuti vasvike nzvimbo duku zvikuru pamapu iyo yakanga iri mugumo wavo.
Naizvozvo mukuru wokutanga akamukokera panomira kaputeni ndokutsanangura kushanda kwezvinhu zvinofambisa ngarava—kambasi dzegyro, radar, zvinogamuchira zviratidzo zvesatellite, uye kunyange zvokuona nazvo pauri zvenguva dzose. Kunyange zvazvo tsananguro dzounyanzvi dzakanga dzisingati nzwisiswei naye, akasvika pakunzwisisa nheyo huru yokufambisa ngarava: kururamisa nzira. Achiyamurwa negiya rake rokufambisa ngarava, kaputeni aigona kukurira pesvedzero dzokuyerera kwegungwa nemhepo kupfurikidza nokuita gadziridzo dzenguva dzose. Pasina gadziridzo dzakadaro, ivo vaizopotsa mugumo wavo namamaira akawanda zvikuru.
MaKristu akafanana nengarava mugungwa rorudzi rwomunhu. Nharidzano yedu kuva “vanowanwa pakupedzisira na[Jehovha] tisina ruvara uye tisina chatinopomerwa uye tiri murugare.” (2 Petro 3:14, NW) Asi sengarava, pane masimba—omukati nookunze—ayo anokombamira kutibvisa munzira. Akafanira sei, ipapo, mashoko omuapostora Pauro kuVaKorinte, anoti: “Tinonyengeterera ikoku, kugadziridzwa kwenyu. . . . Pfuurirai . . . kugadziridzwa.”—2 VaKorinte 13:9, 11, NW.
Chinobatanidza Kugadziridzwa
Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kugadziridza” rinonongedzera kukupinza chimwe chinhu “mumutsara wakafanira.” (Ona mashoko omuzasi eReference Bible.) Mumamwe magwaro eBhaibheri, rinoshandiswa kurondedzera kudzorera chimwe chinhu kumugariro wakafanira. Somuenzaniso, pana Mateo 4:21, shoko rakafanana rinoshandiswa kurondedzera “kugadzira” utava. (Kingdom Interlinear) Chii, ipapo, chakunoreva kuti maKristu agadziridzwe?
Eya, rangarira maKristu apaKorinte ayo Pauro akanga achinyorera. Mutsamba yapamberi pezvi kwaari, Pauro akanga aonesa chiverengero chakati chemigariro isakafanira yaiva muungano: usekete, shivirirwo youtere hwevatano, kumhangarirana pakati pehama, kusaremekedzwa kweChirairo chaShe, uye kunyange misangano isina nhevedzano. (1 VaKorinte 1:10-13; 5:1; 6:1; 11:20, 21; 14:26-33) VaKorinte nokudaro vaida “kugadzira” mugariro waimomo, ndiko kuti, kuupinza “mumutsara wakafanira” nenheyo dzoumwari.
Tsamba yechipiri yaPauro kwavari inoratidzira kuti ivo vakaita izvozvo chaizvo. (2 VaKorinte 7:11) Zvisinei, Pauro aiziva kuti dzvinyiriro dzakabva kunyika, kuna Satani, uye kukombamiro dzavo vamene dzenyama dzaizopfuurira kuvasaidzira kuti vabude munzira panguva nenguva. Nokudaro, akavapa zano nenzira yakafanira rokuti ‘pfuurirai kugadziridzwa.’
Kudikanwa Kwokugadziridzwa Nhasi
Zvapupu zvaJehovha nhasi nenzira yakafanana zvinofanira kupfuurira kugadziridzwa. Satani Dhiabhorosi ari ‘kurwa hondo’ nesu, achishanda nesimba kwazvo kupunza perero yedu. (Zvakazarurwa 12:17; VaEfeso 6:12) Takapoteredzwawo netsika yenyika yose yezvinhu iyo inoshanda “mukuwirirana nomutongi wesimba remhepo.” Vashandi biyedu nevekuchikoro biyedu vangava vanhu vano‘zvibata vamene mutsinhirano nezvishuvo zvenyama yavo, vachiita zvinhu zvinodiwa nenyama.’ (VaEfeso 2:2, 3) Tinewo hondo yenguva dzose nekombamiro dzedu dzakagarwa nhaka dzokutadza. (VaRoma 7:18-25) Pasina gadziridzo yenguva dzose, tingasatana kubviswa munzira.
Chinoitika chomuapostora Petro chinosanoratidzira ikoku. Pashure pokuziva nomazvo Jesu sa“Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu,” Petro akarumbidzwa namashoko, anoti: “Unofara iwe, Simoni mwanakomana waJona, nemhaka yokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa kwauri, asi Baba vangu vari mumatenga vakadaro.” (Mateo 16:16, 17, NW) Nenzira yakajeka, kufunga kwaPetro kwakanga kwakarurama. Bva, mukati menhambo yenguva yakafukidzwa nendima nhanhatu dzinotevera, iye aifanira kutsiurwa zvakakomba naJesu! Pakuziva kuti Kristu aizo“tambura zvinhu zvakawanda . . . ndokuurawa,” Petro akakurudzira Jesu, kuti: “Ivai nomutsa kwamuri mumene, Ishe; hamusati muchizotongova nomugumo uyu.” Jesu nokukurumidza akapindura, kuti: “Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri, nemhaka yokuti unofunga, kwete mifungo yaMwari, asi iyo yavanhu.”—Mateo 16:21-23, NW.
Petro akanga achifunga nomurangariro wenyama. Mifungo yake nechimiro zvaida kugadziridzwa. Zvimwe chetezvi hazvisati zviri zvechokwadi here nezvedu tose panguva nenguva? Hatikombamiri here kuona zvinhu nomurangariro wedu timene panzvimbo powaMwari? Naizvozvo, panhambo nenhambo tinofanira kugadziridzwa. Kufanana nengarava iri mugungwa, gadziridzo dzakadaro padzimwe nguva dzingava duku, dzinodokuva dzisingakoshi. Asi dzingareva musiano pakati pokusvika mugumo wedu nokutambura kuputsikirwa nechikepe kwomudzimu. Zvamazvirokwazvo, gadziridzo duku zvino ingadzivisa kuita gadziridzo hombe—zvichida dzinorwadza—gare gare.
Mipimo Youmwari
Kana midziyo yokufambisa ngarava isina kuyerwa zvakarurama, kururamisa nzira kwakarurama hakugoni kuitwa. Nenzira yakafanana, kana tichizochengeta upenyu hwedu huri munzira, tinoda nhungamiro yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu.” (2 Timotio 3:16, NW) Shoko iroro rakafuridzirwa rinoonesa mipimo yaMwari yomufambiro nokufunga. Kurirava nguva dzose kunokosha kukutevera “nzira dzokururama.”—Pisarema 23:3.
Imwe nhungamiro inobva kuboka ro“muranda akatendeka naakachenjera” ramaKristu akazodzwa. Iwaya akabetserwa nomudzimu waJehovha kunzwisisa kuda kwake nenzira inofambira mberi. (Mateo 24:45-47, NW; Zvirevo 4:18) Nokudaro, apo nhungamiro inobva kusangano raJehovha, tinogona kuzviisa pasi payo nokuchenjera, tichisanoziva kuti Jehovha achatitungamirira bedzi munzira iyo ichavapo kubetserwo yedu isingaperi.—Isaya 48:17.
Padzimwe nguva, kunyanguvezvo, tinoda betsero yomunhu oga kuti tirambire munzira. Pauro akapa zano pana VaGaratia 6:1 (NW): “Hama, kunyange zvazvo mumwe munhu akaita nhano yakaipa asati aziva nezvayo, imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro.” Vakuru navabatiri vanoshumira vari pakati paavo vane zvikwaniriso zvomudzimu zvakadaro. Kazhinji kazhinji ivo nenzira yakananga vachaonesa kwatiri nzvimbo matinoda kuita gadziridzo.
Nhamburiko Inodikanwa
Hakusi nyore nguva dzose kuita chinjo dziri madikanwa muupenyu hwedu. Zvakare, rangarira Petro. Akaberekwa somuJudha, Petro akakura achigoverana murangariro wakaipa waivapo wavanhu vamamwe marudzi. Iye akaudza Kornerio waVamarudzi, kuti: “Iwe unosanoziva kuti hakusi kwapamutemo sei kuti muJudha azvikumbanidze amene kana kuti kusvika munhu worumwe rudzi.” Zvisinei, pashure pokuziva kuti kwakanga kuri kuda kwaMwari kuti iye agoverane zvokwadi yechiKristu nouyu murume nemhuri yake, Petro akagumisa, kuti: “Zvamazvirokwazvo ndinoziva kuti Mwari haazi mutsauri, asi murudzi rwuri rwose munhu anomutya uye anoita kururama anogamuchirwa kwaari.”—Mabasa 10:28, 34, 35, NW.
Petro akanga aita chinjo inokatyamadza mukufunga kwake nechimiro kumamwe marudzi! Asi sezviri pachena kwakanga kune dikanwo yokuti apfuurire kugadziridzwa muna ikoku, nokuti makore mashomanene gare gare, Petro akatera kudzvinyiriro yavaenzani ndokuvamba kuzvidza vatendi Vamarudzi. Muapostora Pauro aifanira kumutsiura, achishandisa mashoko akasimba zvikurusa kumubetsera kugadziridzazve kufunga kwake!—VaGaratia 2:11-14.
Nenzira yakafanana nhasi, muKristu angava akakura ari mumugariro wokusarura rudzi. Pashure pokupinda muzvokwadi, iye angabvuma mundangariro kuti Mwari haasaruri asi achingonamatira kumirangariro yokufungira mano akaipa orudzi. Kunyange zvazvo angava asina utsinye kuavo vorumwe rudzi, iye angangorangarira zvake kuti ivo vane mavara asingadikanwi nemhaka yenhaka yavo yorudzi. Iye angaedza shiviriro yavo namajee orudzi kana kuti kutaura uko nguva dzose kunodanira ngwariro kurudzi, kana kuti misiano yorudzi. Iye angatoramba zano romudzimu rinobva kumuKristu biyake uyo, nemhaka yedzidzo kana kuti nzanga, anokundikana kuzvitaurira amene nomutoo wakati. Sezvinooneka, kuchada nhamburiko chaiyoiyo kuti munhu akadaro agadziridze kufunga kwake mutsinhirano nokwaJehovha!a
Asi kana nhau yacho iri kufungira mano akaipa orudzi, kudisa zvenyika, kubatanidzwa mune zvenzanga kuchikoro nebasa, kana kuti dikanwo yokupinda misangano yechiKristu, tinofanira kuva vanogamuchira nhungamiro inogoverwa kupfurikidza neShoko raMwari nesangano rake. Hatitongofaniri kurangarira kuti zano rakanaka rapaMagwaro harishandi kwatiri ndokurifuratira. Yeuka kuti vaIsraeri vasina kutendeka vakati: “Nzira yaJehovha haina kururama.” Hatisati tiri isu here tinofanira kuchinjira kunzira dzaJehovha?—Ezekieri 18:25.
Tinofara kuti Jehovha ane fariro inodziya munzira yatinofamba nayo pamberi pake, achigovera ruramisiro yenguva dzose nokuda kwavanhu vake. Kwakaita seizvo Isaya akaporofita, kuti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: ‘Heyi nzira, fambai nayo!’ Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” Isu, kana tiri isu, ngativei vanogamuchira nhungamiro yorudo yakadaro inobva kuna Jehovha ndokuva “vakagadzirira kuteerera.” (Isaya 30:21; Jakobho 3:17, NW) Hungu, ngatipfuurirei kugadziridzwa kuitira kuti nzira yedu igotitungamirira kunharidzano isingagumi munyasha dzaMwari!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya pamusoro pokufungira mano akaipa dzinooneka muchinyorwa chamagazini biyayo yedu, Awake! yaNovember 8, 1984. Onawo Nharireyomurindi yaMay 15, 1988, mapeji 10-20.