RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 10/1 p. 3
  • Iwe Unoshuva Nguva Apo . . .

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iwe Unoshuva Nguva Apo . . .
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Ugandanga—Huchapera Munguva Pfupi iri Kutevera!
    Mukai!—2001
  • Ugandanga Huchazombopera Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Utano Uye Mufarwa—Unogona Sei Kuzviwana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
    Kuna Mwari Anoitira Hanya?
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 10/1 p. 3

Iwe Unoshuva Nguva Apo . . .

□ iwe unogona kunzwa wakakotsekana uye wakachengeteka mumusha mako—pasinei zvapo nenguva yezuva here?

□ kusati kuchizova nokudikanwa kwekiyi, mipingo, zvinonyevera ngozi, mwena yokudongorera nayo, fenzi, varindiri, imbwa dzinorinda, uye dzimwe gadziriro dzechengeteko?

□ iwe unogona kufamba mumigwagwa uri woga muchengeteko yakakwana, kunyange usiku?

□ mirimo inokuvadza nezvinetso zvayo zvose zvichangova bedzi yeuko yokure?

□ hondo dzose dzichava dzaguma, uye zvombo zvisati zvichizoitwa kana kuti kuunganidzwa?

□ usati uchafanirazve kuzvidya mwoyo pamusoro pezvokudya zvakashatiswa, mhepo, uye mvura?

□ ugandanga, kutorwa kwavapambwi, uye tyisidziro dzamabhomba dzichabviswa chose chose?

□ pfuma dzomusikirwo dzapasi dzichadzivirirwa, kuchengetwa, uye kushandiswa nokuchenjera nokuda kwezvakanaka zvavose?

□ makaro noudyire zvisati zvichizovazve masimba anosunda pakati porudzi rwomunhu?

□ vana vachachengeta kuva kwavo vasina mhaka ndokuva vanoremekedza vamwe nezvinhu zvavo?

□ vakadzi vasati vachizodzvinyirirwa nokuitwa vanyajambwa?

□ mitemo nemirau zvichava zvakanaka uye zvichashandiswa nenzira yakarurama nokuda kwezvakanaka zvavose?

□ hurumende ichaita zvisarudzo zvakavakirwa pazvinodikanwa zvechokwadi ndizvo kwete pazvamatongerwe enyika?

□ rusununguko nouenzani zvisati zvichizongoparidzirwa bedzi asiwo kushandiswa?

□ urombo husati huchizovapozve, asi vose vachava nechipi nechipi chinodikanwa nokuda kwoutano hwavo, garikano, uye mufarwa?

□ vana vachadikanwa ndokutarisirwa ndokusatongoshatiswa kana kuti kusiiwa?

□ hosha norufu zvichave zvakurirwa, uye hakusati kuchizova namadenda anotyisa?

□ munhu ari wose waunosangana naye achava nomutsa, anobetsera, uye akavimbika?

□ upenyu hwomunhu ari wose huchakosheswa zvirokwazvo, uye vose vachigona kuwana mufarwa usingagumi?

□ rudzidziso rusati ruchizovazve simba rinokamuranisa, kuchitungamirira kuchisimbwa, ruvengo, uye hondo?

□ vose vachava nenzvimbo dzakakwana nedzinofadza dzokugara, uye kusava nomusha kuchava chinhu chomunguva yakapfuura?

Kana uchigona kuti hungu kuupi noupi weiri pamusoro apa, uchafarira kurava nyaya dzinotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe