RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 10/15 pp. 22-25
  • “Kumira Takatsiga Seboka Rimwe” muChad

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kumira Takatsiga Seboka Rimwe” muChad
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • MuN’Djamena
  • Panzira Kuenda kuPala
  • Boka Rinoshingaira kuKélo
  • Koumra, Doba, uye Bongor
  • Vakabatana Kunyange Zvazvo Vari Kure
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 10/15 pp. 22-25

“Kumira Takatsiga Seboka Rimwe” muChad

Kufanana namaKristu biyavo kupote nyika, Zvapupu zvaJehovha zvomuChad zvinoonga magungano egore negore anorongwa nokuda kwokuvakwa kwavo kwomudzimu. Heino nhauro yorwendo rwokunhevedzano yamazuva chaiwo egungano akaitwa murutivi rwokumaodzanyemba rweiyi nyika yakakombwa nedzimwe nyika, yapakati peAfrica.

Nemhaka yedaro nezvitambudzo zvokufamba, magungano omuChad anowanzoitwa mumapoka maduku, nguva yawo ichitemwa nomugariro wokunze. Kuvambira muna June kusvika muna September, mwaka wemvura unoita kuti kufamba kuve kwakaoma uye mudzimwe nharaunda kusingabviri. Mazuva chaiwo egungano anoitwa pashure pokunge mvura yakawanda yapfuura. Mazororo okuguma kwegore akakodzera nokuda kwekokorodzano yoruwa huru. Uye mvura isati yavamba zvakare muna June, magungano edunhu amazuva maviri anopiwa.

AKANGA ari masikati eSvondo anopisa naanodikitirisa. Horo yoUmambo paN’Djamena, dzimbahwe reChad, yakanga yakazadzwa navanhu 184. Pasinei zvapo nokupisa, ivo vakanga vachisanopa ngwariro kuhurukuro huru, “Kumira Takatsiga Mumudzimu Mumwe.” Mangwanani iwayo vakafara kupupurira vanhu vatatu vachiratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari norubhapatidzo rwomumvura. Iri rakanga riri rokutanga ramazuva chaiwo matanhatu egungano ayo mutariri anofambira womunzvimbomo neni takaropafadzwa kubatira.

Musoro wenhevedzano yacho, “Kumira Takatsiga Seboka Rimwe,” wakaongwa zvikuru neZvapupu 267 zvomuChad. Izvo zvinogara kure namaKristu biyazvo ari mudzimwe nyika. Bva, kugamuchira kwazvo zvokudya zvimwe chetezvo zvomudzimu nokutarisirwa nenzira imwe cheteyo kunozvikurudzira kupfuurira kufamba muchinzwano nehama dzazvo munyika yose. Zano rinoshanda reiyi purogiramu rakazvisimbisawo kumira zvakatsiga mukurwisana nepesvedzero yamanomano yenyika yaSatani nemhepo dzechitambudzo kana kuti chishoro.

MuN’Djamena

Ungano yokutanga yeZvapupu zvaJehovha muChad yakaumbwa muN’Djamena muna 1964. Zvino ine vaparidzi vanopfuura 90 vamashoko akanaka oUmambo. Wakanga uri mufaro kutarira vateereri ndokuona vazhinji vave vachibatira nokutendeka chibviro chamazuva apakuvamba ebasa muChad. Imwe hama yaiva navadzimai vatatu apo yakatanga kudzidza nezvezvokwadi yeBhaibheri. Nokukurumidza yakaona kudikanwa kwokuwiriranisa upenyu hwayo nemipimo yeBhaibheri. Iyo yakaroora pamutemo mudzimai wayo wokutanga ndokuparadzana navamwe, kunyange zvazvo yakaita gadziriro dzokuvatarisira. Iyo yakabhapatidzwa muna 1973 uye yave ichishingaira mubasa chibviro chenguva iyoyo.

Mumwe mukuru uyo akatora rutivi mupurogiramu akanga atambura muedzo wakakomba wokutenda. Muna 1975 hurumende yenguva iyoyo yakamanikidzira kutora rutivi mutsika dzakati idzo dzakanga dzakavakirwa pakunamatwa kwavakafa; munhu upi noupi akakundikana kuwirirana aigona kuurawa. Apo hama yacho yakamira yakatsiga uye isati yaizobvumiranisa kutenda kwayo pane zvisina kufanira, zviremera zvakavamba kumutsvaka. Chinjo bedzi muhurumende panguva iyoyo yakakomba yakamuponesa.

Panzira Kuenda kuPala

Pashure peN’Djamena, rwendo rwokumaodzanyemba kunobatira magungano mashanu akasara rwakavamba. Kazhinji kazhinji taitora nzira yacho kare asi bedzi mumwaka wakaoma. Zvino, mukupera kwaSeptember pedyo napakupera kwemwaka wemvura, chinhu chiri chose chakanga chakasvibira uye chaikura zvakanaka. Yakanga iri nguva inofarikanywa kufamba. Takapfuura munda pashure pomunda worukweza. Hura pamadzinde marefu ari mumucheto momugwagwa zvino hwakanga huchiibva. Nokukurumidza hwaizochekwa, kuomeswa, uye kuchengetwa mumatura evhu ane denga rakati twi ayo akapararira muruwa. Rukweza ndichokudya chikuru chavaChad vazhinjisa. Runodzvurwa muduri guru nomutswi uyo unowanzova murefu kupfuura munhu ari kuushandisa. Ipapo upfu hunovhenganiswa nemvura inovira ndokuitwa mukonde kuti udyiwe nomuriwo wakaitwa neokra kana kuti nzungu sechikuru.

Takaona minda yakawanda zvikuru yedonje sezvatakafambazve kumaodzanyemba. Nemhaka yokuti nyika yacho yakati sandara murutivi urwu rwenyika, minda ina maruva yakaratidzika kuva yaisvika kujengajenga chaiko. Nokukurumidza mhuri dzose dzaipinda muminda dzichinhonga donje noruoko. Donje chirimwa chikurusa chinopa mari muChad, matani 133 000 achikohwiwa muna 1988. Pakupera kwamasikati, takanga tichipfuura Lake Léré. Pano nyika ina makomo uye yakaisvonaka zvikuru, zvikurukuru panguva ino yegore. Zvatakavako panguva yakarurama chaipo, takakwanisa kutenga hove inonzi carp yakanga ichangobva kubatwa yakakangwa mumugwagwa chaimo. Zvaiva zvokudya izvo mugamuchiri upi noupi aizodada kupa.

Chinhu chimwe chinoita kuti kufamba kuve kwakaoma zvikuru mukati mouyu mwaka ndechokuti kana kukafanira kunaya, mipingo inochinjikwa mumigwagwa kumisa kufamba kwemotokari. Neiko? Kuchengetedza migwagwa. Naizvozvo mwoyo yedu yakanyura sezvo takaona denga mberi rachinja kamwe kamwe kuva rakasviba seingi. Isu zvirokwazvo hatina kuda kugara mumisasa mumvura parutivi pomugwagwa. Asi zvinokosha zvikuru, taizononoka nokuda kwezuva chairo regungano rinotevera. Nomufaro, rutivi rukurusa rweiyi mvura yakanonoka kunaya rwakapotsa mugwagwa. Kunyange zvazvo taifanira kumira kwechinguvana pamhinganidzo dzinoverengeka, kwasviba chaizvo usiku ihwohwo takasvika takakotsekana uye takasimba muPala, taundi rine vanhu vanenge 32 000. Asi madyo akadini akanga akatimirira! Denga risina mwedzi pashure pemvura rakatipa chiono chinoshamisa chenyeredzi necheGwara reNzou, chiono chinoshamisa icho vagari vazhinjisa veguta vasingatongooni. Chakatiyeuchidza nezvechikonzero chatinomirira takatsiga—kukudza Musiki Mukuru wechisiko chapose pose chinoshamisa.

Ungano duku mbiri neboka riri roga zvakaungana paPala. Hama duku nhatu dzakanga dzafamba makiromita anopfuura 100 kuuya kuiri gungano. Sezvo magungano kumaodzanyemba ari maduku uye kune vakuru vashomanene, mativi epurogiramu akarekondwa pagungano muN’Djamena ndokuridzwazve. Ikoku kunovimbisa purogiramu yakaisvonaka kunyange nechiverengero chiduku chiripo. Takafara kuva nomubhapatidzwi mumwe.

Boka Rinoshingaira kuKélo

Tevere, kwakanga kune rwendo rupfupi rwekuKélo, uko vane 194 vakanga varipo nokuda kwepurogiramu paSvondo. Mhuri dzakawanda dzine vana vaduku dzakanga dzafamba anopfuura makiromita 30 kuzopinda. Vanhu vaviri vachangobva kuzvitsaurira vaizobhapatidzwa. Mukati memwaka wakaoma, rubhapatidzo runowanzova chinetso kana gungano rikasaitirwa pedyo norwizi; nokudaro, chiverengero chakati chavanhu chaitofanira kubhapatidzirwa mushambiro. Asi kuva kwedu ikoko pamugumo pemwaka wemvura kwakaita kuti zvinhu zvive nyore zvikuru. Kunyanguvezvo, kwakanga kuri madikanwa kuchaira motokari kwaanopfuura makiromita 20 kuenda kunzvimbo yakakodzera.

Mumwe wavabhapatidzwi akanga ari musikana muduku ane kutenda kwakanga kwaedzwa zvakakomba. Mhuri yake yakanga yamuvimbisa muroorano kumumwe murume akanga asingafariri kufunda Bhaibheri. Uyezve, iye aida kubatanidzwa netsika dzorudzi panzvimbo peroorano yapamutemo. Nemhaka yokuti akanga achidisa kubhadhara roora rakawanda, mhuri yake yakaisa dzvinyiriro huru paari. Iye aitofanira kuenda kune imwe nzvimbo kwenguva yakati kuti adzivise mubatanidzwa usiri wapamagwaro uyo mhuri yake yaida. Iye akamira akatsiga mose imomu ndokuita fambiro mberi yakaisvonaka. Chifo chorubhapatidzo rwake, chishoro chemhuri chakamira. Tinoonga Jehovha kuti tine vanhu vakatendeka vakadaro pakati pedu.

Hama muno dzine zvimwe zvikonzero zvokuonga kuna Jehovha. Chad yakatambura hondo yavagari vemo yakakasharara uye ipapo, muna 1984, nzara yakakomba. Mumwe mukuru womunzvimbomo anoyeuka kuti pane imwe nguva mukati menzara, iye akatsvaka paHoro yoUmambo ndokushamisika kana vapi navapi vaavo vaivapo vaizova vachiri vapenyu mumwedzi mishomanene. Zvisinei, sangano raJehovha rakagovera yamuro muchimiro chezvokudya, kuchibetsera mugariro wavo. Kuonga kwavo nokuda kwaikoko zvino kunoratidzirwa mubasa ravo rokushingaira. MuKélo mune mudzimu wakasimba woupiona. Mukati maOctober 1989, vanopfuura chikamu chimwe chezvitatu chavaparidzi voUmambo vakaronga mabasa avo kuti vagogona kugoverana mubasa rokuparidzira nguva yakazara.

Chinoitika chavo nenzara chakavafundisa kuti ivowo vanofanira kuva vane rupo. Gore rapera mumwe mukuru womuungano akarwara kamwe kamwe ndokufa. Iye akasiya shure mhuri yavana vapfumbamwe, mudukusa ane mwedzi mishomanene bedzi yokukura. Mudzimai wake akatarisana nedzvinyiriro yemhuri yokutora rutivi mumiitiro yokuchema iyo yaibatanidza kunamatwa kwavakafa. Hama dzakamupa tsigiro yaidikanwa, zvokuti akakwanisa kudzivisa dzvinyiriro yakakomba. Ipapo ungano yakashandira pamwe chete kumuvakira musha navana vaduku, mukuwedzera kukubetsera mune zvokunyama mudzimwe nzira dzakasiana-siana. Ikoku kwakaguma nouchapupu hwakaisvonaka zvikuru kutaundi, kuratidzira muuyo unofadza wokushanda kwechiKristu.—Mabasa 20:35.

Koumra, Doba, uye Bongor

Kumira kwedu kwakatevera kwakanga kuri muKoumra. Migwagwa yetsanza yakaita kuti rwendo rwamakiromita 300 ruve ruri nyore zvikuru. Tichienda, takapfuura nomuguta reMoundou, nzvimbo yamabasa okugadzira zvinhu yavanhu vanopfuura zviuru zvine zana. Vanamakumi manomwe nomumwe vakapinda muKoumra. Hama duku yakanga isina kutongogamuchira dzidzo ipi neipi yenguva dzose yakataura pachikuva. Iyo yakatsanangura kuti gadziriro yokudzidza kurava nokunyora yakadzidziswa paHoro yoUmambo yakamubetsera sei ndokumupa chivimbo chinodikanwa. Iye zvino anoitisa fundo muBhaibheri vamwe vanhu vana.

Pashure pezuva chairo regungano muKoumra, takadzokera takananga N’Djamena, nokumira kwedu kunotevera kuchizova paDoba nokuda kwegungano rechishanu munhevedzano yedu. Vamwe vaavo vakapinda vakabatwa mumvura yakanonoka kunaya uye vaifanira kupedzera usiku murutivi momugwagwa. Zvisinei, munhu ari wose akasvika panguva nokuda kwamavambo epurogiramu paDoba. Makumi mashanu nomumwe vakanga varipo, uye munhu mumwe akazvipa amene nokuda kworubhapatidzo.

Pokumira pokupedzisira pakanga pari muBongor. Iyi nharaunda inorimwa mupunga, uye takashamiswa nokuti nyika yacho yakati sandara sei. Vakapinda paBongor vakasvitsa hwerengedzo yaavo vakanzwa purogiramu muChad ku 630. Uye navamwe vaviri vakaombekwa, hwerengedzo yavanhu vakabhapatidzwa yakanga iri vapfumbamwe.

Kudzokera kwedu kuN’Djamena kwakapedza rwendo rwamakiromita anodokusvika 2 000. Wakanga uri mufarwa kusonganirana navabatiri vaMwari vakamira vakatsiga kwamakore akawanda, pamwe chete nokusangana navatsva vazhinji vari kuita fambiro mberi inoshamisa. Shingairo yavo youshumiri yaikurudzira zvikuru. Mukati maOctober 1989, kwakanga kune chiverengero chitsva chapamusoro chavaparidzi 267 muChad, wedzero ye 20 muzana kupfuura gore rakapfuura racho.

Vakabatana Kunyange Zvazvo Vari Kure

Kufamba munyika kwakaita kuti tinzwisise kuti idenho yakadini kuparadzira mashoko akanaka munyika umo mitauro inopfuura 200 inotaurwa. Kunyange zvazvo chiFrench nechiArab iri mitauro yehurumende yeChad, parimwe nerimwe ramazuva chaiwo egungano, purogiramu yaifanira kuturikirwa ichibva muchiFrench kupinda mumutauro wakasiana. Kunyange zvakadaro, vazhinji vakauya kunzvimbo yegungano vaisataura mutauro wenharaunda yacho, naizvozvo kwakanga kuchiri chinetso kuvabetsera kunzwisisa purogiramu.

Munzvimbo dzose dzatakashanyira, hama dzedu nehanzvadzi vakatibata nomutsa. Zvokudya kazhinji kazhinji zvakanga zviri mukonde worukweza kana kuti womupunga nomuriwo wakaiswa zvinonhuwira wadudzwa pakutanga. Pane dzimwe nguva musikana muduku aiunza zvokudya mutureyi zvakafukidzwa nejira rine mavara akaisvonaka. Tureyi yaidzikamiswa nenzira inofadza pamusoro pake, uye waifanira kuyemura nyasha dzake.

Chiverengero chavagari vemo chokuchamhembe kweChad maMuslim zvikurukuru; vanhu vari kumaodzanyemba zvikurukuru vaKaturike, vaPurotesitendi, kana kuti vanotenda kuti zvinhu zvose zvine mweya mupenyu. Hurumende inotsigira muitiro worusununguko rworudzidziso, uye tinofara kuva vanokwanisa kusangana pamwe chete norusununguko.

Purogiramu yezuva chairo regungano yakabetsera boka duku reZvapupu muChad kunzwisisa kuti kunyange zvazvo vari kure mumugariro wapasi nehama dzavo dziri mumamwe mativi enyika, ivo vakabata zvirokwazvo muboka rimwe navo. Yakavagonesa ku‘mira vakatsiga mumudzimu mumwe’ pasinei zvapo nedzvinyiriro nechishoro zvavanowana.—VaFiripi 1:27.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe