RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 pp. 3-4
  • Varombo Vanogona Kuva Vakatendeseka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Varombo Vanogona Kuva Vakatendeseka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndine Makore Manomwe”
    Mukai!—1999
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Urombo—Kuwana Chinohupedza Zvachose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 pp. 3-4

Varombo Vanogona Kuva Vakatendeseka Here?

Amelia akanga achingova bedzi namazuva 29 okukura apo ambuya vake vakamuunza kuna chiremba. Amai vaAmelia havana kugona kuita rwendo rwacho, nokuti vakanga vachirwara pamusha navamwe vana vana. Baba vakanga vari kune imwe nzvimbowo zvayo vachitsvaka basa. Chiremba akaongorora mucheche. Makanga mune zviratidzo zvezvokudya zvisina kukwana, kusiri kwechienzi muWest Africa. Asi chinetso chikuru chakanga chiri kuzvimba kwotutsinga twamasero. Chipfuva chiduku chaAmelia chakanga chashatiswa netapuro huru.

Sezvo chiremba akagamuchidza rugwaro runorondedzera mishonga kuna ambuya, vakabvunza, kuti: “Mushonga uyu uchaita marii?”

“Madhora mana kusvikira kumashanu,” iye akapindura kudaro.

Ambuya vakagomera. Ivo vakanga vasina kunyange madhora maviri okubhadhara mari yokubvunza. “Ndokupiko munyika kwatichawana rudzi urwu rwemari!” ivo vakadaro.

“Muchafanira kuiwana kune imwe nzvimbo,” akadaro chiremba. “Kumbirai shamwari dzenyu nehama dzokunyama. Kana mukasarapa iyi tapuro, ichapararira kuropa, uye mwana achafa.”

Mhuri yaAmelia yakawana mari yacho nenzira yakati, uye mucheche akararama ndokupinda mumwedzi wake wechipiri. Zvisinei, mamirioni ari munyika dziri kubudirira kupota nyika haagoni kukwereta mari kushamwari nehama dzokunyama. Uye kariro dzevandudziko yemari hadzifadzi.

The State of the World’s Children Report 1989 rakanyorwa neUNICEF (United Nations Children’s Fund) rinozivisa kuti: “Pashure pamakumi amakore efambiro mberi yakatsiga mune zvemari, nharaunda huru dzenyika dziri kudzokera shure dzichipinda muurombo.” MuAfrica neLatin America, avhareji yemari inotambirwa yakaderera ne 10 kusvikira ku 25 muzana muma 1980. Uye mukati mamakore mashomanene apfuura, mu 37 amarudzi enyika marombo zvikurusa, kushandisa mari pautano kwakaderera ne 50 muzana.

Ikoku kunoreveiko kuti nokuda kwamamirioni anorarama muurombo? Nokuda kwavazhinji, kunoreva kuti ivo havagoni kutenga zvokudya zvinodikanwa kana kuti mushonga. Naizvozvo, vana vavo, vakwanyina veroorano, kana kuti vabereki vangatarisana netongero yorufu isiri madikanwa, kutoti ivo vakatendeukira kukuwana mari munzira bedzi inoratidzika kuva yakazaruka kwavari—kupfurikidza nokuba! Hungu, urombo hunogona kureva kurwisana nechinetso chetsika chinorwadza: umbavha kana kuti rufu? kureva nhema kana kuti kufa nenzara? fufuro kana kuti urombo?

MuWest Africa mune kutaura kunoti: “Paunosungira mhou, ichadya uswa ipapo.” Namamwe mashoko, vanhu vachashandisa zvakazara mugariro upi noupi unovabvumira kuzvipfumisa vamene. Kazhinji kazhinji zvikuru, avo vane chiremera munyika mupasi rose vanoshandisa nzvimbo dzavo kuwana fufuro nenzira isina kururama, kurozva mari, kana kuti kuba. ‘Zvibetsere umene uchiri kugona,’ ndiko kurangarira kwavo. ‘Ungasava nebanza rokuita saizvozvo gare gare.’ Sezvo mugariro wezvemari wamarudzi ari kubudirira uchiipa zvikuru, varombo vangatsigira nenzira inowedzera pfungwa yokuti kutendeseka hakugoni kuva muitiro wakanakisisa nokuda kwavarombo.

Bhaibheri rinoti: “Usaba.” (Eksodho 20:15) Asi kana varombo vasingagoni chaizvoizvo kuva vakatendeseka, ko kunaka kwetsika dzeBhaibheri kunopanikirwa here? Ko mitemo yaMwari haishandi, haikendengi kuzvinodikanwa chaizvoizvo zvavanhu here? Chinoitika chezviuru zvamaKristu echokwadi munyika dziri kubudirira chinopa mhinduro inoshamisa kuiyi mibvunzo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Paunosungira mhou, ichadya uswa ipapo”

[Mufananidzo uri papeji 4]

Varombo vari pakati paavo vanoshanda nokubishaira munyika dziri kubudirira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe